< 1 Makoronike 24 >
1 Aya ndiwo aiva mapoka avanakomana vaAroni: Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naItamari.
アロンの子孫の組は次のとおりである。すなわちアロンの子らはナダブ、アビウ、エレアザル、イタマル。
2 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa baba vavo vasati vafa, uye vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari vakashumira savaprista.
ナダブとアビウはその父に先だって死に、子がなかったので、エレアザルとイタマルが祭司となった。
3 Achibatsirwa naZadhoki chizvarwa chaEreazari naAhimereki chizvarwa chaItamari, Dhavhidhi akavapatsanura akavaisa mumapoka kuti vaite basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa.
ダビデはエレアザルの子孫ザドクとイタマルの子孫アヒメレクの助けによって彼らを分けて、それぞれの勤めにつけた。
4 Vatungamiri vazhinji vakanyanyowanikwa pane zvizvarwa zvaEreazari kupfuura pakati pezvizvarwa zvaItamari uye vakaiswa mumapoka zvakakodzerana: vakuru gumi navatanhatu kubva kuzvizvarwa zvaEreazari uye vakuru vasere kubva kuzvizvarwa zvaItamari.
エレアザルの子孫のうちにはイタマルの子孫のうちよりも長たる人々が多かった。それでエレアザルの子孫で氏族の長である十六人と、イタマルの子孫で氏族の長である者八人にこれを分けた。
5 Vakavaisa mumapoka zvakakodzerana, nokukanda mijenya nokuti paiva navabati venzvimbo tsvene navabati vaMwari pakati pezvizvarwa zvaEreazari nezvizvarwa zvaItamari.
このように彼らは皆ひとしく、くじによって分けられた。聖所のつかさ、および神のつかさは、ともにエレアザルの子孫とイタマルの子孫から出たからである。
6 Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri, muRevhi, akanyora mazita avo pamberi pamambo, napamberi pavabati vaiti: Zadhoki muprista, Ahimereki mwanakomana waAbhiatari navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi mhuri imwe chete ichitorwa kubva kuna Ereazari uye imwe chete kubva kuna Itamari.
レビびとネタネルの子である書記シマヤは、王とつかさたちと祭司ザドクとアビヤタルの子アヒメレクと祭司およびレビびとの氏族の長たちの前で、これを書きしるした。すなわちエレアザルのために氏族一つを取れば、イタマルのためにも一つを取った。
7 Mujenya wokutanga wakawira pana Jehoyaribhi, wechipiri pana Jedhaya,
第一のくじはヨアリブに当り、第二はエダヤに当り、
8 wechitatu kuna Harimi, wechina kuna Seorimi,
第三はハリムに、第四はセオリムに、
9 wechishanu kuna Marikia, wechitanhatu kuna Miyamini,
第五はマルキヤに、第六はミヤミンに、
10 wechinomwe kuna Hakozi, wechisere kuna Abhija,
第七はハッコヅに、第八はアビヤに、
11 wepfumbamwe kuna Jeshua, wegumi kuna Shekania,
第九はエシュアに、第十はシカニヤに、
12 wegumi nomumwe kuna Eriashibhi, wegumi nembiri kuna Jakimi,
第十一はエリアシブに、第十二はヤキムに、
13 wegumi nenhatu kuna Hupa, wegumi neina kuna Jeshebheabhi,
第十三はホッパに、第十四はエシバブに、
14 wegumi neshanu kuna Bhiriga, wegumi nenhanhatu kuna Imeri,
第十五はビルガに、第十六はインメルに、
15 wegumi nenomwe kuna Heziri, wegumi netsere kuna Hapizezi,
第十七はヘジルに、第十八はハピセツに、
16 wegumi nepfumbamwe kuna Petahia, wemakumi maviri kuna Jehezikeri,
第十九はペタヒヤに、第二十はエゼキエルに、
17 wemakumi maviri nomumwe kuna Jakini, wemakumi maviri nembiri kuna Gamuri,
第二十一はヤキンに、第二十二はガムルに、
18 wemakumi maviri nenhatu kuna Dheraya, uye wemakumi maviri neina kuna Maazia.
第二十三はデラヤに、第二十四はマアジヤに当った。
19 Iri ndiro raiva basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa pavakapinda mutemberi yaJehovha, maererano nemitemo yavakanga vapiwa nababa wavo Aroni sokurayirwa kwaakanga aitwa naJehovha, Mwari waIsraeri.
これは、彼らの先祖アロンによって設けられた定めにしたがい、主の家にはいって務をなす順序であって、イスラエルの神、主の彼に命じられたとおりである。
20 Kana zviri zvimwe zvizvarwa zvaRevhi: kubva kuvanakomana vaAmiramu, Shubhaeri; kubva kuvanakomana vaShubhaeri: Jedheya.
このほかのレビの子孫は次のとおりである。すなわちアムラムの子らのうちではシュバエル。シュバエルの子らのうちではエデヤ。
21 Kana ari Rehabhia, kuvanakomana vake: Ishia aiva wokutanga.
レハビヤについては、レハビヤの子らのうちでは長子イシア。
22 Kubva kuvaIzhari: Sheromoti; kubva kuvanakomana vaSheromoti: Jahati.
イヅハリびとのうちではシロミテ。シロミテの子らのうちではヤハテ。
23 Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Jeria wokutanga, Amaria wechipiri, Jehazieri wechitatu naJekameami wechina.
ヘブロンの子らは長子はエリヤ、次はアマリヤ、第三はヤハジエル、第四はエカメアム。
24 Mwanakomana waUzieri aiva: Mika; kubva kuvanakomana vaMika: Shamiri.
ウジエルの子らのうちではミカ。ミカの子らのうちではシャミル。
25 Mununʼuna waMika: Ishia; kubva kuvanakomana vaIshia: Zekaria.
ミカの兄弟はイシア。イシアの子らのうちではゼカリヤ。
26 Vanakomana vaMerari vaiva: Mari naMushi. Mwanakomana waJaazia aiva: Bheno.
メラリの子らはマヘリとムシ。ヤジアの子らはベノ。
27 Vanakomana vaMerari vaiva: kubva kuna Jaazia: Bheno, Shoshami, Zakuri, naIbhiri.
メラリの子孫のヤジアから出た者はベノ、ショハム、ザックル、イブリ。
28 Kubva kuna Mari: Ereazari, uye akanga asina vanakomana.
マヘリからエレアザルが出た。彼には子がなかった。
29 Kubva kuna Kishi mwanakomana waKishi aiva: Jerameeri.
キシについては、キシの子はエラメル。
30 Uye vanakomana vaMushi vaiti: Mari, Edheri naJerimoti. Ava ndivo vaiva vaRevhi maererano nemhuri dzavo.
ムシの子らはマヘリ、エデル、エリモテ。これらはレビびとの子孫で、その氏族によっていった者である。
31 Vakakandawo mijenya sezvaingoita hama dzavo zvizvarwa zvaAroni, pamberi paMambo Dhavhidhi naZadhoki, Ahimereki navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi. Mhuri dzomukoma pane vose dzaingoverengwa zvimwe chetezvo sedzomudiki pane vose.
これらの者もまた氏族の兄もその弟も同様に、ダビデ王と、ザドクと、アヒメレクと、祭司およびレビびとの氏族の長たちの前で、アロンの子孫であるその兄弟たちのようにくじを引いた。