< 1 VaKorinde 14 >

1 Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita.
ยูยํ เปฺรมาจรเณ ปฺรยตธฺวมฺ อาตฺมิกานฺ ทายานปิ วิเศษต อีศฺวรียาเทศกถนสามรฺถฺยํ ปฺราปฺตุํ เจษฺฏธฺวํฯ
2 Nokuti ani naani anotaura nendimi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari. Zvirokwazvo, hapana anomunzwa; anotaura zvakavanzika mumweya wake.
โย ชน: ปรภาษำ ภาษเต ส มานุษานฺ น สมฺภาษเต กินฺตฺวีศฺวรเมว ยต: เกนาปิ กิมปิ น พุธฺยเต ส จาตฺมนา นิคูฒวากฺยานิ กถยติ;
3 Asi anoprofita anotaura kuvanhu kuti vasimbiswe, vakurudzirwe uye kuti vanyaradzwe.
กินฺตุ โย ชน อีศฺวรียาเทศํ กถยติ ส ปเรษำ นิษฺฐาไย หิโตปเทศาย สานฺตฺวนาไย จ ภาษเตฯ
4 Uyo anotaura nendimi anozvisimbisa iye asi anoprofita anosimbisa kereke.
ปรภาษาวาทฺยาตฺมน เอว นิษฺฐำ ชนยติ กินฺตฺวีศฺวรียาเทศวาที สมิเต รฺนิษฺฐำ ชนยติฯ
5 Ndinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ataure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite. Anoprofita mukuru kuna anotaura nendimi, asi kunze kwokunge achidudzira, kuti kereke igosimbiswa.
ยุษฺมากํ สรฺเวฺวษำ ปรภาษาภาษณมฺ อิจฺฉามฺยหํ กินฺตฺวีศฺวรียาเทศกถนมฺ อธิกมปีจฺฉามิฯ ยต: สมิเต รฺนิษฺฐาไย เยน สฺววากฺยานามฺ อรฺโถ น กฺริยเต ตสฺมาตฺ ปรภาษาวาทิต อีศฺวรียาเทศวาที เศฺรยานฺฯ
6 Zvino hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai seiko, asi kuti kana ndichitaura nokuzarurirwa kana ruzivo kana chiprofita kana shoko rokurayira?
เห ภฺราตร: , อิทานีํ มยา ยทิ ยุษฺมตฺสมีปํ คมฺยเต ตรฺหีศฺวรียทรฺศนสฺย ชฺญานสฺย เวศฺวรียาเทศสฺย วา ศิกฺษายา วา วากฺยานิ น ภาษิตฺวา ปรภาษำ ภาษมาเณน มยา ยูยํ กิมุปการิษฺยเธฺว?
7 Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorirawo wani, zvakaita senyere kana rudimbwa, munhu achaziva seiko kana zvisingasiyani pakurira kwazvo?
อปรํ วํศีวลฺลกฺยาทิษุ นิษฺปฺราณิษุ วาทฺยยนฺเตฺรษุ วาทิเตษุ ยทิ กฺกณา น วิศิษฺยนฺเต ตรฺหิ กึ วาทฺยํ กึ วา คานํ ภวติ ตตฺ เกน โพทฺธุํ ศกฺยเต?
8 Uyezve kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko angagadzirira kundorwa?
อปรํ รณตูรฺยฺยา นิสฺวโณ ยทฺยวฺยกฺโต ภเวตฺ ตรฺหิ ยุทฺธาย ก: สชฺชิษฺยเต?
9 Zvakadaro nemi. Kana musingatauri mashoko nendimi dzinonyatsozivikanwa, ko, pane anganzwa here zvamunotaura? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo.
ตทฺวตฺ ชิหฺวาภิ รฺยทิ สุคมฺยา วากฺ ยุษฺมาภิ รฺน คเทฺยต ตรฺหิ ยทฺ คทฺยเต ตตฺ เกน โภตฺสฺยเต? วสฺตุโต ยูยํ ทิคาลาปิน อิว ภวิษฺยถฯ
10 Zvirokwazvo panyika pane mitauro mizhinji yakasiyana-siyana, asi hakuna kana mumwe usina zvaunoreva.
ชคติ กติปฺรการา อุกฺตโย วิทฺยนฺเต? ตาสาเมกาปิ นิรรฺถิกา นหิ;
11 Zvino kana ndisinganzwisisi zvinotaurwa nomunhu, ndiri mutorwa kumutauri, uye naiyewo mutorwa kwandiri.
กินฺตูกฺเตรรฺโถ ยทิ มยา น พุธฺยเต ตรฺหฺยหํ วกฺตฺรา เมฺลจฺฉ อิว มํเสฺย วกฺตาปิ มยา เมฺลจฺฉ อิว มํสฺยเตฯ
12 Zvakadarowo nemi. Sezvo muchishuva zvipo zvoMweya, edzai zvikuru kushingairira zvipo zvinovaka kereke.
ตสฺมาทฺ อาตฺมิกทายลิปฺสโว ยูยํ สมิเต รฺนิษฺฐารฺถํ ปฺราปฺตพหุวรา ภวิตุํ ยตธฺวํ,
13 Nokuda kwechikonzero ichi, ani naani anotaura nendimi anofanira kunyengetera kuti adudzirewo zvaanotaura.
อเตอว ปรภาษาวาที ยทฺ อรฺถกโร'ปิ ภเวตฺ ตตฺ ปฺรารฺถยตำฯ
14 Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu ndiwo unonyengetera, asi kufunga kwangu hakuna zvibereko.
ยทฺยหํ ปรภาษยา ปฺรรฺถนำ กุรฺยฺยำ ตรฺหิ มทีย อาตฺมา ปฺรารฺถยเต, กินฺตุ มม พุทฺธิ รฺนิษฺผลา ติษฺฐติฯ
15 Zvino ndichaiteiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, ndichanyengeterawo nokufunga kwangu; ndichaimba nomweya wangu, asi ndichaimbawo nokufunga kwangu.
อิตฺยเนน กึ กรณียํ? อหมฺ อาตฺมนา ปฺรารฺถยิเษฺย พุทฺธฺยาปิ ปฺรารฺถยิเษฺย; อปรํ อาตฺมนา คาสฺยามิ พุทฺธฺยาปิ คาสฺยามิฯ
16 Kana uchirumbidza Mwari nomweya wako, ko, uyo agere pakati pavasingazivi achati, “Ameni” seiko, pakuvonga kwako, sezvo asinganzwisisi zvauri kutaura?
ตฺวํ ยทาตฺมนา ธนฺยวาทํ กโรษิ ตทา ยทฺ วทสิ ตทฺ ยทิ ศิเษฺยเนโวปสฺถิเตน ชเนน น พุทฺธฺยเต ตรฺหิ ตว ธนฺยวาทสฺยานฺเต ตถาสฺตฺวิติ เตน วกฺตํ กถํ ศกฺยเต?
17 Unogona kunge uchivonga zvako zvakanaka, asi mumwe munhu haasimbiswi.
ตฺวํ สมฺยคฺ อีศฺวรํ ธนฺยํ วทสีติ สตฺยํ ตถาปิ ตตฺร ปรสฺย นิษฺฐา น ภวติฯ
18 Ndinovonga Mwari kuti ndinotaura nendimi zhinji kupfuura imi mose.
ยุษฺมากํ สรฺเวฺวโภฺย'หํ ปรภาษาภาษเณ สมรฺโถ'สฺมีติ การณาทฺ อีศฺวรํ ธนฺยํ วทามิ;
19 Asi mukereke ndingada zvangu kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu kuti ndidzidzise vamwe pano kutaura mashoko zviuru gumi norumwe rurimi.
ตถาปิ สมิเตา ปโรปเทศารฺถํ มยา กถิตานิ ปญฺจ วากฺยานิ วรํ น จ ลกฺษํ ปรภาษียานิ วากฺยานิฯ
20 Hama, regai kufunga savana. Pazvinhu zvakaipa ivai savacheche, asi pakufunga kwenyu muve savanhu vakuru.
เห ภฺราตร: ,ยูยํ พุทฺธฺยา พาลกาอิว มา ภูต ปรนฺตุ ทุษฺฏตยา ศิศวอิว ภูตฺวา พุทฺธฺยา สิทฺธา ภวตฯ
21 MuMurayiro makanyorwa muchinzi: “Kubudikidza navanhu vedzimwe ndimi uye kubudikidza nemiromo yavatorwa, ndichataura kuvanhu ava, asi kunyange zvakadaro havanganditeereri,” ndizvo zvinotaura Ishe.
ศาสฺตฺร อิทํ ลิขิตมาเสฺต, ยถา, อิตฺยโวจตฺ ปเรโศ'หมฺ อาภาษิษฺย อิมานฺ ชนานฺฯ ภาษาภิ: ปรกียาภิ รฺวกฺไตฺรศฺจ ปรเทศิภิ: ฯ ตถา มยา กฺฤเต'ปีเม น คฺรหีษฺยนฺติ มทฺวจ: ๚
22 Naizvozvo, ndimi hadzizi chiratidzo kuvatendi asi kuna vasingatendi; asiwo chiprofita ndechavatendi, kwete vasingatendi.
อเตอว ตตฺ ปรภาษาภาษณํ อวิศฺจาสิน: ปฺรติ จิหฺนรูปํ ภวติ น จ วิศฺวาสิน: ปฺรติ; กินฺตฺวีศฺวรียาเทศกถนํ นาวิศฺวาสิน: ปฺรติ ตทฺ วิศฺวาสิน: ปฺรเตฺยวฯ
23 Saka kana kereke yose yaungana pamwe chete uye vose vakataura nendimi, uye vamwe vasinganzwisisi kana vasingatendi vakapinda, havangati mava kupenga here?
สมิติภุกฺเตษุ สรฺเวฺวษุ เอกสฺมินฺ สฺถาเน มิลิตฺวา ปรภาษำ ภาษมาเณษุ ยทิ ชฺญานากางฺกฺษิโณ'วิศฺวาสิโน วา ตตฺราคจฺเฉยุสฺตรฺหิ ยุษฺมานฺ อุนฺมตฺตานฺ กึ น วทิษฺยนฺติ?
24 Asi kana asingatendi kana mumwe munhu asinganzwisisi akapinda vanhu vose vachiprofita, achabatwa nazvo akaziva kuti iye mutadzi uye kuti achatongwa nazvo,
กินฺตุ สรฺเวฺวษฺวีศฺวรียาเทศํ ปฺรกาศยตฺสุ ยทฺยวิศฺวาสี ชฺญานากางฺกฺษี วา กศฺจิตฺ ตตฺราคจฺฉติ ตรฺหิ สรฺไวฺวเรว ตสฺย ปาปชฺญานํ ปรีกฺษา จ ชายเต,
25 uye zvakavanzika zvomweya wake zvinoratidzwa. Naizvozvo achawira pasi nechiso chake agonamata Mwari, uye agopupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.
ตตสฺตสฺยานฺต: กรณสฺย คุปฺตกลฺปนาสุ วฺยกฺตีภูตาสุ โส'โธมุข: ปตนฺ อีศฺวรมาราธฺย ยุษฺมนฺมธฺย อีศฺวโร วิทฺยเต อิติ สตฺยํ กถาเมตำ กถยิษฺยติฯ
26 Zvino tichatiiko, hama? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane rwiyo, kana shoko rokurayira, chaakazarurirwa, ndimi kana kududzira. Zvose izvi ngazviitwe kuti zvisimbise kereke.
เห ภฺราตร: , สมฺมิลิตานำ ยุษฺมากมฺ เอเกน คีตมฺ อเนฺยโนปเทโศ'เนฺยน ปรภาษาเนฺยน ไอศฺวริกทรฺศนมฺ อเนฺยนารฺถโพธกํ วากฺยํ ลภฺยเต กิเมตตฺ? สรฺวฺวเมว ปรนิษฺฐารฺถํ ยุษฺมาภิ: กฺริยตำฯ
27 Kana mumwe achitaura nendimi, vaviri, kana vatowanda, vatatu, ngavataure mumwe mushure momumwe, uye mumwe ngaadudzire.
ยทิ กศฺจิทฺ ภาษานฺตรํ วิวกฺษติ ตเรฺหฺยกสฺมินฺ ทิเน ทฺวิชเนน ตฺริชเนน วา ปรภาษา กถฺยตำ ตทธิไกรฺน กถฺยตำ ไตรปิ ปรฺยฺยายานุสาราตฺ กถฺยตำ, เอเกน จ ตทรฺโถ โพธฺยตำฯ
28 Kana pasina anodudzira, ari kutaura ngaanyarare mukereke uye ngaazvitaurire pachake uye nokuna Mwari.
กินฺตฺวรฺถาภิธายก: โก'ปิ ยทิ น วิทฺยเต ตรฺหิ ส สมิเตา วาจํยม: สฺถิเตฺวศฺวรายาตฺมเน จ กถำ กถยตุฯ
29 Vaprofita vaviri kana vatatu ngavataure uye vamwe ngavanyatsoongorora zvaataura.
อปรํ เทฺวา ตฺรโย เวศฺวรียาเทศวกฺตาร: สฺวํ สฺวมาเทศํ กถยนฺตุ ตทเนฺย จ ตํ วิจารยนฺตุฯ
30 Uye kana kuzarurirwa kwasvika kuno mumwe munhu agere pasi, mutauri wokutanga ngaanyarare.
กินฺตุ ตตฺราปเรณ เกนจิตฺ ชเนเนศฺวรียาเทเศ ลพฺเธ ปฺรถเมน กถนาตฺ นิวรฺตฺติตวฺยํฯ
31 Nokuti mose munogona kuprofita muchitevedzana mumwe mushure momumwe, kuitira kuti vose varayirwe uye vakurudzirwe.
สรฺเวฺว ยตฺ ศิกฺษำ สานฺตฺวนาญฺจ ลภนฺเต ตทรฺถํ ยูยํ สรฺเวฺว ปรฺยฺยาเยเณศฺวรียาเทศํ กถยิตุํ ศกฺนุถฯ
32 Mweya yavaprofita inozviisa pasi pavaprofita.
อีศฺวรียาเทศวกฺตฺฤณำ มนำสิ เตษามฺ อธีนานิ ภวนฺติฯ
33 Nokuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga asi worugare. Sezvinoitwa mune dzimwe kereke dzose dzavatsvene,
ยต อีศฺวร: กุศาสนชนโก นหิ สุศาสนชนก เอเวติ ปวิตฺรโลกานำ สรฺวฺวสมิติษุ ปฺรกาศเตฯ
34 vakadzi ngavanyarare mukereke. Havatenderwi kutaura asi ngavazviise pasi sezvinoreva murayiro.
อปรญฺจ ยุษฺมากํ วนิตา: สมิติษุ ตูษฺณีมฺภูตาสฺติษฺฐนฺตุ ยต: ศาสฺตฺรลิขิเตน วิธินา ตา: กถาปฺรจารณาตฺ นิวาริตาสฺตาภิ รฺนิฆฺราภิ รฺภวิตวฺยํฯ
35 Kana vachida kubvunza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti hazvina kufanira kuti mukadzi ataure mukereke.
อตสฺตา ยทิ กิมปิ ชิชฺญาสนฺเต ตรฺหิ เคเหษุ ปตีนฺ ปฺฤจฺฉนฺตุ ยต: สมิติมเธฺย โยษิตำ กถากถนํ นินฺทนียํฯ
36 Ko, shoko raMwari rakatanga nemi here? Kana kuti rakasvika kwamuri moga here?
ไอศฺวรํ วจ: กึ ยุษฺมตฺโต นิรคมต? เกวลํ ยุษฺมานฺ วา ตตฺ กิมฺ อุปาคตํ?
37 Kana munhu achifunga kuti muprofita kana kuti ane chipo chomweya, ngaatende kuti zvandinokunyorerai murayiro waShe.
ย: กศฺจิทฺ อาตฺมานมฺ อีศฺวรียาเทศวกฺตารมฺ อาตฺมนาวิษฺฏํ วา มนฺยเต ส ยุษฺมานฺ ปฺรติ มยา ยทฺ ยตฺ ลิขฺยเต ตตฺปฺรภุนาชฺญาปิตมฺ อีตฺยุรรี กโรตุฯ
38 Kana akasatenda izvi, iye pachake ngaasatendwe.
กินฺตุ ย: กศฺจิตฺ อชฺโญ ภวติ โส'ชฺญ เอว ติษฺฐตุฯ
39 Naizvozvo, hama dzangu, ivai nechido chokuprofita, uye musadzivisa kutaura nendimi.
อเตอว เห ภฺราตร: , ยูยมฺ อีศฺวรียาเทศกถนสามรฺถฺยํ ลพฺธุํ ยตธฺวํ ปรภาษาภาษณมปิ ยุษฺมาภิ รฺน นิวารฺยฺยตำฯ
40 Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira uye zvichitevedza mutemo.
สรฺวฺวกรฺมฺมาณิ จ วิธฺยนุสารต: สุปริปาฏฺยา กฺริยนฺตำฯ

< 1 VaKorinde 14 >