< 1 Madzimambo 3 >

1 Soromoni akaita ukama naFaro, mambo weIjipiti akawana mwanasikana wake. Akauya naye kuGuta raDhavhidhi kusvikira apedza kuvaka muzinda wake netemberi yaJehovha, norusvingo runopoteredza Jerusarema.
And Solomon joineth in marriage with Pharaoh king of Egypt, and taketh the daughter of Pharaoh, and bringeth her in unto the city of David, till he completeth to build his own house, and the house of Jehovah, and the wall of Jerusalem round about.
2 Asi, vanhu vakanga vachibayira zvibayiro panzvimbo dzakakwirira nokuti hapana temberi yakanga yati yavakirwa zita raJehovha.
Only, the people are sacrificing in high places, for there hath not been built a house for the name of Jehovah till those days.
3 Soromoni akada Jehovha akafamba nomumitemo yababa vake Dhavhidhi, asi akabayira nokupisa zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira.
And Solomon loveth Jehovah, to walk in the statutes of David his father — only, in high places he is sacrificing and making perfume —
4 Zvino mambo akaenda kuGibheoni kundobayira, nokuti ndiyo yaiva nzvimbo yakakwirira huru, Soromoni akabayira zvipiriso zvinopiswa zvinokwana chiuru paaritari.
and the king goeth to Gibeon, to sacrifice there, for it [is] the great high place; a thousand burnt-offerings cause to ascend doth Solomon on that altar.
5 PaGibheoni Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku muchiroto, Mwari akati, “Kumbira chipi nechipi chaunoda kuti ndikupe.”
In Gibeon hath Jehovah appeared unto Solomon, in a dream of the night, and God saith, 'Ask — what do I give to thee?'
6 Soromoni akapindura akati, “Makaratidza muranda wenyu, baba vangu Dhavhidhi, tsitsi dzenyu huru nokuti akanga akavimbika kwamuri uye akarurama uye akachena mumwoyo. Muchiri kumuratidza unyoro hwenyu hukuru uye mamupa mwanakomana kuti agare pachigaro chake chokutonga iye nhasi.
And Solomon saith, 'Thou hast done with Thy servant David my father great kindness, as he walked before Thee in truth and in righteousness, and in uprightness of heart with Thee, and Thou dost keep for him this great kindness, and dost give to him a son sitting on his throne, as [at] this day.
7 “Zvino, Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi. Asi ini ndinongova hangu mwana mudiki uye handizivi mashandiro andingaita mabasa angu.
And now, O Jehovah my God, Thou hast caused thy servant to reign instead of David my father; and I [am] a little child, I do not know to go out and to come in;
8 Muranda wenyu ari pakati pavanhu venyu vamakasarudza, vanhu vazhinji kwazvo, vasingagoni kuverengwa nokuwanda kwavo.
and Thy servant [is] in the midst of thy people, whom Thou hast chosen, a people numerous, that is not numbered nor counted for multitude,
9 Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti atonge vanhu venyu, kuti ndikwanise kuziva zvakanaka nezvakaipa; nokuti ndiani angagone kutonga vanhu venyu vakawanda kudai?”
and Thou hast given to Thy servant an understanding heart, to judge Thy people, to discern between good and evil; for who is able to judge this Thy great people?'
10 Jehovha akafara nokuti Soromoni akanga akumbira chinhu ichi.
And the thing is good in the eyes of the Lord, that Solomon hath asked this thing,
11 Naizvozvo Jehovha akati kwaari, “Sezvo wakumbira chinhu ichi ukasazvikumbirira upenyu hurefu kana upfumi, ukasakumbira kuti vavengi vako vaurayiwe, asi wakumbira kunzwisisa pakutonga zvakarurama,
and God saith unto him, 'Because that thou hast asked this thing, and hast not asked for thee many days, nor asked for thee riches, nor asked the life of thine enemies, and hast asked for thee discernment to understand judgment,
12 ndichaita zvawakumbira. Ndichakupa mwoyo wakachenjera unonzwisisa, zvokuti hakuna kumbova nomumwe akafanana newe uye hakuchazova nomumwe akafanana newe mushure mako.
lo, I have done according to thy words; lo, I have given to thee a heart, wise and understanding, that like thee there hath not been before thee, and after thee there doth not arise like thee;
13 Pamusoro pezvo, ndichakupawo zvausina kukumbira, zvose upfumi nokukudzwa, zvokuti muupenyu hwako hapana mumwe anozoenzana newe pakati pamadzimambo.
and also, that which thou hast not asked I have given to thee, both riches and honour, that there hath not been like thee a man among the kings all thy days;
14 Kana ukafamba munzira dzangu nokuteerera mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaita Dhavhidhi baba vako, ndichakupa upenyu hurefu.”
and if thou dost walk in My ways to keep My statutes, and My commands, as David thy father walked, then I have prolonged thy days.'
15 Ipapo Soromoni akamuka, akabva aziva kuti kwakanga kuri kurota. Akadzokera kuJerusarema, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuwadzana. Ipapo akaitira varanda vake vose mutambo.
And Solomon awaketh, and lo, a dream; and he cometh in to Jerusalem, and standeth before the ark of the covenant of Jehovah, and causeth to ascend burnt-offerings, and maketh peace-offerings. And he maketh a banquet for all his servants,
16 Zvino vakadzi vaviri vaiva zvifeve vakauya kuna mambo vakamira pamberi pake.
then come in do two women, harlots, unto the king, and stand before him,
17 Mumwe wavo akati, “Ishe wangu, mukadzi uyu neni tinogara muimba imwe chete. Ini ndakapona mwana iye aripowo.
and the one woman saith, 'O, my lord, I and this woman are dwelling in one house, and I bring forth with her, in the house;
18 Zvino nezuva rechitatu mushure mokuberekwa kwomwana wangu, mukadzi uyu akaponawo mwana. Takanga tiri toga; hapana mumwe munhu akanga ari mumba kunze kwedu isu vaviri.
and it cometh to pass on the third day of my bringing forth, that this woman also bringeth forth, and we [are] together, there is no stranger with us in the house, save we two, in the house.
19 “Usiku ihwohwo mwana womukadzi uyu akafa, nokuti akavata pamusoro pake.
And the son of this woman dieth at night, because she hath lain upon it,
20 Saka akamuka pakati pousiku akatora mwanakomana wangu kubva parutivi pangu, ini muranda wenyu ndivete. Akamuisa pachipfuva chake akaisa mwanakomana wake akafa pachipfuva changu.
and she riseth in the middle of the night, and taketh my son from beside me — and thy handmaid is asleep — and layeth it in her bosom, and her dead son she hath laid in my bosom;
21 Pandakamuka mangwanani kuti ndiyamwise mwanakomana wangu ndakaona kuti akanga afa; asi pandakazotarisisa mangwanani, ndakaona zviri pachena kuti haasiriye mwanakomana wandakanga ndapona.”
and I rise in the morning to suckle my son, and lo, dead; and I consider concerning it in the morning, and lo, it was not my son whom I did bear.'
22 Asi mukadzi mumwe uya akati, “Kwete, mwanakomana mupenyu ndowangu, mwanakomana akafa ndowako.” Asi wokutanga akaramba akati, “Kwete, akafa ndowako; mupenyu ndiye wangu.” Naizvozvo vakaitirana nharo pamberi pamambo.
And the other woman saith, 'Nay, but my son [is] the living, and thy son the dead;' and this [one] saith, 'Nay, but thy son [is] the dead, and my son the living.' And they speak before the king.
23 Ipapo mambo akati, “Mumwe anoti, ‘Mwanakomana wangu ndiye mupenyu, uye mwanakomana wako ndiye akafa,’ mumwewo achiti, ‘Kwete! Mwanakomana wako ndiye akafa, uye mwanakomana wangu ndiye mupenyu.’”
And the king saith, 'This [one] saith, This [is] my son, the living, and thy son [is] the dead; and that [one] saith, Nay, but thy son [is] the dead, and my son the living.'
24 Ipapo mambo akati, “Nditorerei munondo.” Naizvozvo vakauya nomunondo kuna mambo.
And the king saith, 'Take for me a sword;' and they bring the sword before the king,
25 Akati, “Chekai mwana mupenyu napakati mugopa hafu kuno mumwe uye imwe hafu kuno mumwe.”
and the king saith, 'Cut the living child into two, and give the half to the one, and the half to the other.'
26 Mukadzi aiva nomwana mupenyu akanzwira mwanakomana wake tsitsi akati kuna mambo, “Ndapota ishe wangu, mupei zvenyu mwana ari mupenyu! Musamuuraya!” Asi mumwe wacho akati, “Iwe neni hapana ari kuzomuwana. Muchekei napakati!”
And the woman whose son [is] the living one saith unto the king (for her bowels yearned over her son), yea, she saith, 'O, my lord, give to her the living child, and put it not at all to death;' and this [one] saith, 'Let it be neither mine or thine — cut [it].'
27 Ipapo mambo akapa mutongo wake akati, “Ipai mwana mupenyu kumukadzi wokutanga. Musamuuraya; ndiye mai vake.”
And the king answereth and saith, 'Give ye to her the living child, and put it not at all to death; she [is] its mother.'
28 VaIsraeri vose vakati vanzwa matongero akanga aita mambo, vakatya mambo, nokuti vakaona kuti uchenjeri hwaibva kuna Mwari hwaiva maari, kuti atonge zvakarurama.
And all Israel hear of the judgment that the king hath judged, and fear because of the king, for they have seen that the wisdom of God [is] in his heart, to do judgment.

< 1 Madzimambo 3 >