< 1 Makoronike 16 >
1 Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari.
Suka fa kawo akwatin alkawarin Allah, suka sa a cikin tentin da Dawuda ya kafa dominsa, suka kuma miƙa hadayun ƙonawa da hadayu na salama a gaban Allah.
2 Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha.
Bayan Dawuda ya gama miƙa hadayu na ƙonawa da hadayu na salama, sai ya albarkaci mutane a cikin sunan Ubangiji.
3 Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwe nekeke ramazambiringa akaoma.
Sa’an nan ya ba da dunƙulen burodi da wainar dabino da kuma kauɗar zabibi ga kowane mutumin Isra’ila namiji da ta mace.
4 Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri:
Ya sa Lawiyawa su yi hidima a gaban akwatin alkawarin Ubangiji, su ɗaukaka, su gode, su kuma yabi Ubangiji, Allah na Isra’ila.
5 Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira
Asaf shi ne babba, sai Zakariya na biye, sa’an nan Ya’aziyel, Shemiramot, Yehiyel, Mattitiya, Eliyab, Benahiya, Obed-Edom da Yehiyel. Su ne za su kaɗa molaye, da garayu, Asaf kuwa zai buga ganguna,
6 uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.
Benahiya da Yahaziyel firistoci za su busa ƙahoni kullum a gaban akwatin alkawarin Allah.
7 Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha:
A wannan rana, da farko, Dawuda ya sa Asaf da’yan’uwansa su rera wannan zabura ta yabo ga Ubangiji.
8 Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita.
Ku yi godiya ga Ubangiji, ku yi shelar sunansa; ku sanar a cikin al’ummai abin da ya yi.
9 Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa.
Ku rera gare shi, ku rera yabo gare shi; ku faɗa dukan ayyukan banmamakinsa.
10 Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare.
Ku ɗaukaka a cikin sunansa mai tsarki bari zukatan waɗanda suke neman Ubangiji su yi farin ciki.
11 Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.
Ku dogara ga Ubangiji da kuma ƙarfinsa; ku nemi fuskarsa kullum.
12 Rangarirai zvishamiso zvaakaita, zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva.
Ku tuna ayyukan banmamakin da ya aikata, mu’ujizansa da kuma hukuntai da ya yanke,
13 Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake, haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake.
Ya ku zuriyar Isra’ila bayinsa, Ya ku’ya’yan Yaƙub maza, zaɓaɓɓunsa.
14 Ndiye Jehovha Mwari wedu; mitongo yake iri munyika yose.
Shi ne Ubangiji Allahnmu; hukuntansa suna a cikin dukan duniya.
15 Anorangarira sungano yake nokusingaperi, shoko raakarayira, kwechiuru chezvizvarwa.
Yakan tuna da alkawarinsa har abada, maganar da ya umarta, har tsararraki dubu,
16 Sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.
alkawarin da ya yi wa Ibrahim rantsuwar da ya yi ga Ishaku.
17 Akasimbisa kuna Jakobho somutemo, kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti:
Ya tabbatar da shi ga Yaƙub kamar ƙa’ida, ga Isra’ila kamar madawwamin alkawari.
18 “Kwauri ndichapa nyika yeKenani, sechikamu chenhaka yako.”
“Gare ka zan ba da ƙasar Kan’ana kamar rabon da za ka gāda.”
19 Pavakanga vari vashoma, vari vashoma kwazvo, vari vatorwa mairi,
Sa’ad da suke kima, kima sosai, da kuma baƙi a cikinta,
20 vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe, kubva kuno humwe umambo kusvika kuno humwe.
suka yi ta yawo daga al’umma zuwa al’umma, daga wannan mulki zuwa wancan.
21 Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire; nokuda kwavo akatuka madzimambo.
Bai bar wani ya zalunce su ba; saboda su ya tsawata wa sarakuna.
22 “Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”
“Kada ku taɓa shafaffuna; kada ku yi wa annabawana lahani.”
23 Imbirai Jehovha, pasi pose; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
Ku rera ga Ubangiji, ku duniya duka; ku yi shelar cetonsa kowace rana.
24 Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi, mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.
Ku furta ɗaukakarsa a cikin al’ummai, ayyukansa masu al’ajabai a cikin mutane.
25 Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa; anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
Gama Ubangiji mai girma ne ya kuma cancanci yabo; dole a ji tsoronsa fiye da dukan alloli.
26 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akasika matenga.
Gama dukan allolin al’ummai gumaka ne, amma Ubangiji ya yi sammai.
27 Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake; simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake.
Daraja da ɗaukaka suna a gabansa; ƙarfi da farin ciki suna a wurin zamansa.
28 Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, ipai Jehovha kukudzwa nesimba,
Ku yabi Ubangiji, ku iyalan al’ummai, ku yabi ɗaukaka da ƙarfin Ubangiji,
29 ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake. Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
ku ba wa Ubangiji ɗaukakar da ta dace da sunansa. Ku kawo hadaya ku kuma zo gabansa; ku yi wa Ubangiji sujada cikin darajar tsarkinsa.
30 Dederai pamberi pake, imi nyika yose! Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunuswi.
Ku yi rawar jiki a gabansa, ya ku duniya duka! Duniya ta kahu sosai; ba za tă jijjigu ba.
31 Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pendudzi, “Jehovha anotonga!”
Bari sammai su yi farin ciki, bari duniya tă yi murna; bari su ce a cikin al’ummai, “Ubangiji yana mulki!”
32 Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri; minda ngaifarisise nezvose zviri mairi.
Bari teku da kome da yake cikinsa su yi ruri; bari gonaki da kome a cikinsu su yi farin ciki!
33 Ipapo miti yesango ichaimba, ichaimba nomufaro pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika.
Sa’an nan itatuwan jeji za su rera, za su rera don farin ciki a gaban Ubangiji, gama ya zo don yă hukunta duniya.
34 Vongai Jehovha nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.
Ku yi godiya ga Ubangiji, gama shi nagari ne; ƙaunarsa madawwamiya ce.
35 Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu; tiunganidzei uye mutirwire pandudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene kuti tifarisise mukukurumbidzai.”
Ku yi kuka, ku ce, “Cece mu, ya Allah Mai Cetonmu; tara mu ka kuma cece mu daga al’ummai, don mu yi godiya ga sunanka mai tsarki, don mu ɗaukaka a cikin yabonka.”
36 Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha.
Yabi Ubangiji, Allah na Isra’ila, daga madawwami zuwa madawwami. Sai dukan mutane suka ce, “Amin.” Suka kuma “Yabi Ubangiji.”
37 Dhavhidhi akasiya Asafi navamwe vake pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti ashumirepo nguva dzose maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe.
Dawuda ya bar Asaf da’yan’uwansa a gaban akwatin alkawarin Ubangiji don su yi hidima a can kullum, bisa ga tsari na kowace rana.
38 Akasiya Obhedhi-Edhomu navamwe vake makumi matanhatu navasere kuti vashumire navo. Obhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhutuni naHosa vaiva vatariri vamasuo.
Ya kuma bar Obed-Edom da’yan’uwansa sittin da takwas don su yi hidima tare. Obed-Edom ɗan Yedutun da Hosa kuma, su ne matsaran ƙofofi.
39 Dhavhidhi akasiya Zadhoki muprista navamwe vaprista pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira muGibheoni
Dawuda ya bar Zadok firist da’yan’uwansa firistoci a gaban tabanakul na Ubangiji a tudun da yake a Gibeyon
40 kuti vape zvipiriso zvinopiswa, kuna Jehovha paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namanheru maererano nezvose zvakanga zvakanyorwa muMurayiro waJehovha waakanga apa Israeri.
don su miƙa hadayun ƙonawa ga Ubangiji a kan bagaden hadaya ta ƙonawa kullum, da safe da kuma yamma, bisa ga kome da yake a rubutacce a cikin Dokar Ubangiji, da ya ba wa Isra’ila.
41 Pakati pavo paiva naHemani naJedhutuni navamwe vose vaiva vakasarudzwa namazita kuti vavonge Jehovha, “Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.”
Tare da su akwai Heman da Yedutun da sauran waɗannan zaɓaɓɓun da aka rubuta sunansu don yin godiya ga Ubangiji, “gama ƙaunarsa madawwamiya ce har abada.”
42 Hemani naJedhutuni vaiva nebasa rokuridza hwamanda namakandira uye nokuridza zvimwe zviridzwa parwiyo rutsvene. Vanakomana vaJedhutuni vakaitwa vatariri vamasuo.
Heman da Yedutun su ne da hakkin busa ƙahoni da kaɗa kuge da sauran kayan bushe-bushe da na kaɗe-kaɗe, waɗanda ake amfani da su lokacin da ake rera waƙoƙi masu tsarki.’Ya’yan Yedutun maza, su aka ba wa aikin tsaron ƙofa.
43 Ipapo vanhu vose vakabvapo, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake, uye Dhavhidhi akadzokera kumba kwake kundoropafadza mhuri yake.
Sa’an nan dukan mutanen suka tashi, kowa ya koma gidansa, Dawuda ya koma gida yă sa wa iyalinsa albarka.