< 1 Johani 5 >
1 Mumwe nomumwe anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari, uye mumwe nomumwe anoda baba anodawo mwana wavo.
gwam niwo ne bilingke kiritti co Almaciya bo bowe na kwama ce dila gwam niwo cwi tee con cwi bi bwe tee bowe
2 Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari: kana tichida Mwari uye tichiita mirayiro yake.
kambo nyo nyimom nyo cwi bi bei kwama ki kwama nyo cwi kwama dila nyo ma nanger kercer
3 Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi,
wuro co cwika kwama, coki bi bwangten dircero dige biyeu dir cero kebo wuro na wo a tubinen tiye.
4 nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu.
gwam niwo na bor kwama ce ki bi cwome ri ki man caka kababo nyo kange kala? wo co caka kaba wo cam kale na bilinge kebe
5 Ndianiko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.
we niwuro fiyam caka kaba kange kale? kan co ni wuro ne bilingke ki kiritti bi bwe kwama,
6 Uyu ndiye akauya nemvura neropa, Jesu Kristu. Haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Uye Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi.
won co wuro wo mwor mwenge kange bwiyale
7 Nokuti kune zvitatu zvinopupura zvinoti:
dige bwiye kangem bo wi nyo ta'ar wuro ne bilingke
8 Mweya, mvura, neropa; uye zvitatu izvi zvinotenderana.
yuwa, kange mwem, kange bwiyale wuro nyo taare ker ciyero win
9 Tinogamuchira uchapupu hwavanhu, asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari, hwaakapa pamusoro poMwanakomana wake.
no bin yo ker niber, ker kwama lakidwiyika. wo co ker kwamaro na tok ker dor bi bwece
10 Munhu mumwe nomumwe anotenda muMwanakomana waMwari ano uchapupu uhu mumwoyo make. Munhu mumwe nomumwe asingatendi Mwari, akabva amuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwaMwari kwaakaita pamusoro poMwanakomana wake.
wo ne bilingre kange bi bwe kwama kero wi wari kange kwama co tok bo ki ni cwer ke, nebo bilingke ki ker kwama tok dor bibwece
11 Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. (aiōnios )
wuro co kero, kwama nebo dume wo man ki dika dume wuro wi mwor bibwe ce (aiōnios )
12 Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
gwam niwo ki bwe, wi ki dume
13 Ndanyora izvi kwamuri imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuitira kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi. (aiōnios )
mi mulang kumen wuro na kom nyimom kom wi ki dume manki dika wi kumen nubo buro bilangke ki de kwama (aiōnios )
14 Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa.
wuro co kero kibi kwan bi cuko kabum ceme dila tano nonye bilingke cwika cerer atin nebo
15 Uye kana tichiziva kuti anotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tava nazvo zvatakumbira kwaari.
nyo tok, no bin nyimom co nuwa bo tiri, gwam nobo kinong diger ci mendi bin nyimom gwam dige wuro bi kinong ci mene
16 Kana munhu akaona hama yake ichiita chivi chisingaurayisi, anofanira kunyengetera uye Mwari achamupa upenyu. Ndinoreva vaya vane chivi chisingaurayisi. Pane chivi chinourayisa. Handirevi kuti anyengetere pamusoro pacho.
no ni kange to yice woma bwirangka lobo bworo ceri ca kwab ci nen dulo, kwama atin neco dume mir nun nubo buro kero bwir wo labo bware, bwirang kero kange wo bou ti ki bware mi tok bo mi ca kwab dulo curo nin
17 Kuita chakaipa kwose chivi, uye pane chivi chisingaurayisi.
gwam dige yorbe, bwirarke dila bwirangke kange wi wo laubo bware
18 Tinoziva kuti mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi; uyo akaberekwa naMwari anomuchengeta zvakanaka, uye akaipa haagoni kumukuvadza.
nyon nyimom nubo bu bo bowe wuro mwor kwama mani ma bwiranre la wuro ci bo wi mwor kwama, yatin cu kom co ni bwirko wo mani ca ma ci nen digerti
19 Tinoziva kuti tiri vana vaMwari, uye kuti nyika yose iri pasi powakaipa.
bin nyimom bi na kwama ce, bin nyimom gwang digero ki no kange bwirko wuro
20 Tinozivawo kuti Mwanakomana waMwari akauya akatipa kunzwisisa, kuitira kuti timuzive iye wechokwadi. Uye tiri maari iye wechokwadi, kunyange muMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi. (aiōnios )
la bin nyimom bi bwe kwama bo, la con ne fwetangka na bi nyimom wuro co na bilingka ce nyo tok bi ki no wuro na bilingkece yila mwor bi bwece kiritti Almaciya. co ki kwama na biling kece, kange na dume ce diiri (aiōnios )
21 Vana vanodikanwa, ibvai pazvifananidzo.
bibeiyo kom ciyare ki dor ki kume maka fulen.