< 1 Petro 1 >

1 Petro, mupostori waJesu Kristu, kuvasanangurwa vaMwari, vatorwa munyika, vakapararira muPondasi yose, neGaratia, neKapadhokia, Ezhia neBhitinia,
这封信来自耶稣基督的使徒彼得,写给已被上帝选择之人:那些散落流放在本都、加拉太、加帕多家、亚西亚和庇推尼的人。
2 vakasarudzwa maererano nokuziva zviri mberi kunoita Mwari Baba, kubudikidza nebasa roMweya rokuvaita vatsvene, kuti vateerere kuna Jesu Kristu nokusaswa neropa rake: Nyasha norugare ngazviwande kwamuri.
你们被父上帝以其智慧而选中,是灵让你们圣洁,这样你们就可以听从耶稣基督,被他的血撒过。愿你们拥有更多的恩典与平安!
3 Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,
赞美上帝,我们主耶稣基督之父!通过他伟大的怜悯,我们得以重生;借着耶稣基督死而复生我们被赋予永生的希望。
4 akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga,
这传承是永恒的,永远不会朽坏或消失,会为你们在天堂中安全地保留着。
5 imi munodzivirirwa nesimba raMwari nokutenda kusvikira ruponeso rwauya rwakagadzirirwa kuti ruratidzwe munguva dzokupedzisira.
通过你们对上帝的信任,上帝会用他的能力保护你们,直到救赎到来——那是已经准备好在末日显化的救赎。
6 Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo.
因此,你们要为之欢喜。但你们现今经历各种考验的时候,或许暂时会感到难过。
7 Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.
这些都证明了你们对上帝的信任是真实的,就像用火来证明是否真金,但即使是金子也可以被摧毁,你们的信比金子更有价值!通过这种方式,你们对上帝的信任就会获得认可,当耶稣基督出现时,你们会得到赞美、光荣和尊崇。
8 Kunyange musina kumuona, munomuda; kunyange zvazvo musingamuoni zvino, munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa,
你们虽然没有见过他,却爱他;现在虽然不能看见他,却信他。所以,你们充满了无法形容、美妙的幸福。
9 nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu.
你们信他的奖励,就是将会得到拯救。
10 Nezvoruponeso urwu, vaprofita vakataura nezvenyasha dzaizouya kwamuri, vakanzvera zvikuru uye vakabvunza zvikuru,
先知们说道为你们准备的恩典时,他们寻找和研究的也正是这样的救赎。
11 vachiedza kunzvera kuti vaone nguva nezvinhu zvairatidzwa noMweya wakanga uri mukati mavo pawakaprofita nezvokutambudzika kwaKristu, uye nezvokubwinya kwaizotevera.
他们试图找出救赎将在何时以何种方式发生,因为他们中基督的灵,清楚讲述了基督将要遭受的苦难和获得的荣耀。
12 Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishumiri ivo, asi imi, pavakataura nezvezvinhu zvakataurwa kwamuri zvino naavo vakaparidza vhangeri kwamuri noMweya Mutsvene wakatumwa uchibva kudenga. Kunyange vatumwa vanoshuva kuona zvinhu izvozvi.
他们听到的解释是:他们这样做并非为了自己,而是为了你们。因为他们所讲的,你现在已经从那些通过上天派来的圣灵与你分享好消息的人那里学到了。就连天使也急于知道这一切!
13 Naizvozvo, pfungwa dzenyu ngadzigadzirire kushanda, muzvidzore; muise, zvizere, tariro yenyu panyasha dzamuchapiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu.
你们的思想务必要准备好。保持头脑清醒。把希望完全寄托于你们在耶稣显化时将会获得的恩典。
14 Savana vanoteerera, musaenzaniswa nezvido zvakaipa zvamaiva nazvo pamairarama mukusaziva.
像那些按照他们吩咐去做的孩子一样生活。当你不知道何为更好,不要让那时候的罪恶欲望左右你们。
15 Asi saiye akakudanai mutsvene, ivai vatsvene pane zvose zvamunoita;
现在你们做的每一件事都要是圣洁的,就像那召唤你的人就是圣洁的。
16 nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”
因为经书说:“你们要圣洁,因为我是圣洁的。”
17 Sezvo muchidana kuna Baba vanotonga basa romunhu mumwe nomumwe vasingatsauri, mugare upenyu hwenyu pano savatorwa muchitya.
既然你们称他为父,意识到他会根据每个人的所作所为公正评判每个人,请认真对待你们在地球上的时间,尊重他。
18 Nokuti munoziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinhu zvinoora, zvakadai sesirivha kana goridhe, kubva paupenyu hwenyu husina maturo, hwamakagamuchira kubva kumadzitateguru enyu,
你们已经知道,你们并没有摆脱从祖先那里继承的无意义生活方式,这些都是是没有持久价值的东西,比如金银。
19 asi neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina charingapomerwa uye risina kuremara.
你们因基督宝贵的血而获得自由,他就像一只没有瑕疵或缺陷的羔羊。
20 Akasanangurwa kare nyika isati yavapo, asi akaratidzwa kwamuri mumazuva ano okupedzisira nokuda kwenyu.
基督是在创世之前被上帝所挑选,却会在这末世为你们的好而显化。
21 Kubudikidza naye munotenda kuna Mwari, akamumutsa kubva kuvakafa uye akamukudza, kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive muna Mwari.
通过他,你们信那让基督死而复生并让他荣耀的上帝,这样你们就可以对上帝有信心,有希望。
22 Zvino zvamakanatsa mwoyo yenyu nokuteerera chokwadi kuitira kuti mude hama muzvokwadi, munofanira kudanana zvikuru, zvichibva pamwoyo.
既然你们已经按照真理奉献了自己,那就像真正的家人一样真诚地相爱。
23 Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi. (aiōn g165)
你已经重生了,不是必死的 “种子” 的产物,而是不死的种子,通过神的活的、永恒的话语 (aiōn g165)
24 Nokuti, “Vanhu vose vakaita souswa, uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa; uswa hunosvava uye maruva anowira pasi,
因为:“所有人皆如草,他们的荣光如野花;草必枯干,花必凋谢,
25 asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.” Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa. (aiōn g165)
但只有主的道,永远长存。”这就是向你们解释的福音。 (aiōn g165)

< 1 Petro 1 >