< 1 Madzimambo 1 >

1 Mambo Dhavhidhi akanga akwegura, ava namakore mazhinji, asi akanga asingadziyirwi kunyange vaimufukidza namagumbeze.
Le roi David était vieux, chargé de jours; on l’enveloppait de vêtements, sans qu’il en fût réchauffé.
2 Naizvozvo, varanda vake vakati kwaari, “Ngatitsvakirei mambo wedu mhandara kuti imushandire nokumuchengeta. Acharara padivi pake kuti ishe mambo wedu adziyirwe.”
Ses serviteurs lui dirent: "Que l’on cherche, pour mon seigneur le roi, une jeune fille vierge, qui se tiendra devant le roi, et aura soin de lui; elle reposera dans tes bras, et la chaleur reviendra à mon seigneur le roi."
3 Naizvozvo, vakatsvaka musikana akanaka munyika yose yeIsraeri, vakawana Abhishagi, muShunami, vakauya naye kuna mambo.
On chercha une belle jeune fille dans tout le territoire d’Israël; on trouva Abisag, la Sunamite, et on l’amena au roi.
4 Musikana uyu akanga akanaka kwazvo; uye akachengeta mambo akamushandira, asi mambo haana kurara naye somukadzi wake.
Or, la jeune fille était fort belle. Elle devint la garde du roi et elle le servit; mais le roi n’eut pas commerce avec elle.
5 Zvino Adhoniya, uyo aiva namai vainzi Hagiti, akazvisimudzira akati, “Ini ndichava mambo.” Naizvozvo, akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza navarume makumi mashanu kuti vamhanye pamberi pake.
Adonias, fils de Hagghit, laissait percer son ambition en disant: "C’Est moi qui serai roi." Il se procura un char et des écuyers, se faisant précéder de cinquante coureurs.
6 Baba vake vakanga vasina kana kumbomutsiura paupenyu hwake hwose vachiti, “Ko, izvi nezvizvi wazviitirei?” Akanga ari murume akanaka pachiso chake uye ndiye aitevera Abhusaromu pakuberekwa.
Jamais son père ne l’avait contrarié en disant: "Pourquoi agis-tu ainsi?" Il était d’ailleurs d’une grande beauté, et il était venu au monde après Absalon.
7 Adhoniya akarangana naJoabhu, mwanakomana waZeruya, naAbhiatari muprista uye vakamutsigira.
Il eut des pourparlers avec Joab, fils de Cerouya, et le pontife Ebiathar, qui se rallièrent à son parti.
8 Asi Zadhoki muprista, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, Natani muprofita, Shimei, naRei, namauto apamusoro aDhavhidhi, havana kutevera Adhoniya.
Pour le pontife Çadok, Benaïahou, fils de Joïada, le prophète Nathan, Séméi et Réi, et les vaillants de David, ils ne suivirent point Adonias.
9 Adhoniya akabayira makwai, mombe nemhuru dzakakodzwa paDombo reZohereti, pedyo nepaEnirogeri. Akakoka vakoma navanunʼuna vake vose, vanakomana vamambo, navarume vose veJudha vaiva vakuru vakuru,
Adonias fit égorger des pièces de menu et de gros bétail et des animaux engraissés, près de la pierre de Zohéleth, qui est à côté d’En-Roghel; il convia tous ses frères, les fils du roi, et tous les Judaïtes, serviteurs du roi.
10 asi haana kukoka Natani muprofita, kana Bhenaya, kana mauto apamusoro, kana Soromoni mununʼuna wake.
Mais Nathan le prophète, Benaïahou, les Vaillants, et Salomon, son frère, il ne les convia point.
11 Ipapo Natani akabvunza Bhatishebha, mai vaSoromoni akati, “Hauna kunzwa here kuti Adhoniya, mwanakomana waHagiti, atova mambo ishe wedu Dhavhidhi asingazvizivi?
Nathan dit à Bethsabée, mère de Salomon: "N’As-tu pas ouï dire qu’Adonias, fils de Hagghit, s’est fait roi? Notre maître David l’ignore.
12 Zvino chirega ndikubayire zanhi kuti uponese upenyu hwako noupenyu hwomwanakomana wako Soromoni.
Eh bien! Écoute, je veux te donner un conseil, et tu sauveras ta vie et celle de ton fils Salomon.
13 Chitoenda izvozvi kuna mambo Dhavhidhi unoti kwaari, ‘Ishe wangu mambo, hamuna kupikira ini murandakadzi wenyu here muchiti, “Zvirokwazvo Soromoni mwanakomana wako ndiye achanditevera paumambo, uye ndiye achagara pachigaro changu choushe?” Zvino Adhoniya ava mambo sei?’
Va, entre chez le roi David, et dis-lui: "N’Est-il pas vrai, seigneur, que tu as juré à ta servante en disant: Certes, Salomon, ton fils, régnera après moi, c’est lui qui sera assis sur mon trône? Pourquoi donc Adonias règne-t-il?"
14 Zvino iwe paunenge uchiri kutaura namambo, ini ndichapindawo ndichisimbisa zvaunenge wataura.”
Or, tandis que tu seras en train de parler ainsi au roi, moi, j’entrerai sur tes pas et je confirmerai tes paroles."
15 Naizvozvo, Bhatishebha akaenda kundoona mambo mumba make. Mambo akanga akwegura kwazvo, uye Abhishagi muShunami akanga achimushandira.
Bethsabée alla trouver le roi dans sa chambre. (Le roi était fort âgé, et Abisag, la Sunamite, le servait.)
16 Bhatishebha akakotama, akapfugama pamberi pamambo. Mambo akati, “Unodeiko?”
Bethsabée s’inclina et se prosterna devant le roi, qui lui dit: "Que veux-tu?"
17 Iye akati kwaari, “Ishe wangu, makapikira muranda wenyu naJehovha Mwari wenyu mukati, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achatevera paumambo, ndiye achagara pachigaro changu choushe.’
Elle lui répondit: "Seigneur, tu as juré à ta servante par l’Eternel, ton Dieu, en disant: Salomon, ton fils, régnera après moi, et c’est lui qui sera assis sur mon trône.
18 Asi zvino Adhoniya ava mambo, kunyange imi musingazvizivi.
Et maintenant, voici qu’Adonias règne et, à l’heure présente, seigneur, tu l’ignores!
19 Abayira mombe dzakawanda, mhuru dzakakodzwa, namakwai, uye akoka vanakomana vose vamambo, Abhiatari muprista naJoabhu mutungamiri wamauto, asi haana kukoka Soromoni muranda wenyu.
Il a tué une grande quantité de bœufs, de bêtes grasses, de menu bétail, et il a convié tous les fils du roi, Ebiathar, le pontife, Joab, le général d’armée; et Salomon, ton serviteur, il ne l’a pas convié.
20 Zvino ishe wangu mambo, meso eIsraeri yose akatarisa kwamuri, kuti muvaudze kuti ndiani achagara pachigaro choushe chaishe wangu mambo, mushure make.
Quant à toi, seigneur, les yeux de tout Israël sont fixés sur toi, pour que tu lui déclares qui succèdera sur le trône à mon seigneur le roi.
21 Kana musina kudaro, kana ishe wangu mambo aradzikwa namadzibaba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichanzi tine mhosva.”
Et il arrivera, lorsque mon seigneur le roi sera allé reposer avec ses pères, que moi et mon fils Salomon nous serons traités de rebelles."
22 Achiri kutaura namambo, Natani muprofita akabva asvika.
Elle parlait encore au roi, lorsque parut Nathan, le prophète.
23 Zvino vakaudza mambo kuti, “Natani muprofita ari pano.” Naizvozvo akaenda pamberi pamambo, akakotamisa uso hwake pasi.
On l’annonça au roi, disant: "Voici Nathan, le prophète." Il entra en présence du roi et se prosterna devant lui, la face contre terre.
24 Natani akati, “Ishe wangu, mambo wangu, mareva here kuti Adhoniya ndiye achava mambo mushure menyu, uye kuti ndiye achagara pachigaro chenyu choushe?
Et il dit: "Est-ce toi, mon seigneur le roi, qui as dit: Adonias régnera après moi, et c’est lui qui s’assiéra sur mon trône?
25 Nhasi aburuka akandobayira mombe dzakawanda, mhuru dzakakodzwa, namakwai. Akoka vanakomana vose vamambo, vatungamiri vamauto naAbhiatari muprista. Izvozvi vari kudya nokunwa naye vachiti, ‘Mambo Adhoniya ngaararame makore akawanda!’
De fait, il est descendu aujourd’hui tuer des bœufs, des bêtes engraissées et des brebis en quantité; il a invité tous les fils du roi, les chefs de l’armée, le prêtre Ebiathar; et voici qu’ils mangent et boivent en sa présence, criant: "Vive le roi Adonias!"
26 Asi haana kukoka ini muranda wenyu naZadhoki muprista, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni.
Pour moi moi ton serviteur et le pontife Çadok, et Benaïahou, fils de Joïada, et ton serviteur Salomon, il ne nous a pas invités.
27 Izvi ndizvo here zvaitwa naishe wangu mambo vasina kuudza varanda vavo kuti ndiani achagara pachigaro choushe chaishe mambo wangu mushure mavo.”
Est-ce au nom de mon maître le roi qu’a eu lieu une telle chose, et sans que tu aies fait connaître à ton serviteur celui qui succèdera sur le trône au roi mon maître?"
28 Ipapo Mambo Dhavhidhi akati, “Ndidanirei Bhatishebha.” Naizvozvo iye akauya kuna mambo akamira pamberi pake.
Le roi David dit alors: "Faites venir Bethsabée." Elle entra chez le roi et se tint debout devant lui.
29 Zvino mambo akapika akati, “NaJehovha mupenyu, uyo akandinunura pamatambudziko ose,
Et le roi jura en ces termes: "Par le Dieu vivant, qui a sauvé ma vie de tout danger!
30 zvirokwazvo, nhasi ndichazadzisa zvandakakupikira naJehovha, Mwari waIsraeri kuti, ‘Mwanakomana wako Soromoni achanditevera paumambo, uye achagara pachigaro changu choushe panzvimbo pangu.’”
comme je t’ai juré par l’Eternel, Dieu d’Israël, en disant que Salomon, ton fils, régnera après moi, et qu’il me remplacera sur le trône, ainsi ferai-je aujourd’hui."
31 Ipapo Bhatishebha akakotama pasi nechiso chake akapfugamira mambo akati, “Ishe wangu, Mambo Dhavhidhi, ngaararame nokusingaperi!”
Bethsabée s’inclina, la face contre terre, et se prosterna aux pieds du roi, en disant: "Vive à jamais le roi David, mon seigneur!"
32 Mambo Dhavhidhi akati, “Ndidanirei Zadhoki muprista, Natani muprofita naBhenaya mwanakomana waJehoyadha.” Vakati vauya pamberi pamambo,
Puis le roi David dit: "Appelez-moi le pontife Çadok, le prophète Nathan et Benaïahou, fils de Joïada." Et ils vinrent devant le roi,
33 akati kwavari, “Endai navaranda vaishe, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu panyurusi rangu chairo mugoenda naye zasi kuGihoni.
qui leur dit: "Faites-vous accompagner par les serviteurs de votre maître; vous ferez monter Salomon, mon fils, sur ma propre mule, et vous le conduirez vers le Ghihôn.
34 Ikoko, Zadhoki muprista naNatani muprofita ngavamuzodze kuti ave mambo weIsraeri. Muridze hwamanda mugodanidzira muchiti, ‘Mambo Soromoni ngaararame makore akawanda!’
Là, Çadok, le pontife, et Nathan, le prophète, le sacreront roi d’Israël; vous sonnerez du cor et vous direz: "Vive le roi Salomon!"
35 Zvino imi muchauya muchimutevera, kuti iye auye azogara pachigaro changu choushe, nokuti achava mambo panzvimbo pangu, uye ndamugadza kuti ave mutongi weIsraeri neJudha.”
Vous remonterez à sa suite, et il ira s’asseoir sur mon trône; c’est lui qui doit régner à ma place, et c’est lui que j’ai institué chef d’Israël et de Juda."
36 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akapindura mambo akati, “Ameni! Jehovha, Mwari waishe mambo wangu, ngaadarowo!
Benaïahou, fils de Joïada, répondit au roi: "Amen! Soit ainsi voulu par l’Eternel, Dieu du roi mon maître!
37 Jehovha sezvaaiva naishe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, aite kuti chigaro chake choushe chive chikuru kupfuura chigaro choushe chaishe wangu Mambo Dhavhidhi!”
Comme l’Eternel a été avec le roi mon maître, ainsi soit-il avec Salomon, et puisse-t-il rendre son trône encore plus grand que celui de mon seigneur le roi David!"
38 Naizvozvo Zadhoki muprista, Natani muprofita, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, vaKereti navaPereti vakadzika, vakatasvisa Soromoni panyurusi raMambo Dhavhidhi, vakamutungamirira kuenda kuGihoni.
Le pontife Çadok, le prophète Nathan et Benaîahou, fils de Joïada, descendirent, avec les Kerythi et Pelêthi, firent monter Salomon sur la mule du roi David, et le conduisirent vers le Ghihôn.
39 Zadhoki muprista akatora gonamombe ramafuta mutende akazodza Soromoni. Ipapo vakaridza hwamanda vanhu vose vakadanidzira vachiti, “Mambo Soromoni ngaararame makore akawanda!”
Le pontife Çadok, avec le cornet d’huile qu’il avait pris dans la Tente, oignit Salomon; on sonna du cor, et tout le peuple dit: "Vive le roi Salomon!"
40 Zvino vanhu vose vakamutevera vachiridza mabhosvo vachipembera zvikuru zvokuti pasi pakatinhira noruzha rwavo.
Et tout le peuple monta à sa suite, faisant résonner les flûtes, se livrant à une grande allégresse; leurs cris ébranlaient la terre.
41 Adhoniya navose vaakanga akoka, vaakanga anavo, vakazvinzwa pavakanga vopedza kudya, Joabhu akati achinzwa ruzha rwehwamanda, akabvunza, akati, “Mheremhere yose iyi muguta ndeyeiko?”
Adonias et tous ses convives, qui achevaient de manger, l’entendirent; et Joab, en percevant le son du cor, demanda: "D’Où vient ce bruit de la ville en émoi?"
42 Achiri kutaura kudaro, Jonatani, mwanakomana waAbhiatari muprista, akasvika. Adhoniya akati, “Pinda! Murume akatendeka sewe anofanira kunge achiuya namashoko akanaka.”
Il parlait encore, lorsqu’il vit venir Jonathan, fils du prêtre Ebiathar. "Viens, dit Adonias, car tu es un vaillant homme et porteur de bonnes nouvelles."
43 Jonatani akapindura akati, “Kwete, kwete! Ishe wedu Mambo Dhavhidhi agadza Soromoni paumambo.
Jonathan répondit à Adonias: "En vérité, le roi David, notre maître, a donné la royauté à Salomon.
44 Mambo amutuma naZadhoki muprista, Natani muprofita, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, vaKereti navaPereti, uye vamutasvisa nyurusi ramambo,
Il a envoyé, pour l’accompagner, le pontife Çadok, le prophète Nathan, Benaïahou, fils de Joïada, les Kerêthi et Pelêthi, et on l’a fait monter sur la mule du roi.
45 uye Zadhoki muprista naNatani muprofita vamuzodza kuti ave mambo paGihoni. Vabva ikoko vachipembera, zvokuti guta rose rangova zhowezhowe. Ndiyo mheremhere yamuri kunzwa.
Et le pontife Çadok et le prophète Nathan lui ont donné l’onction royale près du Ghihôn, et ils sont revenus de là tout joyeux, et la cité est pleine d’émoi. De là le bruit que vous avez entendu.
46 Pamusoro paizvozvo, Soromoni agara pachigaro choushe.
De plus, Salomon s’est assis sur le trône royal.
47 Uyezve, machinda amambo auya kuzokorokotedza ishe wedu Mambo Dhavhidhi achiti, ‘Mwari wenyu ngaaite kuti zita raSoromoni rive nomukurumbira kupfuura renyu, uye chigaro chake choushe ngachive chakakura kupfuura chenyu!’ Zvino mambo akotama pamubhedha pake akanamata,
Bien mieux, les serviteurs du roi sont venus féliciter notre maître, le roi David, en disant: "Puisse le Seigneur rendre le nom de Salomon plus illustre encore que ton nom, et son trône plus grand que le tien!" Et le roi s’est prosterné sur sa couche.
48 akati, ‘Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe, iye anditendera kuti ndione mumwe wavana vangu achigara pachigaro changu choushe nhasi.’”
Puis il s’est exprimé ainsi: Béni soit l’Eternel, Dieu d’Israël, qui a donné aujourd’hui un occupant à mon trône et m’en a rendu témoin!"
49 Zvino vose vakanga vakokwa naAdhoniya vakabatwa nokutya vakasimuka vakati uyu ananga kwake, uyu ananga kwake.
Saisis d’effroi, tous les invités d’Adonias se levèrent et se dirigèrent chacun de son côté.
50 Asi Adhoniya akatya Soromoni, akasimuka akaenda kundobata nyanga dzearitari.
Pour Adonias, craignant Salomon, il se leva également et alla embrasser les cornes de l’autel.
51 Soromoni akaudzwa kuti, “Tarirai, Adhoniya ari kutya Mambo uye atobata nyanga dzearitari achiti, ‘Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi kuti haasi kuzouraya muranda wake nomunondo.’”
Salomon en fut informé en ces termes: "Voici, Adonias a pris peur du roi Salomon, il est allé saisir les cornes de l’autel et a dit: Que le roi Salomon m’affirme sous serment aujourd’hui qu’il ne fera point périr son serviteur par le glaive!"
52 Zvino Soromoni akati, “Kana akazova munhu kwaye, hakuna rubvudzi rwomusoro wake ruchawira pasi; asi zvakaipa zvikawanikwa maari, achafa.”
Salomon dit alors: "S’Il se conduit en homme de bien, pas un de ses cheveux ne tombera à terre; mais si un acte pervers lui est imputable, il mourra."
53 Ipapo Mambo Soromoni akatuma varume vakandouya naye kubva paaritari. Zvino Adhoniya akauya akakotamira Mambo Soromoni, Soromoni akati kwaari, “Enda kumba kwako.”
Le roi Salomon envoya des gens, qui le firent descendre de l’autel, et il vint se prosterner devant le roi Salomon, qui lui dit: "Rentre en ta demeure."

< 1 Madzimambo 1 >