< 1 VaKorinde 7 >

1 Zvino pamusoro pezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kuti munhu arege kuwana mukadzi.
Zvino maererano nezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kumunhu kuti asabata mukadzi.
2 Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake.
Asi nekuda kweupombwe, umwe neumwe ngaave nemukadzi wake pachake, nemukadzi umwe neumwe ngaave nemurume wake pachake.
3 Murume ngaape mukadzi wake zvakafanira, uye nomukadzi adarowo kumurume wake.
Murume ngaaripire mukadzi chido chakafanira; nemukadzi saizvozvowo kumurume.
4 Muviri womukadzi hauzi wake oga asi kuti ndewomurume wakewo. Zvimwe chetezvo, muviri womurume hauzi wake oga asi kuti ndewomukadzi wakewo.
Mukadzi haana simba pamusoro pemuviri wake pachake, asi murume; uye saizvozvowo murume haana simba pamusoro pemuviri wake pachake, asi mukadzi.
5 Musanyimana, kunze kwokunge matenderana uye kwenguva duku, kuti mumbova nenguva yokunyengetera. Mushure mezvo mosanganazve kuitira kuti Satani arege kukuedzai pakusazvidzora kwenyu.
Musanyimana, kunze kwekutenderana kwechinguva, kuti muzvipe kukutsanya nekunyengetera, mugosanganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusazvidzora kwenyu.
6 Ndinotaura izvi ndichikutenderai, kwete somurayiro.
Asi ndinotaura izvi nemvumo, kwete nemurairo.
7 Ndinoshuva kuti dai vanhu vose vakaita seni. Asi munhu mumwe nomumwe ane chipo chake chaakapiwa naMwari; mumwe ane chipo ichi mumwe ane icho.
Nokuti ndinoda kuti dai vanhu vese vava seni; asi umwe neumwe ane chipo chake pachake chinobva kuna Mwari, umwe chakadai, umwewo chakadai.
8 Zvino kune vasina kuwana nechirikadzi ndinoti: Zvakanaka kwavari kuti vasawana, sezvandiri.
Asi ndinoti kune vasina kuwana nekuchirikadzi: Zvakanaka kwavari kana vachigara seniwo.
9 Asi kana vasingagoni kuzvidzora, vanofanira kuwana, nokuti zviri nani kuwana pane kutsva.
Asi kana vasina kuzvidzora, ngavawane; nokuti zviri nani kuwana pakutsva.
10 Kuna vakawana ndinopa murayiro uyu (kwete ini, asi Ishe): Mukadzi ngaarege kuparadzana nomurume wake.
Zvino kune vakawana ndinoraira, kwete ini, asi Ishe, kuti mukadzi arege kuparadzana nemurume.
11 Asi kana akabva, ngaarege kuzowanikwazve, kana kuti ngaayanane nomurume wake. Uye murume haafaniri kuramba mukadzi wake.
Asi kana iye achiparadzana naye, ngaarambe asina kuwanikwa, kana ayananiswe nemurume, nemurume ngaarege kurasa mukadzi.
12 Kuna vamwe vose ndinoti (ini kwete Ishe): Kana hama ino mukadzi asingatendi uye mukadzi achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba.
Zvino kune vamwe ndini ndinotaura, kwete Ishe: Kana hama ipi ine mukadzi asingatendi, uye iye achifara kugara naye, ngaarege kumurasa.
13 Uye kana mukadzi ane murume asingatendi uye murume achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba.
Nemukadzi ane murume asingatendi, uye iye achida hake kugara naye, ngaarege kumusiya.
14 Nokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene nokuda kwomukadzi wake, uye mukadzi asingatendi anoitwa mutsvene kubudikidza nomurume wake anotenda. Vana venyu vaizova netsvina, asi zvino vava vatsvene.
Nokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene nemukadzi, nemukadzi asingatendi anoitwa mutsvene nemurume. Kana zvisina kudaro vana venyu vaiva netsvina, asi zvino vatsvene.
15 Asi kana asingatendi akaenda, murege aende hake. Murume kana mukadzi anotenda haana kusungwa pakadai; Mwari akatidana kuti tigare murugare.
Zvino kana asingatendi achizviparadzanisa, ngaazviparadzanise; hamarume kana hamakadzi haisungwi pane zvakadaro; asi Mwari wakatidanira murugare.
16 Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko, kana uchaponesa murume wako? Kana, kuti iwe murume unoziva seiko, kana uchaponesa mukadzi wako?
Nokuti unoziva nei, mukadzi, kana uchaponesa murume? Kana unoziva nei, murume, kana uchaponesa mukadzi?
17 Zvisinei hazvo, mumwe nomumwe ngaararame upenyu hwaakagoverwa naIshe uye hwaakadanirwa naMwari. Izvi ndizvo zvandinorayira mukereke yose.
Chete Mwari sezvaakagovera kune umwe neumwe, Ishe sezvaakadana umwe neumwe, ngaafambe saizvozvo. Saizvozvowo ndinoraira pamakereke ese.
18 Ko, murume akadanwa atodzingiswa kare here? Ngaarege kuitwa asina kudzingiswa. Ko, murume akadanwa asina kudzingiswa here? Ngaarege kudzingiswa.
Kune wakadanwa adzingiswa here? Ngaarege kuva asakadzingiswa. Kune wakadanwa asakadzingiswa here? Ngaaarege kudzingiswa.
19 Kudzingiswa hakuzi chinhu uye kusadzingiswa hakuzi chinhu. Asi kuchengeta mirayiro yaMwari ndiko kunokosha.
Dzingiso hachisi chinhu, nekusadzingiswa hachisi chinhu, asi kuchengetwa kwemirairo yaMwari.
20 Mumwe nomumwe ngaagare ari zvaakanga ari paakadanwa naMwari.
Umwe neumwe ngaagare mukudanwa kwaakadanwa makuri.
21 Wakanga uri muranda here pawakadanwa? Ngazvirege kukudya mwoyo; kunyange zvakadaro, kana uchigona kuva wakasununguka, ita saizvozvo.
Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya moyo; asiwo kana ungasunungurwa, zviri nani uzvishandise.
22 Nokuti uyo akadanwa naShe ari muranda, ava akasununguka muna She; zvimwe chetezvo, uyo akanga akasununguka paakadanwa ava muranda waKristu.
Nokuti uyo wakadanwa muna Ishe ari nhapwa, wava musunungurwa waIshe; saizvozvowo uyo wakadanwa akasununguka, wava nhapwa yaKristu.
23 Makatengwa nomutengo; musava varanda vavanhu.
Makatengwa nemutengo; musava varanda vevanhu.
24 Hama, mumwe nomumwe, ngaarambe ari paakadanwa naMwari ari.
Umwe neumwe zvaakadanirwa, hama, ngaagare pazviri anaMwari.
25 Zvino pamusoro pemhandara: Handina murayiro unobva kuna Ishe, asi ndinokuudzai somunhu akapiwa ngoni naShe kuti ave akatendeka.
Asi maererano nemhandara handina murairo waIshe; asi ndinopa maonero angu sewakawana tsitsi naIshe kuva wakatendeka.
26 Nokuda kwenhamo yazvino, ndinofunga kuti zvakanaka kuti munhu agare akadaro.
Naizvozvo ndinofunga kuti izvi zvakanaka nekuda kwematambudziko aripo, kuti zvakanakira munhu kuti adai.
27 Wakawana here? Usatsvaka kurambana. Hauna kuwana here? Usatsvaka mukadzi.
Wakasungirirwa kumukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa kubva kumukadzi here? Usatsvaka mukadzi.
28 Asi kana ukawana, hauna kutadza; asi kana mhandara ikawanikwa haina kutadza. Asi vaya vachawana vachasangana namatambudziko mazhinji muupenyu uye ini handidi kuti musangane nawo.
Asi zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai.
29 Zvandinoreva hama dzangu, ndezvokuti nguva ipfupi. Kubva zvino zvichienda mberi vana vakadzi ngavararame savasina;
Asi ndinozvitaura izvi, hama, kuti nguva ipfupi; kubva ikozvino nevane vakadzi ngavave sevasina;
30 vaya vanochema, savasingachemi; vanofara savasingafari; vanotenga chinhu, sokunonzi hachizi chavo;
nevanochema, sevasingachemi; nevanofara, sevasingafari; nevanotenga, sevasina chinhu;
31 navaya vane zvinhu zvenyika ino, savasingabatiriri pazviri. Nokuti nyika ino sezvairi nhasi ichapfuura.
nevanoshandisa nyika ino, sevasingaishandisi kwazvo; nokuti chimiro chenyika ino chinopfuura.
32 Ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Murume asina kuwana anofunga zvaShe, kuti angafadza Ishe sei.
Asi ndinoda kuti murege kuva nekufunganya. Asina kuwana anofunganya zvinhu zvaIshe, kuti angafadza Ishe sei;
33 Asi murume akawana anofunga pamusoro pezvinhu zvenyika ino, kuti angafadza mukadzi wake sei,
asi wakawana anofunganya zvinhu zvenyika, kuti angafadza mukadzi sei.
34 uye zvaanoda zvakapatsanurwa. Mukadzi asina kuwanikwa kana mhandara anofunga nezvaShe: Chinangwa ndechokuzvipira kuna She panyama napamweya. Asi mukadzi akawanikwa anofunga zvenyika ino kuti angafadza murume wake sei.
Mukadzi wakasiyaniswa nemhandara. Asina kuwanikwa anofunganya zvinhu zvaIshe, kuti ave mutsvene zvese pamuviri nepamweya; asi uyo wakawanikwa anofunganya zvinhu zvenyika, kuti angafadza murume sei.
35 Ndiri kutaura izvi kuti zvikubatsirei, kwete kuti ndikudzivisei, asi kuti murarame munzira yakarurama muchizvipira kuna She zvizere.
Izvi ndinotaurira rubatsiro rwenyu pachenyu; kwete kuti ndikande musungo pamusoro penyu, asi zvakafanira nekunamatira pana Ishe musingapinganidzwi.
36 Kana mumwe achifunga kuti ava kuita zvisina kunaka kumhandara yaakatsidzira, uye kana ava namakore akafanira kana achida kumuwana, ngaaite zvaanoda. Haasi kutadza. Vanofanira kuwanana.
Asi kana umwe achifunga kuti anozvibata zvisakafanira kumhandara yake, iyo yakurisa, uye zvakafanira kuti zviitike saizvozvo, ngaaite zvaanoda, haatadzi; ngavawanane.
37 Asi uyo munhu anenge azvifunga mupfungwa dzake, asina zvinomumanikidza iye kana achizvidzora, uye kana akatema mumwoyo make kuti haadi kuwana mhandara iyi, murume uyu aitawo chinhu chakanaka.
Asi anomira akasimba mumoyo, asingamanikidzwi chinhu, uye ane simba pamusoro pechido chake pachake, akatema izvi mumoyo make kuti achachengeta mhandara yake, anoita zvakanaka.
38 Saka naizvozvo, uyo anowana mhandara iyi anoitawo zvakanaka, asi uyo asingawani anoita chinhu chakatonakisa.
Naizvozvowo uyo anowananisa anoita zvakanaka; asi asingawananisi anoita zviri nani.
39 Mukadzi akasungwa nomurayiro kumurume wake kana achiri mupenyu. Asi kana murume wake akafa, asununguka kuti awanikwe nomurume waanoda, asi anofanira kuva muna She.
Mukadzi wakasungwa nemurairo nguva dzese murume wake achirarama; asi kana murume wake afa, wasununguka kuwanikwa newaanoda, muna Ishe chete.
40 Asi mukuona kwangu, angatonyanya kufara kana akagara akadaro, uye ndinofunga kuti neniwo ndino Mweya waMwari.
Asi anganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu; uye ndinofunga kuti neni ndine Mweya waMwari.

< 1 VaKorinde 7 >