< 1 Makoronike 18 >

1 Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia akavaisa pasi pake, uye akavatorera Gati nemisha yakaripoteredza kuti ribve pasi poruoko rwavaFiristia.
इसके बाद यूँ हुआ कि दाऊद ने फ़िलिस्तियों को मारा और उनको मग़लूब किया, और जात को उसके क़स्बों समेत फ़िलिस्तियों के हाथ से ले लिया।
2 Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu, uye vakava pasi pake, vakamuvigira mutero.
उसने मोआब को मारा, और मोआबी दाऊद के फ़रमाँबरदार हो गए और हदिए लाए।
3 Pamusoro pezvo Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezeri mambo weZobha kusvikira kuHamati, paakaenda kundosimbisa kutonga kwake achitevedza Rwizi Yufuratesi.
दाऊद ने ज़ोबाह के बादशाह हदर'एलियाज़र को भी, जब वह अपनी हुकूमत दरिया — ए — फ़रात तक क़ाईम करने गया, हमात में मार लिया।
4 Dhavhidhi akapamba chiuru chengoro dzake, vachairi vengoro zviuru zvinomwe navarwi vetsoka zviuru makumi maviri. Akadimbura marunda amakumbo amabhiza ose kusara kwezana ramabhiza engoro.
और दाऊद ने उससे एक हज़ार रथ और सात हज़ार सवार और बीस हज़ार प्यादे ले लिए, और उसने रथों के सब घोड़ों की नालें कटवा दीं, लेकिन उनमें से एक सौ रथों के लिए घोड़े बचा लिए।
5 VaAramu veDhamasiko pavakauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya zviuru makumi maviri nezviviri zvavo.
जब दमिश्क़ के अरामी ज़ोबाह के बादशाह हदर'एलियाज़र की मदद करने को आए, तो दाऊद ने अरामियों में से बाइस हज़ार आदमी क़त्ल किए।
6 Akaisa mapoka avarwi vake muumambo hwavaAramu veDhamasiko, uye vaAramu vakava pasi pake uye vakamuvigira mutero. Jehovha akapa Dhavhidhi kukunda kwose kwose kwaakaenda.
तब दाऊद ने दमिश्क़ के अराम में सिपाहियों की चौकियाँ बिठाई, और अरामी दाऊद के फ़रमाँबरदार हो गए और हदिए लाए। और जहाँ कहीं दाऊद जाता ख़ुदावन्द उसे फ़तह बख़्शता था।
7 Dhavhidhi akatora nhoo dzegoridhe dzaiva dzakatakurwa navatungamiri vehondo yaHadhadhezeri akaenda nadzo kuJerusarema.
और दाऊद हदर'एलियाज़र के नौकरों की सोने की ढालें लेकर उनको येरूशलेम में लाया;
8 Kubva kuTebha nokuKuni, maguta aHadhadhezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji, yakazoshandiswa naSoromoni kugadzira gungwa rendarira, nembiru uye nezvimwe zvinhu zvakasiyana-siyana zvakazogadzirwa nendarira.
और हदर'एलियाज़र के शहरों, तिबखत और कून से दाऊद बहुत सा पीतल लाया, जिससे सुलेमान ने पीतल का बड़ा हौज़ और खम्भा और पीतल के बर्तन बनाए।
9 Tou mambo weHamati paakanzwa kuti Dhavhidhi akanga akunda hondo yose yaHadhadhezeri mambo weZobha,
जब हमात के बादशाह तू'ऊ ने सुना के दाऊद ने ज़ोबाह के बादशाह हदर'एलियाज़र का सारा लश्कर मार लिया,
10 akatuma mwanakomana wake Hadhoramu akauya nezvinhu zvamarudzi ose zvegoridhe nesirivha nendarira.
तो उसने अपने बेटे हदूराम को दाऊद बादशाह के पास भेजा ताकि उसे सलाम करे और मुबारक बाद दे, इसलिए के उसने जंग करके हदर'एलियाज़र को मारा क्यूँकि हदर'एलियाज़र तू'ऊ से लड़ा करता था, और हर तरह के सोने और चाँदी और पीतल के बर्तन उसके साथ थे।
11 Mambo Dhavhidhi akakumikidza zvipo izvi kuna Jehovha sezvaakanga aita nesirivha negoridhe, zvaakanga atora kubva kundudzi idzi dzose dzaiti: Edhomu, Moabhu, vaAmoni, vaFiristia neAmareki.
इनकी भी दाऊद बादशाह ने उस चाँदी और सोने के साथ, जो उसने और सब क़ौमों या'नी अदोम और मोआब और बनी 'अम्मून और फ़िलिस्तियों और 'अमालीक से लिया था, ख़ुदावन्द को नज़्र किया।
12 Abhishai mwanakomana waZeruya akauraya vaEdhomu zviuru gumi nezvisere muMupata weMunyu.
और अबीशै। बिन ज़रोयाह ने वादी — ए — शोर में अठारह हज़ार अदोमियों को मारा।
13 Akaisa mapoka avarwi muEdhomu uye vaEdhomu vose vakava pasi poutongi hwaDhavhidhi. Jehovha akapa Dhavhidhi kukunda kwose kwose kwaakaenda.
और उसने अदोम में सिपाहियों की चौकियाँ बिठाई, और सब अदूमी दाऊद के फ़रमाँबरदार हो गए। और जहाँ कहीं दाऊद जाता ख़ुदावन्द उसे फ़तह बख़्शता था।
14 Dhavhidhi akatonga Israeri achiita zvose zvakarurama uye zvakanaka kuvanhu vake vose.
तब दाऊद सारे इस्राईल पर हुकूमत करने लगा, और अपनी सारी र'इयत के साथ अद्ल — ओ — इन्साफ़ करता था।
15 Joabhu mwanakomana waZeruya aitungamirira hondo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo;
और योआब बिन ज़रोयाह लश्कर का सरदार था, और यहूसफ़त बिन अख़ीलूद मुवर्रिख़था;
16 Zadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiatari vaiva vaprista; Shavhisha akanga ari munyori;
और सदूक़ बिन अख़ीतोब और अबीमलिक बिन अबीयातर काहिन थे, और शौशा मुन्शी था;
17 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aitungamirira vaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva machinda makuru parutivi pamambo.
और बिनायाह बिन यहूयदा' करेतियों और फ़लेतियों पर था; और दाऊद के बेटे बादशाह के ख़ास मुसाहिब थे।

< 1 Makoronike 18 >