< 1 VaKorinde 1 >

1 Pauro, akadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave mupostori waKristu Jesu, naSositeni hama yedu,
Paul, called an apostle of Jesus Christ through the will of God, and brother Sosthenes,
2 kukereke yaMwari iri muKorinde, kuna vaya vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu uye vakadanwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vari kwose kwose vanodana kuzita raIshe wedu Jesu Kristu, Ishe wavo nowedu:
to the church of God being in Corinth, to the sanctified in Christ Jesus, to the called saints, along with all who call upon the name of our Lord Jesus Christ in every place, theirs and ours:
3 Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu.
Grace to you and peace from God our Father and the Lord Jesus Christ.
4 Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyasha dzake pamusoro penyu muna Kristu Jesu.
I give thanks to my God always in your behalf, for the grace of God given unto you in Christ Jesus;
5 Nokuti maari makapfumiswa pazvinhu zvose, mukutaura kwenyu kwose uye nomuruzivo rwenyu rwose,
because in everything you are enriched in him, in all speech and in all knowledge;
6 nokuti uchapupu hwedu pamusoro paKristu hwakasimbiswa mamuri.
as the testimony of Christ is confirmed in you;
7 Naizvozvo hapana kana chipo chomweya chamunoshayiwa pamunomirira nomwoyo wose kuratidzwa kwaIshe wedu Jesu Kristu.
so that you are deficient in no spiritual gift; awaiting the revelation of our Lord Jesus Christ;
8 Achakusimbisai kusvikira kumagumo, kuti murege kuva nechamungapomerwa pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.
who will also establish you unblamable unto the end in the day of our Lord Jesus Christ.
9 Mwari, iye akakudanai kuti muwadzane noMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu, akatendeka.
God is faithful, through whom you have been called unto the fellowship of His Son our Lord Jesus Christ.
10 Ndinokukumbirai zvikuru, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu parege kuva nokupesana uye kuti mubatanidzwe zvakanaka pamurangariro mumwe nomukufunga.
But I exhort you, brethren, through the name of our Lord Jesus Christ, that you may all speak the same things, and that there may be no schisms among you; but you may be perfected in the same mind and in the same disposition.
11 Hama dzangu, vamwe venyu vokwaKirowe vakandiudza kuti pane gakava pakati penyu.
For it has been revealed to me concerning you, my brethren, by those who are of the house of Chloe, that there are contentions among you.
12 Zvandinoreva ndezvokuti: Mumwe wenyu anoti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe oti, “Ini ndiri waAporosi,” mumwewo oti, “Ini ndiri waKefasi,” mumwe zvakare oti, “Ini ndiri waKristu.”
And I say this, that each one says, I indeed am of Paul; and I of Apollos; and I of Cephas; and I of Christ.
13 Kristu akaparadzaniswa here? Pauro akarovererwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Makabhabhatidzwa muzita raPauro here?
Is Christ divided? was Paul crucified for you? or were you baptized in the name of Paul?
14 Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza kana mumwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo,
I thank God that I baptized none of you, except Crispus and Gaius;
15 kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoti akabhabhatidzwa muzita rangu.
in order that no one may say that you are baptized in my name.
16 Hongu, ndakabhabhatidzawo veimba yaStefanasi; kunze kwaivavo, handirangariri kana ndakabhabhatidzazve mumwe munhu.
But I baptized also the family of Stephanas: besides, I know not if I baptized any other.
17 Nokuti Kristu haana kundituma kuti ndinobhabhatidza asi kuti ndinoparidza vhangeri, kwete namashoko ouchenjeri hwavanhu, kuti muchinjikwa waKristu urege kupedzwa simba rawo.
For Christ sent me not to baptize, but to preach the gospel: not with the wisdom of speech, in order that the cross of Christ may not be made of none effect.
18 Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.
For the word of the cross is foolishness indeed to those who are lost; but to those who are saved it is the power of God.
19 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera; ndichakonesa kuziva kwavanoziva.”
For it has been written, I will destroy the wisdom of the wise, and bring to nought the understanding of the intelligent.
20 Akachenjera aripiko? Akadzidza aripiko? Muiti wenharo wenguva ino aripiko? Ko, Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? (aiōn g165)
Where is the wise man? where is the scribe? where is the investigator of this age? has not God rendered the wisdom of the world foolishness? (aiōn g165)
21 Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa.
For since in the wisdom of God the world by wisdom knew not God, God was pleased through the foolishness of preaching to save those who believe.
22 VaJudha vanoda zviratidzo uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri,
Since indeed the Jews ask for miracles, and the Greeks seek after wisdom;
23 asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi.
but we preach Christ having been crucified, to the Jews indeed a stumbling block, and to the Gentiles foolishness;
24 Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari.
but to you who are called, both Jews and Greeks, Christ the power of God, and the wisdom of God.
25 Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu.
Because the foolishness of God is wiser than men, and the weakness of God is stronger than men.
26 Hama dzangu, rangarirai zvamakanga muri pamakadanwa. Havazi vazhinji venyu vaiva namasimba; havasi vazhinji vaikudzwa pakuzvarwa kwavo.
For you see your calling, brethren, that there are not many wise according to the flesh, not many influential, not many high-born:
27 Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba zvenyika ino kuti anyadzise vane simba.
but God has chosen the foolish things of the world, that he may confound the wise; and God has chosen the weak things of the world, that he may confound the strong;
28 Akasarudza zvinhu zvepasi pasi zvenyika ino uye zvakazvidzwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise simba zvinhu zviripo,
and God has chosen the base-born of the world, and those of no reputation, the things which are not, that He may set at nought the things which are,
29 kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake.
in order that no flesh can boast in the sight of God.
30 Nokuda kwake, imi muri muna Kristu Jesu, uyo akava kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, iko kururama, noutsvene uye norudzikinuro rwedu.
But of him are ye in Christ Jesus, who of God was made unto us wisdom, and righteousness and sanctification, and redemption:
31 Naizvozvo, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Anozvikudza ngaazvikudze muna She.”
in order that, as it has been written, Let him that glorieth glory in the Lord.

< 1 VaKorinde 1 >