< 1 VaKorinde 3 >

1 Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu.
Brothers, I was not able to address you as spiritual, but as fleshly, as infants in Christ.
2 Ndakakupai mukaka, kwete zvokudya zvikukutu, nokuti makanga musingagoni kudya. Zvirokwazvo, hamusati mava kugona kudya nazvino.
I gave you milk and not solid food, because you were not ready yet. Alas, you are still not ready,
3 Nokuti muchiri venyama. Nokuti sezvo pakati penyu pachine godo negakava, ko, hamusi venyika here? Ko, hamusi kufamba savanhuwo zvavo here?
because you are still fleshly! For since there is envy, strife and divisions among you, are you not carnal and acting like ordinary people?
4 Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe achiti, “Ini ndiri waAporosi,” ko, hamusi vanhuwo zvavo here?
For when one says, “I am of Paul,” and another, “I am of Apollos,” are you not carnal?
5 Aporosi chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe.
Who then is Paul, who is Apollos, but ministers through whom you believed, as the Lord has given to each one?
6 Ini ndakasima, Aporosi akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa.
I planted, Apollos watered, but God keeps making it grow.
7 Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu.
So then neither he who plants is anything, nor he who waters, but God who makes it grow.
8 Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake.
Now he who plants and he who waters are at one, but each will receive his own reward according to his own labor.
9 Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
Yes, we are God's coworkers; you are God's ‘field’, God's ‘building’.
10 Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo.
According to the grace of God that was given to me, as a wise master builder I have laid a foundation, while another builds on it. But let each one be careful how he builds;
11 Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu.
for no one can lay any foundation other than what is laid, which is Jesus Christ.
12 Zvino kana munhu achivaka panheyo iyi achishandisa goridhe, kana sirivha kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga,
Now if anyone builds on this foundation with gold, silver, precious stones, wood, hay, straw,
13 basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe.
the work of each will become evident; because the Day will make it clear, because it will be revealed by fire. Yes, the fire will test each one's work, of what sort it is.
14 Kana zvaakavaka zvikagara, iye achagamuchira mubayiro wake.
If the work that anyone built endures, he will receive a reward.
15 Kana zvikapiswa, iye acharasikirwa: asi iye pachake achaponeswa: asi souya abuda mumoto.
If anyone's work is burned up, he will suffer loss; but he himself will be saved, albeit so as through fire.
16 Ko, hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri?
Do you (pl) not know that you are a temple of God and the Spirit of God dwells in you?
17 Kana munhu achiparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nokuti temberi yaMwari itsvene, ndimi temberi yacho.
If anyone destroys God's temple, God will destroy him; because God's temple, which you are, is holy.
18 Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave “benzi” kuti ave akachenjera. (aiōn g165)
Let no one deceive himself. If anyone among you seems to be wise in this age, let him become ‘foolish’ so that he may become wise. (aiōn g165)
19 Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi pamberi paMwari. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Anobata vakachenjera pamano avo,”
Because the wisdom of this world is foolishness with God. For it is written: “He catches the wise in their craftiness”;
20 uye zvakare, “Ishe anoziva kuti mifungo yavakachenjera haina maturo.”
and again, “The Lord knows the reasonings of the wise, that they are futile.”
21 Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anozvikudza pamusoro pavanhu! Zvinhu zvose ndezvenyu,
So then, let no one boast in men, for all things are yours:
22 angava Pauro kana Aporosi, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvazvino, kana zvinouya, zvose ndezvenyu,
whether Paul or Apollos or Cephas, whether the world or life or death, whether things present or things to come—all are yours,
23 uye muri vanhu vaKristu, uye Kristu ndewaMwari.
and you are Christ's, and Christ is God's.

< 1 VaKorinde 3 >