< 1 Madzimambo 14 >

1 Panguva iyoyo Abhija, mwanakomana waJerobhoamu, akarwara,
Dans le même temps Abia, fils de Jéroboam, était malade.
2 Jerobhoamu akati kumukadzi wake, “Enda undozvivanza, kuti urege kuzivikanwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu. Ipapo ugoenda kuShiro. Ahija muprofita ariko ikoko, uya akandiudza kuti ndichava mambo wavanhu ava.
Et Jéroboam dit à sa femme: Lève-toi donc et te travestis, de sorte qu'on ne se doute pas que tu es la femme de Jéroboam, et va-t'en à Silo! Voici, là est Ahia, le prophète, qui m'a annoncé que je deviendrais le roi de ce peuple.
3 Tora zvingwa gumi, makeke negaba rouchi ugoenda nazvo kwaari. Achakuudza zvichaitika kumukomana.”
Et prends dans ta main dix pains et des gâteaux et une cruche de miel, et entre chez lui: il te révélera ce qui arrivera à l'enfant.
4 Naizvozvo mukadzi waJerobhoamu akaita sezvaakataura akaenda kumba kwaAhija muShiro. Zvino Ahija akanga asisaoni; meso ake akanga asisaoni nokuti akanga akwegura.
Et ainsi fit la femme de Jéroboam, et s'étant levée elle se rendit à Silo chez Ahia. Or Ahia avait perdu la vue, car l'âge rendait ses yeux obtus.
5 Asi Jehovha akaudza Ahija kuti, “Mukadzi waJerobhoamu ari kuuya kuzokubvunza nezvomwanakomana wake, nokuti ari kurwara. Zvino iwe uchamupa mhinduro yokuti neyokuti. Paachasvika achazviita somumwe munhu.”
Et l'Éternel avait dit à Ahia: Voici que la femme de Jéroboam vient pour requérir de toi un avis touchant son fils, parce qu'il est malade: tu lui parleras de telle et telle manière, et quand elle paraîtra, elle ne voudra pas être reconnue.
6 Zvino Ahija paakanzwa mutsindo wetsoka dzake pamusuo, akati, “Pinda, mukadzi waJerobhoamu. Sei uchizviita somumwe munhu? Ndatumwa kwauri namashoko asina kunaka.
Et lorsque Ahia entendit le bruit de ses pas, comme elle entrait dans la porte, il dit: Entre, femme de Jéroboam! pourquoi donc ne veux-tu pas être connue? Pour moi, j'ai pour toi un message sévère.
7 Enda undoudza Jerobhoamu kuti izvi ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsraeri: ‘Ndakakusimudza kubva pakati pavanhu ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri.
Va, dis à Jéroboam: Ainsi parle l'Éternel, Dieu d'Israël: Parce que je t'ai élevé du sein du peuple, et établi prince de mon peuple d'Israël,
8 Ndakabvarura umambo kubva muimba yaDhavhidhi ndikahupa kwauri, asi hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi, akachengeta mirayiro yangu uye akanditevera nomwoyo wake wose, akaita zvakanaka chete pamberi pangu.
et que j'ai détaché le royaume de la maison de David et te l'ai donné, mais que tu n'as pas imité mon serviteur David qui a gardé mes commandements et m'a suivi de tout son cœur pour ne faire que ce qui est droit à mes yeux,
9 Iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakararama iwe usati wavapo. Wakazviitira vamwe vamwari, zviumbwa zvakaitwa nesimbi; waita kuti nditsamwe uye ukandirasira shure kwako.
et parce que tu as fait pis que tous tes prédécesseurs, et que tu t'en es allé et t'es fait d'autres dieux et des images de fonte pour me provoquer et que tu m'as jeté en arrière de toi;
10 “‘Nokuda kwezvinhu izvi ndichauyisa dambudziko paimba yaJerobhoamu. Ndichauraya varume vose vaJerobhoamu nhapwa, neakasununguka. Ndichapisa imba yaJerobhoamu sezvinoita munhu anopisa ndove, kusvikira pasisina chinhu.
cela étant, voici je vais amener la calamité sur la maison de Jéroboam et j'arracherai à Jéroboam ceux qui pissent à la muraille, le mineur et l'émancipé en Israël, et je balaierai après la maison de Jéroboam comme on balaie les ordures, à fond.
11 Imbwa dzichadya vose vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira kusango. Jehovha ataura!’
Ceux qui mourront à Jéroboam dans la ville, seront mangés par les chiens, et ceux qui mourront dans la campagne, seront mangés par les oiseaux du ciel; car l'Éternel a parlé.
12 “Kana uriwe, dzokera kumba. Panotsika tsoka yako muguta rako, mwanakomana achafa.
Quant à toi, lève-toi et regagne ta maison! comme tu mettras le pied dans la ville, l'enfant mourra.
13 Israeri yose ichamuchema igomuviga. Ndiye oga waJerobhoamu achavigwa, nokuti ndiye oga mumba maJerobhoamu aonekwa naJehovha, Mwari waIsraeri, kuti ane chakanaka maari.
Et tout Israël célébrera son deuil et lui donnera la sépulture, car seul de ceux de Jéroboam il recevra la sépulture, parce qu'il s'est trouvé en lui pour l'Éternel, Dieu d'Israël, quelque chose de bon dans la maison de Jéroboam.
14 “Jehovha achazvimutsira mambo waIsraeri achaparadza mhuri yaJerobhoamu. Nhasi ndiro zuva racho! Hongu, kana iye zvino.
Et l'Éternel se suscitera un roi dans Israël qui extirpera la maison de Jéroboam, née aujourd'hui et à naître encore.
15 Zvino Jehovha acharova Israeri, zvokuti ichaita setsanga iri kuzungunuswa mumvura. Achadzura Israeri kubva munyika yakanaka iyi yaakapa kumadzitateguru avo agovaparadzira mhiri kwoRwizi, nokuti vakaita kuti Jehovha atsamwe nehasha pavakaitira Ashera mapango.
Et l'Éternel frappera Israël [à le faire branler] comme branle le jonc dans les eaux, et arrachera Israël de ce sol excellent qu'il avait donné à leurs pères, et les dispersera par delà le Fleuve, parce qu'ils se sont fait des Astartés, provoquant l'Éternel.
16 Acharamwa Israeri nokuda kwezvivi zvakaitwa naJerobhoamu nezvaakaita kuti Israeri iite.”
Et il livrera Israël pour les péchés de Jéroboam, dont il s'est rendu coupable et où il a entraîné Israël.
17 Ipapo mukadzi waJerobhoamu akasimuka akaenda, akasvika kuTiza. Achingoti tsikei pachikumbaridzo cheimba, mwanakomana akabva afa.
Et la femme de Jéroboam se leva et partit, et gagna Thirtsa; comme elle atteignit le seuil de la maison, l'enfant mourut.
18 Vakamuviga, uye Israeri yose yakamuchema, sezvazvakanga zvarehwa naJehovha kubudikidza nomuranda wake muprofita Ahija.
Et tout Israël lui donna la sépulture et célébra son deuil, selon la parole de l'Éternel qu'il avait dite par l'organe de son serviteur Ahia, le prophète.
19 Zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaJerobhoamu, hondo dzake namatongero ake, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri.
Le reste des actes de Jéroboam, ses guerres et son règne sont d'ailleurs consignés dans le livre des annales des rois d'Israël.
20 Akatonga kwamakore makumi maviri namaviri akazorora namadzibaba ake. Nadhabhi mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Et la durée du règne de Jéroboam fut de vingt-deux ans, et il reposa à côté de ses pères, et Nadab, son fils, régna en sa place.
21 Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni akanga ari mambo munyika yeJudha. Akanga ana makore makumi mana nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe muJerusarema, guta rakanga rasarudzwa naJehovha kubva pamarudzi ose aIsraeri kuti aise Zita rake mariri. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni.
Et Roboam, fils de Salomon, régna sur Juda. Roboam, à son avènement, avait quarante-un ans, et il régna dix-sept ans à Jérusalem, la ville que l'Éternel avait choisie pour y placer son Nom, de préférence à toutes les Tribus d'Israël. Or le nom de sa mère était Naama, l'Ammonite.
22 VaJudha vakaita zvakaipa pamberi paJehovha. Vakamutsa godo rake, kupfuura zvakaitwa namadzibaba avo, nezvivi zvavakaita.
Et Juda fit ce qui est mal aux yeux de l'Éternel, et ils L'irritèrent plus que tout ce qu'avaient fait leurs pères par les péchés dont ils s'étaient rendus coupables.
23 Vakazvivakirawo nzvimbo dzakakwirira, matombo anoera namapango aAshera pazvikomo zvose zvakakwirira napasi pemiti yose mikuru.
Et ils se bâtirent, eux aussi, des tertres et des colonnes et des Astartés et des Aschères sur toute colline éminente et sous tout arbre verdoyant.
24 Kwaivawo navarume vaizviita vakadzi vavamwe varume munyika, vanhu vakaita zvose zvinonyangadza zvaiitwa nendudzi idzo dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.
Il y avait aussi des prostitués dans le pays; ils imitèrent toutes les infamies des nations que l'Éternel avait chassées devant les enfants d'Israël.
25 Mugore rechishanu raMambo Rehobhoamu, Shishaki, mambo weIjipiti, akarwisa Jerusarema.
Et la cinquième année du règne de Roboam, il arriva que Sisac, roi d'Egypte, s'avança contre Jérusalem.
26 Akatora pfuma yose yetemberi yaJehovha nepfuma yose yomuzinda wamambo. Akatora zvinhu zvose, kusanganisira nenhoo dzose dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.
Et il enleva les Trésors du Temple de l'Éternel et les trésors du palais royal, et il enleva tout et enleva tous les boucliers d'or qu'avait faits Salomon.
27 Naizvozvo Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira kuti dzitore nzvimbo yadzo uye akadzipa kuvatungamiri vavarindi vaichengeta suo romuzinda wamambo.
Et pour les remplacer le roi Roboam fit des boucliers d'airain et il les commit aux soins des chefs des coureurs qui gardaient la porte du palais du Roi.
28 Nguva dzose paienda mambo kutemberi yaJehovha, varindi vaitakura nhoo, mushure mezvo vachizodzidzosera kuimba yavarindi.
Et toutes les fois que le Roi venait au temple de l'Éternel, les coureurs les portaient; puis ils les rapportaient dans la salle des coureurs.
29 Zvino mamwe amabasa okutonga kwaRehobhoamu nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha?
Or le reste des actes de Roboam et tout ce qu'il fit, est d'ailleurs consigné dans le livre des annales des rois de Juda.
30 Rehobhoamu naJerobhoamu vaingogara vachirwisana.
Et il y eut toujours guerre entre Roboam et Jéroboam.
31 Rehobhoamu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa pavakanga vakavigwa muguta raDhavhidhi. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni. Abhija mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Et Roboam reposa à côté de ses pères et reçut la sépulture avec ses pères dans la ville de David. Or le nom de sa mère était Naama, l'Ammonite. Et Abiam, son fils, régna en sa place.

< 1 Madzimambo 14 >