< 1 VaKorinde 15 >

1 Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri.
Moreover, brethren, I declare unto you the gospel which I preached unto you, which also all of you have received, and wherein all of you stand;
2 Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina.
By which also all of you are saved, if all of you keep in memory what (logos) I preached unto you, unless all of you have believed in vain.
3 Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro,
For I delivered unto you first of all that which I also received, how that Christ died for our sins according to the scriptures;
4 kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro,
And that he was buried, and that he rose again the third day according to the scriptures:
5 uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri.
And that he was seen of Cephas, then of the twelve:
6 Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete.
After that, he was seen of above five hundred brethren at once; of whom the greater part remain unto this present, but some are fallen asleep.
7 Ipapo akazozviratidza kuna Jakobho, mushure mezvo kuvapostori,
After that, he was seen of James; then of all the apostles.
8 uye pakupedzisira akazozviratidza kwandiriwo, sokuna akazvarwa nguva isati yasvika.
And last of all he was seen of me also, as of one born out of due time.
9 Nokuti ndiri muduku kuvapostori vose, uye handikodzeri kunzi mupostori, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.
For I am the least of the apostles, that am not meet to be called an apostle, because I persecuted the church of God.
10 Asi nokuda kwenyasha dzaMwari ndiri zvandiri uye nyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina. Kwete, ndakashanda kupfuura vose, asi ndisiri ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni.
But by the grace of God I am what I am: and his grace which was bestowed upon me was not in vain; but I laboured more abundantly than they all: yet not I, but the grace of God which was with me.
11 Ipapo kunyange dai ndiri ini kana ivo, izvi ndizvo zvatinoparidza, uye izvi ndizvo zvamakatenda.
Therefore whether it were I or they, so we preach, and so all of you believed.
12 Asi kana kuchiparidzwa kuchinzi Kristu akamutswa kubva kuvakafa, ko, vamwe venyu vangareva sei kuti hakuna kumutswa kwavakafa?
Now if Christ be preached that he rose from the dead, how say some among you that there is no resurrection of the dead?
13 Kana kusina kumutswa kwavakafa, saka naizvozvowo Kristu haana kumutswa.
But if there be no resurrection of the dead, then is Christ not risen:
14 Zvino kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo, saizvozvowo nokutenda kwenyu.
And if Christ be not risen, then is our preaching vain, and your faith is also vain.
15 Pamusoro pezvo, tichaonekwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu kubva kuvakafa. Asi haana kumumutsa kana zvirokwazvo vakafa vasingamutswi.
Yea, and we are found false witnesses of God; because we have testified of God that he raised up Christ: whom he raised not up, if so be that the dead rise not.
16 Nokuti kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa kuvakafa.
For if the dead rise not, then is not Christ raised:
17 Uye kana Kristu asina kumutswa, kutenda hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu.
And if Christ be not raised, your faith is vain; all of you are yet in your sins.
18 Naizvozvowo vose vakafa muna Kristu vakatorasikawo.
Then they also which are fallen asleep in Christ are perished.
19 Kana tine tariro muna Kristu nokuda kwoupenyu huno chete, tinonzwisa urombo kupfuura vanhu vose.
If in this life only we have hope in Christ, we are of all men most miserable.
20 Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete.
But now is Christ risen from the dead, and become the first-fruits of them that slept.
21 Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe.
For since by man came death, by man came also the resurrection of the dead.
22 Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu.
For as in Adam all die, even so in Christ shall all be made alive.
23 Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake.
But every man in his own order: Christ the first-fruits; afterward they that are Christ's at his coming.
24 Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose.
Then comes the end, when he shall have delivered up the kingdom to God, even the Father; when he shall have put down all rule and all authority and power.
25 Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.
For he must reign, till he has put all enemies under his feet.
26 Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.
The last enemy that shall be destroyed is death.
27 Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti “zvinhu zvose” zvakaiswa pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti izvi hazvisanganisiri Mwari pachake, iye akaisa zvinhu zvose pasi paKristu.
For he has put all things under his feet. But when he says all things are put under him, it is manifest that he is excepted, which did put all things under him.
28 Kana achinge aita izvi, ipapo Mwanakomanawo pachake achaiswa pasi paiye akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari agova zvose mune zvose.
And when all things shall be subdued unto him, then shall the Son also himself be subject unto him that put all things under him, that God may be all in all.
29 Zvino kana kusina kumuka, ko, vakabhabhatidzirwa vakafa vachazoiteiko? Kana vakafa vasingamutswi, seiko vanhu vachivabhabhatidzirwa?
Else what shall they do which are baptized for the dead, if the dead rise not at all? why are they then baptized for the dead?
30 Uye kana tiri isu, tinozviisireiko panjodzi nguva dzose?
And why stand we in jeopardy every hour?
31 Ndinofa zuva nezuva, ndinorevesa hama dzangu, zvirokwazvo sezvandinozvirumbidza pamusoro penyu muna Kristu Jesu Ishe wedu.
I protest by your rejoicing which I have in Christ Jesus our LORD, I die daily.
32 Kana ndakarwa nezvikara paEfeso nokuda kwezvikonzero zvapanyama, zvakandibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, “Ngatidyei uye tinwe, nokuti mangwana tichafa.”
If after the manner of men I have fought with beasts at Ephesus, what advantages it me, if the dead rise not? let us eat and drink; in order to morrow we die.
33 Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”
Be not deceived: evil communications corrupt good manners.
34 Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyadziswe.
Awake to righteousness, and sin not; for some have not the knowledge of God: I speak this to your shame.
35 Asi mumwe angabvunza achiti, “Ko, vakafa vanomutswa sei? Vachauya nomuviri wakaita seiko?”
But some man will say, How are the dead raised up? and with what body do they come?
36 Upenzi hwakadii! Chaunodyara hachingameri kana chisina kufa.
You fool, that which you sow is not quickened, except it die:
37 Kana ukadyara haudyari muviri uchazovapo, asi tsanga bedzi, ingava yegorosi kana chimwe chinhuwo zvacho.
And that which you sow, you sow not that body that shall be, but bare grain, it may chance of wheat, or of some other grain:
38 Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo.
But God gives it a body as it has pleased him, and to every seed his own body.
39 Nyama yose haina kufanana: Vanhu vane rumwe rudzi rwenyama, mhuka dzinewo rumwe rudzi, shiri rumwewo, uye nehove dzinewo rumwe.
All flesh is not the same flesh: but there is one kind of flesh of men, another flesh of beasts, another of fishes, and another of birds.
40 Kunewo miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe kubwinya, kwemiviri yapanyika ndokumwe.
There are also celestial bodies, and bodies terrestrial: but the glory of the celestial is one, and the glory of the terrestrial is another.
41 Zuva rino kubwinya kwaro, mwedzi unewo kumwe, nenyeredzi dzinewo kumwe; uye nyeredzi haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.
There is one glory of the sun, and another glory of the moon, and another glory of the stars: for one star differs from another star in glory.
42 Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa uri unoparara, unomutswa usisaparari;
So also is the resurrection of the dead. It is sown in corruption; it is raised in incorruption:
43 unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba;
It is sown in dishonour; it is raised in glory: it is sown in weakness; it is raised in power:
44 unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya. Kana kune muviri wenyama, kune muviri womweyawo.
It is sown a natural body; it is raised a spiritual body. There is a natural body, and there is a spiritual body.
45 Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga, Adhamu, akava munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akava mweya unopa upenyu.
And so it is written, The first man Adam was made a living soul; the last Adam was made a life-giving spirit. (pneuma)
46 Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya.
Nevertheless that was not first which is spiritual, but that which is natural; and afterward that which is spiritual.
47 Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga.
The first man is of the earth, earthy; the second man is the Lord from heaven.
48 Sezvakanga zvakaita munhu wapanyika, ndizvowo zvakaita vaya vari venyika; uyewo sezvakaita munhu akabva kudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vari vokudenga.
As is the earthy, such are they also that are earthy: and as is the heavenly, such are they also that are heavenly.
49 Uye sezvatakanga tine mufananidzo womunhu wapanyika, saizvozvowo tichava nomufananidzo womunhu akabva kudenga.
And as we have borne the image of the earthy, we shall also bear the image of the heavenly.
50 Zvino, hama, ndinoti kwamuri nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari, uye zvinoparara hazvingagari nhaka yezvisingaparari.
Now this I say, brethren, that flesh and blood cannot inherit the kingdom of God; neither does corruption inherit incorruption.
51 Teererai, ndinokutaurirai chakavanzika: Hatingafi tose, asi tose tichashandurwa,
Behold, I show you a mystery; We shall not all sleep, but we shall all be changed,
52 pakarepo, sokubwaira kweziso, pahwamanda yokupedzisira. Nokuti hwamanda icharira, vakafa vachamutswa mukusaparara, uye tichashandurwa.
In a moment, in the twinkling of an eye, at the last trump: for the trumpet shall sound, and the dead shall be raised incorruptible, and we shall be changed.
53 Nokuti chinoparara chinofanira kufuka kusaparara, uye chinofa chinofanira kufuka kusafa.
For this corruptible must put on incorruption, and this mortal must put on immortality.
54 Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapo tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.”
So when this corruptible shall have put on incorruption, and this mortal shall have put on immortality, then shall be brought to pass the saying (logos) that is written, Death is swallowed up in victory.
55 “Kuripiko kukunda kwako iwe rufu? Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?” (Hadēs g86)
O death, where is your sting? O grave, where is your victory? (Hadēs g86)
56 Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro.
The sting of death is sin; and the strength of sin is the law.
57 Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.
But thanks be to God, which gives us the victory through our Lord Jesus Christ.
58 Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.
Therefore, my beloved brethren, be all of you steadfast, immoveable, always abounding in the work of the Lord, forasmuch as all of you know that your labour is not in vain in the Lord.

< 1 VaKorinde 15 >