< 1 Makoronike 4 >

1 Zvizvarwa zvaJudha zvaiva: Perezi, Hezironi, Karimi, Huri naShobhari.
Yahuda oğulları: Peres, Hesron, Karmi, Hur, Şoval.
2 Reaya mwanakomana waShobhari aiva baba vaJahati, uye Jahati ari baba vaAhumai naRahadhi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaZorati.
Şoval oğlu Reaya Yahat'ın babasıydı. Yahat Ahumay'ın ve Lahat'ın babasıydı. Soralı boylar bunlardı.
3 Ava ndivo vaiva vanakomana vaEtami: Jezireeri, Ishima naIdhibashi. Hanzvadzi yavo yainzi Hazereriponi.
Etam'ın oğulları: Yizreel, Yişma, Yidbaş. Kızkardeşlerinin adı Haselelponi'dir.
4 Penueri aiva baba vaGedhori uye Ezeri aiva baba vaHusha. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaHuri dangwe raEfurata baba vaBheterehema.
Penuel Gedor'un babasıydı. Ezer Huşa'nın babasıydı. Bunlar Beytlehem'in kurucusu ve Efrat'ın ilk oğlu Hur'un torunlarıydı.
5 Ashuri baba vaTekoa vaiva navakadzi vaviri, Hera naNaara.
Tekoa'nın kurucusu Aşhur'un Helah ve Naara adında iki karısı vardı.
6 Naara akamuberekera Ahuzami, Heferi, Temeni naHaahashitari. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaNaara.
Naara ona Ahuzzam, Hefer, Temeni ve Haahaştari'yi doğurdu. Bunlar Naara'nın oğullarıydı.
7 Vanakomana vaHera vaiva: Zareti, Zohari, Etinani
Helah'ın oğulları: Seret, Yishar, Etnan
8 naKozi uyo aiva baba vaAnubhi naHazobhebha nevedzimba dzaAhareri mwanakomana waHaruni.
ve Anuv'la Hassoveva'nın babası Kos. Kos Harum oğlu Aharhel boylarının atasıydı.
9 Jabhezi aikudzwa zvikuru kukunda vanunʼuna vake. Mai vake vakamutumidza kuti Jabhezi vachiti, “Ndakamubereka mukurwadziwa.”
Yabes kardeşlerinden daha saygın biriydi. Annesi, “Onu acı çekerek doğurdum” diyerek adını Yabes koymuştu.
10 Jabhezi akachema kuna Mwari waIsraeri achiti, “Haiwa, dai mandiropafadza mukakurisa nyika yangu! Ruoko rwenyu ngaruve neni, rundichengete kune zvinokuvadza kuitira kuti ndisarwadziwa.” Uye Mwari akamupa zvaakakumbira.
Yabes, İsrail'in Tanrısı'na, “Ne olur, beni kutsa, sınırlarımı genişlet!” diye yakardı, “Elin üzerimde olsun, beni kötülükten koru. Öyle ki, acı çekmeyeyim.” Tanrı onun yakarışını duydu.
11 Kerubhi, mununʼuna waShuha aiva baba vaMehiri uyo aiva baba vaEshitoni.
Şuha'nın kardeşi Keluv, Eşton'un babası Mehir'in babasıydı.
12 Eshitoni aiva baba vaBheti Rafa, Pasea naTehina baba vaIri Nahashi. Ava ndivo vaiva varume veReka.
Eşton Beytrafa'nın, Paseah'ın ve İr-Nahaş'ın kurucusu Tehinna'nın babasıydı. Bunlar Rekalılar'dır.
13 Vanakomana vaKenazi vaiva: Otinieri naSeraya. Vanakomana vaOtinieri vaiva: Hatati naMeonotai.
Kenaz'ın oğulları: Otniel, Seraya. Otniel'in oğulları: Hatat ve Meonotay. Meonotay Ofra'nın babasıydı. Seraya Ge-Haraşim'in kurucusu Yoav'ın babasıydı. Bunlar el işlerinde becerikli kişilerdi.
14 Meonotai aiva baba vaOfira. Seraya aiva baba vaJoabhu, baba vaGe Harashimi. Vakapiwa zita iri nokuti vaiva mhizha.
15 Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune vaiva: Iru, Era naNaami. Mwanakomana waEra ainzi Kenazi.
Yefunne oğlu Kalev'in oğulları: İru, Ela, Naam. Ela'nın oğlu: Kenaz.
16 Vanakomana vaJehareri vaiva: Zifi, Zifa, Tiria naAsareri.
Yehallelel'in oğulları: Zif, Zifa, Tirya, Asarel.
17 Vanakomana vaEzira vaiva: Jeteri, Meredhi, Eferi, naJaroni. Mumwe wavakadzi vaMeredhi akavaberekera Miriamu, Shamai naIshibha baba vaEshitemoa.
Ezra'nın oğulları: Yeter, Meret, Efer, Yalon. Meret'in karılarından biri Miryam'ı, Şamma'yı ve Eştemoa'nın kurucusu Yişbah'ı doğurdu.
18 Ava ndivo vaiva vana vomwanasikana waFaro ainzi Bhitia akanga aroorwa naMeredhi. Mukadzi wake wechiJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, Hebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanoa.
Bunlar Meret'in evlendiği firavunun kızı Bitya'nın doğurduğu çocuklardır. Meret'in Yahudalı karısı, Gedor'un kurucusu Yeret'i, Soko'nun kurucusu Hever'i, Zanoah'ın kurucusu Yekutiel'i doğurdu.
19 Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vaiva: baba vaKeira muGarimi naEshitemoa muMaakati.
Hodiya Naham'ın kızkardeşiyle evlendi. Ondan doğan oğulları Keila'da yaşayan Garm ve Eştemoa'da yaşayan Maaka boylarının atasıydı.
20 Vanakomana vaShimoni vaiva: Amunoni, Rina, Bheni-Hanani naTironi. Zvizvarwa zvaIshi zvaiva: Zoheti naBheni-Zoheti.
Şimon'un oğulları: Amnon, Rinna, Ben-Hanan, Tilon. Yişi'nin torunları: Zohet ve Ben-Zohet.
21 Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha vaiva: Eri baba vaReka, Raadha baba vaMaresha nedzimba dzavairuka mucheka wakaisvonaka paBheti Ashibhea.
Yahuda oğlu Sela'nın oğulları: Leka'nın kurucusu Er, Mareşa'nın kurucusu Lada, Beytaşbea'da ince keten işinde çalışanların boyları,
22 Jokimi, varume veKozebha naJoashi naSarafi vaitonga muMoabhu naJashubhi Rehemi. (Zvinyorwa izvi ndezvakare.)
Yokim, Kozevalılar, Moavlı kadınlarla evlenen Yoaş'la Saraf ve Yaşuvi-Lehem. Bu kayıtlar eskidir.
23 Vaiva vaumbi vehari vaigara paNetaimi nepaGedhera; vaigarapo vachishandira mambo.
Netayim ve Gedera'da oturur, çömlekçilik yapar ve kral için çalışırlardı.
24 Zvizvarwa zvaSimeoni zvaiva: Nemueri, Jamini, Jaribhi, Zera naShauri;
Şimonoğulları: Nemuel, Yamin, Yariv, Zerah, Şaul.
25 Sharumi aiva mwanakomana waShauri, Mibhisami ari mwanakomana wake naMishima mwanakomana wake.
Şallum Şaul'un oğluydu. Mivsam Şallum'un, Mişma da Mivsam'ın oğluydu.
26 Zvizvarwa zvaMishima zvaiva: Hamueri mwanakomana wake, Zakuri mwanakomana wake naShimei mwanakomana wake.
Mişma'nın torunları: Hammuel Mişma'nın oğluydu. Zakkur Hammuel'in, Şimi de Zakkur'un oğluydu.
27 Shimei aiva navanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu, asi vanunʼuna vake vaiva vasina vana vakawanda; saka rudzi rwavo haruna kuwanda sokuwanda kwavanhu vavaJudha.
Şimi'nin on altı oğlu, altı kızı vardı. Ancak kardeşlerinin çok sayıda çocukları yoktu. Bu yüzden Şimon oymağı, sayıca Yahuda oymağı kadar artmadı.
28 Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari,
Şimonoğulları Beer-Şeva, Molada, Hasar-Şual, Bilha, Esem, Tolat, Betuel, Horma, Ziklak, Beytmarkavot, Hasar-Susim, Beytbiri ve Şaarayim kentlerinde yaşadılar. Davut dönemine dek kentleri bunlardı.
29 Bhiriha, Ezemi, Toradhi,
30 Bhetueri, Horima, Zikiragi,
31 Bheti Makabhoti, Hazari Susimi, Bheti Bhiri neSharaimi. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira pakutonga kwaDhavhidhi.
32 Misha yaiva yakaapoteredza yaiva: Etami, Aini, Rimoni, Tokeni neAshani, maguta mashanu
Ayrıca şu beş ilçede de yaşadılar: Etam, Ayin, Rimmon, Token, Aşan.
33 nemisha yose yakanga yakaapoteredza kusvika kuBhaarati. Idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara. Uye vakachengeta nhoroondo yezvizvarwa zvavo:
Baalat'a kadar uzanan bu kentlerin çevresindeki bütün köyler Şimonoğulları'na aitti. Ailelerinin soy kütüğünü de tuttular.
34 Meshobhabhi, Jamireki, Josha mwanakomana waAmazia,
Meşovav, Yamlek, Amatsya oğlu Yoşa,
35 Joere, Jehu mwanakomana waJoshibhia, mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAsieri,
Yoel, Asiel oğlu Seraya oğlu Yoşivya oğlu Yehu,
36 uye Erioenai, Jaakobha, Jeshohaya, Asaya, Adhieri, Jesimieri, Bhenaya,
Elyoenay, Yaakova, Yeşohaya, Asaya, Adiel, Yesimiel, Benaya
37 naZiza mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni mwanakomana waJedhaya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya.
ve Şemaya oğlu Şimri oğlu Yedaya oğlu Allon oğlu Şifi oğlu Ziza.
38 Varume vakanyorwa pamusoro namazita avo vaiva vatungamiri vedzimba dzavo. Mhuri dzavo dzakakura kwazvo
Yukarıda adı geçenlerin her biri, ait olduğu boyun başıydı. Aileleri sayıca çoğaldılar.
39 uye vakaenda kumucheto kweGedhori kurutivi rwokumabvazuva nomupata vachitsvakira makwai avo mafuro.
Sürülerine otlak aramak için Gedor yakınlarına, vadinin doğusuna kadar gittiler.
40 Vakawana mafuro akanaka kwazvo akapfuma, uye nyika yakanaka ine nzvimbo huru ine runyararo norugare. VaHamu ndivo vakanga vachimbogaramo kare.
Orada çok zengin otlaklar buldular. Ülke geniş, rahat ve huzur doluydu. Eskiden orada Ham'ın soyundan gelenler yaşardı.
41 Varume vane mazita akanyorwa vakauya pamazuva aHezekia mambo waJudha. Vakarwisa vaHamu mumatende avo navaMeuniwo vaivapo vakavaparadza zvachose kusvikira nhasi. Ipapo vakazogarapo munzvimbo yavo nokuti paiva namafuro amakwai avo.
Yukarıda adı yazılı olanlar, Yahuda Kralı Hizkiya döneminde geldiler. Hamlılar'ın çadırlarına ve orada yaşayan Meunlular'a saldırıp tümünü öldürdüler. Sonra ülkelerine yerleştiler. Bugün de oradalar. Çünkü orada sürüleri için otlak vardı.
42 Uye mazana mashanu avo vaiva vaSimeoni vachitungamirirwa naPeratia, Nearia, Refaya naUzieri, vanakomana vaIshi, vakandorwisa nyika yamakomo yeSeiri.
Yişi'nin oğulları Pelatya, Nearya, Refaya, Uzziel önderliğinde Şimon oymağından beş yüz kişi Seir dağlık bölgesine gidip
43 Vakauraya vaAmareki vakanga vasara avo vakanga vapunyuka, uye vakagarapo kusvikira nhasi.
Amalekliler'den sağ kalanları öldürdüler. Bugün de orada yaşıyorlar.

< 1 Makoronike 4 >