< 1 Makoronike 27 >

1 Aya ndiwo mazita avaIsraeri, vakuru vemhuri, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, namachinda avo, vaishandira mambo mune zvose pamusoro pamapoka avarwi ainge ari pabasa mwedzi nomwedzi mugore rose. Boka rimwe nerimwe raiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Nantu uluhlu lwabako-Israyeli, inhloko zezimuli, abalawuli bezinkulungwane labalawuli bamakhulu, ababesebenzela inkosi kulokho okuqondane lamaviyo empi ayefanele ukuzophisana ngenyanga kuze kuyephela umnyaka. Iviyo lilinye lalilamadoda azinkulungwane ezingamatshumi amabili lane.
2 Aitungamirira boka rokutanga mwedzi wokutanga, aiva Jashobheami mwanakomana waZabhidhieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Owayephethe iviyo lakuqala, ngenyanga yakuqala, kwakunguJashobheyamu indodana kaZabhidiyeli. Kwakulamadoda azinkulungwane ezingamatshumi amabili lane esigabeni sakhe.
3 Aiva chizvarwa chaPerezi uyewo ari mukuru wavakuru vavavarwi vose mumwedzi wokutanga.
Yena wayengowosendo lukaPherezi njalo eyinduna yezikhulu zonke zamabutho okwenyanga yakuqala.
4 Aitungamirira boka remwedzi wechipiri ainzi Dhodhai muAhohi; Mikiroti ndiye aiva mutungamiri weboka rake. Muboka rake maiva nezviuru makumi maviri nezvina.
Owayephethe iviyo ngenyanga yesibili kwakunguDodayi wako-Ahohi; uMikhilothi engumkhokheli weviyo lakhe. Kwakulamadoda azinkulungwane ezingamatshumi amabili lane eviyweni lakhe.
5 Mukuru wavarwi wechitatu mumwedzi wechitatu ainzi Bhenaya mwanakomana waJehoyadha muprista. Ndiye aiva mukuru uye muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Umlawuli wamabutho wesithathu, owezopho lesithathu, kwakunguBhenaya indodana kaJehoyada umphristi. Wayeyinduna, njalo esigabeni sakhe kwakulamadoda azinkulungwane ezingamatshumi amabili lane.
6 Uyu ndiye Bhenaya uya aiva mumwe woumhare pakati paMakumi Matatu uye aiva pamusoro paMakumi Matatu vacho. Mwanakomana wake Amizabhadhi ndiye aitungamirira boka rake.
Nguyenalo uBhenaya owayeliqhawe phakathi kwamaTshumi amaThathu njalo eyinduna yamaTshumi amaThathu. Indodana yakhe u-Amizabhadi yayiphethe iviyo lakhe.
7 Wechina pamwedzi wechina, aiva Asaheri mununʼuna waJoabhu; mwanakomana wake Zebhadhia ndiye akamutevera pakutungamirira boka iri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Owesine, owezopho lenyanga yesine, kwakungu-Asaheli umfowabo kaJowabi; indodana yakhe uZebhadiya wasala esethatha isikhundla sakhe. Kwakulamadoda azinkulungwane ezingamatshumi amabili lane eviyweni lakhe.
8 Wechishanu pamwedzi wechishanu, aiva mutungamiri Shamihuti muIzirahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Owesihlanu, owezopho lenyanga yesihlanu, kwakungumlawuli uShamihuthi owako-Izira. Kwakulamadoda azinkulungwane ezingamatshumi amabili lane eviyweni lakhe.
9 Wechitanhatu pamwedzi wechitanhatu, aiva Ira mwanakomana waIkeshi muTeko. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Owesithupha, owezopho lenyanga yesithupha, kwakungu-Ira indodana ka-Ikheshi waseThekhowa. Kwakulamadoda azinkulungwane ezingamatshumi amabili lane eviyweni lakhe.
10 Wechinomwe pamwedzi wechinomwe, aiva Herezi muPeroni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Owesikhombisa, owezopho lenyanga yesikhombisa, kwakunguHelezi umPheloni, owako-Efrayimi. Kwakulamadoda azinkulungwane ezingamatshumi amabili lane eviyweni lakhe.
11 Worusere, pamwedzi worusere, aiva Sibhekai muHushati muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Owesificaminwembili, owezopho lenyanga yesificaminwembili, kwakunguSibhekhayi umHushathi wakoZera. Kwakulamadoda azinkulungwane ezingamatshumi amabili lane eviyweni lakhe.
12 Wechipfumbamwe, mumwedzi wechipfumbamwe, aiva Abhiezeri muAnatoti, muBhenjamini. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Owesificamunwemunye, owezopho lesificamunwemunye, kwakungu-Abhiyezeri umʼAnathothi owakoBhenjamini. Kwakulamadoda azinkulungwane ezingamatshumi amabili lane eviyweni lakhe.
13 Wegumi, mumwedzi wegumi, aiva Maharai muNetofati, muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Owetshumi, owezopho lenyanga yetshumi, kwakunguMaharayi umNethofa wakoZera. Kwakulamadoda azinkulungwane ezingamatshumi amabili lane eviyweni lakhe.
14 Wegumi nomumwe, mumwedzi wegumi nomumwe, aiva Bhenaya muPiratoni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Owetshumi lanye, owezopho lenyanga yetshumi lanye, kwakunguBhenaya umPhirathoni wako-Efrayimi. Kwakulamadoda azinkulungwane ezingamatshumi amabili lane eviyweni lakhe.
15 Wegumi navaviri, mumwedzi wegumi nemiviri, aiva Heridhai muNetofati, aibva mumhuri yaOtinieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Owetshumi lambili, owezopho lenyanga yetshumi lambili, kwakunguHelidayi umNethofa, owemuli ka-Othiniyeli. Kwakulamadoda azinkulungwane ezingamatshumi amabili lane eviyweni lakhe.
16 Machinda pamusoro pamarudzi aIsraeri aiti: pamusoro pavaRubheni: Eriezeri mwanakomana waZikiri; pamusoro pavaSimeoni: Shefatia mwanakomana waMaaka;
Izikhulu ezizwaneni zako-Israyeli yilezi: KwabakoRubheni: ngu-Eliyezari indodana kaZikhiri; kwabakoSimiyoni, nguShefathiya indodana kaMahakha;
17 pamusoro paRevhi: Hashabhia mwanakomana waKemueri; pamusoro paAroni: Zadhoki;
kwabakoLevi: nguHashabhiya indodana kaKhemuweli; kwabako-Aroni: nguZadokhi;
18 pamusoro paJudha: Erihu, mununʼuna waDhavhidhi; pamusoro paIsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri;
kwabakoJuda: ngu-Elihu, umfowabo kaDavida; kwabaka-Isakhari: ngu-Omri indodana kaMikhayeli;
19 pamusoro paZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhia; pamusoro paNafutari: Jerimoti mwanakomana waAzirieri;
kwabakoZebhuluni: ngu-Ishimaya indodana ka-Obhadaya; kwabakoNafithali: nguJerimothi indodana ka-Aziriyeli
20 pamusoro pavaEfuremu: Hoshea mwanakomana waAzazia; pamusoro pehafu yorudzi rwaManase: Joere mwanakomana waPedhaya;
kwabako-Efrayimi: nguHosheya indodana ka-Azaziya; kwabayingxenye yesizwana sikaManase: nguJoweli indodana kaPhedaya;
21 pamusoro pehafu yorudzi rwaManase muGireadhi: Idho mwanakomana waZekaria; pamusoro paBhenjamini: Jaasieri mwanakomana waAbhineri;
kwabayingxenye yesizwana sikaManase eGiliyadi: ngu-Ido indodana kaZakhariya; kwabakoBhenjamini: nguJasiyeli indodana ka-Abhineri;
22 pamusoro paDhani: Azareri mwanakomana waJerohamu. Ava ndivo vaiva machinda pamusoro pamarudzi avaIsraeri.
kwabakoDani: ngu-Azareli indodana kaJerohamu. Laba babeyizikhulu ezizwaneni zako-Israyeli.
23 Dhavhidhi haana kuverenga varume vaiva namakore makumi maviri zvichidzika, nokuti Jehovha akanga avimbisa kuti vaIsraeri vaizowanda senyeredzi dziri mudenga.
UDavida kazange abhale phansi inani lamadoda ayeleminyaka engamatshumi amabili lababengaphansi kwaleyo, ngoba uThixo wayethembise ukuthi wayezakwandisa u-Israyeli abe njengezinkanyezi emkhathini.
24 Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga varume ava asi haana kuzopedza. Kutsamwa kwakauya pamusoro peIsraeri nokuda kwokuverengwa uku, saka uwandu uhu hahuna kuiswa mubhuku renhoroondo dzegore negore raMambo Dhavhidhi.
UJowabi indodana kaZeruya waqalisa ukubala amadoda kodwa kaqedanga. Ulaka lwehlela u-Israyeli ngenxa yalokho kubalwa ngakho inani lelo alibhalwanga encwadini yezindaba zeNkosi uDavida.
25 Azimavheti mwanakomana waAdhieri aiva muchengeti wamatura amambo. Jonatani mwanakomana waUzia aiva muchengeti wamatura kumaruwa okure, mumaguta, mumisha neshongwe dzavarindi.
U-Azimavethi indodana ka-Adiyeli wayephethe iziphala zesikhosini. UJonathani indodana ka-Uziya wayephethe iziphala emaphandleni ezabelweni, emadolobheni, emizini kanye lasezilindweni.
26 Eziri mwanakomana waKerubhi aiva mutariri pamusoro wavashandi vairima minda.
U-Eziri indodana kaKhelubi wayephethe izisebenzi emaphandleni ezazilima amasimu.
27 Shimei muRamati aiva mutariri weminda yemizambiringa. Zabhidhi muShifimi aiva mutariri wezvibereko zveminda yemizambiringa zvokuzoisa muzvirongo zvewaini.
UShimeyi umʼRamathi wayephethe izivini. UZabhidi waseShefama wayephethe izithelo zezivini zokwenza iwayini.
28 Bhaari-Hanani muGedheri aiva mutariri wemiorivhi nemionde yakanga iri mujinga mezvikomo zvokumadokero. Joashi aiva mutariri wamafuta omuorivhi.
UBhali-Hanani umGederi wayephethe izihlahla zama-oliva lomkhiwane wesikhamore emawatheni ezintatshana zasentshonalanga. UJowashi wayephethe amafutha e-oliva.
29 Shitirai muSharoni, aiva mutariri wemombe dzaifura muSharoni. Shafati mwanakomana waAdhirai ndiye aiva mutariri wemombe dzaiva mumipata.
UShithirayi umSharoni wayephethe imihlambi eyayisemadlelweni aseSharoni. UShafathi indodana ka-Adilayi, wayephethe imihlambi ezihotsheni.
30 Obhiri muIshumaeri aiva mutariri wengamera. Jedheya muMeronoti aiva mutariri wembongoro.
U-Obhili owako-Ishumayeli wayephethe amakamela, uJehideya owakoMeronothi ephethe ezabobabhemi.
31 Jazizi muHagiri aiva mutariri wamakwai. Ava ndivo vaiva vabati vaichengeta pfuma yaMambo Dhavhidhi.
UJazizi umHagari wayephethe ezemihlambi yezimvu. Bonke laba babeyizikhulu ezaziphethe impahla zenkosi uDavida.
32 Jonatani, babamunini vaDhavhidhi vaiva mupi wamazano, murume woruzivo nomunyori. Jehieri mwanakomana waHakimoni aiva muchengeti wavanakomana vamambo.
UJonathani, isihlobo sikaDavida, wayengumcebisi, indoda ehlakaniphileyo njalo engumbhali. UJehiyeli indodana kaHakhimoni wayephethe amadodana enkosi.
33 Ahitoferi aiva mupi wamazano kuna mambo. Hushai muAriki aiva shamwari yamambo.
U-Ahithofeli wayengumcebisi wenkosi. UHushayi owako-Arikhi wayengumngane wenkosi.
34 (Ahitoferi akazoteverwa pachinzvimbo naJehoyadha mwanakomana waBhenaya uye naAbhiatari.) Joabhu ndiye aiva mutungamiri wehondo yamambo.
UJehoyada indodana kaBhenaya nguye owathatha isikhundla sika-Ahithofeli kwalandela u-Abhiyathari. UJowabi wayengumlawuli webutho lenkosi.

< 1 Makoronike 27 >