< 1 Makoronike 28 >

1 Dhavhidhi akarayira vabati veIsraeri vose kuti vaungane paJerusarema: vabati pamusoro pamarudzi, vatungamiri vamapoka aishandira mambo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, navabati vaichengeta zvinhu nezvipfuwo zvamambo uye navanakomana vake, pamwe chete navabati vomumuzinda wamambo, varume vane simba nemhare dzose dzakashinga.
David rassembla à Jérusalem tous les princes d’Israël: les princes des tribus, les chefs des divisions qui servaient le roi, les chefs de milliers et les chefs de centaines, les intendants de tous les biens et troupeaux du roi et de ses fils, ainsi que les intendants et les vaillants, — tous les vaillants soldats.
2 Mambo Dhavhidhi akasimuka akamira akati, “Teererai kwandiri, hama dzangu navanhu vangu. Zvakanga zviri mumwoyo mangu kuti ndivake imba senzvimbo yokuzororera yeareka yesungano yaJehovha, kuti zvive chitsiko chetsoka dzaMwari wedu, uye ndakaita urongwa hwokuivaka.
Le roi David se leva sur ses pieds et dit: « Écoutez-moi, mes frères et mon peuple. J’avais l’intention de bâtir une maison de repos pour l’arche de l’alliance de Yahweh et pour le marche-pied de notre Dieu, et je faisais des préparatifs pour la construction.
3 Asi Mwari akati kwandiri, ‘Iwe hausi kuzovakira Zita rangu imba, nokuti uri murwi uye wakateura ropa.’
Mais Dieu m’a dit: Tu ne bâtiras pas une maison à mon nom, parce que tu es un homme de guerre et que tu as versé le sang.
4 “Asi Jehovha, Mwari waIsraeri, akandisarudza kubva kumhuri yangu yose kuti ndive mambo pamusoro paIsraeri nokusingaperi. Akasarudza Judha kuti ave mhuri yangu, uye kubva muvanakomana vababa vangu akafadzwa nokundiita mambo pamusoro peIsraeri.
Yahweh, le Dieu d’Israël, m’a choisi dans toute la maison de mon père, pour que je fusse roi sur Israël à jamais. Car il a choisi Juda pour être chef; et dans la maison de Juda, il a choisi la maison de mon père, et, parmi les fils de mon père, il s’est complu en moi pour me faire régner sur tout Israël.
5 Pavanakomana vangu vose, uye Jehovha akandipa vakawanda kwazvo, iye akasarudza mwanakomana wangu Soromoni kuti agare pachigaro choumambo hwaJehovha pamusoro paIsraeri.
Et entre tous mes fils, — car Yahweh m’a donné beaucoup de fils, — il a choisi mon fils Salomon pour le faire asseoir sur le trône de la royauté de Yahweh, sur Israël.
6 Akati kwandiri, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achavaka imba yangu nezvivanze zvangu, ndichava baba vake.
Il m’a dit: C’est Salomon, ton fils, qui bâtira ma maison et mes parvis, car je l’ai choisi pour mon fils, et je serai pour lui un père.
7 Ndichasimbisa umambo hwake nokusingaperi kana iye akatsungirira mukuita zvandakarayira nemitemo yangu sezviri kuitwa panguva ino.’
J’affermirai pour toujours sa royauté, s’il reste attaché, comme il l’est aujourd’hui, à la pratique de mes commandements et de mes ordonnances.
8 “Saka zvino ndinokurayira pamberi peIsraeri yose uye napamberi peungano yaJehovha, uye Mwari wedu achinzwa: Chenjerera kuti utevere kurayira kwose kwaJehovha senhaka kuvana vako nokusingaperi.
Maintenant, aux yeux de tout Israël, de l’assemblée de Yahweh, et devant notre Dieu qui nous entend, gardez et observez avec soin tous les commandements de Yahweh, votre Dieu, afin que vous possédiez ce bon pays et que vous le transmettiez en héritage à vos fils après vous, à jamais.
9 “Newewo mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anonzvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa. Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi.
Et toi, Salomon, mon fils, connais le Dieu de ton père, et sers-le d’un cœur parfait et d’une âme dévouée, car Yahweh sonde tous les cœurs et pénètre tout dessein des pensées. Si tu le cherches, il se laissera trouver par toi; mais si tu l’abandonnes, il te rejettera pour toujours.
10 Funga zvino, nokuti Jehovha akusarudza kuti uvake temberi senzvimbo tsvene. Iva nesimba uye uite basa iri.”
Vois maintenant que Yahweh t’a choisi pour bâtir une maison qui sera son sanctuaire. Sois fort, et à l’œuvre. »
11 Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni urongwa hwebiravira retemberi, dzimba dzayo, matura ayo, makamuri ayo okumusoro, makamuri ayo omukati uye nenzvimbo yokuyananisira.
David donna à Salomon son fils le modèle du portique et des bâtiments, chambres du trésor, chambres hautes, chambres intérieures qui s’y rattachaient, ainsi que de la chambre du propitiatoire;
12 Akamupa urongwa hwazvose zvakanga zvaiswa noMweya mupfungwa make pamusoro pezvivanze zvetemberi yaJehovha namakamuri ose akapoteredza, pamusoro pamatura epfuma yetemberi yaMwari napamusoro pamatura ezvinhu zvakakumikidzwa.
le plan de tout ce qu’il avait dans l’esprit touchant les parvis de la maison de Yahweh et toutes les chambres à l’entour, pour les trésors de la maison de Dieu et les trésors du sanctuaire,
13 Akamurayira zvokuita pamusoro pamapoka avaprista navaRevhi uye napamusoro pebasa rose rokushumira mutemberi yaJehovha, uyewo napamusoro pemidziyo yaizoshandiswa mubasa rayo.
pour les classes des prêtres et des lévites, pour toute l’œuvre du service de la maison de Yahweh, et pour tous les ustensiles employés au service de la maison de Yahweh;
14 Akarayira uremu hwegoridhe remidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira, nouremu hwesirivha yemidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira:
le modèle des ustensiles d’or, avec le poids de l’or, pour tous les ustensiles de chaque service; le modèle de tous les ustensiles d’argent, avec le poids, pour tous les ustensiles de chaque service;
15 Uremu hwegoridhe rezvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo, nouremu hwechigadziko chomwenje chimwe nechimwe, nemwenje yacho, maererano nokushandiswa kwechigadziko chemwenje chimwe nechimwe.
le poids des chandeliers d’or et de leurs lampes d’or, selon le poids de chaque chandelier et de ses lampes, et le poids des chandeliers d’argent, selon le poids de chaque chandelier;
16 Uremu hwegoridhe retafura imwe neimwe yechingwa chakatsaurwa; uremu hwesirivha yetafura dzesirivha;
le poids de l’or pour les tables des pains de proposition, pour chaque table, et le poids de l’argent pour les tables d’argent;
17 uremu hwegoridhe rakanatswa reforogo, ndiro dzokusasa nemikombe; uremu hwegoridhe nedhishi rimwe nerimwe regoridhe; uremu hwesirivha yedhishi rimwe nerimwe resirivha;
le modèle des fourchettes, des aiguières et des coupes d’or pur; des amphores d’or, avec le poids de chaque amphore; des amphores d’argent, avec le poids de chaque amphore;
18 uye uremu hwegoridhe rakanatswa nearitari yezvinonhuhwira. Akamupawo mufananidzo wengoro iyo ina makerubhi egoridhe akatambanudza mapapiro awo achifukidza areka yesungano yaJehovha.
de l’autel des parfums en or épuré, selon son poids; le modèle du char de Dieu, des Chérubins d’or qui étendent leurs ailes et couvrent l’arche de l’alliance de Yahweh.
19 Dhavhidhi akati, “Zvose izvi ndakazviziviswa zvanyorwa noruoko rwaJehovha uye akaita ndinzwisise urongwa hwake hwose.”
« Tout cela, dit David, tous les ouvrages de ce modèle, Yahweh m’en a instruit par un écrit qui, de sa main, est venu à moi. »
20 Dhavhidhi akatiwo kumwanakomana wake Soromoni, “Simba utsunge mwoyo, uye uite basa iri. Usatya kana kuora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu, anewe. Haachazokusiyi kana kukurasa, kusvikira basa rose rokushandira temberi yaJehovha rapera.
David dit à Salomon, son fils: « Sois fort et courageux! À l’œuvre! Ne crains point et ne t’effraie point; car Yahweh Dieu, mon Dieu, sera avec toi; il ne te délaissera pas et ne t’abandonnera pas, jusqu’à l’achèvement de tout l’ouvrage pour le service de la maison de Yahweh.
21 Mapoka avaprista navaRevhi akagadzirira kuita basa rose rapatemberi yaMwari, uye murume wose anoda uye ane umhizha hupi nehupi pamabasa amaoko achakubatsira pabasa iri rose. Vabati vose navanhu vose vachateerera kurayira kwako kwose.”
Et voici avec toi les classes des prêtres et des lévites pour tout le service de la maison de Dieu; avec toi, pour toute espèce de travaux, sont aussi tous les hommes dévoués et habiles, pour tous les ouvrages; enfin, les chefs et le peuple pour l’exécution de tous tes ordres. »

< 1 Makoronike 28 >