< 1 Madzimambo 20 >

1 Zvino Bheni-Hadhadhi mambo weAramu akaunganidza varwi vake vose. Achibatsirwa namadzimambo makumi matatu namaviri vaine mabhiza avo nengoro, akaenda akakomba Samaria akarirwisa.
UBenihadadi inkosi yeSiriya wasebutha ibutho lakhe lonke, elamakhosi angamatshumi amathathu lambili, lamabhiza lezinqola. Wenyuka wayavimbezela iSamariya, walwa layo.
2 Akatuma nhume muguta kuna Ahabhu mambo weIsraeri kundoti, “Zvanzi naBheni-Hadhadhi,
Wathuma izithunywa kuAhabi inkosi yakoIsrayeli, emzini, wathi kuye: Utsho njalo uBenihadadi:
3 ‘Sirivha yako negoridhe ndezvangu, uye vakadzi vako navana vako vakanyanyisa kunaka ndevangu.’”
Isiliva sakho legolide lakho ngokwami, labafazi bakho labantwana bakho abahle ngabami.
4 Mambo weIsraeri akapindura akati, “Sezvamataura, ishe wangu mambo. Ini nezvose zvandinazvo ndiri wenyu.”
Inkosi yakoIsrayeli yasiphendula yathi: Njengokwelizwi lakho, nkosi yami, nkosi, ngingowakho, lakho konke engilakho.
5 Nhumwa dzakauya zvakare ndokusvikoti, “Zvanzi naBheni-Hadhadhi, ‘Ndakatumira shoko rokuti ndinoda sirivha yako negoridhe, navakadzi vako navana vako.
Izithunywa zasezibuyela zathi: Utsho njalo uBenihadadi uthi: Lanxa ngithumele kuwe ngisithi: Isiliva sakho legolide lakho labafazi bakho labantwana bakho, kunike mina;
6 Asi mangwana nenguva yakaita seino ndichatuma varanda vangu kuti vazotsvagisisa mumuzinda wako nomudzimba dzavaranda vako. Vachatora zvose zvaunokoshesa vagoenda nazvo.’”
kube kanti phose ngalesisikhathi kusasa ngizathuma kuwe izinceku zami, zizaguduza indlu yakho lezindlu zezinceku zakho; kuzakuthi-ke, yonke into ethandekayo emehlweni akho, zizayifaka esandleni sazo ziyithathe.
7 Mambo weIsraeri akadana vakuru vose venyika akati kwavari, “Tarisai muone kuti murume uyu ari kutsvaga muromo sei! Paakati ari kuda kutora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu negoridhe rangu, handina kurambira.”
Ngakho inkosi yakoIsrayeli yabiza bonke abadala belizwe yathi: Ake linanzelele libone ukuthi lo udinga ububi, ngoba uthumele kimi ngabafazi bami langabantwana bami langesiliva sami langegolide lami, njalo kangimalelanga.
8 Vakuru navanhu, vose vakapindura vakati, “Musateerera kwaari kana kubvumirana nezvaari kuda.”
Bonke abadala labo bonke abantu basebesithi kuyo: Ungalaleli, njalo ungavumi.
9 Naizvozvo akapindura nhume dzaBheni-Hadhadhi akati, “Udzai ishe wangu mambo kuti, ‘Muranda wenyu achaita zvose zvamakamukumbira pakutanga, asi chikumbiro ichi chazvino handigoni kuchizadzisa.’” Vakasimuka vakaenda nemhinduro kwavakanga vabva, kuna Bheni-Hadhadhi.
Wasesithi kuzo izithunywa zikaBenihadadi: Tshelani inkosi yami, inkosi ukuthi: Konke eyakuthumela encekwini yayo kuqala ngizakwenza; kodwa linto kangilamandla okuyenza. Izithunywa zasezihamba, zayibuyisela ilizwi.
10 Saka Bheni-Hadhadhi akatumira rimwe shoko kuna Ahabhu achiti, “Vamwari ngavaitewo kwandiri, vanyanyise kudaro, kana guruva ringakwana kupa mumwe nomumwe wamauto angu kuti azadze chanza chake rikasara muSamaria.”
UBenihadadi wasethumela kuye wathi: Kabenze njalo onkulunkulu kimi, bengezelele njalo, uba ubhuqu lweSamariya lungenela izandla ezigcweleyo zabo bonke abantu abangilandelayo.
11 Mambo weIsraeri akapindura akati, “Muudzei kuti, ‘Uyo anoshonga nhumbi dzokurwa ngaarege kuzvirumbidza souyo anodzibvisa.’”
Inkosi yakoIsrayeli yasiphendula yathi: Mtsheleni: Lowo obhinca izikhali kangaziqakisi njengozikhululayo.
12 Bheni-Hadhadhi akanzwa shoko iri iye namadzimambo pavakanga vachinwa vari mumisasa, akabva arayira mauto ake akati, “Gadzirirai kundorwisa.” Saka vakagadzirira kundorwisa guta.
Kwasekusithi esizwa lelilizwi esanatha, yena lamakhosi emadumbeni, wathi ezincekwini zakhe: Zimiseni! Zasezizimisa ukumelana lomuzi.
13 Panguva iyoyo mumwe muprofita akauya kuna Ahabhu mambo weIsraeri, akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Uri kuona hondo huru huru iyi here? Ndichaiisa muruoko rwako nhasi, ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.’”
Khangela-ke, umprofethi othile wasondela kuAhabi inkosi yakoIsrayeli, wathi: Itsho njalo iNkosi: Uyalibona lelixuku lonke elikhulu yini? Khangela, ngizalinikela esandleni sakho lamuhla, njalo uzakwazi ukuthi mina ngiyiNkosi.
14 Ahabhu akabvunza akati, “Asi ndiani achaita izvi?” Muprofita akapindura akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Majaya amachinda omumatunhu ndiwo achazviita.’” Akabvunza akati, “Zvino ndiani achatanga hondo yacho?” Muprofita akapindura akati, “Ndiwe uchaitanga.”
UAhabi wasesithi: Ngobani? Wasesithi: Itsho njalo iNkosi: Ngamajaha abaphathi bezabelo. Wasesithi: Ngubani ozaqalisa impi? Wasesithi: Wena.
15 Saka Ahabhu akaunganidza majaya amachinda omumatunhu, varume vaikwana mazana maviri namakumi matatu navaviri. Mushure akaunganidza vamwe vaIsraeri, pamwe chete zviuru zvinomwe.
Wasebala amajaha abaphathi bezabelo, ayengamakhulu amabili lamatshumi amathathu lambili; lemva kwawo wabala bonke abantu, bonke abantwana bakoIsrayeli, izinkulungwane eziyisikhombisa.
16 Vakasimuka masikati, Bheni-Hadhadhi namadzimambo makumi matatu navaviri vaiva kudivi rake panguva yavakanga vari mumisasa yavo vachidhakwa.
Basebephuma emini, uBenihadadi esenathe wadakwa emadumbeni, yena lamakhosi, amakhosi angamatshumi amathathu lambili ayemsiza.
17 Majaya amachinda omumatunhu ndiwo akatanga kuenda. Zvino Bheni-Hadhadhi akanga atuma vasori uye vakamuudza kuti, “Kune varume vari kubva kuSamaria.”
Amajaha abaphathi bezabelo asephuma kuqala. UBenihadadi wasethuma, basebemtshela besithi: Kuphume amadoda eSamariya.
18 Akati, “Kana vauya kuzotsvaga rugare, vabatei vari vapenyu; kana vauya kuzorwa, vabatei vari vapenyu.”
Wasesithi: Loba ephumele ukuthula, abambeni ephila; loba-ke ephumele impi, abambeni ephila.
19 Majaya amachinda omumatunhu akafamba achibuda muguta varwi vari mumashure mavo
Lala aphuma emzini, amajaha abaphathi bezabelo, lebutho elawalandelayo.
20 uye mumwe nomumwe wavo akauraya waakarwisana naye. VaAramu vakatiza, vaIsraeri vachivadzingirira. Asi Bheni-Hadhadhi mambo weAramu akatiza akatasva bhiza, navamwe vavarwi vake vaiva namabhiza.
Babulala, ngulowo lalowo umuntu wakhe. AmaSamariya asebaleka, uIsrayeli wasexotshana lawo, kodwa uBenihadadi inkosi yeSiriya waphunyuka ngebhiza kanye labagadi bamabhiza.
21 Mambo weIsraeri akabuda akakunda mabhiza nengoro, akauraya vaAramu vakawanda kwazvo.
Inkosi yakoIsrayeli yasiphuma, yatshaya amabhiza lenqola, yatshaya phakathi kwamaSiriya ngokubulala okukhulu.
22 Mushure maizvozvo, muprofita akauya kuna mambo weIsraeri akati, “Simbisa chinzvimbo chako ugoona zvinofanira kuitwa, nokuti muchirimo chiri kutevera mambo weAramu achakurwisa zvakare.”
Lowomprofethi wasesondela enkosini yakoIsrayeli wathi kuyo: Hamba, uziqinise, unanzelele njalo ubone okwenzayo; ngoba ekuthwaseni komnyaka inkosi yeSiriya izakwenyuka imelane lawe.
23 Panguva imwe cheteyo, varanda vamambo weAramu vakati kwaari, “Vamwari vavo ndavamwari vamakomo. Ndicho chikonzero vakatikurira. Asi tikarwa navo mumapani, zvirokwazvo tichavakurira.
Lezinceku zenkosi yeSiriya zathi kuyo: Onkulunkulu babo bangonkulunkulu bezintaba, yikho belamandla kulathi; kube kanti asilwe labo emagcekeni, sibili sizabehlula.
24 Itai izvi: Bvisai madzimambo ose panzvimbo dzavo dzokutonga mugovatsiva navamwe vabati.
Ngakho yenza linto: Susa amakhosi, ngulowo lalowo endaweni yakhe, ubeke izinduna esikhundleni sawo;
25 Munofanirawo kuzviunganidzira hondo yakafanana neyamakarasikirwa nayo, bhiza nebhiza nengoro nengoro, kuitira kuti tikwanise kurwa navaIsraeri mumapani. Ipapo zvirokwazvo tichavakurira.” Akabvumirana navo akaita saizvozvo.
njalo wena zibalele ibutho njengebutho eliwileyo kuwe, lebhiza njengebhiza, lenqola njengenqola; njalo sizakulwa labo emagcekeni, isibili sizabehlula. Yasilalela ilizwi labo, yenza njalo.
26 Muchirimo chakatevera Bheni-Hadhadhi akaunganidza vaAramu akakwidza kuAfeki kundorwa neIsraeri.
Kwasekusithi ekuthwaseni komnyaka uBenihadadi wabala amaSiriya, wenyukela eAfeki ekulweni loIsrayeli.
27 VaIsraeri vakati vaunganidzwawo uye vapiwa zvose zvinodiwa pakurwa hondo, vakafamba vachienda kundosangana navo. VaIsraeri vakadzika musasa wavo vakatarisana navo, vachinge mapoka maduku maviri embudzi, ukuwo vaAramu vakazadza nyika.
Abantwana bakoIsrayeli babalwa-ke, banikwa imiphako, basebephuma ukumelana lawo; abantwana bakoIsrayeli bamisa inkamba phambi kwawo njengemihlanjana yembuzi emibili, kodwa amaSiriya agcwala ilizwe.
28 Munhu waMwari akauya akaudza mambo weIsraeri kuti, “Zvanzi naJehovha: ‘Nokuda kwokuti vaAramu vanofunga kuti Jehovha ndimwari wamakomo, uye kuti haasi mwari wemipata, ndichaisa hondo huru huru iyi mumaoko ako, uye uchaziva kuti ndini Jehovha.’”
Kwasekusondela umuntu kaNkulunkulu, wakhuluma enkosini yakoIsrayeli wathi: Itsho njalo iNkosi: Ngenxa yokuthi amaSiriya athe: INkosi inguNkulunkulu wezintaba, kodwa kayisuye uNkulunkulu wezihotsha, ngakho ngizanikela esandleni sakho lelixuku lonke elikhulu, njalo lizakwazi ukuthi mina ngiyiNkosi.
29 Kwamazuva manomwe vakagara pamisasa yavo vakatarisana, uye nezuva rechinomwe hondo yakatanga. VaIsraeri vakauraya zana rezviuru zvamauto etsoka avaAramu musi mumwe chete.
Basebemisa inkamba, enye iqondene lenye, insuku eziyisikhombisa. Kwasekusithi ngosuku lwesikhombisa impi yadibana; abantwana bakoIsrayeli basebetshaya ngosuku lunye amaSiriya azinkulungwane ezilikhulu ahamba ngenyawo.
30 Vakasara vakatizira kuguta reAfeki, uko kwakandowira rusvingo pamusoro pezviuru makumi maviri nezvinomwe zvavo. Uye Bheni-Hadhadhi akatizira kuguta akandohwanda muimba yomukati.
Labaseleyo babalekela eAfeki emzini; lomduli wawela phezu kwamadoda ayizinkulungwane ezingamatshumi amabili lesikhombisa ayesele. UBenihadadi laye wabaleka, wangena emzini ekamelweni elingaphakathi.
31 Varanda vake vakati kwaari, “Tarirai, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri ane tsitsi. Ngatiendei kuna mambo weIsraeri takasungirira masaga muzviuno zvedu, uye takasunga misoro yedu netambo. Zvichida angakuregai muri mupenyu.”
Lezinceku zakhe zathi kuye: Khangela-ke, sizwile ukuthi amakhosi endlu yakoIsrayeli angamakhosi alesihawu; ake sifake amasaka enkalweni zethu, lamagoda emakhanda ethu, siphumele enkosini yakoIsrayeli; mhlawumbe izagcina umphefumulo wakho uphile.
32 Vakasungirira masaga muzviuno zvavo vakasunga misoro yavo netambo, vakabva vaenda kuna mambo weIsraeri vakasvikoti, “Muranda wenyu Bheni-Hadhadhi ati, ‘Ndapota, dai mangondirega ndararama.’” Mambo akapindura akati, “Achiri mupenyu nazvino? Ihama yangu.”
Basebethandela amasaka enkalweni zabo, lamagoda emakhanda abo, bafika enkosini yakoIsrayeli, bathi: Inceku yakho uBenihadadi ithi: Ake ungiyekele ngiphile. Yasisithi: Usaphila yini? Ungumfowethu.
33 Varume ava vakazviona sechiratidzo chakanaka ndokukurumidza kutevedzera zvaakanga areva. Vakati, “Hongu, hama yenyu Bheni-Hadhadhi!” Mambo akati, “Endai munomutora.” Bheni-Hadhadhi akati achibuda, Ahabhu akamukwidza mungoro yake.
Lamadoda aqaphela ngokukhuthala aphangisa ukukuhluthuna kuyo, athi: Umfowenu uBenihadadi. Yasisithi: Hambani liyemthatha. UBenihadadi wasephumela kuyo, yamkhweza enqoleni.
34 Bheni-Hadhadhi akati kwaari, “Ndichadzosera maguta akatorwa nababa vangu kuna baba vako. Unogonawo kuisa misika yako muDhamasiko, sezvakaitwa nababa vangu muSamaria.” Ahabhu akati, “Nokuda kwechibvumirano ichi, ndichakusunungura.” Saka akaita chibvumirano naye, akamurega achienda.
Wasesithi kuyo: Imizi ubaba ayithatha kuyihlo ngizayibuyisela; futhi ungazenzela izitalada eDamaseko njengokwenza kukababa eSamariya. Khona uAhabi wathi: Mina ngizakuyekela uhambe ngalesisivumelwano. Yasisenza laye isivumelwano yamyekela ehamba.
35 Mumwe wavanakomana vavaprofita arayirwa naJehovha, akati kushamwari yake, “Ndirove!” asi murume uyu akaramba.
Umuntu othile wamadodana abaprofethi wasesithi kumakhelwane wakhe ngelizwi leNkosi uNkulunkulu: Ake ungitshaye. Kodwa lowomuntu wala ukumtshaya.
36 Naizvozvo muprofita akati, “Zvausina kuteerera Jehovha, uchingobva pano pandiri, uchaurayiwa neshumba.” Zvino murume uyu achangobva paakanga ari, shumba yakamuwana ikamuuraya.
Wasesithi kuye: Ngenxa yokuthi ungalilalelanga ilizwi leNkosi, khangela, ekusukeni kwakho kimi isilwane sizakutshaya. Wasesuka kuye, lesilwane samfica, sambulala.
37 Muprofita akawana mumwe murume akati, “Ndapota, ndirove.” Naizvozvo murume uyu akamurova, akamukuvadza.
Wasethola omunye umuntu wathi: Ake ungitshaye. Lalowomuntu wamtshaya lokumtshaya emlimaza.
38 Ipapo muprofita akaenda akandomirira mambo pamugwagwa. Akazviita somumwe munhu akakwevera pasi mucheka wake womusoro kuti uvharidzire maziso ake.
Ngakho umprofethi wasuka, wamelela inkosi endleleni, ezifihle isimo ngelembu emehlweni.
39 Mambo paakanga ava kupfuura nepo muprofita akadanidzira kwaari akati, “Muranda wenyu akaenda pakatikati pehondo payakanga ichirwiwa, mumwe munhu akauya kwandiri nomusungwa akati, ‘Chengeta murume uyu. Kana akashayikwa upenyu hwako huchatsiva hwake, kana kuti ucharipa netarenda resirivha.’
Kwasekusithi inkosi idlula, yena wamemeza enkosini wathi: Inceku yakho yaphuma phakathi kwempi; khangela-ke, umuntu waphambuka, waletha umuntu kimi, wathi: Londoloza lumuntu; uba elahleka lokulahleka, khona impilo yakho izakuba sesikhundleni sempilo yakhe, kumbe uhlawule ngethalenta lesiliva.
40 Muranda wenyu paakanga ari mubishi rokuita basa pano nekoko, murume uya akanyangarika.” Mambo weIsraeri akati, “Iwoyo ndiwo mutongo wako. Ndiwe wautaura woga.”
Kwasekusithi inceku yakho isaphathekile lapha lalaphaya, yena wayengekho. Inkosi yakoIsrayeli yasisithi kuye: Sinjalo isahlulelo sakho, ususiqumile wena.
41 Ipapo muprofita akakurumidza kubvisa mucheka pamaziso ake, mambo weIsraeri akabva amuziva kuti aiva mumwe wavaprofita.
Wasephangisa walisusa ilembu emehlweni akhe. Inkosi yakoIsrayeli yasimazi ukuthi ungowabaprofethi.
42 Akati kuna mambo, “Zvanzi naJehovha: ‘Wakasunungura munhu wandakanga ndati anofanira kufa. Naizvozvo upenyu hwako huchatsiva hwake, vanhu vako vachatsiva vanhu vake.’”
Wasesithi kuyo: Itsho njalo iNkosi: Ngoba umyekele ukuthi aphume esandleni umuntu engimmisele ukumtshabalalisa, ngakho impilo yakho izakuba sesikhundleni sempilo yakhe, labantu bakho esikhundleni sabantu bakhe.
43 Mambo weIsraeri akaenda kumuzinda wake muSamaria aora mwoyo uye ashatirwa.
Inkosi yakoIsrayeli yasisiya endlini yayo inyukumele, ithukuthele, yafika eSamariya.

< 1 Madzimambo 20 >