< 1 Makoronike 15 >

1 Dhavhidhi paakapedza kuzvivakira dzimba muguta raDhavhidhi, akagadzira nzvimbo yainogara areka yaMwari uye akaidzikira tende.
And he made him houses in the city of David, and prepared a place for the ark of God, and spread a tent for it.
2 Ipapo Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu kunze kwavaRevhi anofanira kutakura areka yaMwari, nokuti Jehovha akavasarudza kuti vatakure areka yaJehovha uye kuti vashumire pamberi pake nokusingaperi.”
Then David said, None ought to carry the ark of God but the Levites, for them has Jehovah chosen to carry the ark of God, and to serve him for ever.
3 Dhavhidhi akaunganidza Israeri yose muJerusarema kuti vatore areka yaJehovha vagoiisa kunzvimbo yaakanga aigadzirira.
And David assembled all Israel to Jerusalem, to bring up the ark of Jehovah to its place that he had prepared for it.
4 Akaunganidza zvizvarwa zvaAroni navaRevhi:
And David gathered the sons of Aaron and the Levites:
5 kubva kuzvizvarwa zvaKohati, Urieri mutungamiri nehama dzake zana namakumi maviri;
of the sons of Kohath, Uriel the chief, and his brethren a hundred and twenty;
6 kubva kuzvizvarwa zvaMerari, Asaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri namakumi maviri;
of the sons of Merari, Asaiah the chief, and his brethren two hundred and twenty;
7 kubva kuzvizvarwa zvaGerishoni, Joere mutungamiri nehama dzake zana namakumi matatu;
of the sons of Gershom, Joel the chief, and his brethren a hundred and thirty;
8 kubva kuzvizvarwa zvaErizafani, Shemaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri;
of the sons of Elizaphan, Shemaiah the chief, and his brethren two hundred;
9 kubva kuzvizvarwa zvaHebhuroni, Erieri mutungamiri nehama dzake makumi masere;
of the sons of Hebron, Eliel the chief, and his brethren eighty;
10 kubva kuzvizvarwa zvaUzieri, Aminadhabhi mutungamiri nehama dzake zana negumi navaviri.
of the sons of Uzziel, Amminadab the chief, and his brethren a hundred and twelve.
11 Ipapo Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiatari vaprista, naUrieri, Asaya, Joere, Shemaya, Erieri naAminadhabhi vaRevhi.
And David called for Zadok and Abiathar the priests, and for the Levites, for Uriel, Asaiah, and Joel, Shemaiah, and Eliel, and Amminadab;
12 Akati kwavari, “Imi muri vakuru vemhuri dzavaRevhi, imi navamwe vaRevhi vose munofanira kuzvinatsa kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari weIsraeri kunzvimbo yandakaigadzirira.
and he said to them, Ye are the chief fathers of the Levites; hallow yourselves, ye and your brethren, that ye may bring up the ark of Jehovah the God of Israel to [the place that] I have prepared for it.
13 Izvi zvakaitika nokuti imi vaRevhi hamuna kukwira neareka pakutanga paya Jehovha Mwari wedu paakatiratidza kutsamwa kukuru. Hatina kunge tabvunza kwaari kuti tingazviite sei nenzira yakarayirwa.”
For because ye did [it] not at the first, Jehovah our God made a breach upon us, for that we sought him not after the due order.
14 Saka vaprista navaRevhi vakazvinatsa kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsraeri.
So the priests and the Levites hallowed themselves to bring up the ark of Jehovah the God of Israel.
15 Uye vaRevhi vakatakura areka yaMwari namatanda pamapfudzi avo, sezvakanga zvarayirwa naMozisi maererano neshoko raJehovha.
And the children of the Levites bore the ark of God upon their shoulders with the staves upon them, as Moses had commanded according to the word of Jehovah.
16 Dhavhidhi akataurira vatungamiri vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo kuti vave vaimbi kuti vazonoimba dzimbo dzomufaro nezviridzwa zvaiti: mitengeranwa, mbira, namakandira.
And David spoke to the chief of the Levites to appoint their brethren, the singers, with instruments of music, lutes, and harps, and cymbals, that they should sound aloud, lifting up the voice with joy.
17 Saka vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoere; kubva kuhama dzake Asafi mwanakomana waBherekia; uye kubva kuhama dzavo vaMerari, Etani mwanakomana waKushaya;
And the Levites appointed Heman the son of Joel; and of his brethren, Asaph the son of Berechiah; and of the sons of Merari their brethren, Ethan the son of Kushaiah;
18 uye pamwe chete navo hama dzavo dzaitevera paukuru dzaiti: Zekaria, Jaazieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Bhenaya, Maaseya, Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri varindi vemikova.
and with them their brethren of the second [rank], Zechariah, Ben, and Jaaziel, and Shemiramoth, and Jehiel, and Unni, Eliab, and Benaiah, and Maaseiah, and Mattithiah, and Elipheleh, and Mikneiah, and Obed-Edom, and Jeiel, the doorkeepers;
19 Vaimbi vaiti Hemani, Asafi naEtani vakagadzwa kuti varidze makandira endarira.
and the singers, Heman, Asaph, and Ethan, to sound aloud with cymbals of brass;
20 Zekaria, Azieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Maaseya, naBhenaya vaizoridza mitengeranwa, maererano nearamoti,
and Zechariah, and Aziel, and Shemiramoth, and Jehiel, and Unni, and Eliab, and Maaseiah, and Benaiah, with lutes on Alamoth;
21 uye Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri, naAzazia vaizoridza mbira maererano neshiminiti.
and Mattithiah, and Elipheleh, and Mikneiah, and Obed-Edom and Jeiel, and Azaziah, with harps on the Sheminith to lead [the singing].
22 Kenania mukuru wavaRevhi ndiye aitungamirira kuimba; ndiro rakanga riri basa rake nokuti aiva nyanzvi pariri.
And Chenaniah, chief of the Levites for the music, gave instruction in music, for he was skilful.
23 Bherekia naErikana ndivo vaizova varindi vemikova weareka.
And Berechiah and Elkanah were doorkeepers for the ark.
24 Shebhania, Joshafati, Netaneri, Amasai, Zekaria, Bhenaya naErieza vaprista vaizoridza hwamanda pamberi peareka yaMwari. Obhedhi-Edhomu naJehia vaizovawo vatariri vomusuo weareka.
And Shebaniah, and Jehoshaphat, and Nethaneel, and Amasai, and Zechariah, and Benaiah, and Eliezer, the priests, blew with the trumpets before the ark of God; and Obed-Edom and Jehijah were doorkeepers for the ark.
25 Dhavhidhi navakuru veIsraeri navakuru vamapoka ane chiuru vakaenda kundotora areka yesungano yaMwari kubva kumba kwaObhedhi-Edhomu, vachifara.
And David, and the elders of Israel, and the captains over thousands, went to bring up the ark of the covenant of Jehovah out of the house of Obed-Edom with joy.
26 Nokuti Mwari akanga abatsira vaRevhi avo vainge vatakura areka yesungano yaMwari, vakabayira Mwari hando nomwe namakondobwe manomwe.
And it came to pass, when God helped the Levites that bore the ark of the covenant of Jehovah, that they sacrificed seven bullocks and seven rams.
27 Zvino Dhavhidhi akanga akapfeka nguo yomucheka wakanaka sezvakanga zvakaita vaimbi, naKenania akanga ari mutungamiri wokuimba kuvaimbi. Dhavhidhi akanga akapfekawo efodhi yomucheka.
And David was clothed with a robe of byssus, and all the Levites that bore the ark, and the singers, and Chenaniah chief of the music of the singers; and David had upon him a linen ephod.
28 Saizvozvo vaIsraeri vose vakakwidza neareka yesungano yaJehovha vachidanidzira, uye vachiridza mimhanzi yenyanga dzamakondobwe nehwamanda namakandira, uye vachiridza mitengeranwa nembira.
And all Israel brought up the ark of the covenant of Jehovah with shouting, and with sound of the trumpet, and with clarions, and with cymbals, playing aloud with lutes and harps.
29 Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye akaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba, akamushora mumwoyo make.
And it came to pass as the ark of the covenant of Jehovah came to the city of David, that Michal the daughter of Saul looked through a window, and saw king David dancing and playing; and she despised him in her heart.

< 1 Makoronike 15 >