< 1 VaKorinde 4 >

1 Saka naizvozvo, vanhu vanofanira kutiona savaranda vaKristu uye savaya vakaitwa vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.
People ought to regard us as servants of Christ and stewards of the mysteries of God.
2 Zvino zvakafanira kuti vaya vakapiwa utariri vave vakatendeka.
Now it is required of stewards that they be found faithful.
3 Chinhu chiduku duku kwandiri kana ndichitongwa nemi kana dare ripi zvaro romunhu; zvirokwazvo handizvitongi pachangu.
But for me it is a very small thing if I am judged by you, or by any human court. Indeed, I do not even judge myself.
4 Hana yangu yakachena, asi izvi hazviiti kuti ndive munhu akarurama. Ishe ndiye anonditonga.
For I am conscious of nothing against myself, yet I am not thereby acquitted; but he who judges me is the Lord.
5 Naizvozvo, regai kutonga chinhu nguva isati yasvika; chimbomirai kusvikira Ishe auya. Achaisa pachena zvakavanzwa murima uye acharatidza mifungo yemwoyo yavanhu. Panguva iyoyo mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.
So then, do not judge anything before the appointed time. Wait until the Lord comes, who will bring to light what is hidden in darkness and reveal the intentions of the heart. At that time each person will receive his praise from God.
6 Zvino, hama dzangu, ndakaita zvinhu izvi kuupenyu hwangu uye nokuna Aporosi nokuda kwenyu, kuitira kuti mudzidze kubva kwatiri zvinoreva chirevo chokuti, “Usaita zvinopfuura zvakanyorwa.” Ipapo hamungazvikudzi pamusoro pomumwe munhu muchimuenzanisa nomumwe.
Now, brothers, I have applied these things to myself and Apollos for your sake, so that through us you may learn not to think beyond what is written, so that you may not be puffed up, with each one of you supporting one man against another.
7 Nokuti ndianiko akakutsaura iwe kubva kuno mumwe? Chiiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, seiko uchizvikudza sousina kupiwa?
For who regards yoʋ as superior? What do yoʋ have that yoʋ did not receive? And if yoʋ received it, why do yoʋ boast as though yoʋ did not receive it?
8 Matova nezvose zvamunoda kare! Makatopfumiswa kare! Mava madzimambo, uye isu tisipo! Ndinoshuva sei kuti dai makava madzimambo kuitira kuti tigova madzimambo pamwe chete nemi!
You are already full! You have already become rich! You have begun to reign without us! And how I wish that you really were reigning, so that we could reign with you!
9 Nokuti ini ndinoona kuti Mwari akatigadza kuti tive vapostori vanoonekwa pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu. Takaitwa chiseko kunyika yose, kuvatumwa uyewo nokuvanhu.
For I think that God has put us apostles on display at the end of the procession, as sentenced to death, because we have become a spectacle to the world, both to angels and men.
10 Tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera kwazvo muna Kristu! Isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba! Munokudzwa, isu tinozvidzwa!
We are fools for the sake of Christ, but you are wise in Christ. We are weak, but you are strong. You are esteemed, but we are dishonored.
11 Kusvikira panguva ino isu tine nzara, uye tine nyota, takapfeka mamvemve, tinorohwa zvakaoma kwazvo, hatina pokugara.
To the present hour we hunger and thirst; we are poorly clothed and beaten down, with no home of our own.
12 Tinoshanda nesimba namaoko edu. Kana tikatukwa tinoropafadza; kana tichitambudzwa, tinotsungirira;
We labor, working with our own hands. When we are reviled, we bless; when we are persecuted, we endure;
13 kana tichipomerwa mhosva, tinopindura zvinyoronyoro. Kusvikira panguva ino takaitwa setsvina yenyika, marara enyika.
when we are slandered, we encourage. We have become like the refuse of the world, the scum of all things, even to this present time.
14 Handisi kukunyorerai izvi kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikuyambirei, savana vangu vandinoda.
I am not writing this to shame you, but rather I am admonishing you as my beloved children.
15 Kunyange zvazvo mune vachengeti vanosvika zviuru gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji, nokuti muna Kristu Jesu ndakava baba venyu kubudikidza nevhangeri.
For even if you had ten thousand guardians in Christ, you would not have many fathers. For in Christ Jesus I became a father to you through the gospel.
16 Naizvozvo ndinokukumbirai zvikuru kuti muve vateveri vangu.
Therefore I urge you to be imitators of me.
17 Nokuda kwechikonzero ichi ndatuma Timoti kwamuri, mwana wangu wandinoda, akatendeka muna She. Achakuyeuchidzai mararamiro angu muna Kristu Jesu, zvinoenderana nezvandinodzidzisa kwose kwose mukereke dzose.
That is why I have sent you Timothy, who is my beloved and faithful child in the Lord. He will remind you of my ways in Christ, just as I teach them everywhere in every church.
18 Vamwe venyu vava kuzvikudza, sokunonzi handisi kuzouya kwamuri.
But some of you have become puffed up, as though I were not coming to you.
19 Asi ndichauya kwamuri nokukurumidza, kana Ishe achida, uye handizotsvaki chete kuti vanhu ava vanozvikudza vari kutaura sei, asi kutiwo vane simba rakadii.
But I will come to you soon, if the Lord wills, and I will find out not the talk of those who have become puffed up, but their power.
20 Nokuti umambo hwaMwari hahuzi pakutaura bedzi asi pasimba.
For the kingdom of God is demonstrated not by talk but by power.
21 Munodeiko? Ndiuye kwamuri neshamhu here, kana norudo uye nomweya wounyoro?
What do you prefer? Shall I come to you with a rod, or with love and a spirit of gentleness?

< 1 VaKorinde 4 >