< 1 VaKorinde 10 >

1 Nokuti hama dzangu, handidi kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore uye kuti vose vakayambuka gungwa.
For I would not have you ignorant, brothers, how our fathers were all under the cloud, and all passed through the sea,
2 Vose vakabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nomugungwa.
and all were baptized into Moses in the cloud and in the sea.
3 Vose vakadya zvokudya zvimwe chete zvoMweya
They all ate of the same spiritual bread,
4 uye vose vakanwa zvokunwa zvimwe chete zvomweya; nokuti vakanwa kubva padombo romweya rakafamba navo, uye dombo iri raiva Kristu.
and all drank from the same spiritual stream, for they were drinking from a spiritual rock that followed them, and that Rock was Christ.
5 Kunyange zvakadaro, Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; mitumbi yavo yakaparadzirwa murenje.
But in most of them God was not well pleased, for they were laid low in the desert.
6 Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri semienzaniso kwatiri, kuti tirege kuisa mwoyo yedu pazvinhu zvakaipa sezvavakaita.
Now this happened as a warning for us, that we might not long for evil things as they longed.
7 Musanamata zvifananidzo, sezvakaita vamwe vavo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, uye vakasimuka kuti vatambe.”
And you must not be idolaters like some of them. as it is written, The people sat down to eat and drink, And they rose up for idol dances.
8 Hatifaniri kuita upombwe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakafa zviuru makumi maviri nezvitatu muzuva rimwe chete.
Nor must we act licentiously, as some of them did, and fell in a single day, twenty-three thousand of them.
9 Hatifaniri kuedza Ishe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakaurayiwa nenyoka.
Neither must we presume upon the patience of our Lord, as some of them presumed, and were destroyed by the serpents;
10 Uye murege kugununʼuna sezvakaita vamwe vavo, uye vakazourayiwa nomutumwa wokuparadza.
nor murmur, as some of them did, and were destroyed by the Destroying Angel.
11 Zvinhu izvi zvakaitika kwavari semienzaniso kwatiri uye zvikanyorwa kuti zvive yambiro kwatiri, iyesu takasvikirwa nokuzadziswa kwokuguma kwenyika. (aiōn g165)
Now these things were happening to them typically, but were written down for our admonition who stand at the meeting of the ages. (aiōn g165)
12 Saka, kana uchifunga kuti wakamira zvakasimba, chenjera kuti urege kuwa!
So then let him who imagines that he is standing so securely beware lest he fall.
13 Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.
No temptation has overtaken you that is beyond man’s power; but God is faithful, who will not let you be tempted beyond what you can bear, but will, with every temptation, provide the way of escape also, so that you may be able to withstand.
14 Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodikanwa, tizai kunamata zvifananidzo.
So then, my beloved, continually flee from idolatry.
15 Ndiri kutaura kuvanhu vakachenjera; zvitongerei pachenyu pane zvandinotaura.
I am speaking to men of sense; do you yourselves judge what I say.
16 Ko, mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusangana neropa raKristu here? Uye chingwa chatinomedura, hakuzi kusangana nomuviri waKristu here?
The cup of blessing which we bless, is it not a common participation in the blood of Christ? The bread which we break, is it not a common participation in the body of Christ?
17 Nokuti pane chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe, nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.
Because we who are many are one bread, one body, for we all do share in the one loaf.
18 Cherechedzai vanhu veIsraeri: Ko, avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here?
Look at Israel according to the flesh; are not those who eat the sacrifices in communion with the altar?
19 Ko, ndinoreva kuti chibayiro chinobayirwa chifananidzo chinhu here, kana kuti chifananidzo chinhu here?
What then shall we say? that an offering to an idol is anything? or that an idol is really anything?
20 Kwete, asi zvibayiro zvavahedheni zvinopiwa kumadhimoni kwete kuna Mwari, uye ini handidi kuti mugovane namadhimoni.
On the contrary, what the heathen sacrifice they sacrifice to demons and not to God, and I do not want you to have communion with demons.
21 Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni.
You cannot drink the cup of the Lord and also the cup of demons; you cannot be partakers in the Lord’s table and in the table of demons.
22 Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here?
What! would we provoke the Lord to jealousy? Are we stronger than he?
23 Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka.
"All things are lawful," you say? But not all things are expedient; "all things are lawful"; but not all build up.
24 Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe.
Let not each one be always seeking his own, but rather his neighbor’s good.
25 Idyai zvose zvinotengeswa pamusika wenyama musingabvunzi chinhu nokuda kwehana,
Eat anything that is for sale in the markets, asking no questions for conscience sake;
26 nokuti, “Nyika ndeyaShe, nokuzara kwayo.”
for the earth and its fulness are the Lord’s.
27 Kana mumwe asingatendi akakukoka kuzodya, uye kana uchida kuenda, udye zvose zvinenge zvaiswa pamberi pako usingabvunzi mubvunzo nokuda kwehana.
If one who is not a believer invites you to his house, and you wish to go, eat everything that is set before you, without asking questions for conscience sake.
28 Asi kana mumwe akati kwauri, “Ichi chipiriso chakabayirwa,” rega kudya, nokuda kwaiye akuratidza, uye nokuda kwehana,
But if any one tells you, "This food has been offered in sacrifice," do not eat it, for the sake of him who told you,
29 ndinoreva hana yomumwe, kwete yako. Nokuti kusununguka kwangu kungatongerweiko nehana yomumwe?
and for your conscience sake - his conscience, not your own. "But," you may object, "why should my freedom be decided upon another’s scruples of conscience?
30 Kana ini ndichidya ndavonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandavonga Mwari pamusoro pacho?
If I eat after giving thanks, why am I denounced for eating that for which I have given thanks?"
31 Naizvozvo, kunyange muchidya kana kunwa, chinhu chipi nechipi chamungaita, itai zvose kuti Mwari agokudzwa.
Because whether you are eating or whether you are drinking, you are to do it all for the glory of God.
32 Musagumbusa munhu upi noupi zvake, angava muJudha, kana muGiriki kana kereke yaMwari,
Do not be a cause of stumbling either to Jews of to Gentiles, or to the church of God.
33 kunyange sezvandinoedzawo kufadza munhu wose pazvinhu zvose. Nokuti handitsvaki zvakandinakira ini asi zvakanakira vazhinji, kuitira kuti vagoponeswa.
For so I also try to please all men in every way, not by seeking my own good, but the good of the many, that they may be saved.

< 1 VaKorinde 10 >