< 1 Makoronike 17 >
1 Shure kwokunge Dhavhidhi agara mumuzinda wake akati kuna Natani muprofita, “Ndiri pano zvangu ndigere mumuzinda womusidhari, asi areka yesungano yaJehovha iri pasi peTende.”
다윗이 그 궁실에 거할 때에 선지자 나단에게 이르되 나는 백향목 궁에 거하거늘 여호와의 언약궤는 휘장 밑에 있도다
2 Natani akapindura kuna Dhavhidhi akati, “Zvose zvamunazvo mupfungwa itai nokuti Mwari anemi.”
나단이 다윗에게 고하되 하나님이 왕과 함께 계시니 무릇 마음에 있는 바를 행하소서
3 Usiku ihwohwo shoko raMwari rakasvika kuna Natani richiti:
그 밤에 하나님의 말씀이 나단에게 임하여 가라사대
4 “Enda unotaurira muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Hausiwe uchandivakira imba yokugara.
가서 내 종 다윗에게 말하기를 여호와의 말씀이 너는 나의 거할 집을 건축하지 말라
5 Handina kumbogara mumba kubvira zuva randakaburitsa Israeri kubva muIjipiti kusvikira zuva ranhasi. Ndaifamba kubva mutende ndichienda mune rimwe, kubva pane imwe nzvimbo yokugara ndichienda pane imwe.
내가 이스라엘을 올라오게 한날부터 오늘날까지 집에 거하지 아니하고 오직 이 장막과 저 장막에 있으며 이 성막과 저 성막에 있었나니
6 Kwose kwose kwandakafamba navaIsraeri vose, ndakamboti here kuno mumwe zvake wavatungamiri vavo, wandairayira kuti afudze vanhu vangu, “Seiko usina kundivakira imba yomusidhari?”’
무릇 이스라엘 무리로 더불어 행하는 곳에서 내가 내 백성을 먹이라고 명한 이스라엘 어느 사사에게 내가 말하기를 너희가 어찌하여 나를 위하여 백향목 집을 건축하지 아니하였느냐고 말하였느냐 하고
7 “Zvino naizvozvo udza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Ndakakutora kubva kumafuro kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mutongi wavanhu vangu Israeri.
연하여 내 종 다윗에게 이처럼 말하라 만군의 여호와께서 이처럼 말씀하시기를 내가 너를 목장 곧 양을 따르는 데서 취하여 내 백성 이스라엘의 주권자를 삼고
8 Ndakanga ndinewe kwose kwawaienda uye ndakauraya vavengi vako vose pamberi pako. Zvino ndichaita kuti zita rako rive samazita avarume vakuru kwazvo panyika.
네가 어디를 가든지 내가 너와 함께 있어 네 모든 대적을 네 앞에서 멸하였은즉 세상에서 존귀한 자의 이름 같은 이름을 네게 만들어 주리라
9 Uye ndichapa nzvimbo kuvanhu vangu Israeri uye ndichavadyara kuti vave nomusha wavo pachavo uye kuti vasazokanganiswa. Vanhu vakaipa havangazovadzvinyiriri zvakare sezvavakavaita pakutanga
내가 또 내 백성 이스라엘을 위하여 한 곳을 정하여 저희를 심고 저희로 자기 곳에 거하여 다시는 옮기지 않게 하며 악한 유로 전과 같이 저희를 해하지 못하게 하여
10 uye sezvavakaita kubvira panguva yandakagadza vatungamiri vavanhu vangu Israeri. Ndichakundawo vavengi venyu vose. “‘Ndinokuudza kuti Jehovha achakuvakira imba:
전에 내가 사사를 명하여 내 백성 이스라엘을 다스리던 때와 같지 않게 하고 또 모든 대적으로 네게 복종하게 하리라 또 네게 이르노니 여호와가 너를 위하여 집을 세울지라
11 Kana mazuva ako akwana uye pauchaenda kundova namadzibaba ako, ndichasimudza mwana wako achakutevera paumambo, mumwe wavanakomana vako pachako uye ndichasimbisa umambo hwake.
네 수한이 차서 네가 열조에게로 돌아가면 내가 네 뒤에 네씨 곧 네 아들 중 하나를 세우고 그 나라를 견고하게 하리니
12 Iyeye ndiye achandivakira imba, uye ndichasimbisa chigaro chake choumambo nokusingaperi.
저는 나를 위하여 집을 건축할것이요 나는 그 위를 영원히 견고하게 하리라
13 Ndichava baba vake uye iye achava mwanakomana wangu. Handizobvisi rudo rwangu kwaari zvakare sokurubvisa kwandakaita kune akakutangira.
나는 그 아비가 되고 그는 나의 아들이 되리니 나의 자비를 그 에게서 빼앗지 아니하기를 내가 네 전에 있던 자에게서 빼앗음과 같이 하지 않을 것이며
14 Ndichamugadza kuti atonge imba yangu noumambo hwangu nokusingaperi; chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.’”
내가 영영히 그를 내 집과 내 나라에 세우리니 그 위가 영원히 견고하리라 하셨다 하라
15 Natani akandotaura kuna Dhavhidhi mashoko ose echiratidzo chose ichi.
나단이 이 모든 말씀과 이 모든 묵시대로 다윗에게 고하니라
16 Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda akagara pamberi paMwari akati: “Ndini aniko, nhai Jehovha Mwari, uye mhuri yangu chiiko, kuti mandisvitsawo pano?
다윗 왕이 여호와 앞에 들어가 앉아서 가로되 여호와 하나님이여 나는 누구오며 내 집은 무엇이관대 나로 이에 이르게 하셨나이까
17 Uye sokuti izvi hazvina kukwana pamberi penyu, haiwa Mwari, mataurazve nezveramangwana reimba yomuranda wenyu. Mandiona sokunge ndini ndinokudzwa kupinda vanhu vose, imi Jehovha Mwari.
하나님이여 주께서 이것을 오히려 작게 여기시고 또 종의 집에 대하여 먼 장래까지 말씀하셨사오니 여호와 하나님이여 나를 존귀한 자 같이 여기셨나이다
18 “Chiizve chimwe chingataurwa naDhavhidhi kwamuri nokuda kwokuti maremekedza muranda wenyu kudai? Nokuti munoziva muranda wenyu,
주께서 주의 종에게 베푸신 존귀에 대하여 다윗이 다시 무슨 말씀을 하오리이까 주께서는 주의 종을 아시나이다
19 imi Jehovha, nokuda kwomuranda wenyu uye maererano nokuda kwenyu maita chinhu chikuru ichi mukaita kuti zvivimbiso izvi zvikuru zviziviswe.
여호와여 주께서 주의 종을 위하여 주의 뜻대로 이 모든 큰 일을 행하사 이 모든 큰 일을 알게 하셨나이다
20 “Hakuna mumwe akaita semi, imi Jehovha, uye hakuna Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa nenzeve dzedu pachedu.
여호와여 우리 귀로 들은 대로는 주와 같은 이가 없고 주 외에는 참 신이 없나이다
21 Uye ndiani akaita savanhu venyu Israeri, rudzi rumwe chete panyika runa Mwari warwo akaenda kundozvidzikinurira vanhu, kuti azviitire zita, uye kuti aite zvishamiso zvikuru zvinotyisa, nokudzinga ndudzi kubva pamberi pavanhu venyu vamakadzikinura kubva kuIjipiti?
땅의 어느 한 나라가 주의 백성 이스라엘과 같으리이까 하나님이 가서 구속하사 자기 백성을 삼으시고 크고 두려운 일로 인하여 이름을 얻으시고 애굽에서 구속하신 자기 백성 앞에서 열국을 쫓아내셨사오며
22 Makazvigadzirira vanhu venyu Israeri kuti vave venyu pachenyu nokusingaperi, uye imi, imi Jehovha, mava Mwari wavo.
주께서 주의 백성 이스라엘로 영원히 주의 백성을 삼으셨사오니 여호와여 주께서 저희 하나님이 되셨나이다
23 “Uye zvino, Jehovha, itai kuti chivimbiso chamaita kumuranda wenyu neimba yake chisimbiswe nokusingaperi. Itai sezvamakavimbisa,
여호와여 이제 주의 종과 그 집에 대하여 말씀하신 것을 영원히 견고케 하시며 말씀하신 대로 행하사
24 kuitira kuti chisimbiswe uye kuti zita renyu rive guru nokusingaperi. Ipapo vanhu vachati, ‘Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ndiye Mwari waIsraeri.’ Uye imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu.
견고케 하시고 사람으로 영원히 주의 이름을 높여 이르기를 만군의 여호와는 이스라엘의 하나님 곧 이스라엘에게 하나님이시라 하게 하시며 주의 종 다윗의 집이 주 앞에서 견고히 서게 하옵소서
25 “Imi Mwari wangu, mazivisa muranda wenyu kuti muchamuvakira imba. Saka muranda wenyu atsunga kuti anyengetere kwamuri.
나의 하나님이여 주께서 종을 위하여 집을 세우실 것을 이미 듣게 하셨으므로 주의 종이 주 앞에서 이 기도로 구할 마음이 생겼나이다
26 Haiwa Jehovha, muri Mwari! Mavimbisawo zvinhu izvi zvakanaka kumuranda wenyu.
여호와여 오직 주는 하나님이시라 주께서 이 좋은 것으로 주의 종에게 허락하시고
27 Zvino makafadzwa kuti muropafadze imba yomuranda wenyu kuti ienderere mberi nokusingaperi pamberi penyu, nokuti imi, imi Jehovha, mairopafadza uye ichava yakaropafadzwa nokusingaperi.”
이제 주께서 종의 집에 복을 주사 주 앞에 영원히 두시기를 기뻐하시나이다 여호와여 주께서 복을 주셨사오니 이 복을 영원히 누리리이다 하니라