< 1 Makoronike 25 >

1 Dhavhidhi, pamwe chete navatungamiri vehondo: vakatsaura vamwe vavanakomana vaAsafi, Hemani naJedhutuni kuti vaite ushumiri hwokuprofita kuchiridzwa mbira, mitengeranwa namakandira. Aya ndiwo mazita avarume vaiita basa iri.
Igitur David, et magistratus exercitus segregaverunt in ministerium filios Asaph, et Heman, et Idithun: qui prophetarent in citharis, et psalteriis, et cymbalis secundum numerum suum dedicato sibi officio servientes.
2 Kubva kuvanakomana vaAsafi: Zakuri, Josefa, Netania naAsarera. Vanakomana vaAsafi vaitungamirirwa naAsafi uyo aiprofita achitungamirirwa namambo.
De filiis Asaph: Zachur, et Ioseph, et Nathania, et Asarela, filii Asaph: sub manu Asaph prophetantes iuxta regem.
3 Kana ari Jedhutuni, kuvanakomana vake: Gedharia, Zeri, Jeshaya, Shimei, Hashabhia naMatitia, vatanhatu pamwe chete, vachitungamirirwa nababa vavo Jedhutuni uyo aiprofita achishandisa mbira mukuvonga nokurumbidza Jehovha.
Porro Idithun: filii Idithun, Godolias, Sori, Ieseias, et Hasabias, et Mathathias, sex, sub manu patris sui Idithun, qui in cithara prophetabat super confitentes et laudantes Dominum.
4 Kana ari Hemani, kubva kuvanakomana vake: Bhukia, Matania, Uzieri, Shubhaeri naJerimoti; Hanania, Hanani, Eriata, Gidhariti naRomamiti-Ezeri; Joshibhekasha, Maroti, Hotiri naMahazioti.
Heman quoque: filii Heman, Bocciau, Mathaniau, Oziel, Subuel, et Ierimoth, Hananias, Hanani, Eliatha, Geddelthi, et Romemthiezer, et Iesbacassa, Mellothi, Othir, Mahazioth:
5 Vose ava vaiva vanakomana vaHemani muoni wamambo. Akavapiwa kubudikidza nezvivimbiso zvaMwari kuti amukudze. Mwari akapa Hemani vanakomana gumi navana, navanasikana vatatu.
omnes isti filii Heman Videntes regis in sermonibus Dei, ut exaltaret cornu: deditque Deus Heman filios quattuordecim, et filias tres.
6 Varume vose ava vaitungamirirwa namadzibaba avo mukuimba mutemberi yaJehovha, nomukuridza makandira nemitengeranwa nembira, kuti vaite ushumiri paimba yaMwari. Asafi, Jedhutuni naHemani vaiva pasi pamambo.
Universi sub manu patris sui ad cantandum in templo Domini distributi erant, in cymbalis, et psalteriis, et citharis, in ministeria domus Domini iuxta regem: Asaph videlicet, et Idithun, et Heman.
7 Pamwe chete nehama dzavo, vose vakadzidzira uye vakava nyanzvi mukuimbira Jehovha, vaisvika mazana maviri amakumi masere navasere.
Fuit autem numerus eorum cum fratribus suis, qui erudiebant canticum Domini, cuncti doctores, ducenti octogintaocto.
8 Vaduku navakuru pamwe chete, mudzidzisi pamwe chete nomudzidzi, vakakanda mijenya pakupiwa mabasa avo.
Miseruntque sortes per vices suas, ex aequo tam maior quam minor, doctus pariter et indoctus.
9 Mujenya wokutanga waiva waAsafi, wakawira pana Josefa, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; wechipiri kuna Gedharia, iye nehama dzake navanakomana vake—gumi navaviri;
Egressaque est sors prima Ioseph, qui erat de Asaph. Secunda Godoliae, ipsi et filiis eius, et fratribus eius duodecim.
10 wechitatu kuna Zakuri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Tertia Zachur, filiis et fratribus eius duodecim.
11 wechina kuna Iziri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Quarta Isari, filiis et fratribus eius duodecim.
12 wechishanu kuna Netania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Quinta Nathaniae, filiis et fratribus eius duodecim.
13 wechitanhatu kuna Bhukia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Sexta Bocciau, filiis et fratribus eius duodecim.
14 wechinomwe kuna Jesarera, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Septima Isreela, filiis et fratribus eius duodecim.
15 worusere kuna Jeshaya, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Octava Iesaiae, filiis et fratribus eius duodecim.
16 wepfumbamwe kuna Matania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Nona Mathaniae, filiis et fratribus eius duodecim.
17 wegumi kuna Shimei, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Decima Semeiae, filiis et fratribus eius duodecim.
18 wegumi nomumwe kuna Azareri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Undecima Azareel, filiis et fratribus eius duodecim.
19 wegumi nemiviri kuna Hashabhia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Duodecima Hasabiae, filiis et fratribus eius duodecim.
20 wegumi nemitatu kuna Shubhaeri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Tertiadecima Subael, filiis et fratribus eius duodecim.
21 wegumi nemina kuna Matitia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Quartadecima Mathathiae, filiis et fratribus eius duodecim.
22 wegumi nemishanu kuna Jerimoti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Quintadecima Ierimoth, filiis et fratribus eius duodecim.
23 wegumi nemitanhatu kuna Hanania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Sextadecima Hananiae, filiis et fratribus eius duodecim.
24 wegumi neminomwe kuna Joshibhekasha, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Septimadecima Iesbacassae, filiis et fratribus eius duodecim.
25 wegumi nemisere kuna Hanani, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Octavadecima Hanani, filiis et fratribus eius duodecim.
26 wegumi nemipfumbamwe kuna Maroti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Nonadecima Mellothi, filiis et fratribus eius duodecim.
27 wamakumi maviri kuna Eriata, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Vigesima Eliatha, filiis et fratribus eius duodecim.
28 wamakumi maviri nomumwe kuna Hotiri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Vigesimaprima Othir, filiis et fratribus eius duodecim.
29 wamakumi maviri nemiviri kuna Gidhariti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Vigesimasecunda Geddelthi, filiis et fratribus eius duodecim.
30 wamakumi maviri nemitatu kuna Mahazioti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
Vigesimatertia Mahazioth, filiis et fratribus eius duodecim.
31 wamakumi maviri nemina kuna Romamiti-Ezeri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri.
Vigesimaquarta Romemthiezer, filiis et fratribus eius duodecim.

< 1 Makoronike 25 >