< 1 Makoronike 21 >

1 Satani akamukira Israeri akakurudzira Dhavhidhi kuti averenge vaIsraeri.
And Satan stood up against Israel, and moved David to number Israel.
2 Saka Dhavhidhi akati kuna Joabhu navatungamiri vamapoka avarwi, “Endai mundoverenga vaIsraeri vose kubva kuBheerishebha kusvikira kuDhani. Uye mugozondiudza kuitira kuti ndizive kuti vangani variko.”
And David said to Joab and to the princes of the people, Go, number Israel from Beersheba even to Dan, and bring me word that I may know the sum of them.
3 Asi Joabhu akapindura akati, “Jehovha ngavawedzere uwandu hwavarwi vake kakapetwa kazana. Ishe wangu mambo, ava vose havasi pasi petsoka dzenyu here? Seiko ishe wangu muchida kuita izvi? Sei muchida kuuyisa mhosva kuna Israeri?”
And Joab said, Jehovah make his people a hundred times as many as they are. But, my lord the king, are they not all my lord's servants? Why does my lord require this thing? Why will he be a cause of guilt to Israel?
4 Zvisinei, shoko ramambo rakakunda raJoabhu, saka Joabhu akabvapo akaenda muIsraeri yose uye akadzokera kuJerusarema.
Nevertheless the king's word prevailed against Joab. Therefore Joab departed, and went throughout all Israel, and came to Jerusalem.
5 Joabhu akataurira Dhavhidhi uwandu hwavarwi achiti muIsraeri yose maiva navanhu vaigona kubata munondo vaisvika miriyoni nezana rezviuru zvavarume, vachisanganisira zviuru mazana mana nemakumi manomwe muJudha.
And Joab gave up the sum of the numbering of the people to David. And all those of Israel were a million and a hundred thousand men who drew a sword. And Judah was four hundred seventy thousand men who drew a sword.
6 Asi Joabhu haana kusanganisira Revhi naBhenjamini mukuverenga uku, nokuti kurayira kwamambo kwakanga kwakaipa kwazvo kwaari.
But he did not count Levi and Benjamin among them, for the king's word was abominable to Joab.
7 Kurayira uku kwakanga kwakaipawo pamberi paMwari, saka akaranga Israeri.
And God was displeased with this thing, therefore he smote Israel.
8 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Ndakatadza zvikuru pandakaita chinhu ichi. Zvino ndinokumbirawo kuti mubvise kuipa kwomuranda wenyu. Ndakaita sebenzi kwazvo.”
And David said to God, I have sinned greatly, in that I have done this thing. But now, put away, I beseech thee, the iniquity of thy servant, for I have done very foolishly.
9 Jehovha akati kuna Gadhi muoni waDhavhidhi,
And Jehovah spoke to Gad, David's seer, saying,
10 “Enda undotaurira Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndinokupa zvinhu zvitatu zvokusarudza. Zvisarudzire chaunoda kuti ndikuitire ndichikuranga.’”
Go and speak to David, saying, Thus says Jehovah, I offer thee three things. Choose thee one of them, that I may do it to thee.
11 Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Sarudza pakati peizvi:
So Gad came to David, and said to him, Thus says Jehovah, Take which thou will:
12 Makore matatu enzara, mwedzi mitatu yokutsvairwa pamberi pavavengi vako, minondo yavo ichikuparadzai, kana kuti mazuva matatu omunondo waJehovha, mazuva edenda munyika mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsraeri.’ Zvino saka zvisarudzirei kuti ndinganopindura sei uyo akandituma.”
either three years of famine, or three months to be consumed before thy foes while the sword of thine enemies overtakes thee, or else three days the sword of Jehovah, even pestilence in the land, and the agent of Jehovah destroying throughout all the borders of Israel. Now therefore consider what answer I shall return to him who sent me.
13 Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri mukutambudzika kukuru kwazvo. Rega hako ndiwire mumaoko aJehovha nokuti tsitsi dzake dzakakura kwazvo, asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.”
And David said to Gad, I am in a great strait. Let me fall, I pray, into the hand of Jehovah, for his mercies are very great, and let me not fall into the hand of man.
14 Saka Jehovha akatumira denda muIsraeri uye zviuru makumi manomwe zvavarume veIsraeri vakawira pasi vakafa.
So Jehovah sent a pestilence upon Israel, and there fell of Israel seventy thousand men.
15 Uye Jehovha akatuma mutumwa kuti aparadze Jerusarema, asi mutumwa uya paakanga achiita izvi Jehovha akazviona uye akazvidemba nokuda kwedambudziko iri akati kumutumwa aiparadza vanhu, “Zvakwana! Dzosa ruoko rwako.” Mutumwa waJehovha ipapo akanga akamira paburiro raArauna muJebhusi.
And God sent an agent to Jerusalem to destroy it. And as he was about to destroy, Jehovah beheld, and he relented of the evil, and said to the destroying agent, It is enough. Now halt thy hand. And the agent of Jehovah was standing by the threshing-floor of Ornan the Jebusite.
16 Dhavhidhi akatarisa kumusoro akaona mutumwa waJehovha akamira pakati pedenga nenyika, aine munondo muruoko rwake akarutambanudzira pamusoro peJerusarema. Ipapo Dhavhidhi navakuru vose vakapfeka masaga, vakawira pasi vakatsikitsira zviso zvavo.
And David lifted up his eyes, and saw the agent of Jehovah standing between earth and heaven, having a drawn sword in his hand stretched out over Jerusalem. Then David and the elders, clothed in sackcloth, fell upon their faces.
17 Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Handisini here ndakarayira kuti varwi vose vaverengwe? Ndini ndakatadza ndikaita zvakaipa, ava vanongova makwai chete. Vakaiteiko? Haiwa Jehovha, Mwari wangu, regai ruoko rwenyu ruwire pandiri ini nemhuri yangu, asi musarega denda iri riri pamusoro pavanhu venyu.”
And David said to God, Is it not I who commanded the people to be numbered? Even I it is who have sinned and done very badly. But these sheep, what have they done? Let thy hand, I pray thee, O Jehovah my God, be against me, and against my father's house, but not against thy people, that they should be plagued.
18 Ipapo mutumwa waJehovha akarayira Gadhi kuti ataurire Dhavhidhi kuti akwire andovakira Jehovha aritari muburiro raArauna muJebhusi.
Then the agent of Jehovah commanded Gad to say to David that David should go up, and rear an altar to Jehovah in the threshing-floor of Ornan the Jebusite.
19 Saka Dhavhidhi akakwidza mukuteerera shoko rakanga rataurwa naGadhi muzita raJehovha.
And David went up at the saying of Gad, which he spoke in the name of Jehovah.
20 Arauna paakanga achipura zviyo, akacheuka akaona mutumwa; vanakomana vake vana vaaiva navo vakanohwanda.
And Ornan turned back, and saw the agent, and his four sons who were with him hid themselves. Now Ornan was threshing wheat.
21 Ipapo Dhavhidhi akaswedera, uye Arauna paakatarisa akamuona, akasiya buriro akakotamira pasi pamberi paDhavhidhi akaisa chiso chake pasi.
And as David came to Ornan, Ornan looked and saw David, and went out of the threshing-floor, and bowed himself to David with his face to the ground.
22 Dhavhidhi akati kwaari, “Ndipewo nzvimbo yeburiro rako kuti ndigovakira Jehovha aritari, kuti denda riri pavanhu rimiswe. Nditengeserewo nomutengo waro wakazara.”
Then David said to Ornan, Give me the place of this threshing-floor, that I may build thereon an altar to Jehovah. For the full price thou shall give it me, that the plague may be stopped from the people.
23 Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ritorei henyu! Ishe wangu mambo ngavaite zvinovafadza. Tarirai ndichakupai nzombe yezvibayiro zvinopiswa, matanda okupurisa dzive huni, uye zviyo zvive zvipiriso zvoupfu. Ndichakupai zvose izvi.”
And Ornan said to David, Take it to thee, and let my lord the king do that which is good in his eyes. Lo, I give thee the oxen for burnt offerings, and the threshing instruments for wood, and the wheat for the meal offering. I give it all.
24 Asi mambo Dhavhidhi akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kutenga nomutengo wakazara. Handingatori ndichipa Jehovha zvinhu zvako iwe kana kubayira chipiriso chinopiswa chandisina kuripira.”
And king David said to Ornan, No, but I will truly buy it for the full price. For I will not take that which is thine for Jehovah, nor offer a burnt offering without cost.
25 Saka Dhavhidhi akaripira Arauna mashekeri mazana matanhatu egoridhe kuti apiwe nzvimbo iyi.
So David gave to Ornan for the place six hundred shekels of gold by weight.
26 Dhavhidhi akavaka aritari kuna Jehovha ipapo uye akapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. Akadana kuna Jehovha uye Jehovha akamupindura nomoto wakabva kudenga ukaenda paaritari yezvipiriso zvinopiswa.
And David built there an altar to Jehovah, and offered burnt offerings and peace offerings, and called upon Jehovah. And he answered him from heaven by fire upon the altar of burnt offering.
27 Ipapo Jehovha akataurira mutumwa iye akadzorera munondo wake mumuhara wawo.
And Jehovah commanded the agent, and he put up his sword again into the sheath of it.
28 Panguva iyoyo Dhavhidhi paakaona kuti Jehovha akanga amupindura paburiro raArauna muJebhusi, akapa zvipiriso ipapo.
At that time, when David saw that Jehovah had answered him in the threshing-floor of Ornan the Jebusite, then he sacrificed there.
29 Tabhenakeri yaJehovha yakanga yagadzirwa naMozisi murenje. Nearitari yezvipiriso zvinopiswa zvakanga zviri panzvimbo yakakwirira paGibheoni panguva iyoyo.
For the tabernacle of Jehovah, which Moses made in the wilderness, and the altar of burnt offering, were at that time in the high place at Gibeon.
30 Asi Dhavhidhi haaikwanisa kuenda pamberi payo kundobvunza Mwari nokuti aitya munondo womutumwa waJehovha.
But David could not go before it to inquire of God, for he was afraid because of the sword of the agent of Jehovah.

< 1 Makoronike 21 >