< 1 VaKorinde 2 >
1 Pandakauya kwamuri, hama, handina kuuya nokugona kutaura kana uchenjeri hwapamusoro, pandakaparidza kwamuri uchapupu hwezvaMwari.
І я, прийшовши до вас, браттє, прийшов не з високим словом або премудростю, звіщаючи вам сьвідченнє Боже.
2 Nokuti ndakati handidi kuziva chinhu pandakanga ndiri pakati penyu, asi Jesu Kristu, uye akarovererwa pamuchinjikwa.
Бо я надумавсь, не знати нічого між вами, тільки Ісуса Христа, та й Його рознятого.
3 Ndakauya kwamuri muutera nokutya uye nokudedera kukuru.
І був я в вас у слабосиллї, в страсї і в великій трівозї.
4 Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisina mashoko okugombedzera nouchenjeri, asi nokuratidza kwesimba raMweya,
І слово мов, і проповідь моя не в переважливих словах людської премудрості, а в явленню духа і сили,
5 kuti kutenda kwenyu kurege kuva kwouchenjeri hwavanhu, asi kuve kwesimba raMwari.
щоб віра ваша була не в мудрості людській, а в силі Божій.
6 Zvisinei, tinotaura mashoko ouchenjeri pakati pavanhu vakura, asi kwete uchenjeri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vachashayiwa simba. (aiōn )
Премудрість же промовляємо між звершеними, та премудрість не віка сього, анї князів віка сього, що зникають, (aiōn )
7 Kwete, tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, uchenjeri hwakanga hwakafukidzwa uye hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari nyika isati yavapo. (aiōn )
а промовляємо премудрість Божу тайну, закриту, котру Бог призначив перш віків на славу нашу, (aiōn )
8 Hakuna kana nomumwe wavabati venyika ino akahunzwisisa, nokuti dai vakahunzwisisa vangadai vasina kuroverera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa. (aiōn )
котрої ніхто з князів віка сього не пізнав; бо коли б пізнали, то Господа слави не розпяли б. (aiōn )
9 Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna ziso rakaona, hakuna nzeve yakanzwa; hakuna zvakapinda mumurangariro womunhu, zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”
Нї, яко ж писано: Чого око не видїло, нї ухо не чуло і що на серце чоловікові не зійшло, те наготовив Бог тим, хто любить Його.
10 Asi Mwari akazviratidza kwatiri isu noMweya wake. Mweya anonzvera zvinhu zvose, kunyange nezvakadzika zvaMwari.
Нам же Бог відкрив Духом своїм; бо Дух усього досліджує, навіть і глибокостей Божих.
11 Nokuti ndianiko pakati pavanhu anoziva ndangariro dzomunhu kunze kwomweya womunhu uri mukati make? Saizvozvowo hakuna munhu anoziva ndangariro dzaMwari kunze kwoMweya waMwari.
Хто бо з людей знає, що в чоловіку, окрім духа чоловічого, що в ньому? Так і що в Бозї, нїхто не знає тільки Дух Божий.
12 Hatina kugamuchira mweya wenyika ino asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tinzwisise zvatakapiwa naMwari pachena.
Ми ж не духа сьвіта прийняли а Духа, що від Бога, щоб знали, що нам дароване від Бога.
13 Izvi ndizvo zvatinotaura, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwavanhu, asi namashoko atinodzidziswa naMweya, tichidudzira zvokwadi zvomweya namashoko omweya.
Се промовляємо не ученими словами людської премудрости, а навченими Духом сьвятим, духовні (речи) духовним (словом) подаючи.
14 Munhu asina Mweya haangagamuchiri zvinhu zvinobva kuMweya waMwari, nokuti zvinonzwisisika nomweya.
Душевний же чоловік не приймає, що єсть Духа Божого; дурощі бо воно йому, і не може зрозуміти, бо се духовно треба розбірати.
15 Munhu ari muMweya anonzwisisa zvinhu zvose, asi iye pachake haanganzwisiswi nomunhu:
Духовний же розбірає все, він же від нїкого не розбираєть ся.
16 “Nokuti, ndianiko akaziva murangariro waShe kuti amudzidzise?” Asi isu tino murangariro waKristu.
Хто бо зрозумів ум Господень, щоб ясувати його? Ми ж ум Христів маємо.