< 1 VaKorinde 13 >
1 Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere.
Though I speak in the ‘tongues’ of people, or even of angels, yet have not love, I have become mere echoing brass, or a clanging cymbal!
2 Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.
Even though I have the gift of preaching, and fathom all hidden truths and all the depths of knowledge; even though I have such faith as might move mountains, yet have not love, I am nothing!
3 Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana ndikaisa muviri wangu kuti upiswe, asi kana ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.
Even though I dole my substance to the poor, even though I sacrifice my body in order to boast, yet have not love, it avails me nothing!
4 Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi.
Love is long-suffering, and kind; love is never envious, never boastful, never conceited, never behaves unbecomingly;
5 Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi.
love is never self-seeking, never provoked, never reckons up her wrongs;
6 Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi.
love never rejoices at evil, but rejoices in the triumph of truth;
7 Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose.
love bears with all things, ever trustful, ever hopeful, ever patient.
8 Rudo harutongoperi. Zvino kana kuri kuprofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichagumiswa; kana rwuri ruzivo, ruchapfuura.
Love never fails. But, whether it be the gift of preaching, it will end; whether it be the gift of ‘tongues,’ it will cease; whether it be knowledge, it, too, will vanish.
9 Nokuti tinoziva zvisakakwana uye tinoprofita zvisakakwana,
For our knowledge is incomplete, and our preaching is incomplete,
10 asi kana zvakakwana zvasvika, zvisakakwana zvichabviswa.
but, when the perfect has come, that which is incomplete will end.
11 Pandaiva mwana ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana. Zvino zvandava murume, ndakabvisa zvinhu zvoumwana.
When I was a child, I talked as a child, I felt as a child, I reasoned as a child; now that I am a man, I have done with childish ways.
12 Nokuti zvino tinoona asi hationi zvakanaka somuchionioni; asi nenguva iyo tichaonana chiso nechiso. Iye zvino ndinoziva zvisakakwana; asi ndichaziva zvizere, kunyange sezvandinozivikanwa zvizere.
As yet we see, in a mirror, dimly, but then – face to face! As yet my knowledge is incomplete, but then I will know in full, as I have been fully known.
13 Uye zvinhu zvitatu izvi ndizvo zvinogara, zvinoti kutenda, tariro norudo. Asi chikuru pakati peizvi ndirwo rudo.
Meanwhile faith, hope, and love endure – these three, but the greatest of these is love.