< 1 Madzimambo 11 >

1 Zvisinei, Mambo Soromoni akada vakadzi vazhinji vamamwe marudzi pamwe chete nomwanasikana waFaro, wechiMoabhu, vechiAmoni, vechiEdhomu, vechiSidhoni nevechiHiti.
King Solomon loved many foreign women. Besides Pharaoh's daughter, there were women from the Moabites, Ammonites, Edomites, Sidonians, and Hittites.
2 Vaiva vamarudzi ayo akanga anzi naJehovha kuvana vaIsraeri, “Musaroorerane navo nokuti vachapindura mwoyo yenyu ikatevera vamwari vavo.” Zvakadaro, Soromoni akanamatira kwavari murudo.
They were from the nations that the Lord had warned the Israelites, “You must not intermarry with them, for they will undoubtedly convince you to worship their gods.” Yet Solomon because of his love for women held on to them.
3 Aiva navakadzi mazana manomwe, vanasikana vamadzimambo, navamwe varongo mazana matatu; vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake.
He had seven hundred wives of noble birth and three hundred concubines. His wives did convince him to turn away from the Lord.
4 Zvino Soromoni akati akwegura, vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake akatevera vamwe vamwari, uye mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake.
As Solomon grew old, his wives led him to follow other gods, and he did not commit himself wholeheartedly to the Lord as his father David had done.
5 Akatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni.
Solomon worshiped Ashtoreth, goddess of the Sidonians, and Molech, vile god of the Ammonites.
6 Saka Soromoni akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutevera Jehovha zvizere sezvakanga zvaitwa naDhavhidhi baba vake.
This was how Solomon did evil in the Lord's sight, and was not completely dedicated to the Lord as his father David was.
7 Pagomo riri kumabvazuva kweJerusarema, Soromoni akavakira Kemoshi, mwari anonyangadza wavaMoabhu nzvimbo yakakwirira, akavakirawo Moreki, mwari anonyangadza wavaAmoni.
It was then that Solomon built a high place of worship for Chemosh, the vile god of the people of Moab, and for Molech, the vile god of the Ammonites, on a hill east of Jerusalem.
8 Akaitira vakadzi vake vose vaibva kuna mamwe marudzi zvimwe chetezvo, ivo vaipisa zvinonhuhwira nokubayira zvibayiro kuna vamwari vavo.
He built places of worship for all his foreign wives where they burned incense and sacrificed to their gods.
9 Jehovha akatsamwira Soromoni nokuti mwoyo wake wakanga watsauka kubva kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo akanga azviratidza kwaari kaviri.
The Lord became angry with Solomon because he had turned away from the Lord, the God of Israel, who had appeared to him twice.
10 Kunyange akanga adzivisa Soromoni kutevera vamwe vamwari, Soromoni haana kuchengeta murayiro waJehovha.
The Lord had warned Solomon about this—that he should not worship other gods. But Solomon did not listen to the Lord's warning.
11 Saka Jehovha akati kuna Soromoni, “Sezvo aya ari iwo mafungiro ako uye usina kuchengeta sungano yangu nemitemo yangu yandakakurayira, zvirokwazvo ndichabvarura umambo uhu ndichihubvisa kwauri ndigohupa kuno mumwe wavaranda vako.
So the Lord told him, “Since this is what you have done, and since you have not kept my agreement and my laws that I commanded, I will definitely take the kingdom away from you and give it to your servant.
12 Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi baba vako, handisi kuzozviita uchiri mupenyu. Ndichahubvisa kubva muruoko rwomwanakomana wako.
However, for the sake of your father David, I will not do this in your lifetime—I will take it away from your son.
13 Zvakadaro hazvo, handizobvisi umambo hwose, kubva kwaari, asi ndichamupa rudzi rumwe chete nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu uye nokuda kweJerusarema, randakasarudza.”
Even then I will not take away the whole kingdom. I will leave your son with one tribe for the sake of my servant David, and for the sake of my chosen city Jerusalem.”
14 Ipapo Jehovha akamutsa Hadhadhi muEdhomu, weimba youmambo yeEdhomu kuti arwise Soromoni.
Then the Lord encouraged Hadad the Edomite of Edom's royal family to oppose Solomon.
15 Dhavhidhi panguva yaakanga achirwa neEdhomu, Joabhu, mutungamiri wehondo, uyo akanga aenda kundoviga vakanga vafa, akauraya varume vose muEdhomu.
Previously, when David was in Edom, Joab the commander of the Israelite army had gone to bury some of his soldiers who had been killed, and had slaughtered every male in Edom.
16 Joabhu navaIsraeri vose vakagarako kwemwedzi mitanhatu, kusvikira vauraya varume vose muEdhomu.
Joab and the whole Israelite army had spent six months there destroying them all.
17 Asi Hadhadhi, uyo akanga achiri mukomana, akatizira kuIjipiti namamwe machinda echiEdhomu aimboshandira baba vake.
But Hadad and some Edomites who had been his father's officials had run away to Egypt—Hadad was just a boy at the time.
18 Vakasimuka vachibva kuMidhiani vakaenda kuParani. Ipapo vakatora vamwe varume vokuParani vakaenda pamwe chete kuIjipiti, kuna mambo Faro weIjipiti, uyo akapa Hadhadhi imba nomunda, akamupawo zvokudya.
They left Midian and went to Paran. Then, along with some people from Paran, they went to Egypt, to Pharaoh king of Egypt. He provided Hadad with a house and food, and also assigned him land as a gift.
19 Faro akafadzwa naHadhadhi zvokuti akamupa muramu wake, mununʼuna wavahosi vake Tapenesi, kuti ave mukadzi wake.
Pharaoh became very friendly with Hadad, and he gave him the sister of his own wife to marry, Queen Tahpenes' sister.
20 Mununʼuna waTapenesi uyu akamuberekera mwanakomana anonzi Genubhati, akakurira mumuzinda wamambo. Imomo, Genubhati akagara pamwe chete navana vaFaro.
She gave birth to his son called Genubath. Tahpenes brought him up in Pharaoh's palace with Pharaoh's own children.
21 Ari muIjipiti, Hadhadhi akanzwa kuti Dhavhidhi akanga azorora namadzibaba ake uye kuti Joabhu mutungamiri wehondo akanga afawo. Ipapo Hadhadhi akati kuna Faro, “Chindiregai ndiende hangu, ndidzokere kunyika yangu.”
However, when news reached Hadad in Egypt that both David and Joab, the commander of the army, had died, Hadad said to Pharaoh, “Let me leave and return to my own country.”
22 Faro akamubvunza akati, “Washayeiko kuno zvowoda kudzokera kunyika yako?” Hadhadhi akapindura akati, “Hapana, asi regai ndiende zvangu!”
Pharaoh asked him, “Is there anything that you have lacked here with me that now you want to go back to your own country?” “No, there's nothing,” Hadad replied, “but please just let me go home.”
23 Mwari akamutsira Soromoni mumwe muvengi, Rezoni, mwanakomana waEriadha, akanga atiza kubva kuna tenzi wake Hadhadhezeri mambo weZobha.
God also encouraged Rezon, son of Eliada, to oppose Solomon. He had run away from his master Hadadezer, king of Zobah. After David had destroyed Zobah's army,
24 Akazviunganidzira varume akabva ava mutungamiri wechikwata chavapanduki panguva yakaparadzwa mauto okuZobha naDhavhidhi; vapanduki ava vakaenda kuDhamasiko, kwavakagara uye vakatonga.
Rezon gathered around him a rebel band, and became their leader. They went and settled in Damascus, where they took over.
25 Rezoni akava muvengi weIsraeri kwoupenyu hwaSoromoni hwose, akapamhidzira padambudziko raikonzerwa naHadhadhi. Rezoni akatonga muAramu uye akanga achivenga Israeri.
Rezon was Israel's enemy throughout Solomon's lifetime which added to the trouble Hadad caused. Rezon really hated Israel, and was the ruler of Aram.
26 Jerobhoamu mwanakomana waNebhati akapandukirawo mambo. Aiva mumwe wamachinda aSoromoni, ari worudzi rwaEfuremu wokuZaredha, uye mai vake vainzi Zeruya vari chirikadzi.
In addition, Jeroboam, son of Nebat, rebelled against the king. One of Solomon's officials, he was an Ephraimite from Zeredah. His mother was a widow called Zeruah.
27 Heino nhoroondo yokupandukira mambo kwaakaita: Soromoni akavaka Miro, akagadzira pakanga paputsika murusvingo rweguta rababa vake Dhavhidhi.
This is why he rebelled against the king: Solomon had built the terraces and had closed the gap in the wall of the city of his father David.
28 Zvino Jerobhoamu aiva murume wesimba noumhare, uye Soromoni akaona kuti jaya iri raishanda kwazvo akabva amuita mutariri wavashandi vose veimba yaJosefa.
Jeroboam was a man of ability, and when Solomon realized how successful he was in what he did, he placed him command of all the forced labor of the tribes of Joseph.
29 Zvino panguva iyoyo Jerobhoamu akati achibva muJerusarema, Ahija muprofita wokuShiro akasangana naye panzira, akapfeka jasi idzva nomucheka. Vaviri ava vaiva voga kusango,
Around that time the prophet Ahijah the Shilonite met Jeroboam on the road as he was leaving Jerusalem.
30 ipapo Ahija akatora jasi idzva romucheka raakanga akapfeka akaribvarura-bvarura kuita zvipenga gumi nezviviri.
Ahijah had wrapped himself in a new cloak, and the two of them were by themselves in the countryside. Ahijah took the new cloak he was wearing and ripped it up into twelve pieces.
31 Ipapo akati kuna Jerobhoamu, “Zvitorere zvipenga gumi, nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Tarira, ndichabvarura umambo kubva muruoko rwaSoromoni ndigokupa marudzi gumi.
He said, “Jeroboam, take ten pieces. This is what the Lord God of Israel says. ‘Jeroboam, I am the Lord, the God of Israel, and I am going to take Solomon's kingdom from him and give you ten of the tribes.
32 Asi nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi neguta reJerusarema, randakasarudza kubva pamarudzi ose aIsraeri, achava norudzi rumwe chete.
One tribe will be left for the sake of my servant David and for the sake of Jerusalem, the city I chose from among all the tribes of Israel.
33 Ndichaita izvi nokuti vakandirasa vakanamata Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, Kemoshi, mwari wavaMoabhu, naMoreki, mwari wavaAmoni, uye havana kufamba munzira dzangu, kana kuita zvakarurama pamberi pangu, kana kuchengeta mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaitwa naDhavhidhi, baba vaSoromoni.
This is because they have abandoned me and bowed down in worship of Ashtoreth, goddess of the Sidonians, Chemosh, god of the Moabites, and Molech, god of the Ammonites. They have not followed my ways; they have not done what is right in my sight; they have not kept my commandments and laws as David, Solomon's father, did.
34 “‘Asi handizobvisi umambo hwose kubva muruoko rwaSoromoni; ndamuita mutongi mazuva ose oupenyu hwake nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, wandakasarudza, akachengeta mirayiro yangu nemitemo yangu.
Even so, I'm not going to take the whole kingdom from Solomon, because I made him ruler for his lifetime for the sake of my servant David. I chose him because he kept my commandments and laws.
35 Ndichatora umambo kubva mumaoko omwanakomana wake ndigokupa marudzi gumi.
But I will take from his son's kingdom ten tribes and give them to you.
36 Ndichapa mwanakomana wake rudzi rumwe chete kuitira kuti Dhavhidhi muranda wangu arambe ane mwenje nguva dzose pamberi pangu muJerusarema, guta randakasarudza kuisa Zita rangu.
I will give his son one tribe, so that my servant David will always have a descendant like a lamp before me in Jerusalem, the city where I chose to be honored.
37 Zvisinei, kana uri iwe, ndichakutora, uye uchatonga pamusoro pezvose zvinodiwa nomwoyo wako; uchava mambo weIsraeri.
I will take you, and you shall reign over everything that you want. You will be king over Israel.
38 Kana ukaita chipi nechipi chandicharayira uye ukafamba munzira dzangu ukaita zvakarurama pamberi pangu uye ukachengeta mitemo nemirayiro yangu, sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ndichava newe. Ndichakuvakira imba seyandakavakira Dhavhidhi uye ndichakupa Israeri.
If you accept everything that I command you, if you follow my ways, if you do what is right in my sight, keeping my laws and commandments as my servant David did, then I will be with you. I will set up for you a dynasty that lasts, just as I did for David, and I will give Israel to you.
39 Ndichatambudza vana vaDhavhidhi nokuda kwenyaya iyi, asi kwete nokusingaperi.’”
I will punish David's descendants because of this, but not forever.”
40 Soromoni akaedza kuuraya Jerobhoamu, asi Jerobhoamu akatizira kuIjipiti, kuna mambo Shishaki, akagarako kusvikira Soromoni afa.
So Solomon tried to kill Jeroboam. But Jeroboam ran away to Egypt, to Shishak king of Egypt. He remained there until Solomon's death.
41 Zvino mamwe mabasa aSoromoni, nezvose zvaakaita nouchenjeri hwake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzaSoromoni?
The record of the rest of the acts of Solomon, including everything he did, and his wisdom, are written in the Book of the Acts of Solomon.
42 Soromoni akatonga Israeri yose muJerusarema kwamakore makumi mana.
Solomon reigned in Jerusalem over all of Israel for a total of forty years.
43 Ipapo akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Ipapo Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Solomon died and was buried in the city of his father David. His son Rehoboam succeeded him as king.

< 1 Madzimambo 11 >