< 1 Makoronike 7 >

1 Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Puwa, Jashubhi, naShimironi; vose vaiva vana.
Issakhar casaknaw teh: Tola, Puvah, Jashub, Shimron hoi pali touh a pha awh.
2 Vanakomana vaTora vaiva: Uzi, Refaya, Jerieri, Jamai, Ibhisami naSamueri, vakuru vedzimba dzavo. Pamazuva okutonga kwaDhavhidhi, zvizvarwa zvaTora zvakaverengwa savarwi munhoroondo yavo zvakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana matanhatu.
Tola casaknaw teh: Uzzi, Rephaiah, Jeriel, Jahmai, Ibsam hoi Samuel heh a na pa imthung dawk a lû lah ao awh. Tola teh catoun imthung dawk athakaawme lah ao. Devit a hring nah tami 22, 600 touh a pha awh.
3 Mwanakomana waUzi aiva: Izirahia. Vanakomana vaIzirahia vaiva: Mikaeri, Obhadhia, Joere naIshia. Vose vari vashanu vaiva madzishe.
Uzzi casaknaw teh: Izrahiah, Izrahiah casaknaw teh: Michael, Obadiah, Joel, Isshiah hoi panga touh a pha awh, abuemlahoi a lû lah koung ao awh.
4 Munhoroondo yemhuri yavo, vakanga vaine varume zviuru makumi matatu nezvitanhatu vakanga vakagadzirira kurwa, nokuti vakanga vaine vakadzi vazhinji navanakomana vazhinji.
A imthung milu separeinae lahoi 36, 000 a pha awh. A yucanaw moikapap a tawn awh.
5 Hama dzavo vakanga vari varume vokurwa vari vedzimba dzose dzaIsakari, sokunyorwa kwazvakanga zvakaita munhoroondo yavo, vose vaisvika zviuru makumi masere nezvinomwe.
Issakhar imthungnaw separuinae dawk parei sin e hmaunawnghanaw teh thakaawme tami 87, 000 a pha awh.
6 Vanakomana vaBhenjamini vatatu vaiva: Bhera, Bhekeri, naJedhiaeri.
Benjamin casaknaw teh: Bela, Bekher, Jediael hoi kathum touh a pha awh.
7 Vanakomana vaBhera vaiva: Ezibhoni, Uzi, Uzieri, Jerimoti naIri, vose vakuru vedzimba vashanu pamwe chete. Munhoroondo yavo varwi vakanyorwa vaiva varume zviuru makumi maviri nezviviri namakumi matatu navana.
Bela casaknaw teh: Ezbon, Uzzi, Uzziel, Jerimoth, Iri hoi panga touh a pha awh. A napanaw imthung dawk a lû lah kaawm e hoi athakaawme tami lah ao awh. Imthung separuinae dawk parei sin e hmaunawnghanaw teh 22, 034 touh a pha awh.
8 Vanakomana vaBhekeri vaiva: Zemira, Joashi, Eriezeri, Erioenai, Omiri, Jeremoti, Abhija, Anatoti naAremeti. Vose ava vaiva vakomana vaBhekeri.
Bekher casaknaw teh: Zemirah, Joash, Eliezer, Elioenai, Omri, Jerimoth, Abijah, Anathoth hoi Alemeth. Hetnaw teh abuemlahoi Bekher casaknaw doeh.
9 Munhoroondo yavo, vakuru vemhuri vakanyorwa uye vari varwi vaiva zviuru makumi maviri namazana maviri.
Ahnimouh teh imthung separuinae dawk parei sin e patetlah imthung dawk a lû lah kaawm e hoi athakaawme taminaw lah ao awh teh, 20, 200 touh a pha awh.
10 Mwanakomana waJedhiaeri ainzi Bhirihani. Vanakomana vaBhirihani vaiva: Jehushi, Bhenjamini, Ehudhi, Kenana, Zetani, Tashishi naAhishahari.
Jediael casaknaw teh: Bilhan, Bilhan casaknaw teh: Jeush, Benjamin, Ehud, Kenaanah, Zethan, Tarshish hoi Ahishahar.
11 Vanakomana ava vose vaJedhiaeri vaiva vakuru vemhuri. Paiva nezviuru gumi nezvinomwe namazana maviri avarume vokurwa vakanga vakagadzirira kuenda kuhondo.
Hetnaw pueng heh a na pa imthung dawkvah, lû lah kaawm e naw hoi a thakaawme taminaw lah ao awh teh 17, 200 touh a pha awh.
12 VaShupi navaHupi vaiva zvizvarwa zvaIri, uye vaHushi vaiva zvizvarwa zvaAheri.
Ir casaknaw teh: Shuppim hoi Huppim, Aher casak teh Hushim.
13 Vanakomana vaNafutari vaiva: Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi, zvizvarwa zvaBhiriha.
Naphtali casaknaw teh: Jahziel, Guni, Jezer, Bilhah casak teh Shallum.
14 Zvizvarwa zvaManase zvaiva: Asirieri chizvarwa chake kubudikidza nomurongo wake muAramu. Iye akaberekawo Makiri baba vaGireadhi.
Manasseh e ado Aramaih tami ni Asriel hah a sak pouh teh Gilead na pa Makhir hai a sak pouh.
15 Makiri akatora mukadzi kubva pakati pavaHupi navaShupi. Zita rehanzvadzi yake rainzi Maaka. Chimwezve chizvarwa chainzi Zerofehadhi, akanga aine vanasikana chete.
Makhir ni a yu hah Huppim hoi Shuppim tami a yu lah a la. A tawncanu min teh Maakah doeh. Apâhni e min teh Zelophehad. Hatei Zelophehad koehoi ca napuinaw doeh kaawm.
16 Mukadzi waMakiri Maaka akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Pereshi. Mununʼuna wake ainzi Shereshi, uye vanakomana vake vaiva Uramu naRakemu.
Makhir yu Maakah ni capa a khe teh a min lah Peresh a phung. A nawngha min teh Sheresh doeh, ahnie ca roi teh Ulam hoi Rekem.
17 Mwanakomana waUramu ainzi Bhedhani. Ava ndivo vaiva vanakomana vaGireadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase.
Ulam casak teh Bedan. Hetnaw heh Manasseh capa Makhir e a ca Gilead casaknaw doeh.
18 Hanzvadzi yake Hamoreketi akabereka Ishodhi, Abhiezeri naMara.
A tawncanu Hammoleketh ni Ishhod, Abiezer hoi Mahlah a sak.
19 Vanakomana vaShimidha vaiva: Ahiani, Shekemu, Riki naAniami.
Shemida casaknaw teh: Ahian, Shekhem, Likhi hoi Aniam doeh.
20 Zvizvarwa zvaEfuremu zvaiva: Shutera, Bheredhi mwanakomana wake, Tahati mwanakomana wake, Ereadha mwanakomana wake, Tahati mwanakomana wake,
Ephraim casak teh Shuthela doeh. Shuthela capa Bered, Bered capa Tahath, Tahath capa Eleadah, Eleadah capa Tahath.
21 Zabhadhi mwanakomana wake naShutera mwanakomana wake. (Ezeri naEreadha vakaurayiwa navarume veGati vakanga vakaberekerwa munyika iyi pavakaburukira kundopamba zvipfuwo zvavo.
Tahath capa Zabad, Zabad casaknaw teh: Shuthela, Ezer hoi Elead. Hote ram dawk ka tâcawt e Gad taminaw ni saringnaw lawp hane a ngai awh dawkvah, a thei awh.
22 Baba wavo Efuremu akavachema kwamazuva mazhinji uye hama dzake dzakauya kuzomunyaradza.
A na pa Ephraim ni ahnin moikasawlah a khui. A hmaunawnghanaw ni lungpahawi hanelah a tho sin awh.
23 Ipapo akarara nomukadzi wake zvakare akava nemimba uye akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Bheria nokuti mumhuri yake makanga maita dambudziko.
Hahoi a yu koe a i teh, a yu te camo a vawn. Capa a khe pouh toteh a imthung dawk yawthoe a kâhmo dawkvah a min teh Beriah a phung.
24 Mwanasikana wake ainzi Sheera, uye akavaka Bheti Horoni, yeZasi neyokumusoro uyewo neUzeni Sheera.)
Ahnie canu teh Sheerah doeh, atunglah kaawm e Bethhoron kho hoi akalah kaawm e Uzzensherah kho ka thawng e doeh.
25 Refa aiva mwanakomana wake, Reshefi mwanakomana wake, Tera mwanakomana wake, Tahani mwanakomana wake,
Ahnie casaknaw teh: Rephah hoi Resheph doeh. Resheph capa teh, Telah. Telah capa teh Tahan.
26 Radhani mwanakomana wake, Amihudhi mwanakomana wake, Erishama mwanakomana wake,
Tahan capa Ladan, Ladan capa Ammihud, Ammihud capa Elishama.
27 Nuni mwanakomana wake naJoshua mwanakomana wake.
Elishama capa Nun, Nun capa Joshua.
28 Nyika dzavo nemisha yavo zvaisanganisira Bheteri nemisha yose yakaripoteredza, Naarani kumabvazuva, Gezeri nemisha yaro, kumavirira neShekemu nemisha yaro kuenda kunosvika kuAya nemisha yaro.
A coe awh e hoi a khosaknae teh, Bethel hoi khotenaw hoi kanîtholae Naaran, kanîloumlae Gezer hoi khotenaw, Shekhem hoi khotenaw, Ai hoi khotenaw koe totouh.
29 Pamiganhu yaManase paiva neBheti Shani, Taanaki, Megidho neDhori pamwe chete nemisha yawo. Zvizvarwa zvaJosefa mwanakomana waIsraeri zvaigara mumaguta aya.
Manasseh casaknaw khori lungui vah, Bethshean hoi khotenaw, Taanakh hoi khotenaw, Megiddo hoi khotenaw, Dor hoi khotenaw heh Isarel capa Joseph casaknaw ni hawvah kho a sak awh.
30 Vanakomana vaAsheri vaiva: Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yainzi Sera.
Asher casaknaw teh: Imnah, Ishua, Ishvi, Beriah hoi a tawncanu Serah.
31 Vanakomana vaBheria vaiva: Hebheri naMarikieri, uyo aiva baba vaBhirizaiti.
Beriah casaknaw teh: Heber, Birzaith na pa Malkhiel hoi Birzaith.
32 Hebheri aiva baba vaJafireti, Shomeri naHotami uye nehanzvadzi yavo Shua.
Heber ni Japhlet, Shomer, Hotham hoi a tawncanu Shua a sak.
33 Vanakomana vaJafireti vaiva: Pasaki, Bhimari naAshivhati. Ava ndivo vaiva vanakomana vaJafireti.
Japhlet casak Pasakh, Bimhal, Ashvath doeh, hetnaw heh Japhlet casaknaw doeh.
34 Vanakomana vaShomeri vaiva: Ahi, Roga, Hubhai naAramu.
Shemer casak Ahi, Rohgah hoi Hubbah Rohgah, Hubbah hoi Aram.
35 Vanakomana vomununʼuna wake Heremu vaiva: Zofa, Imina, Shereshi, naAmari.
A hmaunawngha Helem casaknaw teh: Zophah, Imna, Shelesh hoi Amal.
36 Vanakomana vaZofa vaiva: Sua, Haneferi, Shuari, Bheri, Imira,
Zophah casak Suah, Harnepher, Shual, Beri hoi Imrah.
37 Bhezeri, Hodhi, Shama Shirisha, Itirani, naBheera.
Bezer, Hod, Shammah, Shilshah, Ithran hoi Beera.
38 Vanakomana vaJeteri vaiva: Jefune, Pisipa naAra.
Jether casaknaw teh: Jephunneh, Pispah, Ara.
39 Vanakomana vaUra vaiva: Ara, Hanieri, naRizia.
Ulla casaknaw teh: Arah, Hanniel hoi Rizia.
40 Vose ava vaiva zvizvarwa zvaAsheri, vakuru vemhuri yavo, varume vakanga vakasarudzika, varwi vakanga vakashinga uye vari vatungamiri vakasanangurika. Uwandu hwavarume vakanga vakagadzirira kurwa sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo hwaiva zviuru makumi maviri nezvitanhatu.
Hetnaw pueng teh Asher dawk hoi imthung dawk lû lah kaawmnaw, thakaawme taminaw doeh. Hottelah imthung separuinae hoi taran ka tuk thai naw parei navah tami 26, 000 touh a pha awh.

< 1 Makoronike 7 >