< 1 VaKorinde 2 >

1 Pandakauya kwamuri, hama, handina kuuya nokugona kutaura kana uchenjeri hwapamusoro, pandakaparidza kwamuri uchapupu hwezvaMwari.
Zvino ini, hama, pakusvika kwangu kwamuri, handina kusvika neunyanzvi hweshoko kana hwenjere, ndichiparidza kwamuri uchapupu hwaMwari.
2 Nokuti ndakati handidi kuziva chinhu pandakanga ndiri pakati penyu, asi Jesu Kristu, uye akarovererwa pamuchinjikwa.
Nokuti ndakagura kuti ndisaziva chinhu pakati penyu, kunze kwaJesu Kristu, naiye wakarovererwa pamuchinjikwa.
3 Ndakauya kwamuri muutera nokutya uye nokudedera kukuru.
Uye ini ndakange ndinemwi muutera nemukutya nemukudedera kukuru.
4 Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisina mashoko okugombedzera nouchenjeri, asi nokuratidza kwesimba raMweya,
Neshoko rangu nemharidzo yangu hazvina kuva nemashoko ekugombedzera enjere dzevanhu, asi mukuratidza kweMweya nekwesimba;
5 kuti kutenda kwenyu kurege kuva kwouchenjeri hwavanhu, asi kuve kwesimba raMwari.
kuti rutendo rwenyu rwurege kuva munjere dzevanhu, asi musimba raMwari.
6 Zvisinei, tinotaura mashoko ouchenjeri pakati pavanhu vakura, asi kwete uchenjeri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vachashayiwa simba. (aiōn g165)
Asi njere tinodzitaura pakati pevakakwana, asi njere dzisati dziri dzenyika ino, kana dzevatongi venyika ino, vanozoshaiswa maturo; (aiōn g165)
7 Kwete, tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, uchenjeri hwakanga hwakafukidzwa uye hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari nyika isati yavapo. (aiōn g165)
asi tinotaura njere dzaMwari muchakavanzika, dzakavigwa, Mwari dzaakagara agadza nyika isati yavapo dzive kubwinya kwedu; (aiōn g165)
8 Hakuna kana nomumwe wavabati venyika ino akahunzwisisa, nokuti dai vakahunzwisisa vangadai vasina kuroverera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa. (aiōn g165)
dzisina umwe wevatongi venyika ino wakaziva; nokuti dai vakaziva, vangadai vasina kuroverera pamuchinjikwa Ishe wekubwinya. (aiōn g165)
9 Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna ziso rakaona, hakuna nzeve yakanzwa; hakuna zvakapinda mumurangariro womunhu, zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”
Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: Izvo ziso zvarisina kuona, nenzeve zvaisina kunzwa, nezvisina kupinda mumoyo wemunhu, izvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.
10 Asi Mwari akazviratidza kwatiri isu noMweya wake. Mweya anonzvera zvinhu zvose, kunyange nezvakadzika zvaMwari.
Asi Mwari wakazarurira isu neMweya wake; nokuti Mweya unonzvera zvinhu zvese, kunyange zvinhu zvakadzika zvaMwari.
11 Nokuti ndianiko pakati pavanhu anoziva ndangariro dzomunhu kunze kwomweya womunhu uri mukati make? Saizvozvowo hakuna munhu anoziva ndangariro dzaMwari kunze kwoMweya waMwari.
Nokuti ndiani pavanhu anoziva zvemunhu, kunze kwemweya wemunhu uri maari? Saizvozvowo zvaMwari hakuna munhu anoziva, kunze kweMweya waMwari.
12 Hatina kugamuchira mweya wenyika ino asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tinzwisise zvatakapiwa naMwari pachena.
Nesu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatinopiwa pachena naMwari;
13 Izvi ndizvo zvatinotaura, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwavanhu, asi namashoko atinodzidziswa naMweya, tichidudzira zvokwadi zvomweya namashoko omweya.
zvatinotaurawo, kwete mumashoko njere dzevanhu adzinodzidzisa, asi Mweya Mutsvene waanodzidzisa, tichienzanisa zvemweya nezvemweya.
14 Munhu asina Mweya haangagamuchiri zvinhu zvinobva kuMweya waMwari, nokuti zvinonzwisisika nomweya.
Asi munhu wechisikirwo haagamuchiri zvinhu zveMweya waMwari; nokuti upenzi kwaari, uye haagoni kunzwisisa, nokuti zvinonzverwa pamweya.
15 Munhu ari muMweya anonzwisisa zvinhu zvose, asi iye pachake haanganzwisiswi nomunhu:
Asi wemweya anonzvera zvinhu zvese, asi iye haanzverwi nemunhu.
16 “Nokuti, ndianiko akaziva murangariro waShe kuti amudzidzise?” Asi isu tino murangariro waKristu.
Nokuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe, kuti amuraire? Asi isu tine fungwa yaKristu.

< 1 VaKorinde 2 >