< 1 VaKorinde 12 >
1 Zvino pamusoro pezvipo zvoMweya, hama, handidi kuti muve musingazivi.
Zvino maererano nezvipo zveMweya, hama, handidi kuti musaziva.
2 Munoziva kuti pamakanga muri vahedheni, makanga muchitungamirirwa uye nokutsauswa muchiiswa kuzvifananidzo zvisingagoni kutaura.
Munoziva kuti maiva vahedheni muchikweverwa kuzvifananidzo mbeveve, sevanotungamirirwa.
3 Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene.
Saka ndinokuzivisai, kuti hakuna munhu anotaura neMweya waMwari anoti: Jesu ndichakatukwa; uye hakuna munhu angati: Jesu ndiIshe, kunze neMweya Mutsvene.
4 Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndomumwe.
Zvino kune marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndeumwe.
5 Kuna marudzi akasiyana oushumiri, asi Ishe mumwe.
Uye kune marudzi akasiyana eushumiri, asi Ishe mumwe.
6 Kuna marudzi akasiyana amabasa, asi Mwari mumwe ndiye anoita zvose muvanhu vose.
Kune marudzi akasiyana emabasa, asi ndiMwari umwe, anobata zvese mune vese.
7 Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe.
Asi umwe neumwe anopiwa kuratidza kweMweya kune zvinobatsira.
8 Nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya mumwe chete,
Nokuti kune umwe kunopiwa neMweya shoko reuchenjeri, nekune umwe shoko reruzivo, neMweya iwoyu;
9 mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete,
nekune umwe rutendo, neMweya iwoyu, nekune umwe zvipo zvekuporesa, neMweya iwoyu;
10 mumwe mabasa esimba, mumwe kuprofita, mumwe kuzivisisa mweya, mumwe kutaura nendimi dzakasiyana-siyana, uyezve mumwe kududzirwa kwendimi.
nekune umwe kuita mabasa esimba, nekune umwe chiporofita, nekune umwe kupatsanura mweya, nekune umwe marudzi endimi, nekune umwe kududzira ndimi;
11 Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda.
asi izvi zvese Mweya iwoyu umwe unozviita, unogovera umwe neumwe pachake sezvaanoda.
12 Muviri chinhu chimwe chete, kunyange une mitezo mizhinji; uye kunyange mitezo yawo iri mizhinji, inoumba muviri mumwe chete. Ndizvowo zvakaita Kristu.
Nokuti muviri sezvauri umwe, uye une mitezo mizhinji, nemitezo yese yemuviri uyu umwe, kunyange iri mizhinji, muviri ndeumwe; wakadarowo Kristu.
13 Nokuti tose takabhabhatidzwa noMweya mumwe mumuviri mumwe, vangava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vakasununguka, uye tose tikapiwa kuti tinwe Mweya mumwe.
Nokutiwo neMweya umwe isu tese takabhabhatidzirwa mumuviri umwe, kana VaJudha kana VaGiriki, kana varanda kana vakasununguka; tesewo takanwiswa paMweya umwe.
14 Zvino muviri hauna kuumbwa nomutezo mumwe, asi mizhinji.
Nokutiwo muviri hausi mutezo umwe asi mizhinji.
15 Kana rutsoka rukati, “Nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri,” harungaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho.
Kana rutsoka rukati: Nokuti handisi ruoko, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi harwusi rwemuviri here?
16 Uye kana nenzeve ikati, “Nokuti handisi ziso, saka handisi chikamu chomuviri,” haringaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho.
Nenzeve kana ikati: Nokuti handisi ziso, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi haisi yemuviri here?
17 Kana kuti dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaizovepiko? Kana kuti dai muviri wose waive nzeve, ko, kunhuhwidza kwaizovepiko?
Dai muviri wese waiva ziso, kunzwa kwaivepi? Kana wese waiva kunzwa, kunhuhwidza kungadai kuripi?
18 Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive.
Asi zvino Mwari wakagadza mitezo, umwe neumwe wayo, pamuviri, sezvaakada.
19 Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko?
Asi kana yese yaiva mutezo umwe, muviri ungadai uri kupi?
20 Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe.
Asi zvino mitezo mizhinji, asi muviri umwe.
21 Ziso haringati kuruoko, “Handinei newe!” Uye musoro haungati kurutsoka, “Handinei newe!”
Uye ziso harigoni kuti kuruoko: Handinei newe; kanazve musoro kutsoka: Handinei newe.
22 Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa,
Asi zvikuru kwazvo mitezo iyo yemuviri inoonekwa seisina simba zvikuru, inodikanwa;
23 uye mitezo yatinofunga kuti haikudzwi ndiyo yatinokudza kwazvo,
naiyo yemuviri yatinofunga kuti haikudzwi, ndiyo yatinopa rukudzo zvakawedzerwa; nemitezo iyo yedu isina kunaka ine runako rwakawedzerwa;
24 asi mitezo yakanaka haidi kushongedzwa. Asi Mwari akabatanidza mitezo yomuviri uye akapa kukudzwa kukuru kumitezo iya isingakudzwi,
asi yedu ine runako haishaiwi; asi Mwari wakabatanidza muviri pamwe, apa rukudzo rukuru kune yaishayiwa,
25 kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana.
kuti parege kuva nekupatsanurana pamuviri; asi mitezo ichengetane zvakaenzana.
26 Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.
Uye kana mutezo umwe uchitambudzika, mitezo yese inotambudzika pamwe nawo; kana mutezo umwe uchikudzwa, mitezo yese inofara pamwe nawo.
27 Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo.
Zvino imwi muri muviri waKristu, nemitezo, umwe neumwe.
28 Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navane zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, vaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyana-siyana.
Uye Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana-siyana.
29 Vose vapostori here? Vose vaprofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vanoita zvishamiso here?
Vese vaapositori here? Vese vaporofita here? Vese vadzidzisi here? Vese vanoita mabasa esimba here?
30 Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?
Vese vane zvipo zvekuporesa here? Vese vanotaura nendimi here? Vese vanodudzira here?
31 Asi shuvai kwazvo zvipo zvikuru. Uye zvino ndichakuratidzai nzira yakanaka kupfuura dzose.
Asi shuvai zvipo zvakanakisisa. Uye ndichiri kukuratidzai nzira yakanakisisa zvikuru.