< 1 VaKorinde 11 >
1 Teverai muenzaniso wangu, sezvandinotevera muenzaniso waKristu.
Be imitators of me, as I am of Christ.
2 Ndinokurumbidzai nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, uye muchichengeta dzidziso, sezvandakakudzidzisai.
Now I praise you, brothers, because you remember me in everything and hold fast to the teachings that have been handed down, just as I delivered them to you.
3 Zvino ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu, uye musoro womukadzi murume, uye musoro waKristu ndiye Mwari.
But I want you to know that the head of every man is Christ, and the head of woman is man, and the head of Christ is God.
4 Murume mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake wakafukidzwa, anoninipisa musoro wake.
Every man who prays or prophesies with his head veiled disgraces his head,
5 Uye mukadzi mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake usina kufukidzwa, anoninipisa musoro wake, zvakangofanana nokuva nomusoro wakaveurwa.
and every woman who prays or prophesies with her head unveiled disgraces her head, for it is one and the same as having her head shaved.
6 Kana mukadzi asingafukidzi musoro wake, anofanira kugera bvudzi rake; asi kana zvichinyadzisa mukadzi kuti agerwe bvudzi rake, anofanira kufukidza musoro wake.
If a woman will not veil herself, she should cut off her hair. But if it is disgraceful for a woman to cut off her hair or shave her head, she should wear a veil.
7 Murume haafaniri kufukidza musoro wake, sezvo ari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwomurume.
For a man ought not to have his head veiled, since he is the image and glory of God, but woman is the glory of man.
8 Nokuti murume haana kubva pamukadzi, asi mukadzi ndiye akabva pamurume;
For man did not come from woman, but woman from man.
9 uye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi ndiye akasikirwa murume.
Neither was man created for the sake of woman, but woman for the sake of man.
10 Nokuda kwechikonzero ichi, uye nokuda kwavatumwa, mukadzi anofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake.
That is why a woman ought to have a symbol of authority on her head, because of the angels.
11 Kunyange zvakadaro, muna She mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume haazi kunze kwomukadzi.
Nevertheless, in the Lord neither is man independent of woman nor woman independent of man.
12 Nokuti mukadzi sezvaakabva pamurume, saizvozvowo murume anozvarwa nomukadzi asi zvose zvinobva kuna Mwari.
For just as woman came from man, so also man is born of woman, but all things come from God.
13 Tongai imi pachenyu kuti: Zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidza musoro wake?
Judge for yourselves: Is it proper for a woman to pray to God with her head unveiled?
14 Ko, hamudzidziswi namasikirwo ezvinhu kuti kana murume ane bvudzi refu, anonyadziswa nazvo here,
Does not even nature itself teach you that if a man has long hair it is a disgrace to him,
15 asi kuti kana mukadzi ane bvudzi refu, ndiko kubwinya kwake? Nokuti bvudzi refu rakapiwa kwaari kuti rive chifukidzo.
but if a woman has long hair it is her glory? For her long hair is given for a covering.
16 Zvino kana pane anoda kuita gakava pazviri, hatina tsika dzakadaro kunyange kereke dzaMwari.
But if anyone is inclined to be contentious, we have no such custom, and neither do the churches of God.
17 Pane zvakarayirwa zvinotevera handikurumbidzei, nokuti hamuunganiri zvakanaka asi zvakaipa.
Now in giving the following instructions, I do not praise you, since you come together not for the better, but for the worse.
18 Chokutanga, ndakanzwa kuti pamunoungana pamwe chete sekereke, pane kupesana pakati penyu, uye ndingangozvitenda.
For in the first place, I hear that there are divisions among you when you come together as a church, and in some part I believe it.
19 Nokuti dzidziso dzakatsaukana dzinofanira kuva pakati penyu, kuti zvionekwe kuti vakatendeka kuna Mwari ndavapi.
For there must be factions among you to show which of you are approved.
20 Pamunoungana, hachisi chirariro chaShe chamunodya,
Now when you come together, it is not to eat the Lord's supper.
21 nokuti kana modya, mumwe nomumwe wenyu anongotanga kudya asingamiriri vamwe. Mumwe anosara ane nzara, mumwewo anodhakwa.
For when you eat, some of you eat your own supper without waiting for others. So one person is hungry while another gets drunk.
22 Ko, hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Kana kuti munozvidza kereke yaMwari nokunyadzisa vasina chinhu here? Zvino ndichatiiko kwamuri? Ndingakurumbidzai nokuda kwaizvozvi here? Zvirokwazvo kwete!
What! Do you not have houses for eating and drinking? Or do you despise the church of God and put to shame those who do not have anything? What should I say to you? Should I praise you for this? I do not praise you.
23 Nokuti ndakagamuchira kubva kuna She icho chandakakupai kuti Ishe Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa,
For I received from the Lord what I also delivered to you, that the Lord Jesus on the night in which he was betrayed took bread,
24 uye mushure mokunge avonga, akachimedura akati, “Uyu ndiwo muviri wangu, unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.”
and when he had given thanks, he broke it and said, “Take and eat this bread; this is my body, which is broken for you. Do this in remembrance of me.”
25 Saizvozvowo, mushure mechirariro akatora mukombe, achiti, “Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu; itai izvi nguva dzose kana muchiunwa, muchindirangarira.”
In the same way, he also took the cup after supper, saying, “This cup is the new covenant in my blood. Do this, as often as you drink it, in remembrance of me.”
26 Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka.
For as often as you eat this bread and drink this cup, you proclaim the Lord's death until he comes.
27 Naizvozvo ani naani anodya chingwa nokunwa mukombe waShe nomutoo usina kufanira achabatwa nemhosva yokutadzira muviri neropa raShe.
So then, whoever eats this bread or drinks the cup of the Lord in a manner unworthy of the Lord will be guilty of the body and blood of the Lord.
28 Munhu anofanira kuti azviedze asati adya chingwa nokunwa mukombe.
So a person should examine himself before he eats of the bread and drinks of the cup.
29 Nokuti ani naani anodya nokunwa asingacherechedzi muviri waShe anozvidyira nokuzvinwira kutongwa kwake.
For he who eats and drinks in an unworthy manner eats and drinks judgment on himself, since he shows no regard for the body of the Lord.
30 Ndokusaka vazhinji pakati penyu vasina simba uye vachirwara, uye vamwe venyu vavete.
That is why many among you are weak and sick, and a considerable number have fallen asleep.
31 Asi kana tikazviedza pachedu, hatingazotongwi.
If we would evaluate ourselves, we would not be judged.
32 Kana tikatongwa naShe, tiri kurangwa kuitira kuti tirege kuzoraswa pamwe chete nenyika.
But when we are judged by the Lord, we are disciplined so that we will not be condemned with the world.
33 Saka naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana pakudya, miriranai.
So then, my brothers, when you come together to eat, wait for one another.
34 Kana mumwe aine nzara, anofanira kudya kumba kwake, kuitira kuti pamunoungana pamwe chete murege kutongwa. Uye kana ndichinge ndasvika ndichakudzidzisai zvimwe.
If anyone is hungry, he should eat at home, so that when you come together it will not result in condemnation. I will set the remaining matters in order when I come.