< 1 VaKorinde 16 >
1 Zvino pamusoro pezvipo zvakaunganidzirwa vanhu vaMwari: Itaiwo sezvandakarayira kereke dzavaGaratia kuti dziite.
Now concerning the collections that are made for the saints, as I have given order to the churches of Galatia, so do ye also.
2 Nomusi wokutanga wevhiki roga roga, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure mari kubva pamari yake zvichienderana napaanowana napo, muiunganidze pamwe chete, kuitira kuti pandinouya kurege kuzounganidzwa zvipo.
On the first day of the week let every one of you put apart with himself, laying up what it shall well please him; that when I come, the collections be not then to be made.
3 Zvino, kana ndasvika, ndichazopa matsamba okuzivisa kuvarume vamunenge masarudza uye ndichavatuma nechipo chenyu kuJerusarema.
And when I shall be with you, whomsoever you shall approve by letters, them will I send to carry your grace to Jerusalem.
4 Kana zvakafanira kuti ndiendewo, vachaenda neni.
And if it be meet that I also go, they shall go with me.
5 Mushure mokupfuura nokuMasedhonia, ndichauya kwamuri, nokuti ndichapfuura nokuMasedhonia.
Now I will come to you, when I shall have passed through Macedonia. For I shall pass through Macedonia.
6 Zvimwe ndichagara nemi kwechinguva, kana kutopedza nguva yechando, kuitira kuti mugondibatsirawo parwendo rwangu, kwose kwandinoenda.
And with you perhaps I shall abide, or even spend the winter: that you may bring me on my way whithersoever I shall go.
7 Nokuti handidi kukuonai zvino nokukushanyirai ndichingopfuura bedzi; ndine tariro yokuva nemi kwechinguvana, kana Ishe akatendera.
For I will not see you now by the way, for I trust that I shall abide with you some time, if the Lord permit.
8 Asi ndichati garei paEfeso kusvikira paPendekosti,
But I will tarry at Ephesus until Pentecost.
9 nokuti ndazarurirwa musuo mukuru wokuita basa guru, uyewo kune vazhinji vanondipikisa.
For a great door and evident is opened unto me: and many adversaries.
10 Kana Timoti akauya, chenjerai kuti agare nemi asina chaangatya ari pakati penyu nokuti anobata basa raShe, sezvandinoita neniwo.
Now if Timothy come, see that he be with you without fear, for he worketh the work of the Lord, as I also do.
11 Naizvozvo, ngakurege kuva nomumwe anoramba kumugamuchira. Muperekedzei parwendo rwake norugare kuti akwanise kuuya kwandiri. Ndiri kumutarisira pamwe chete nehama.
Let no man therefore despise him, but conduct ye him on his way in peace: that he may come to me. For I look for him with the brethren.
12 Zvino pamusoro pehama yedu Aporosi: Ndakamukurudzira kwazvo kuti auye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama. Akanga asingadi kuuya iye zvino, asi achauya kana awana mukana.
And touching our brother Apollo, I give you to understand, that I much entreated him to come unto you with the brethren: and indeed it was not his will at all to come at this time. But he will come when he shall have leisure.
13 Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba.
Watch ye, stand fast in the faith, do manfully, and be strengthened.
14 Itai zvinhu zvose murudo.
Let all your things be done in charity.
15 Munoziva kuti mhuri yaStefanasi ndivo vakava vatendi vokutanga muAkaya, uye vakazvipira kushumira vatsvene. Ndinokukurudzirai hama,
And I beseech you, brethren, you know the house of Stephanas, and of Fortunatus, and of Achaicus, that they are the firstfruits of Achaia, and have dedicated themselves to the ministry of the saints:
16 kuti muzviise pasi pevakadai seava nepasi pavose vanobatana nesu pabasa, uye nevanoshingaira pariri.
That you also be subject to such, and to every one that worketh with us, and laboureth.
17 Ndakafara pakasvika Stefanasi, naFochunatusi naAkayikasi, nokuti vakandiitira zvamakanga musingagoni kundiitira imi.
And I rejoice in the presence of Stephanas, and Fortunatus, and Achaicus, because that which was wanting on your part, they have supplied.
18 Nokuti vakazorodza mweya wangu neyenyuwo. Varume vakadai vanofanira kukudzwa.
For they have refreshed both my spirit and yours. Know them, therefore, that are such.
19 Kereke dziri mudunhu reEzhia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna She, uyewo nekereke inoungana mumba mavo.
The churches of Asia salute you. Aquila and Priscilla salute you much in the Lord, with the church that is in their house, with whom I also lodge.
20 Hama dzose dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene.
All the brethren salute you. Salute one another with a holy kiss.
21 Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu.
The salutation of me Paul, with my own hand.
22 Kana mumwe munhu asingadi Ishe, kutukwa ngakuve pamusoro pake. Uyai, imi Ishe!
If any man love not our Lord Jesus Christ, let him be anathema, maranatha.
23 Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi.
The grace of our Lord Jesus Christ be with you.
24 Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu. Ameni.
My charity be with you all in Christ Jesus. Amen.