< 1 Madzimambo 16 >

1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani richipikisana naBhaasha richiti,
And the word of Jehovah came to Jehu the son of Hanani against Baasha, saying,
2 “Ndakakusimudza kubva muguruva ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri, asi wakafamba munzira dzaJerobhoamu ukaita kuti vanhu vangu Israeri vaite chivi, nokuita kuti nditsamwe nokuda kwezvivi zvavo.
Forasmuch as I exalted thee out of the dust, and made thee prince over my people Israel, and thou hast walked in the way of Jeroboam, and hast made my people Israel to sin, provoking me to anger with their sins;
3 Naizvozvo ndava kuda kuparadza Bhaasha neimba yake, uye ndichaita kuti imba yako ifanane neimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati.
behold, I will take away Baasha and his house, and will make thy house like the house of Jeroboam the son of Nebat.
4 Imbwa dzichadya vose vaBhaasha vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira kusango.”
Him that dieth of Baasha in the city shall the dogs eat, and him that dieth of his in the field shall the fowl of the heavens eat.
5 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaBhaasha, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?
And the rest of the acts of Baasha, and what he did, and his might, are they not written in the book of the chronicles of the kings of Israel?
6 Bhaasha akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muTiza. Zvino Era, mwanakomana wake, akamutevera paumambo.
And Baasha slept with his fathers, and was buried in Tirzah; and Elah his son reigned in his stead.
7 Pamusoro paizvozvo, shoko raJehovha rakauyawo nokumuprofita Jehu mwanakomana waHanani kuna Bhaasha neimba yake, nokuda kwezvakaipa zvose zvaakanga aita pamberi paJehovha achimutsamwisa nezvaakaita, achifanana neimba yaJerobhoamu, uyewo nokuti akaiparadza.
And also through the prophet Jehu the son of Hanani the word of Jehovah came against Baasha, and against his house, even for all the evil that he did in the sight of Jehovah, provoking him to anger with the work of his hands, in being like the house of Jeroboam; and because he had smitten him.
8 Mugore ramakumi maviri namatanhatu raAsa mambo weJudha, Era, mwanakomana waBhaasha akava mambo weIsraeri, uye akatonga muTiza kwamakore maviri.
In the twenty-sixth year of Asa king of Judah, Elah the son of Baasha began to reign over Israel in Tirzah for two years.
9 Zimuri, mumwe wamachinda ake, aitungamirira hafu yengoro dzake, akamumukira. Era akanga ari muTiza panguva iyoyo, achidhakwa zvake pamba paAza, murume aichengeta muzinda wamambo paTiza.
And his servant Zimri, captain of half [his] chariots, conspired against him; and he was in Tirzah, drinking himself drunk in the house of Arza, who was the steward of his house in Tirzah;
10 Zimuri akapinda, akamubaya akamuuraya, mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha. Ipapo akabva amutevera paumambo.
and Zimri went in and smote him, and killed him, in the twenty-seventh year of Asa king of Judah, and he reigned in his stead.
11 Paakatanga kutonga, achangogara pachigaro choushe, akauraya mhuri yose yaBhaasha. Haana kusiya murume mumwe chete, hama kana shamwari.
And it came to pass when he began to reign, as soon as he sat on his throne, he slew all the house of Baasha: he left him not a male, neither of his kinsmen nor of his friends.
12 Saizvozvo Zimuri akaparadza mhuri yose yaBhaasha, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa richipikisa Bhaasha nokumuprofita Jehu,
And Zimri destroyed all the house of Baasha, according to the word of Jehovah, which he spoke against Baasha through Jehu the prophet,
13 nokuda kwezvivi zvose zvakanga zvaitwa naBhaasha nomwanakomana wake Era nezvaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe, nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo.
for all the sins of Baasha, and the sins of Elah his son, which they sinned and wherewith they made Israel to sin, provoking Jehovah the God of Israel to anger with their vanities.
14 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaEra, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?
And the rest of the acts of Elah, and all that he did, are they not written in the book of the chronicles of the kings of Israel?
15 Mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha, Zimuri akatonga muTiza kwamazuva manomwe. Varwi vakanga vakadzika misasa pedyo neGibhetoni, guta ravaFiristia.
In the twenty-seventh year of Asa king of Judah, Zimri reigned seven days in Tirzah. Now the people were encamped against Gibbethon, which [belonged] to the Philistines.
16 VaIsraeri vakanga vari kumisasa pavakanzwa kuti Zimuri akanga amukira mambo akamuuraya, vakagadza Omuri mutungamiri wehondo, kuti ave mambo weIsraeri musi iwoyo mumusasa.
And the people that were encamped heard say, Zimri has conspired, and has also smitten the king; and all Israel made Omri, the captain of the host, king over Israel that day in the camp.
17 Zvino Omuri, navaIsraeri vose vaaiva navo, vakabva kuGibhetoni vakauya kuzokomba Tiza.
And Omri went up from Gibbethon, and all Israel with him, and they besieged Tirzah.
18 Zimuri paakaona kuti guta rakanga ratorwa, akaenda kunhare yomuzinda wamambo akabva azvipisira mumuzinda. Naizvozvo akafa,
And it came to pass when Zimri saw that the city was taken, that he went into the citadel of the king's house, and burned the king's house over him with fire;
19 nokuda kwezvivi zvaakanga aita, achiita zvakaipa pamberi paJehovha uye achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chaakanga aita, uye nechivi chaakanga aita kuti Israeri iite.
and he died for his sins which he sinned in doing evil in the sight of Jehovah, in walking in the way of Jeroboam, and in his sin which he did, making Israel to sin.
20 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaZimuri, nokumukira kwake kwaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aIsraeri?
And the rest of the acts of Zimri, and his conspiracy which he wrought, are they not written in the book of the chronicles of the kings of Israel?
21 Ipapo vanhu veIsraeri vakaparadzana vakaita zvikwata zviviri; hafu ikatevera Tibhini, mwanakomana waGinati, kuti ave mambo, uye imwe hafu ikatevera Omuri.
Then were the people of Israel divided into two parts: half of the people followed Tibni the son of Ginath, to make him king; and half followed Omri.
22 Asi vateveri vaOmuri vakakunda vateveri vaTibhini, mwanakomana waGinati. Saka Tibhini akafa, Omuri akava mambo.
But the people that followed Omri overcame the people that followed Tibni the son of Ginath; and Tibni died, and Omri reigned.
23 Mugore ramakumi matatu nerimwe raAsa, mambo weJudha, Omuri akava mambo weIsraeri, uye akatonga kwamakore gumi namaviri, matanhatu acho muTiza.
In the thirty-first year of Asa king of Judah, Omri began to reign over Israel, — twelve years; he reigned six years in Tirzah.
24 Akatenga gomo reSamaria kubva kuna Shemeri namatarenda maviri esirivha uye akavaka guta pagomo iri, achiritumidza kuti Samaria, zvichibva pana Shemeri, zita rouyo aimbova muridzi wegomo.
And he bought the hill Samaria of Shemer for two talents of silver; and built on the hill, and called the name of the city that he built, after the name of Shemer, owner of the hill, Samaria.
25 Asi Omuri akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatadza kupfuura vose vakanga vamutangira.
And Omri wrought evil in the sight of Jehovah, and did worse than all that were before him.
26 Akafamba munzira dzose dzaJerobhoamu mwanakomana waNebhati nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo.
And he walked in all the way of Jeroboam the son of Nebat, and in his sins wherewith he made Israel to sin, provoking Jehovah the God of Israel to anger with their vanities.
27 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaOmuri, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?
And the rest of the acts of Omri, what he did, and his might which he shewed, are they not written in the book of the chronicles of the kings of Israel?
28 Omuri akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria. Uye Ahabhu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
And Omri slept with his fathers, and was buried in Samaria; and Ahab his son reigned in his stead.
29 Mugore ramakumi matatu namasere raAsa, mambo weJudha, Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akava mambo weIsraeri, uye akatonga Israeri muSamaria kwamakore makumi maviri namaviri.
And Ahab the son of Omri began to reign over Israel in the thirty-eighth year of Asa king of Judah; and Ahab the son of Omri reigned over Israel in Samaria twenty-two years.
30 Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akaita zvakaipa pamberi paJehovha kupfuura vose vakamutangira.
And Ahab the son of Omri wrought evil in the sight of Jehovah more than all that were before him.
31 Akazviona zviri zvinhu zvidiki kuita zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye pamusoro pezvo akawana Jezebheri mwanasikana waEtibhaari mambo wavaSidhoni, akatanga kushandira Bhaari uye akamunamata.
And it came to pass, as if it was a light thing for him to walk in the sins of Jeroboam the son of Nebat, that he took as wife Jezebel the daughter of Ethbaal king of the Zidonians; and he went and served Baal and worshipped him.
32 Akavakira Bhaari aritari mutemberi yaBhaari yaakavaka muSamaria.
And he reared up an altar for Baal in the house of Baal, which he built in Samaria.
33 Ahabhu akagadzirawo danda raAshera akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe kupfuura zvakaita madzimambo akamutangira.
And Ahab made the Asherah; and Ahab did more to provoke Jehovah the God of Israel to anger than all the kings of Israel that were before him.
34 Munguva yaAhabhu, Hieri wokuBheteri akavakazve Jeriko. Mwanakomana wake wedangwe, Abhiramu, akafa paakavaka hwaro hweguta, uye mwanakomana wake wegotwe Segubhi akafa paakamisa masuo aro, sezvazvakarehwa neshoko raJehovha naJoshua mwanakomana waNuni.
In his days Hiel the Bethelite built Jericho; he laid its foundation in Abiram his firstborn, and set up its gates in Segub his youngest, according to the word of Jehovah which he spoke through Joshua the son of Nun.

< 1 Madzimambo 16 >