< 1 Madzimambo 13 >

1 Nokuda kweshoko raJehovha munhu waMwari akabva kuJudha akauya kuBheteri, Jerobhoamu paakanga akamira pedyo nearitari ava kupirisa zvinonhuhwira.
והנה איש אלהים בא מיהודה בדבר יהוה אל בית אל וירבעם עמד על המזבח להקטיר׃
2 Akadanidzira kuaritari akati, “Iwe aritari, aritari! Zvanzi naJehovha: ‘Mwanakomana anonzi Josia achaberekwa muimba yaDhavhidhi. Vaprista vamatunhu akakwirira vari kupisira zvinonhuhwira pano zvino, achavabayira pamusoro pako, uye mapfupa avanhu achapiswa pamusoro pako.’”
ויקרא על המזבח בדבר יהוה ויאמר מזבח מזבח כה אמר יהוה הנה בן נולד לבית דוד יאשיהו שמו וזבח עליך את כהני הבמות המקטרים עליך ועצמות אדם ישרפו עליך׃
3 Musi mumwe chete iwoyo munhu waMwari akapa chiratidzo akati, “Ichi ndicho chiratidzo chataurwa naJehovha: Aritari ichatsemuka uye madota ari pamusoro payo acharasirwa pasi.”
ונתן ביום ההוא מופת לאמר זה המופת אשר דבר יהוה הנה המזבח נקרע ונשפך הדשן אשר עליו׃
4 Zvino Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvakanga zvadanidzirwa nomunhu waMwari kuaritari paBheteri, akatambanudza ruoko rwake ruchibva kuaritari akati, “Mubatei!” Asi ruoko rwaakatambanudzira kumurume uyu rwakaoma, zvokuti akatadza kurudzosa zvakare.
ויהי כשמע המלך את דבר איש האלהים אשר קרא על המזבח בבית אל וישלח ירבעם את ידו מעל המזבח לאמר תפשהו ותיבש ידו אשר שלח עליו ולא יכל להשיבה אליו׃
5 Aritariwo yakatsemuka uye madota ayo akarasikira pasi zvichienderana nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari nokuda kweshoko raJehovha.
והמזבח נקרע וישפך הדשן מן המזבח כמופת אשר נתן איש האלהים בדבר יהוה׃
6 Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, “Ndinamatirewo kuna Jehovha Mwari wako uchindinamatira kuti ruoko rwangu ruporeswe.” Naizvozvo munhu waMwari akamunamatira kuna Jehovha ruoko rwamambo rukaporeswa rukaita sezvarwakanga rwakaita pakutanga.
ויען המלך ויאמר אל איש האלהים חל נא את פני יהוה אלהיך והתפלל בעדי ותשב ידי אלי ויחל איש האלהים את פני יהוה ותשב יד המלך אליו ותהי כבראשנה׃
7 Mambo akati kumunhu waMwari, “Handei kumba kwangu undowana zvaungadya, uye ndichakupa chipo.”
וידבר המלך אל איש האלהים באה אתי הביתה וסעדה ואתנה לך מתת׃
8 Asi munhu waMwari akapindura mambo akati, “Kunyange maindipa hafu yezvose zvamunazvo, handaimboenda nemi, uye handaimbodya chingwa kana kunwa mvura kuno.
ויאמר איש האלהים אל המלך אם תתן לי את חצי ביתך לא אבא עמך ולא אכל לחם ולא אשתה מים במקום הזה׃
9 Nokuti ndakarayirwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura kana kudzoka nenzira yawabva nayo.’”
כי כן צוה אתי בדבר יהוה לאמר לא תאכל לחם ולא תשתה מים ולא תשוב בדרך אשר הלכת׃
10 Saka akaenda neimwe nzira, haana kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBheteri.
וילך בדרך אחר ולא שב בדרך אשר בא בה אל בית אל׃
11 Zvino paiva nomumwe muprofita akanga ava harahwa aigara muBheteri, vana vake vakauya vakamuudza zvose zvakanga zvaitwa nomunhu waMwari musi iwoyo muBheteri. Vakaudzawo baba vavo zvaakanga ataura kuna mambo.
ונביא אחד זקן ישב בבית אל ויבוא בנו ויספר לו את כל המעשה אשר עשה איש האלהים היום בבית אל את הדברים אשר דבר אל המלך ויספרום לאביהם׃
12 Baba vavo vakavabvunza kuti, “Aenda nenzira ipiko?” Zvino vana vake vakamuratidza nzira yakanga yaendwa nayo nomunhu waMwari aibva kuJudha.
וידבר אלהם אביהם אי זה הדרך הלך ויראו בניו את הדרך אשר הלך איש האלהים אשר בא מיהודה׃
13 Saka akati kuvana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro.” Zvino vakati vamusungirira chigaro pambongoro, akaitasva.
ויאמר אל בניו חבשו לי החמור ויחבשו לו החמור וירכב עליו׃
14 Akatevera munhu waMwari. Akamuwana agere pasi pomuti womuouki akamubvunza akati, “Ndiwe here munhu waMwari akabva kuJudha?” Akapindura akati, “Ndini.”
וילך אחרי איש האלהים וימצאהו ישב תחת האלה ויאמר אליו האתה איש האלהים אשר באת מיהודה ויאמר אני׃
15 Ipapo muprofita akati kwaari, “Handei kumba kwangu undodya.”
ויאמר אליו לך אתי הביתה ואכל לחם׃
16 Munhu waMwari akati, “Handigoni kudzoka nemi, zvakare handigoni kudya chingwa kana kunwa mvura nemi panzvimbo ino.
ויאמר לא אוכל לשוב אתך ולבוא אתך ולא אכל לחם ולא אשתה אתך מים במקום הזה׃
17 Ndakaudzwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura ikoko kana kudzoka nenzira yaunenge wauya nayo.’”
כי דבר אלי בדבר יהוה לא תאכל לחם ולא תשתה שם מים לא תשוב ללכת בדרך אשר הלכת בה׃
18 Muprofita akanga ava harahwa akapindura akati, “Neniwo ndiri muprofita sezvawakaita. Zvino mutumwa ati kwandiri neshoko raJehovha, ‘Dzoka naye kumba kwako kuitira kuti adye chingwa uye anwe mvura.’” Asi akanga achimunyepera.
ויאמר לו גם אני נביא כמוך ומלאך דבר אלי בדבר יהוה לאמר השבהו אתך אל ביתך ויאכל לחם וישת מים כחש לו׃
19 Saka munhu waMwari akadzokera naye akandodya uye akanwa mumba make.
וישב אתו ויאכל לחם בביתו וישת מים׃
20 Zvavakanga vachakagara patafura, shoko raJehovha rakauya kumuprofita akanga ava harahwa, uyo akanga amudzosa.
ויהי הם ישבים אל השלחן ויהי דבר יהוה אל הנביא אשר השיבו׃
21 Akadanidzira kumunhu waMwari akanga abva kuJudha akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Hauna kuteerera shoko raJehovha uye hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako.
ויקרא אל איש האלהים אשר בא מיהודה לאמר כה אמר יהוה יען כי מרית פי יהוה ולא שמרת את המצוה אשר צוך יהוה אלהיך׃
22 Wadzoka ukadya chingwa uye ukanwa mvura munzvimbo yaakakuudza kuti usadya kana kunwa. Naizvozvo mutumbi wako hausi kuzovigwa muguva ramadzibaba ako.’”
ותשב ותאכל לחם ותשת מים במקום אשר דבר אליך אל תאכל לחם ואל תשת מים לא תבוא נבלתך אל קבר אבתיך׃
23 Munhu waMwari paakapedza kudya nokunwa, muprofita akanga amudzosa akamusungirira chigaro pambongoro.
ויהי אחרי אכלו לחם ואחרי שתותו ויחבש לו החמור לנביא אשר השיבו׃
24 Akati ava munzira, shumba yakasangana naye panzira, ikamuuraya, mutumbi wake ukakandwa munzira, mbongoro neshumba zvikamira pauri.
וילך וימצאהו אריה בדרך וימיתהו ותהי נבלתו משלכת בדרך והחמור עמד אצלה והאריה עמד אצל הנבלה׃
25 Vamwe vanhu vaipfuura nepo vakaona mutumbi uyu wakakandwa panzira, shumba yakamira parutivi pomutumbi, vakaenda vakandozvitaura muguta maigara muprofita uya akanga ava harahwa.
והנה אנשים עברים ויראו את הנבלה משלכת בדרך ואת האריה עמד אצל הנבלה ויבאו וידברו בעיר אשר הנביא הזקן ישב בה׃
26 Muprofita akanga amudzosa parwendo rwake paakazvinzwa, akati, “Ndiye munhu waMwari asina kuteerera shoko raJehovha. Jehovha amupa kushumba, iyo yamubvambura nokumuuraya, sokumuyambira kwakanga kwaita shoko raJehovha.”
וישמע הנביא אשר השיבו מן הדרך ויאמר איש האלהים הוא אשר מרה את פי יהוה ויתנהו יהוה לאריה וישברהו וימתהו כדבר יהוה אשר דבר לו׃
27 Muprofita akati kuvanakomana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro,” ivo vakaita saizvozvo.
וידבר אל בניו לאמר חבשו לי את החמור ויחבשו׃
28 Ipapo akaenda akandoona mutumbi wakakandwa panzira, mbongoro neshumba zvakamira parutivi pawo. Shumba yakanga isina kudya mutumbi kana kubvambura mbongoro.
וילך וימצא את נבלתו משלכת בדרך וחמור והאריה עמדים אצל הנבלה לא אכל האריה את הנבלה ולא שבר את החמור׃
29 Saka muprofita akasimudza mutumbi womunhu waMwari, akauisa pamusoro pembongoro akadzoka nawo kuguta rake kuti andomuchema uye amuvige.
וישא הנביא את נבלת איש האלהים וינחהו אל החמור וישיבהו ויבא אל עיר הנביא הזקן לספד ולקברו׃
30 Akaisa mutumbi wake muguva rake, vakamuchema vakati, “Yowe-e, hama yangu!”
וינח את נבלתו בקברו ויספדו עליו הוי אחי׃
31 Mushure mokumuviga, akati kuvanakomana vake, “Kana ndafa, mundivige muguva mataviga munhu waMwari; muise mapfupa angu parutivi peake.
ויהי אחרי קברו אתו ויאמר אל בניו לאמר במותי וקברתם אתי בקבר אשר איש האלהים קבור בו אצל עצמתיו הניחו את עצמתי׃
32 Nokuti zvaakataura neshoko raJehovha pamusoro pearitari iri muBheteri napamusoro pedzimba dzose dziri panzvimbo dzakakwirira mumaguta eSamaria zvichaitika saizvozvo.”
כי היה יהיה הדבר אשר קרא בדבר יהוה על המזבח אשר בבית אל ועל כל בתי הבמות אשר בערי שמרון׃
33 Kunyange shure kwaizvozvi, Jerobhoamu haana kupinduka pamaitiro ake akaipa, asi akasarudzazve vaprista venzvimbo dzakakwirira kubva kuvanhu vakangosiyana-siyana. Munhu wose wose aida kuva muprista aigadzwa kuti ashande panzvimbo dzakakwirira.
אחר הדבר הזה לא שב ירבעם מדרכו הרעה וישב ויעש מקצות העם כהני במות החפץ ימלא את ידו ויהי כהני במות׃
34 Ichi ndicho chivi cheimba yaJerobhoamu chakaita kuti iwe uye iparare pamusoro penyika.
ויהי בדבר הזה לחטאת בית ירבעם ולהכחיד ולהשמיד מעל פני האדמה׃

< 1 Madzimambo 13 >