< 1 Makoronike 2 >

1 Ava ndivo vaiva vanakomana vaIsraeri: Rubheni, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Zebhuruni,
Voici les enfants d’Israël: Ruben, Siméon, Lévi, Juda, Issachar et Zabulon,
2 Dhani, Josefa, Bhenjamini, Nafutari, Gadhi naAsheri.
Dan, Joseph et Benjamin, Nephtali, Gad et Aser.
3 Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani naShera. Vatatu ava akavaberekerwa nomudzimai wechiKenani, mwanasikana waShua. Eri dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha. Saka Jehovha akamuuraya.
Enfants de Juda: Er, Onân et Chêla; ces trois lui naquirent de la fille de Choua, la Cananéenne. Er, le premier-né de Juda, ayant déplu au Seigneur, le Seigneur le fit mourir.
4 Tamari muroora waJudha akamuberekera Perezi naZera. Judha aiva navanakomana vashanu vose pamwe chete.
Tamar, sa bru, lui enfanta Péreç et Zérah. Total des fils de Juda: cinq.
5 Vanakomana vaPerezi vaiva: Hezironi naHamuri.
Les fils de Péreç furent Heçrôn et Hamoul.
6 Vanakomana vaZera vaiva: Zimuri, Etani, Hemani, Karikori naDharidha; vose vaiva vashanu.
Fils de Zérah: Zimri, Ethân, Hêmân, Kalkol, Dara, en tout cinq.
7 Mwanakomana waKarimi aiva: Akari, uyo akauyisa matambudziko pamusoro peIsraeri nokutyora murayiro wokusatora zvinhu zvakaereswa.
Fils de Carmi: Akhar, qui affligea Israël en violant l’anathème.
8 Mwanakomana waEtani ainzi Azaria.
Fils d’Ethân: Azaria.
9 Vanakomana vaHezironi vaiva: Jerameeri, Rami naKarebhu.
Fils de Heçrôn, qui lui naquirent: Yerahmeêl, Râm et Keloubaï.
10 Rami aiva baba vaAminadhabhi, uye Aminadhabhi aiva baba vaNahashoni mutungamiri wavanhu veJudha.
Râm engendra Amminadab, et Amminadab Nahchôn, prince des enfants de Juda.
11 Nahashoni aiva baba vaSarimoni, Sarimoni ari baba vaBhoazi,
Nahchôn engendra Salmâ, et Salmâ Booz.
12 Bhoazi aiva baba vaObhedhi uye Obhedhi aiva baba vaJese.
Booz engendra Obed, et Obed Jessé.
13 Jese aiva baba vaEriabhi dangwe rake; mwanakomana wake wechipiri ainzi Abhinadhabhi, wechitatu ainzi Shimea,
Jessé engendra comme premier-né Elïab, Abinadab deuxième, Chimea troisième,
14 wechina ainzi Netaneri, wechishanu ainzi Radhai,
Nethanel quatrième, Raddaï cinquième,
15 wechitanhatu ainzi Ozemi uye wechinomwe ainzi Dhavhidhi.
Ocem sixième, David septième.
16 Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Vanakomana vatatu vaZeruya vaiva Abhishai, Joabhu naAsaheri.
Leurs sœurs étaient Cerouya et Abigaïl; les fils de Cerouya: Abchaï, Joab, Assahel, en tout trois.
17 Abhigairi aiva amai vaAmasa, baba vaAmasa vainzi Jeteri muIshumaeri.
Abigaïl enfanta Amassa. Amassa avait pour père Yéter, l’Ismaélite.
18 Karebhu mwanakomana waHezironi akabereka vana nomudzimai wake Azubha (uye naJerioti). Ava ndivo vaiva vanakomana vake: Jesheri Shobhabhi naAridhoni.
Caleb, fils de Heçrôn, eut des enfants d’Azouba, sa femme, et de Yerioth. Les enfants de la première furent: Yêcher, Chobab et Ardôn.
19 Azubha paakafa Karebhu akaroora Efurati uyo akamuberekera Huri.
Azouba étant morte, Caleb épousa Efrath, et celle-ci lui enfanta Hour.
20 Huri aiva baba vaUri uye Uri aiva baba vaBhezareri.
Hour engendra Ouri, et Ouri Beçalêl.
21 Shure kwaizvozvo, Hezironi akavata nomwanasikana waMakiri baba vaGireadhi; akanga amuwana paakanga ava namakore makumi matanhatu; akamuberekera Segubhi.
Ensuite Heçrôn eut commerce avec une fille de Makhir, père de Ghilad, qu’il avait épousée à l’âge de soixante ans. Elle lui enfanta Segoub.
22 Segubhi aiva baba vaJairi, uyo aitonga maguta makumi maviri namatatu muGireadhi.
Segoub engendra Yaïr, qui posséda vingt-trois villes dans le pays de Galaad.
23 (Asi Geshuri naAramu vakatapa Habhoti Jairi pamwe chete neKenati namaguta akaripoteredza, maguta makumi matanhatu.) Ava vose vaiva vorudzi rwaMakiri baba vaGireadhi.
Ghechour et Aram leur enlevèrent les bourgs de Yaïr, avec Kenath et ses bourgs, en tout soixante villes. Tous ceux-là étaient fils de Makhir, père de Ghilad.
24 Mushure mokunge Hezironi afira muKarebhu Efurata, Abhija mudzimai waHezironi akamuberekera Ashuri baba vaTekoa.
Après la mort de Heçrôn à Caleb d’Efrath, la femme de Heçron, Abiyya, lui enfanta Achhour, le père de Tekoa.
25 Vanakomana vaJerameeri dangwe raHezironi vaiva: Rami dangwe rake, Bhuna, Oreni, Ozemi naAhija.
Les fils de Yerahmeêl, le premier-né de Heçron, furent Râm, l’aîné, Bouna, Orén, Ocem, nés d’ Ahiyya.
26 Jerameeri akanga ane mumwe mukadzi, zita rake rainzi Atara. Akanga ari amai vaOnami.
Yerahmeêl eut une autre femme, du nom d’Atara. Ce fut la mère d’Onam.
27 Vanakomana vaRamu dangwe raJerameeri vaiva: Maazi, Jamini naEkeri.
Les fils de Râm, le premier-né de Yerahmeêl, furent: Maaç, Yamîn et Eker.
28 Vanakomana vaOnami vaiva: Shamai naJadha. Vanakomana vaShamai vaiva: Nadhabhi naAbhishuri.
Les fils d’Onam furent Chammaï et Yada, ceux de Chammaï: Nadab et Abichour.
29 Mukadzi waAbhishuri ainzi Abhihairi akamuberekera Abhani naMoridhi.
La femme d’Abichour, qui s’appelait Abihaïl, lui enfanta Ahbân et Molid.
30 Vanakomana vaNadhabhi vaiva: Seredhi naApaimi. Seredhi akafa asina vana.
Les fils de Nadab furent Séled et Appaïm. Séled mourut sans enfants.
31 Mwanakomana waApaimi ainzi Ishi uyo aiva baba vaSheshani. Sheshani aiva baba vaArai.
Les enfants d’Appaïm furent Yicheï, de celui-ci Chêchân, de celui-ci Ahlaï.
32 Vanakomana vaJadha, mununʼuna waShamai vaiva: Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina vana.
Les fils de Yada, frère de Chammaï, furent Yéter et Jonathan. Yéter mourut sans enfants.
33 Vanakomana vaJonatani vaiva: Pereti naZaza. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaJerameeri.
Les fils de Jonathan furent: Péleth et Zaza. Tels furent les descendants de Yerahmeêl.
34 Sheshani aiva asina vanakomana, aiva navanasikana chete. Aiva nomuranda wechiIjipita ainzi Jara.
Chêchân n’avait pas de fils, mais seulement des filles. Ayant un esclave égyptien du nom de Yarha,
35 Sheshani akapa mwanasikana wake kuti ave mukadzi womuranda wake. Jara akamuberekera Atai.
Chêchân donna en mariage sa fille à ce Yarha, son esclave, et elle lui enfanta Attaï.
36 Atai aiva baba vaNatani, Natani aiva baba vaZabhadhi,
Attaï engendra Nathan, et celui-ci Zabad.
37 Zabhadhi baba vaEfirari, Efirari baba vaObedhi,
Zabad engendra Eflâl, et celui-ci Obed.
38 Obhedhi baba vaJehu, Jehu baba vaAzaria,
Obed engendra Jéhu et celui-ci Azaria.
39 Azaria baba vaHerezi, Herezi baba vaEreasa,
Azaria engendra Héleç, et celui-ci Elassa.
40 Ereasa baba vaSisimai, Sisimai baba vaSharumi,
Elassa engendra Sismaï et celui-ci Challoum.
41 Sharumi baba vaJekamia, uye Jekamia aiva baba vaErishama.
Challoum engendra Yekamia, et celui-ci Elichama.
42 Vanakomana vaKarebhu mununʼuna waJerameeri vaiva: Mesha dangwe rake, uyo aiva baba vaZifi uye nomwanakomana wake Maresha, uyo aiva baba vaHebhuroni.
Les fils de Caleb, frère de Yerahmeêl, furent: Mêcha, son premier-né, le père de Zif, et Marêcha, son autre fils, le père de Hébron.
43 Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Kora, Tapuwa, Rekemu naShema.
Les fils de Hébron furent: Korah, Tappouah, Rékem et Chéma.
44 Shema aiva baba vaRahamu, uye Rahamu baba vaJorikeami. Rekemu aiva baba vaShamai.
Chéma engendra Raham, le père de Yorkeam, et Rékem engendra Chammaï.
45 Mwanakomana waShamai ainzi Maoni, uye Maoni aiva baba vaBheti Zuri.
Le fils de Chammaï fut Maôn, et Maôn fut le père de Bêth-Çour.
46 Mumwe murongo waKarebhu ainzi Efa ndiye aiva amai vaHarani, Moza naGazezi. Harani aiva baba vaGazezi.
Efa, concubine de Caleb, enfanta Harân et Moça (et Gazêz). Harân enfanta Gazêz.
47 Vanakomana vaJadhai vaiva: Regemu, Jotamu, Geshani, Pereti, Efa naShaafi.
Les enfants de Yéhdaï furent: Réghem, Jotham, Ghêchân, Pélét, Efa et Chaaf.
48 Mumwe murongo waKarebhu ainzi Maaka ndiye aiva amai vaShebheri naTirana.
Une autre concubine de Caleb, nommée Maakha, enfanta Chéber et Tirhana.
49 Akaberekawo Shaafi baba vaMadhimana naShevha baba vaMakibhena naGibhea. Mwanasikana waKarebhu ainzi Akisa.
Elle enfanta Chaaf, le père de Madmanna, Cheva, le père de Makhbèna et le père de Ghibea. La fille de Caleb était Akhsa.
50 Izvi ndizvo zvizvarwa zvaKarebhu. Vanakomana vaHuri dangwe raEfurata: Shobhari baba vaKiriati Jearimi,
Caleb, fils de Hour, premier-né d’Efrata, eut pour fils: Chobal, le père de Kiryat-Yearim,
51 Sarima baba vaBheterehema, naHarefi baba vaBheti Gadheri.
Salma, le père de Bethléem, Harêf, le père de Bêth-Ghédêr.
52 Zvizvarwa zvaShobhari baba vaKiriati Jearimi zvaiva: Haroe, hafu yavaManahati,
Chobal, le père de Kiryat-Yearim, eut des enfants: Haroé, Haci-Hammenouhoth.
53 uye dzimba dzaKiriati Jearimi dzaiva: vaItiri, vaPuti, vaShumati navaMishirai. Kuna ivava kwakabva vaZorati navaEshitaori.
Les familles de Kiryat-Yearim furent: le Yitrien, le Poutien, le Choumatien et le Michraïen. D’Eux essaimèrent le Çoratien et l’Echtaoulien.
54 Zvizvarwa zvaSarima zvaiva: Bheterehema, vaNetofati, Atiroti Bheti Joabhu, hafu yavaManahati, vaZori,
Les enfants de Salma furent Bethléem, le Netofatien, Atroth, Bêth-Yoab, le Haci-Hammanahtien, le Çorien.
55 uye dzimba dzavanyori vaigara paJabhezi dzaiva: vaTirati, vaShimeati navaSukati. Ava ndivo vaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi.
Les familles des scribes qui demeuraient à Yabêç étaient les Tiratiens, les Chimatiens et les Soukatiens. C’Étaient les Kéniens, issus de Hamath, le père de Bêth-Rêkhab.

< 1 Makoronike 2 >