< 1 Madzimambo 13 >

1 Nokuda kweshoko raJehovha munhu waMwari akabva kuJudha akauya kuBheteri, Jerobhoamu paakanga akamira pedyo nearitari ava kupirisa zvinonhuhwira.
Jeroboam teh hmuitui hmaisawi hanelah khoungroe teng a kangdue navah, Cathut e tami buet touh teh Bawipa e lawk patetlah Judah ram lahoi Bethel kho vah a tho.
2 Akadanidzira kuaritari akati, “Iwe aritari, aritari! Zvanzi naJehovha: ‘Mwanakomana anonzi Josia achaberekwa muimba yaDhavhidhi. Vaprista vamatunhu akakwirira vari kupisira zvinonhuhwira pano zvino, achavabayira pamusoro pako, uye mapfupa avanhu achapiswa pamusoro pako.’”
BAWIPA e lawk patetlah khoungroe koe hram laihoi, Oe khoungroe, khoungroe, BAWIPA ni hettelah a dei. Devit imthung dawk e Josiah a min kâphung e a khe han. Nange lathueng hmuitui hmaisawi vaiteh, hmuen rasang koe vaihma thaw katawknaw hah ahni ni na lathueng thuengnae a thueng vaiteh, tami kadout e hrunaw hah hmai a sawi han ati telah ati.
3 Musi mumwe chete iwoyo munhu waMwari akapa chiratidzo akati, “Ichi ndicho chiratidzo chataurwa naJehovha: Aritari ichatsemuka uye madota ari pamusoro payo acharasirwa pasi.”
Hote hnin dawkvah, mitnoutnae a poe teh, BAWIPA ni a dei e mitnoutnae hateh, khoungroe a tip roeroe han. Khoungroe e van kaawm e hraba hah koung a yut han telah ati.
4 Zvino Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvakanga zvadanidzirwa nomunhu waMwari kuaritari paBheteri, akatambanudza ruoko rwake ruchibva kuaritari akati, “Mubatei!” Asi ruoko rwaakatambanudzira kumurume uyu rwakaoma, zvokuti akatadza kurudzosa zvakare.
Hottelah Cathut e tami ni, Bethel kho e khoungroe dawk a hram e hah Jeroboam siangpahrang ni a thai toteh, khoungroe dawk hoi a kut a kâyap teh man awh telah ati. A man nahanlah a kâyap e kut hah a kamkhuen teh a kut bout lat thai hoeh toe.
5 Aritariwo yakatsemuka uye madota ayo akarasikira pasi zvichienderana nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari nokuda kweshoko raJehovha.
Cathut e tami ni BAWIPA e a lawk a poe e patetlah mitnoutnae hoi kâvan lah khoungroe a tip teh, hraba hai khoungroe dawk hoi he a yut.
6 Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, “Ndinamatirewo kuna Jehovha Mwari wako uchindinamatira kuti ruoko rwangu ruporeswe.” Naizvozvo munhu waMwari akamunamatira kuna Jehovha ruoko rwamambo rukaporeswa rukaita sezvarwakanga rwakaita pakutanga.
Siangpahrang ni ka kut bout a dam thai nahanelah kai hane ratoum nateh, na BAWIPA Cathut e hmalah, pahrennae het haw atipouh. Cathut e tami ni BAWIPA koe a hei pouh navah, siangpahrang e kut teh bout a dam. Ahmaloe e boiboe lah bout ao.
7 Mambo akati kumunhu waMwari, “Handei kumba kwangu undowana zvaungadya, uye ndichakupa chipo.”
Siangpahrang ni Cathut e tami koe, kai koe tho nateh na thapatho, tawkphu na poe han telah atipouh.
8 Asi munhu waMwari akapindura mambo akati, “Kunyange maindipa hafu yezvose zvamunazvo, handaimboenda nemi, uye handaimbodya chingwa kana kunwa mvura kuno.
Cathut e tami ni siangpahrang koevah, na im tangawn na ka poe nakunghai nang koe ka tho mahoeh. Hete hmuen dawk vaiyei hoi tui hai ka net mahoeh.
9 Nokuti ndakarayirwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura kana kudzoka nenzira yawabva nayo.’”
BAWIPA e lawk ni vaiyei cat hanh, tui hai net hanh. Na thonae lam dawk hoi ban han telah kai koe lawk na poe toe telah siangpahrang koe a dei pouh.
10 Saka akaenda neimwe nzira, haana kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBheteri.
Bethel lam lahoi a thonae lam hah a roun teh, alouke lae lam lahoi a ban.
11 Zvino paiva nomumwe muprofita akanga ava harahwa aigara muBheteri, vana vake vakauya vakamuudza zvose zvakanga zvaitwa nomunhu waMwari musi iwoyo muBheteri. Vakaudzawo baba vavo zvaakanga ataura kuna mambo.
Hatnae tueng dawkvah, Bethel kho vah, profet matawng buet touh ao. A capanaw a tho awh teh, hot hnin vah Cathut tami ni Bethel kho a sak e pueng hah a dei pouh. Siangpahrang koe a dei pouh e hai a na pa koe a dei pouh.
12 Baba vavo vakavabvunza kuti, “Aenda nenzira ipiko?” Zvino vana vake vakamuratidza nzira yakanga yaendwa nayo nomunhu waMwari aibva kuJudha.
Judah ram lahoi ka tho e Cathut e tami teh, na lae lam dawk hoi maw a cei tie a panue awh dawkvah, a na pa ni ahni na lae lam dawk hoi maw a cei tie a pacei.
13 Saka akati kuvana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro.” Zvino vakati vamusungirira chigaro pambongoro, akaitasva.
A capanaw koe vah la hah, hni padoun haw ati e patetlah a canaw ni hni a padoun pouh teh a kâcui.
14 Akatevera munhu waMwari. Akamuwana agere pasi pomuti womuouki akamubvunza akati, “Ndiwe here munhu waMwari akabva kuJudha?” Akapindura akati, “Ndini.”
Cathut e tami hah a pâlei. Kathen e rahim a tahung e a hmu nah nang teh Judah ram lahoi na ka tho e Cathut e tami maw telah a pacei. Oe kai doeh atipouh.
15 Ipapo muprofita akati kwaari, “Handei kumba kwangu undodya.”
Profet ni kai hoi rei cei roi han, ka im totouh kâbang nateh, vaiyei hai cat loe telah a coun.
16 Munhu waMwari akati, “Handigoni kudzoka nemi, zvakare handigoni kudya chingwa kana kunwa mvura nemi panzvimbo ino.
Kai teh nang hoi rei ka cet mahoeh. Na im dawk ka kâen mahoeh. Hie hmuen dawk vaiyei ka cat mahoeh, tui hai ka net mahoeh.
17 Ndakaudzwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura ikoko kana kudzoka nenzira yaunenge wauya nayo.’”
BAWIPA ni hote a hmuen koe, vaiyei cat hanh, tui net hanh, na thonae lam dawk hoi ban hanh loe kai koe na dei pouh telah ati.
18 Muprofita akanga ava harahwa akapindura akati, “Neniwo ndiri muprofita sezvawakaita. Zvino mutumwa ati kwandiri neshoko raJehovha, ‘Dzoka naye kumba kwako kuitira kuti adye chingwa uye anwe mvura.’” Asi akanga achimunyepera.
Profet ni kai hai nang patetlah profet lah ka o. Nang teh vaiyei na ca vaiteh, tui na nei sak nahanelah nang ka im dawk na coun nahanelah, kalvantami ni BAWIPA e a lawk lahoi na dei pouh toe telah laithoe sin teh a dei pouh.
19 Saka munhu waMwari akadzokera naye akandodya uye akanwa mumba make.
Cathut e tami teh, profet hoi a ban roi teh, a im dawk vaiyei a ca teh tui hai a nei.
20 Zvavakanga vachakagara patafura, shoko raJehovha rakauya kumuprofita akanga ava harahwa, uyo akanga amudzosa.
Caboi dawk rei a tahung roi nah, ka ban khai e profet koevah, BAWIPA e lawk a pha.
21 Akadanidzira kumunhu waMwari akanga abva kuJudha akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Hauna kuteerera shoko raJehovha uye hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako.
Judah ram lahoi ka tho e Cathut e tami koe BAWIPA ni hettelah a dei. BAWIPA e lawk dei e na tarawi hoeh. BAWIPA Cathut e kâpoe e na ngai hoeh.
22 Wadzoka ukadya chingwa uye ukanwa mvura munzvimbo yaakakuudza kuti usadya kana kunwa. Naizvozvo mutumbi wako hausi kuzovigwa muguva ramadzibaba ako.’”
Hie hmuen koe vaiyei cat hanh, tui net hanh telah lawk na poe e hmuen koe vaiyei na ca teh, tui na nei dawkvah, na ro heh na mintoenaw e tangkom koe phat mahoeh telah a pâpho.
23 Munhu waMwari paakapedza kudya nokunwa, muprofita akanga amudzosa akamusungirira chigaro pambongoro.
Vaiyei hoi tui a canei hnukkhu, hote profet ni ka ban e profet hanelah amae la hah hni a padoun pouh teh a cei sak.
24 Akati ava munzira, shumba yakasangana naye panzira, ikamuuraya, mutumbi wake ukakandwa munzira, mbongoro neshumba zvikamira pauri.
Lam vah Sendek a kâhmo teh, a kei. A ro teh lam dawk a yan. Sendek hoi la teh a teng vah a kangdue.
25 Vamwe vanhu vaipfuura nepo vakaona mutumbi uyu wakakandwa panzira, shumba yakamira parutivi pomutumbi, vakaenda vakandozvitaura muguta maigara muprofita uya akanga ava harahwa.
A ro teh lam dawk a yan teh Sendek hoi la teh a teng vah a kangdue pouh e kahlawng ka cet e ni a hmu nah, ka matawng e profet koe a cei teh a dei pouh.
26 Muprofita akanga amudzosa parwendo rwake paakazvinzwa, akati, “Ndiye munhu waMwari asina kuteerera shoko raJehovha. Jehovha amupa kushumba, iyo yamubvambura nokumuuraya, sokumuyambira kwakanga kwaita shoko raJehovha.”
La hoi ka bankhai e profet ni hote lawk a thai toteh, Cathut e tami BAWIPA e lawk ka ngai hoeh e han doeh. Hatdawkvah, BAWIPA ni ahni koe a dei pouh e a lawk patetlah BAWIPA ni Sendek koe a poe teh, vekrasen lah a hruek, a thei tayaw telah ati.
27 Muprofita akati kuvanakomana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro,” ivo vakaita saizvozvo.
A capanaw koe la hni na padoun pouh awh atipouh e patetlah a padoun pouh awh.
28 Ipapo akaenda akandoona mutumbi wakakandwa panzira, mbongoro neshumba zvakamira parutivi pawo. Shumba yakanga isina kudya mutumbi kana kubvambura mbongoro.
A cei teh lam dawk ka yan e a ro hoi a teng kangdout e sendek hah a hmu. Sendek ni a ro la cat hoeh rah. La hai runae poe hoeh rah.
29 Saka muprofita akasimudza mutumbi womunhu waMwari, akauisa pamusoro pembongoro akadzoka nawo kuguta rake kuti andomuchema uye amuvige.
Profet ni Cathut e tami e a ro hah a kayo teh la van a phu teh a bankhai. Profet matawng a onae kho dawk khuikakhai teh, pakawp hanelah a ma kho lah a ceikhai.
30 Akaisa mutumbi wake muguva rake, vakamuchema vakati, “Yowe-e, hama yangu!”
A ro teh amae tangkom dawk a pakawp teh, Oe ka nawngha telah a khuikakhai awh.
31 Mushure mokumuviga, akati kuvanakomana vake, “Kana ndafa, mundivige muguva mataviga munhu waMwari; muise mapfupa angu parutivi peake.
A pakawp hnukkhu a canaw koevah, ka due toteh Cathut e tami pakawpnae tangkom dawk na pakawp awh. A hru teng vah kaie hru hai tat awh.
32 Nokuti zvaakataura neshoko raJehovha pamusoro pearitari iri muBheteri napamusoro pedzimba dzose dziri panzvimbo dzakakwirira mumaguta eSamaria zvichaitika saizvozvo.”
Bethel kho khoungroe hoi Samaria kho ram dawk e hmuenrasang koe sak e imnaw a vang lah Cathut e a lawk patetlah ka hram e lawk teh a kuep katang han telah ati.
33 Kunyange shure kwaizvozvi, Jerobhoamu haana kupinduka pamaitiro ake akaipa, asi akasarudzazve vaprista venzvimbo dzakakwirira kubva kuvanhu vakangosiyana-siyana. Munhu wose wose aida kuva muprista aigadzwa kuti ashande panzvimbo dzakakwirira.
Hathnukkhu Jeroboam ni amae lamthung kahawihoehe roun hoeh. Hmuenrasang koe tami rumramnaw vaihmanaw lah bout a hruek. Vaihma tawk hane ka ngai e pueng a tawmrasang teh, ahnimouh teh hmuenrasang koe vaihma lah ao awh.
34 Ichi ndicho chivi cheimba yaJerobhoamu chakaita kuti iwe uye iparare pamusoro penyika.
Hottelah a sak dawkvah, Jeroboam catoun hah talai dawk hoi koung ka mit sak hane hoi kong ka raphoenae yon teh a pha.

< 1 Madzimambo 13 >