< 1 Makoronike 3 >

1 Ava ndivo vanakomana vaDhavhidhi vaakaberekerwa ari kuHebhuroni: Dangwe rake rainzi Amunoni mwanakomana waAhinoami weJezireeri. Wechipiri ainzi Dhanieri, mwanakomana waAbhigairi weKarimeri;
Now these were David's sons, whose birth took place in Hebron: the oldest Amnon, by Ahinoam of Jezreel; the second Daniel, by Abigail the Carmelite woman;
2 wechitatu, Abhusaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri; wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti,
The third Absalom, the son of Maacah, the daughter of Talmai, king of Geshur; the fourth Adonijah, the son of Haggith;
3 wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari uye wechitanhatu Itireami nomukadzi wake Egira.
The fifth Shephatiah, by Abital; the sixth Ithream, by Eglah his wife.
4 Ava vatanhatu vakaberekerwa Dhavhidhi muHebhuroni umo maakatonga kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu. Dhavhidhi akazotonga muJerusarema kwamakore makumi matatu namatatu
He had six sons in Hebron; he was ruling there for seven years and six months, and in Jerusalem for thirty-three years.
5 uye ava ndivo vana vaakaberekerwa ikoko. Vaiva: Shamua, Shobhabhi, Natani naSoromoni. Ava vana vakaberekwa naBhatishebha mwanasikana waAmieri.
And in Jerusalem he had four sons, Shimea and Shobab and Nathan and Solomon, by Bath-shua, the daughter of Ammiel;
6 Kwaivawo naIbhari, Erishua, Erifereti,
And Ibhar and Elishama and Eliphelet
7 Noga, Nefegi, Jafia,
And Nogah and Nepheg and Japhia
8 Erishama, Eriadha naErifereti, vose vaiva vapfumbamwe.
And Elishama and Eliada and Eliphelet, nine.
9 Ava vose vaiva vanakomana vaDhavhidhi, tisingaverengi vanakomana vake vaakaita navarongo vake. Uye Tamari aiva hanzvadzi yavo.
All these were the sons of David, in addition to the sons of his servant-wives; and Tamar was their sister.
10 Mwanakomana waSoromoni ainzi Rehobhoamu, Abhija mwanakomana wake, Asa mwanakomana wake, Jehoshafati mwanakomana wake,
And Solomon's son was Rehoboam, Abijah was his son, Asa his son, Jehoshaphat his son,
11 Jehoramu mwanakomana wake, Ahazia mwanakomana wake, Joashi mwanakomana wake,
Joram his son, Ahaziah his son, Joash his son,
12 Amazia mwanakomana wake, Azaria mwanakomana wake, Jotamu mwanakomana wake,
Amaziah his son, Azariah his son, Jotham his son,
13 Ahazi mwanakomana wake, Hezekia mwanakomana wake, Manase mwanakomana wake,
Ahaz his son, Hezekiah his son, Manasseh his son,
14 Amoni mwanakomana wake, Josia mwanakomana wake.
Amon his son, Josiah his son.
15 Vanakomana vaJosia vaiva: Johanani dangwe, Jehoyakimi wechipiri, Zedhekia wechitatu naSharumi wechina.
And the sons of Josiah: the oldest Johanan, the second Jehoiakim, the third Zedekiah, the fourth Shallum.
16 Vakatevera Jehoyakimi vaiva: Jehoyakini mwanakomana wake naZedhekia.
And the sons of Jehoiakim: Jeconiah his son, Zedekiah his son.
17 Zvizvarwa zvaJehoyakini mutapwa zvaiva: Shearitieri mwanakomana wake,
And the sons of Jeconiah, who was taken prisoner: Shealtiel his son,
18 Marikirami, Pedhaya, Shenazari, Jekamia, Hoshama naNedhabhia.
And Malchiram and Pedaiah and Shenazzar, Jekamiah, Hoshama and Nedabiah.
19 Vanakomana vaPedhaya vaiva: Zerubhabheri naShimei. Vanakomana vaZerubhabheri vaiva: Meshurami naHanania. Sheromiti aiva hanzvadzi yavo.
And the sons of Pedaiah: Zerubbabel and Shimei; and the sons of Zerubbabel: Meshullam and Hananiah; and Shelomith was their sister;
20 Kwaivawo navamwe vashanu vaiti: Hashubha, Oheri, Bherekia, Hasadhia naJushabhi-Hesedhi.
And Hashubah and Ohel and Berechiah and Hasadiah, Jushab-hesed, five.
21 Zvizvarwa zvaHanania zvaiva: Peratia naJeshaya, navanakomana vaRefaya, vaArinani, vaObhadhia nevaShekania.
And the sons of Hananiah: Pelatiah and Jeshaiah; the sons of Rephaiah, the sons of Arnan, the sons of Obadiah, the sons of Shecaniah.
22 Zvizvarwa zvaShekania zvaiva: Shemaya navanakomana vake vaiti: Hatushi, Igari, Bharia, Nearia naShafati, vatanhatu vose pamwe chete.
And the sons of Shecaniah: Shemaiah; and the sons of Shemaiah: Hattush and Igal and Bariah and Neariah and Shaphat, six.
23 Vanakomana vaNearia vaiva: Erioenai, Hizikia naAzirikamu, vatatu pamwe chete.
And the sons of Neariah: Elioenai and Hizkiah and Azrikam, three.
24 Vanakomana vaErioenai vaiva: Hodhavhia, Eriashibhi, Peraya, Akubhi, Johanani, Dheraya naAnani, vanomwe pamwe chete.
And the sons of Elioenai: Hodaviah and Eliashib and Pelaiah and Akkub and Johanan and Delaiah and Anani, seven.

< 1 Makoronike 3 >