< 1 Makoronike 23 >

1 Dhavhidhi paakanga akwegura ava namakore mazhinji, akaita kuti mwanakomana wake Soromoni ave mambo pamusoro peIsraeri.
Now David was old and full of days; and he made Solomon his son king over Israel.
2 Akaunganidzawo vatungamiri vose veIsraeri pamwe chete navaprista navaRevhi.
And he gathered together all the princes of Israel, with the priests and the Levites.
3 VaRevhi vose vana makore makumi matatu zvichienda mberi vakaverengwa, uye varume vose vakasvika zviuru makumi matatu nezvisere.
And the Levites were numbered from thirty years old and upward; and their number by their polls, man by man, was thirty and eight thousand.
4 Dhavhidhi akati, “Pane ava, zviuru makumi maviri nezvina vachava vatariri vebasa rokuvakwa kwetemberi yaJehovha uye zviuru zvitanhatu vachava vakuru navatongi.
Of these, twenty and four thousand were to oversee the work of the house of the LORD; and six thousand were officers and judges;
5 Zviuru zvina vachava vachengeti vamasuo uye zviuru zvina vacharumbidza Jehovha nezviridzwa zvandakapa nokuda kwechikonzero ichi.”
and four thousand were doorkeepers; and four thousand praised the LORD 'with the instruments which I made to praise therewith.'
6 Dhavhidhi akapatsanura vaRevhi akavaisa mumapoka zvichienderana navanakomana vaRevhi vaiti: Gerishoni, Kohati naMerari.
And David divided them into courses according to the sons of Levi: Gershon, Kohath, and Merari.
7 VokwaGerishoni vaiva: Radhani naShimei.
Of the Gershonites: Ladan, and Shimei.
8 Vanakomana vaRadhani vaiva: Jehieri dangwe, Zetami naJoere, vatatu pamwe chete.
The sons of Ladan: Jehiel the chief, and Zetham, and Joel, three.
9 Vanakomana vaShimei vaiva: Sheromoti, Hazieri naHarani, vatatu pamwe chete. Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzaRadhani.
The sons of Shimei: Shelomith, and Haziel, and Haran, three. These were the heads of the fathers' houses of Ladan.
10 Uye vanakomana vaShimei vaiva: Jahati, Ziza, Jeushi naBheria. Ava ndivo vaiva vanakomana vaShimei, vana pamwe chete.
And the sons of Shimei: Jahath, Zina, and Jeush, and Beriah. These four were the sons of Shimei.
11 (Jahati aiva wokutanga, Ziza ari wechipiri, asi Jeushi naBheria vakanga vasina vanakomana vakawanda; saka vakaverengwa semhuri imwe chete ine basa rimwe chete.)
And Jahath was the chief, and Zizah the second; but Jeush and Beriah had not many sons; therefore they became a fathers' house in one reckoning.
12 Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri, vana pamwe chete.
The sons of Kohath: Amram, Izhar, Hebron, and Uzziel, four.
13 Vanakomana vaAmiramu vaiva: Aroni naMozisi. Aroni akatsaurwa iye nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kuti anatse zvinhu zvaiva zvitsvene-tsvene, kuti vape zvipiriso pamberi paJehovha, kushumira pamberi pake uye kutaura maropafadzo muzita rake nokusingaperi.
The sons of Amram: Aaron and Moses; and Aaron was separated, that he should be sanctified as most holy, he and his sons for ever, to offer before the LORD, to minister unto Him, and to bless in His name for ever.
14 Vanakomana vaMozisi munhu waMwari vakaverengwa sechikamu chorudzi rwaRevhi.
But as for Moses the man of God, his sons are named among the tribe of Levi.
15 Vanakomana vaMozisi vaiva: Gerishomi naEriezeri.
The sons of Moses: Gershom, and Eliezer.
16 Zvizvarwa zvaGerishomi: Shubhaeri ndiye aiva wokutanga.
The sons of Gershom: Shebuel the chief.
17 Zvizvarwa zvaEriezeri zvaiva: Rehabhia ndiye aiva wokutanga. (Eriezeri haana kuzoita vamwe vanakomana, asi Rehabhia akaita vanakomana vakawanda kwazvo.)
And the sons of Eliezer were: Rehabiah the chief. And Eliezer had no other sons; but the sons of Rehabiah were very many.
18 Vanakomana vaIzhari: Sheromiti ndiye aiva wokutanga.
The sons of Izhar: Shelomith the chief.
19 Vanakomana vaHebhuroni: Jeria ndiye wokutanga, Amaria wechipiri, Jahazieri wechitatu naJekameami wechina.
The sons of Hebron: Jeriah the chief, Amariah the second, Jahaziel the third, and Jekameam the fourth.
20 Vanakomana vaUzieri: Mika wokutanga naIshia wechipiri.
The sons of Uzziel: Micah the chief, and Isshiah the second.
21 Vanakomana vaMerari, vaiva: Mari naMushi. Vanakomana vaMari vaiva: Ereazari naKishi.
The sons of Merari: Mahli, and Mushi. The sons of Mahli: Eleazar, and Kish.
22 (Ereazari akafa asina vanakomana: aingova navanasikana chete. Hama dzavo, vanakomana vaKishi vakavaroora.)
And Eleazar died, and had no sons, but daughters only; and their brethren the sons of Kish took them to wife.
23 Vanakomana vaMushi vaiva: Mari, Edheri, naJerimoti, vatatu pamwe chete.
The sons of Mushi: Mahli, and Eder, and Jeremoth, three.
24 Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaRevhi nemhuri dzavo, vakuru vemhuri sezvazvakanga vakanyorwa pasi pamazita avo uye vachiverengwa mumwe nomumwe, zvichireva vashandi vaiva namakore makumi maviri naanopfuura vaishanda mutemberi yaJehovha.
These were the sons of Levi after their fathers' houses, even the heads of the fathers' houses, according to their muster, in the number of names by their polls, who did the work for the service of the house of the LORD, from twenty years old and upward.
25 Nokuti Dhavhidhi akanga ati, “Sezvo Jehovha, Mwari waIsraeri apa zororo kuvanhu vake uye akauya kuzogara muJerusarema nokusingaperi,
For David said: 'The LORD, the God of Israel, hath given rest unto His people, and He dwelleth in Jerusalem for ever;
26 vaRevhi havachafaniri kuramba vachitakura tabhenakeri kana mimwe midziyo yose yaishandiswa pabasa rayo.”
and also the Levites shall no more have need to carry the tabernacle and all the vessels of it for the service thereof.'
27 Maererano nokurayira kwaDhavhidhi kwokupedzisira, vaRevhi vakaverengwa kubva pana vana makore makumi maviri kana anopfuura ipapo.
For by the last ordinances of David the sons of Levi were numbered from twenty years old and upward.
28 Basa ravaRevhi raiva rokubatsira zvizvarwa zvaAroni, mukubata basa romutemberi yaJehovha: kuvatariri voruvanze, makamuri omumativi, kunatsa zvinhu zvose zvaiera, nokuita mamwe mabasa paimba yaMwari.
For their station was at the side of the sons of Aaron for the service of the house of the LORD, in the courts, and in the chambers, and in the purifying of all holy things, even the work of the service of the house of God;
29 Vaiva vachengeti vechingwa chaiiswa patafura, upfu hwakatsetseka hwezvipiriso zvezviyo, zvingwa zvitete zvisina mbiriso, kubika nokusanganisa, uye zviero zvose zvouwandu noukuru.
for the showbread also, and for the fine flour for a meal-offering, whether of unleavened wafers, or of that which is baked on the griddle, or of that which is soaked, and for all manner of measure and size;
30 Vaifanirawo zvakare kumira mangwanani oga oga vachitenda uye vachirumbidza Jehovha. Vaifanira kuita zvimwe chetezvo manheru
and to stand every morning to thank and praise the LORD, and likewise at even;
31 uye napose paipiwa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha pamaSabata uye napamitambo yoKugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakarayirwa. Vaifanira kushanda pamberi paJehovha nguva dzose nouwandu hwaidiwa uye nenzira yavakanga varayirwa kuti vaiite.
and to offer all burnt-offerings unto the LORD, on the sabbaths, on the new moons, and in the appointed seasons, in number according to the ordinance concerning them, continually, before the LORD;
32 Nokudaro vaRevhi vakaita mabasa omuTende Rokusangana, romuNzvimbo Tsvene uye vari pasi pehama dzavo zvizvarwa zvaAroni, mubasa roushumiri mutemberi yaJehovha.
and that they should keep the charge of the tent of meeting, and the charge of the holy place, and the charge of the sons of Aaron their brethren, for the service of the house of the LORD.

< 1 Makoronike 23 >