< 1 Madzimambo 7 >

1 Zvisinei, zvakatorera Soromoni makore gumi namatatu kuti apedze kuvaka muzinda wake.
इसी समय शलोमोन अपना महल भी बनवा रहे थे, जिसको बनने में तेरह साल लग गए.
2 Akavaka Muzinda weSango reRebhanoni wakanga wakareba makubhiti zana, upamhi hwawo huri makubhiti makumi mashanu, namakubhiti makumi matatu pakukwirira kwawo mudenga, akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari namatanda emisidhari akavezwa pamusoro pembiru.
उन्होंने लबानोन वन महल जो बनवाया, यह पैंतालीस मीटर लंबा, साढ़े बाईस मीटर चौड़ा और साढ़े तेरह मीटर ऊंचा था. इसमें देवदार के मीनारों की चार पंक्तियां थी, जिन पर देवदार ही की कड़ियां रखी थी.
3 Wakanga une denga remisidhari rakanga riri pamusoro pamatanda akanga akagadzikwa pamusoro pembiru yamatanda makumi mana namashanu, gumi namashanu mumutsara mumwe chete.
कमरों की छत देवदार पटरियों से ढकी थी, जो पैंतालीस मीनारों पर थी; हर एक पंक्ति में पन्द्रह
4 Mawindo awo akanga ari pamusoro, ari matatu, akatarisana.
खिड़कियों की चौखटें तीन पंक्तियों में थी, और खिड़कियां आमने-सामने तीन पंक्तियों में थी.
5 Makonhi ose namagwatidziro zvaiva namativi mana; akanga ari nechemberi ari matatu matatu, akatarisana.
खिड़कियों और दरवाजों के चौखट चौकोर थे और खिड़कियां तीन पंक्तियों में आमने-सामने थी.
6 Akaita imba yembiru yakanga yakareba makubhiti makumi mashanu iine upamhi hwamakubhiti makumi matatu. Pamberi payo paiva nebiravira, pamberi parowo paine mbiru nedenga rakarembera.
शलोमोन ने साढ़े बाईस मीटर लंबे और साढ़े तेरह मीटर चौड़े एक कमरे का निर्माण किया. इस कमरे के सामने मीनारों पर रखा छज्जा बनाया गया—एक बरामदा.
7 Akavakawo imba yechigaro chokutonga, Imba Yokururamisira, umo maaizotongera nyaya, uye akaifukidza nemisidhari kubva pasi kusvikira kumusoro.
फिर उन्होंने सिंहासन का कमरा भी बनाया, जहां से वह न्याय करने पर थे. इसे न्याय कक्ष भी कहा गया, इसे भी ज़मीन से छतों तक देवदार की पटरियों से ढक दिया.
8 Muzinda wake waaizogara necheseri, wakanga wakavakwa zvimwe chetezvo. Soromoni akavakirawo mwanasikana waFaro, uyo waakanga awana, muzinda wakafanana nouyu.
उनका अपना घर, जहां से वह न्याय करने पर थे, इस कमरे के पीछे बनाया गया. यह भी इसी प्रकार की कलाकृति के अनुसार बनाया गया. शलोमोन ने फ़रोह की पुत्री, अपनी विवाहित पत्नी के लिए भी इसी महल के समान महल बनवाया.
9 Dzimba dzose idzi, kubva kunze kusvikira kuchivanze chikuru, nokubva pahwaro kusvikira paberevere, dzakanga dziri dzamatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, uye akachekwa nejeko kunze nomukati.
ये सभी कीमती पत्थरों से बनाए गए थे, जिन्हें सावधानीपूर्वक माप के अनुसार किया गया था; अंदरूनी हिस्सा, बाहरी हिस्सा, नींव से लेकर छत तक, बड़े आंगन तक.
10 Hwaro hwakanga hwakavakwa namatombo makuru anokosha, mamwe akareba makubhiti gumi, mamwe makubhiti masere.
नींव के लिए इस्तेमाल किए गए पत्थर बहुत बड़े-बड़े थे जिनकी लंबाई साढ़े चार मीटर और चौड़ाई साढ़े तीन मीटर थी. ये सभी पत्थर कीमती श्रेणी के थे.
11 Pamusoro paiva namatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, namatanda emisidhari.
इनके ऊपर कीमती पत्थर और देवदार के खंभे भी थे.
12 Chivanze chikuru chaiva chakapoteredzwa norusvingo rwakanga rune mitsara mitatu yamatombo akavezwa nomutsara mumwe chete wamatanda omusidhari akanyatsovezwa, zvimwe chetezvo zvakanga zvakaita chivanze chomukati chetemberi yaJehovha nebiravira rayo.
बड़े आंगन में चारों ओर काटी गई चट्टानों की तीन पंक्तियां थी. उसके बाद देवदार की छतों की एक पंक्ति; ठीक ऐसी ही संरचना याहवेह के भवन के भीतरी आंगन और भवन की बीच वाली ड्योढ़ी की थी.
13 Zvino Mambo Soromoni akatuma vanhu kundotora Hiramu kuTire.
राजा शलोमोन ने दूत भेजकर सोर देश से हूराम को बुलवा लिया.
14 Hiramu aiva mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafutari, baba vake vari veTire, mupfuri wendarira. Hiramu akanga azere nounyanzvi, uye aino ruzivo rwezvamabasa ose endarira. Akauya kuna Mambo Soromoni akaita basa rose raakapiwa.
हूराम विधवा का पुत्र था, जो नफताली की वंशज थी. हूराम का पिता सोर देश का ही वासी था वह कांसे की धातु का शिल्पी था. उसमें ऐसी बुद्धि और कौशल था कि वह कांसे से किसी भी प्रकार का काम कर सकता था. उसने आकर राजा शलोमोन का सारा काम भार अपने हाथ में ले लिया.
15 Akavaka mbiru mbiri dzendarira, imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti gumi namasere, uye yaipoteredzwa netambo yakareba makubhiti gumi namaviri pakuyera.
उसने कांसे के दो खंभे गढ़े. एक खंभे की ऊंचाई आठ मीटर की थी और इसका घेरा साढ़े पांच मीटर. दूसरा खंभा भी इसी के समान था.
16 Akaitawo misoro yembiru yendarira yakanyungurutswa miviri, yokugadzika pamusoro pembiru, musoro mumwe nomumwe wakanga wakareba makubhiti mashanu pakukwirira kwawo.
उसने ढाले गए कांसे के दो सिर बनाए कि इन्हें खंभों के ऊपर बैठाया जा सके. हर एक सिर की ऊंचाई सवा दो मीटर थी.
17 Mimbure yengetani dzakarukwa yaiva yakashongedza misoro yaiva pamusoro pembiru, minomwe pamusoro pomumwe nomumwe.
इसके बाद हूराम ने दोनों ही खंभों के सिरों के लिए कड़ियों में बुनी हुई सात-सात चौकोर जालीदार झालरें बनवाई.
18 Akaitawo matamba mumitsara miviri yakapoteredza mumbure mumwe nomumwe kuti ishongedze misoro yaiva pamusoro pembiru. Akaita zvimwe chetezvo pamusoro pomumwe nomumwe.
इसी प्रकार उसने अनार गढ़े और खंभों के सिरों को ढकने के लिए दो पंक्तियों में अनार लटका दिए.
19 Misoro yaiva pamusoro pembiru pabiravira yakanga yakaumbwa samaruva amahapa, yakareba makubhiti mana pakukwirira kwayo.
ड्योढ़ी के खंभों के सिरों पर सोसन के फूल उकेरे गए थे. इनकी ऊंचाई लगभग दो मीटर थी.
20 Pamusoro pemisoro yembiru mbiri idzi, nechapamusoro pedumbu rakanga riri parutivi pomumbure, paiva namatamba mazana maviri mumitsara yakapoteredza.
दोनों खंभों पर सिर बैठाए गए थे दोनों खंभों की गोलाकार रचना के ऊपर जालीदार रचना के पास खंभों के सिरों के चारों ओर दो पंक्तियों में दो सौ अनार उकेरे गए थे.
21 Akamisa mbiru pabiravira retemberi. Mbiru yezasi akaitumidza zita rokuti Jakini uye yokumusoro akaitumidza kuti Bhoazi.
उन्होंने मंदिर के बरामदा में खंभे बनाए, एक दक्षिण दिशा में, दूसरा उत्तर दिशा में. दक्षिण खंभे को उन्होंने याकिन नाम दिया और उत्तरी खंभे को बोअज़.
22 Pamusoro pembiru paiva nezvishongo zvakafanana namaruva amahapa. Saizvozvo basa rapambiru rakapera.
खंभों के ऊपरी छोर पर सोसन के फूल उकेरे गए थे. यह सब होने पर खंभों से संबंधित सारा काम पूरा हो गया.
23 Akaita Gungwa reNdarira yakanyauswa, redenderedzwa rakanga rine upamhi hwamakubhiti gumi pamuromo, uye rakareba makubhiti mashanu pakukwirira kwaro. Zvaitora tambo yakareba makubhiti makumi matatu kuti iripoteredze pakuyera.
शलोमोन ने ढली हुई धातु का एक पानी का हौद बनवाया, जो गोल था और उसका व्यास साढ़े चार मीटर और उसकी ऊंचाई थी सवा दो मीटर इसका कुल घेर था साढ़े तेरह मीटर.
24 Pasi pomuromo waro pakanga pane mapfundo akapoteredza, ari gumi pakubhiti, achipoteredza gungwa. Mapfundo aya akaumbwa akanga ari mumitsara miviri, pamwe chete neGungwa.
इस कुंड की किनारी के नीचे सज्जापूर्ण तुम्बियों की दो पंक्तियां ढाली गई थी; प्रति मीटर बीस तुम्बियों.
25 Gungwa rakanga rimire pahando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu kumadokero, nhatu zasi nenhatu kumabvazuva. Gungwa rakanga rigere pamusoro padzo, uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati.
यह हौद बारह बछड़ों पर रखा, गया था; तीन उत्तर दिशा की ओर मुख किए हुए थे, तीन पश्चिम दिशा की ओर, तीन दक्षिण दिशा की ओर, और तीन पूर्व दिशा की ओर थे. यह हौद इन्हीं पर रखा गया था, और इन सभी के पिछले पैर अंदर की ओर थे.
26 Ukobvu hwaro hwaikwana upamhi hwechanza chomunhu, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wekapu, seruva ramahapa. Mukati maro maikwana mabhati zviuru zviviri.
इस कुंड की धातु की मोटाई लगभग आठ सेंटीमीटर थी. इसकी किनारी को वैसा ही आकार दिया गया था जैसा किसी कटोरे को सोसन के फूल के समान आकार दिया गया हो. इस कुंड में लगभग नब्बे हज़ार लीटर जल समाता था.
27 Akaitawo zvigadziko gumi zvendarira zvaiva namavhiri endarira gumi; chimwe nechimwe chakanga chakareba makubhiti mana, upamhi huri makubhiti mana nokukwirira kwacho kuri makubhiti matatu.
हूराम ने कांसे के दस ठेले बनाए. हर एक ठेले की लंबाई एक मीटर अस्सी सेंटीमीटर, चौड़ाई एक मीटर अस्सी सेंटीमीटर और ऊंचाई एक मीटर पैंतीस सेंटीमीटर थी.
28 Zvigadziko izvi zvakanga zvakaitwa seizvi: pakati pembiru dzezvigadziko paiva namagwatidziro mumativi.
इन ठेलों की बनावट इस प्रकार की थी: इनमें ऐसे हिल्ले थे, जो चौखटों में लगाए थे.
29 Pamagwatidziro aya pakati pembiru paiva neshumba, hando namakerubhi, uyewo napambiru. Pamusoro napasi peshumba nehando paiva nezvishongo zvamaruva zvendarira.
चौखटों में लगाए गए इन हिल्लों पर सिंह, बैल और करूबों की आकृतियां उभरी हुई थी. इन आकृतियां के ऊपर और नीचे तिरछी झालरें लटकी हुई थी.
30 Chigadziko chimwe nechimwe chaiva namavhiri mana endarira ane maekesero endarira, uye imwe neimwe yaiva nedhishi rakanga riri pamusoro pezvitsigiro zvina, zvakaumbwa zviine zvishongo zvamaruva kurutivi rumwe norumwe.
हर एक ठेले के कांसे के चार-चार पहिये और कांसे की धुरियां थी. चारों कोनों पर चिलमची रखने का स्थान था. ये आधार ढाल कर बनाए गए थे. इनके किनारों पर दोनों ओर झालरें लटक रही थी.
31 Nechomukati mechigadziko maiva negomba rakanga riri redenderedzwa rakadzika zvinosvika kubhiti rimwe chete. Gomba iri rakanga riri redenderedzwa, uye nechigadziko charo raikwana kubhiti nehafu. Pamuromo paro paiva nezvinyorwa. Magwatidziro akanga ane mativi akaenzana, asiri edenderedzwa.
ठेलों के भीतर गोलाकार गड्ढा था, जो लगभग आधा मीटर गहरा था. इसे एक आधार पर रखा गया था, जो लगभग सत्तर सेंटीमीटर था, जिस पर चित्रकारी की गई थी. ठेले के हिल्ले गोल नहीं, चौकोर थे.
32 Mavhiri mana aiva pasi pamagwatidziro, uye maekesero amavhiri aiva akabatana netafura. Vhiri rimwe nerimwe raiva noupamhi hwekubhiti rimwe chete nehafu.
चारों पहिये हिल्लों के नीचे थे, और पहियों की धुरियां ठेलों की मूल संरचना का ही अंग थी. पहियों की ऊंचाई लगभग सत्तर सेंटीमीटर थी.
33 Mavhiri akanga akagadzirwa sokugadzirwa kwamavhiri engoro dzamabhiza; maekesero, marimu, zvipokisi namahabhu zvose zvaiva zvakagadzirwa nendarira.
इन पहियों को ठीक रथ के पहियों समान गढ़ा गया था; उनकी धुरियां, नेमियां, आरियां और नाभियां सभी ढाले हुए थे.
34 Chigadziko chimwe nechimwe chaiva nemibato mina, pakona imwe neimwe, uye yaibudikira kubva pachigadziko.
हर एक ठेले के चारों कोनों पर एक-एक टेक था और यह टेक ठेले ही का अंग था.
35 Pamusoro pechigadziko paiva nechitenderere chakanga chakadzika zvinosvika hafu yekubhiti. Zvitsigiro namagwatidziro zvakanga zvakanamatidzwa pamusoro pechigadziko.
ठेले के ऊपरी ओर पर लगभग तेईस सेंटीमीटर चौड़ी गोल पट्टी लगी हुई थी. ठेले की ऊपरी टेके और हिल्ले धातु के एक ही टुकड़े से गढ़ गए थे; वे ठेले से जोड़े नहीं गए थे.
36 Akaveza makerubhi, shumba nemiti yemichindwe pazvitsigiro namagwatidziro, napose paigona kuvezwa, nezvishongo zvamaruva kumativi ose.
हूराम ने हिल्लों पर उनकी किनारियों और रिक्त स्थानों पर करूब, सिंह और खजूर वृक्ष उकेर दिए थे. इन सभी के आस-पास झालरें उकेरी गई थी.
37 Aya ndiwo magadziriro aakaita zvigadziko gumi. Zvose zvakanga zvakafanana pakuumbwa kwazvo, zvakaenzana pakukura napamaumbirwo.
हूराम ने दस ठेले इस प्रकार बनाए. वे सभी एक ही सांचे, एक ही आकार में ढाले गए थे.
38 Ipapo akaita madhishi endarira gumi, rimwe nerimwe richipinda mabhati makumi mana uye rakafara makubhiti mana, dhishi rimwe chete richizoiswa pachigadziko chimwe nechimwe chezvigadziko gumi.
हूराम ने कांस्य की दस चिलमचियां भी बनाईं; हर एक में एक हज़ार आठ सौ लीटर जल समाता था. हर एक चिलमची लगभग दो मीटर गहरी थी. हर एक ठेले के लिए एक-एक चिलमची ठहराई गई थी.
39 Akaisa zvigadziko zvishanu zasi kwetemberi, zvishanu kumusoro. Akaisa Gungwa kurutivi rwezasi, zasi kwakadziva kumabvazuva kwetemberi.
इसके बाद उन्होंने पांच ठेले भवन के दक्षिण की ओर और पांच उत्तरी ओर में लगा दिए. उन्होंने कुंड को भवन की दाहिनी ओर स्थापित कर दिया.
40 Hiramu akaitawo poto, foshoro namadhishi. Saka Hiramu akapedza basa rose raakaitira Mambo Soromoni mutemberi yaJehovha:
यह सब करके हूराम ने चिमचियां, बेलचे और कटोरियां भी बनाईं. हूराम ने राजा शलोमोन के लिए याहवेह के भवन से संबंधित सारा काम खत्म कर दिया.
41 mbiru mbiri; misoro miviri yedenderedzwa pamusoro pembiru; mimbure miviri yakarukwa yaishongedza misoro miviri yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru;
दो मीनार, इन मीनारों के ऊपर लगाए गए दो गोलाकार कंगनियां; खंभे के सिरों के गोलाकार भागों के ऊपर लटकाई गई जाली;
42 matamba mazana mana emimbure miviri (mitsara miviri yamatamba pamumbure mumwe chete, kuti ishongedze misoro yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru);
दोनों मीनारों के सिरों पर लगाए गए चार सौ अनार; हर एक के लिए दो सौ, दो सौ अनार जो खंभों के सिरों पर लगाए गए थे;
43 zvigadziko gumi namadhishi azvo gumi;
दस ठेले; जिन पर टेकों पर रखी गई दस चिलमचियां,
44 Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;
और वह एक हौद और उसके नीचे स्थापित किए गए वे बारह बछड़े और
45 poto, foshoro namadhishi. Zvinhu zvose izvi zvakaitirwa Mambo Soromoni mutemberi maJehovha naHiramu zvaiva zvendarira yakabwinyiswa.
चिलमचियां, बेलचे और कटोरियां. याहवेह के भवन में राजा शलोमोन के लिए हूराम ने जितने भी बर्तन बनाए थे, वे सभी रगड़कर चमकाए गए कांसे के थे.
46 Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu rokuumba pabani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.
राजा ने इनकी ढलाई यरदन घाटी में, जो सुक्कोथ और ज़ारेथान में है, मिट्टी के सांचों में ढाल कर की थी.
47 Soromoni haana kuyera zvinhu zvose izvi nokuti zvakanga zvakawanda kwazvo; uremu hwendarira hahuna kuzivikanwa.
शलोमोन ने इन्हें तोलना सही न समझा क्योंकि ये सब संख्या में बहुत ही ज्यादा थे; कांसे को मापना संभव न था.
48 Soromoni akaitawo midziyo yose yaiva mutemberi maJehovha: aritari yegoridhe; tafura yegoridhe yaiva nechingwa choKuratidza, pamusoro payo;
इस प्रकार शलोमोन ने याहवेह के भवन में इस्तेमाल के लिए ठहराए गए सभी बर्तनों का निर्माण पूरा किया: सोने की वेदी, भेंट की रोटी के लिए ठहराई गई सोने की मेज़,
49 zvigadziko zvemwenje zvegoridhe rakaisvonaka (zvishanu kurudyi nezvishanu kuruboshwe pamberi penzvimbo tsvene yomukati); maruva, mwenje nembato, zvegoridhe;
अंदरूनी कमरे के सामने शुद्ध कुन्दन के दीवट; पांच दक्षिण दिशा में और पांच उत्तर दिशा में, सोने के फूल, दीपक और चिमटे, बर्तन;
50 makapu, zvidzimiso zvemwenje, madhishi, madhishi ezvinonhuhwira nezvaenga zvomoto, zvegoridhe rakaisvonaka; zvibato zvamakonhi ekamuri yomukatikati memba, Nzvimbo Tsvene-tsvene, namakonhi eimba huru, zvakanga zviri zvegoridhe.
कुन्दन के ठहराए गए बर्तन; अंदरूनी कमरा परम पवित्र स्थान के दरवाजों के लिए सोने के ही कब्जे और बीचवाले भवन के दरवाजों के लिए सोने के कब्जे.
51 Zvino basa rose rakaitwa naMambo Soromoni patemberi yaJehovha parakapera, Soromoni akauyisa zvinhu zvakanga zvakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, midziyo yesirivha negoridhe, akazvichengeta mumatura epfuma yetemberi yaJehovha.
इस प्रकार याहवेह के भवन का सारा काम, जो राजा शलोमोन ने शुरू किया था, पूरा हुआ. तब शलोमोन अपने पिता दावीद द्वारा भेंट की हुई वस्तुएं मंदिर में ले आए. उन्होंने चांदी, सोना और सारे बर्तन परमेश्वर के भवन के खजाने में इकट्ठा कर दिए.

< 1 Madzimambo 7 >