< 1 Madzimambo 6 >
1 Zvino mugore ramazana mana namakumi masere mushure mokubuda kwavaIsraeri munyika yeIjipiti, mugore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pamusoro peIsraeri, mumwedzi waZivhi, unova mwedzi wechipiri, akatanga kuvaka temberi yaJehovha.
[建造殿宇]以色列子民出離埃及地後四百八十年,撒羅滿作以色列王第四年「齊夫」月,【即二月,】開始建造上主的殿。
2 Temberi yakavakirwa Jehovha naMambo Soromoni yakanga yakareba makubhiti makumi matanhatu, ina makubhiti makumi maviri paupamhi hwayo, ina makubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo kumusoro.
撒羅滿王為上主所建立的殿,長六十肘,寬二十肘,高三十肘。
3 Biravira raiva mberi kweimba huru yetemberi rakawedzera upamhi hwetemberi hwamakubhiti makumi maviri uye rakanga rakapfuurira mberi kwetemberi namakubhiti gumi.
殿堂前的門廊長二十肘,寬與殿的寬度相等,共十肘,在殿堂之前。
4 Akaitira temberi iyi mawindo ane upamhi hudiki.
又為殿作了窗戶,有窗框和窗櫺。
5 Pamadziro eimba huru neeimba tsvene yomukati akavaka chivakwa chakapoteredza imba, chaiva nedzimwe dzimba kumativi.
緊靠殿墻,即圍著外殿和內殿的牆,周圍建造了分層廂房﹕
6 Imba yapasi yaiva noupamhi hwamakubhiti mashanu, imba yapakati yaiva noupamhi hwamakubhiti matanhatu uye imba yechitatu yaiva namakubhiti manomwe. Nechokunze akavaka zvitakuriso kumativi kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro etemberi.
下層寬五肘,中層寬六肘,第三層寬七肘﹔使殿周圍對面的牆突出,免得梁木插入殿牆內。
7 Pakuvaka madziro etemberi mabwe akanga avezwa chete ndiwo akashandiswa, uye hapana kunzwikwa kurira kwesando kana mbezo kana mumwe mudziyo patemberi payakanga ichivakwa.
建造殿宇時,始終是採用鑿好了的石頭,所以在建殿時,全聽不到槌子、斧子及任何鐵器的響聲。
8 Musuo weimba yapakati waiva kuchamhembe kwetemberi, paiva namatanho aienda kuimba yapasi, achizobva kuimba yapakati achienda kune yechitatu.
廂房最下層的門,設在殿的右邊,人可從螺旋梯上到中層,由中層上到第三層。
9 Naizvozvo akavaka temberi, uye akaipedza, akaturika denga ramatanda namapuranga emisidhari.
殿造完了以後,又用香柏木梁和木板,蓋上了殿頂。
10 Uye akavaka dzimba pamadziro etemberi yose. Imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti mashanu, uye dzakanga dzakabatanidzwa netemberi namatanda emisidhari.
殿的四周建立了廂房,每層高五肘,用香柏木梁使之與殿牆相連接。
11 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni richiti,
又上主的話傳於撒羅滿說﹕「
12 “Pane zvetemberi iyi yauri kuvaka, kana ukatevera mitemo yangu, ukaita zvandakatema, uye ukachengeta mirayiro yangu yose nokuiteerera, ipapo ndichazadzisa chivimbiso changu newe, chandakavimbisa baba vako Dhavhidhi.
關於你正在進行建造的這殿,....如果你履行我的法律,遵守我的規例,按照我的一切命令行事,我必對你實踐我向你父親達味所說的話,
13 Uye ndichagara pakati pavaIsraeri, uye handizorasi vanhu vangu vaIsraeri.”
必常住在以色列子民中,永不拋棄我的百姓以色列。」聖殿內部
14 Saka Soromoni akavaka temberi akaipedza.
撒羅滿建殿,終於完成。
15 Akaisa mapuranga emisidhari pamadziro etemberi nomukati, akaaroverera kubvira pasi kusvikira kumusoro, uye pasi pose pakanga pane mapuranga emusipuresi.
殿內的牆壁全舖上香柏木板,從殿的地面到天花板的櫞、梁,全蓋上木板﹔殿內地面都舖上柏木板。
16 Akakamura necheshure kwetemberi chimwe chikamu chakanga chakareba makubhiti makumi maviri, namapuranga emusidhari kubva pasi kusvika kumusoro kuti chive nzvimbo tsvene yomukati metemberi, Nzvimbo Tsvene-tsvene.
內殿即至聖所,長二十肘,從地板到天花板都概上香柏木板。
17 Imba huru yakanga iri pamberi peimba iyi yakanga yakareba makubhiti makumi mana.
至聖所前的外殿,長四十肘。
18 Mukati metemberi makaitwa nemisidhari yakavezwa mifananidzo yemikombe namaruva akazaruka. Zvose zvaiva misidhari chete, hapana dombo raionekwa.
殿內的香柏木板上,都刻有匏瓜和初開的花﹕全部都是香柏木,看不到一塊石頭。
19 Akagadzira nzvimbo tsvene yomukati, mukatikati metemberi, kuti agogadzikapo areka yesungano yaJehovha.
殿堂內部設又內殿,為安放上主的約櫃。
20 Mukati menzvimbo tsvene yomukati makanga makareba makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo makubhiti makumi maviri, uye makareba makubhiti makumi maviri pakukwirira kwamo mudenga. Akafukidza mukati mose negoridhe rakaisvonaka, uye akafukidzawo aritari namapuranga omusidhari.
內殿長二十肘,寬二十肘,高二十肘,全都貼上純金﹔他又用香柏木做了一個祭壇,
21 Soromoni akafukidza mukati metemberi yose negoridhe rakaisvonaka, uye akaisa ngetani dzegoridhe dzakachinjika pamberi penzvimbo tsvene yomukati, iyo yakanga yakafukidzwa mukati mose negoridhe.
放在內殿前,全都包上金。
22 Saka akafukidza mukati mose negoridhe. Akafukidzawo aritari yenzvimbo tsvene yomukati negoridhe.
整個殿宇都貼上金,貼滿了整個殿宇。
23 Akaita makerubhi maviri omuti womuorivhi, rimwe nerimwe rakareba makubhiti gumi, munzvimbo tsvene yomukati.
內殿裏又用橄欖木作了兩個革魯賓,每個高十肘。
24 Bapiro rimwe chete rekerubhi rokutanga rakanga rakareba makubhiti mashanu, uye rimwe bapiro rakanga rakareba makubhiti mashanu, makubhiti gumi kubva pamuromo perimwe bapiro kusvika pamuromo perimwe bapiro.
革魯賓的一個翅膀長五肘,革魯賓的另一個翅膀也長五肘,從一個翅膀尖到另一個翅膀尖,共十肘。
25 Kerubhi rechipiri rakanga rakarebawo makubhiti gumi, nokuti makerubhi maviri aya akanga akafanana pakukura namaumbirwo.
另一個革魯賓也是十肘兩個革魯賓,有一樣的尺寸,有一樣的形狀。
26 Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumi.
一個革魯賓高十肘,另一個革魯賓也是如此。
27 Akaisa makerubhi munzvimbo yomukatikati metemberi, mapapiro amakerubhi akatambanudzwa. Bapiro rerimwe kerubhi raiguma mamwe madziro, bapiro rerimwe richiguma mamwe madziro uye mamwe mapapiro awo aigumana pakati peimba.
兩個革魯賓都安放在內殿,革魯賓的翅膀是伸開的﹕這個革魯賓的一個翅膀靠著這邊的牆,那個革魯賓的一個翅膀靠著那邊的牆,裏面的兩個翅膀,在殿中央相接。
28 Akafukidza makerubhi negoridhe.
兩個革魯賓全包上金。
29 Akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwe neyamaruva akazaruka, pamadziro ose akatenderedza mudzimba dzomukati nedzimba dzokunze.
內殿與外殿四周牆壁,都刻有革魯賓、棕樹和花朵初開的形狀。
30 Akafukidzawo pasi pedzimba dzomukati nedzimba dzokunze dzetemberi negoridhe.
內殿和外殿的地板,都舖上金。
31 Akagadzirira musuo wenzvimbo tsvene yomukati makonhi omuti womuorivhi; chivivo chapamusoro namagwatidziro zvaiva namativi mashanu.
內殿的門,是用橄欖木作的,門柱和門框,為五角形。
32 Pamakonhi maviri aya omuti womuorivhi akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwe neyamaruva akazaruka, akafukidza makerubhi nemiti yemichindwe negoridhe rakarohwa.
橄欖木的兩門扇上,刻有革魯賓、棕樹和花朵初開的形像。花上包金,革魯賓和棕樹上貼金。
33 Nenzira imwe cheteyo akagadzirirawo musuo weimba huru chivivo namagwatidziro zvomuti womuorivhi zvakanga zvine mativi mana.
外殿的門和門柱也是橄欖木作的,為四角形﹔
34 Akaitawo makonhi maviri omuti womusipuresi, mapenga maviri egonhi rimwe aigona kupetwa, uye mapenga maviri erimwe gonhi aigona kupetwa.
李扇門都是用柏木作的﹕這一扇有兩葉可以摺疊,那一扇也有兩葉可以摺疊。
35 Akaveza makerubhi, miti yemichindwe namaruva akazaruka paari, akazvifukidza negoridhe rakarohwa zvakaenzanirana pamusoro pezvakavezwa.
門上刻有革魯賓、棕樹和花朵初開的形像,雕刻以後,全貼上金。
36 Uye akavaka chivanze chomukati chine hwaro hutatu hwamatombo akavezwa, nehwaro humwe chete hwamatanda omusidhari.
內院的牆,三層是用好的石頭,一層是用香柏木建造的。
37 Hwaro hwetemberi yaJehovha hwakavakwa mugore rechina, mumwedzi waZivhi.
第四年,「齊夫」月,奠定了上主殿宇的基礎﹔
38 Mugore regumi nerimwe mumwedzi waBhuri, mwedzi worusere, temberi yakapera kuvakwa yose sezvayakanga yakafanira kuitwa. Akapedza makore manomwe achiivaka.
第十一年,「步耳」月【即八月,】上主的殿各部分全依照計劃完成﹔建殿的工作共費時七年。