< 1 Johani 3 >
1 Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.
Glejte, koliko ljubezen nam je dal oče, da se imenujemo otroci Božji. Zato nas svet ne spoznava, ker ni njega spoznal.
2 Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari.
Ljubljeni, sedaj smo otroci Božji; in ni se še pokazalo, kaj bodemo; vemo pa, da, kader se pokaže, bodemo njemu enaki, ker ga bodemo videli, kakor je.
3 Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena.
In vsak, kdor ima upanje to v njega, posvečuje se, kakor je on svet.
4 Munhu wose anotadza anodarika murayiro, zvechokwadi, chivi ndiko kudarika murayiro.
Vsak, kdor dela greh, dela tudi krivico; in greh je krivica.
5 Asi munoziva kuti iye akaonekwa kuitira kuti abvise zvivi zvedu. Uye maari hamuna chivi.
In veste, da se je on prikazal, da vzame grehe naše; in greha ni v njem.
6 Hakuna munhu anogara maari anoramba achingotadza. Hakuna munhu anoramba achitadza, kana akamuona kana kuti akamuziva.
Vsak, kdor v njem ostane, ne greši; vsak, kdor greši, ni ga videl, in ni ga spoznal.
7 Vana vanodiwa, musarega munhu upi zvake achikutsausai. Uyo anoita zvakanaka, akarurama, saiye akarurama.
Otročiči, nihče naj vas ne slepi; kdor dela pravico, je pravičen, kakor je on pravičen.
8 Uyo anoita zvakaipa ndowadhiabhori, nokuti dhiabhori akanga achingotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaonekwa nokuda kwaizvozvi kuti aparadze basa radhiabhori.
Kdor dela greh, je iz hudiča; ker hudič greši od začetka. Za to se je prikazal sin Božji, da razdene dela hudičeva.
9 Hakuna munhu akaberekwa naMwari anoramba achiita chivi, nokuti mbeu yaMwari inogara maari; haangarambi achingotadza, nokuti akaberekwa naMwari.
Vsak, kdor je rojen iz Boga, ne dela greha, ker seme njegovo ostaja v njem; in grešiti ne more, ker je rojen iz Boga.
10 Ndiwo maziviro edu kuti vana vaMwari ndevapi uye kuti vana vadhiabhori ndevapi: Ani naani asingaiti zvakarurama haasi mwana waMwari; uyewo uyo asingadi hama yake.
V tem so očitni otroci Božji in otroci hudičevi. Vsak, kdor ne dela pravice, ni iz Boga, in kdor ne ljubi brata svojega.
11 Iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga: Tinofanira kudanana.
Kajti to je oznanilo, katero ste slišali od začetka, da se ljubímo med seboj;
12 Musaita saKaini, akanga ari wowakaipa uye akaponda mununʼuna wake. Uye akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa uye omununʼuna wake akanga akarurama.
Ne kakor je bil Kajn iz hudobnega in je ubil brata svojega; in za kaj ga je ubil? Ker so bila hudobna dela njegova, dela pa brata njegovega pravična.
13 Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
Ne čudite se, bratje moji, če vas svet sovraži.
14 Tinoziva kuti takabva murufu tikaenda muupenyu, nokuti tinoda hama dzedu. Ani naani asingadi anogara murufu.
Mi vemo, da smo prešli iz smrti v življenje, ker ljubimo brate; kdor ne ljubi brata, ostaja v smrti.
15 Ani naani anovenga hama yake imhondi, uye munoziva kuti hakuna mhondi ino upenyu husingaperi mairi. (aiōnios )
Vsak, kdor sovraži brata svojega, je ljudomorec; in veste, da noben ljudomorec nima večnega življenja, ki bi ostalo v njem. (aiōnios )
16 Aya ndiwo maziviro edu kuti rudo rwakadini: Jesu Kristu akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Uye isu tinofanira kupa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu.
V tem smo spoznali ljubezen, da je on dal dušo svojo za nas; tudi mi moramo dati duše za brate.
17 Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko?
Kdor pa ima živež sveta, in gleda brata svojega, ki ima potrebo, in zapre osrčje svoje pred njim, kako ostane ljubezen Božja v njem?
18 Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi.
Otročiči moji, ne ljubimo z besedo, ne z jezikom, nego v dejanji in resnici.
19 Zvino, ndiwo maziviro edu kuti tiri vechokwadi, uye kuti mwoyo yedu inozorora sei pamberi pake
In v tem spoznavamo, da smo iz resnice, in pred njim bodemo pregovorili srca svoja;
20 pose patinopiwa mhosva nemwoyo yedu. Nokuti Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu, uye anoziva zvinhu zvose.
Kajti če nas srce obsoja, ker je Bog večji od srca našega, pozna tudi vse.
21 Shamwari dzinodikanwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tinako kuvimba pamberi paMwari
Ljubljeni, če nas srce naše ne obsoja, imamo zaupanje do Boga,
22 uye tinogamuchira kubva kwaari zvose zvatinokumbira, nokuti tinoteerera mirayiro yake uye tinoita zvinomufadza.
In karkoli prosimo, dobimo od njega, ker držimo zapovedi njegove, in delamo, kar mu je po volji.
23 Uye uyu ndiwo murayiro wake: kutenda muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye nokuda mumwe nomumwe wedu sezvaakatirayira.
In ta je zapoved njegova, da verujmo v ime sina njegovega, Jezusa Kristusa, in ljubimo se med seboj, kakor nam je dal zapoved.
24 Avo vanoteerera mirayiro yake vanogara maari, naiye mavari. Uye izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti iye anogara matiri: Tinozviziva noMweya waakatipa.
In kdor drži zapovedi njegove, ostane v njem, in on v njem. In v tem spoznavamo, da ostaja v nas, iz Duha, katerega nam je dal.