< 1 Makoronike 14 >

1 Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidhari navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba youmambo.
And Churam the king of Tyre sent messengers to David, and trees of cedars, and masons and carpenters, to build him a house.
2 Uye Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa samambo pamusoro peIsraeri uye kuti umambo hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Israeri.
And David felt conscious that the Lord had established him as king over Israel; for his kingdom was exalted on high, because of his people Israel.
3 MuJerusarema, Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi akava baba vavanakomana navanasikana vazhinji.
And David took yet more wives at Jerusalem; and David begat more sons and daughters.
4 Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shamua, Shobhabhi, Natani, Soromoni,
And these are the names of the children that he had in Jerusalem: Shammua', and Shobab, Nathan, and Solomon,
5 Ibhari, Erishua, Eripereti,
And Yibchar, and Elishua', and Elpalet,
6 Noga, Nefegi, Jafia,
And Nogah, and Nepheg, and Yaphia',
7 Erishama, Bheeriyadha naErifereti.
And Elishama', and Be'elyada', and Eliphalet.
8 VaFiristia pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga agadzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakaenda nehondo yose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa akabuda kundosangana navo.
But when the Philistines heard that David had been anointed as king over all Israel, all the Philistines came up to seek David: and David heard of it, and went out against them.
9 Zvino vaFiristia vakanga vauya kuzopamba mupata weRefaimi;
And the Philistines came and spread themselves out in the valley of Rephaim.
10 saka Dhavhidhi akabvunza kuna Mwari akati, “Ndingaenda here kundorwisa vaFiristia? Mungavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akapindura akati, “Enda ndichavaisa mumaoko ako.”
And David asked counsel of God, saying, Shall I go up against the Philistines? and wilt thou deliver them into my hand? And the Lord said unto him, Go up; and I will deliver them into thy hand.
11 Saka Dhavhidhi navanhu vake vakakwidza kuBhaari Perazimu uye ikoko akavakunda akati, “Sokupwanya kunoita mvura, Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu.” Saka nzvimbo iyoyo yakatumidzwa kunzi Bhaari Perazimu.
And they came up to Ba'al-perazim; and David smote them there. Then David said, God hath broken down my enemies through my hand as a breach [is made] by water: therefore they called the name of that place Ba'al-perazim.
12 VaFiristia vakasiya vamwari vavo ipapo, Dhavhidhi akarayira kuti vapiswe mumoto.
And they left behind there their gods, and David gave the order, and they were burnt with fire.
13 VaFiristia vakarwisa zvakare mupata uya.
And the Philistines [came] once again, and spread themselves out in the valley.
14 Saka Dhavhidhi akabvunza Mwari zvakare, Mwari akamupindura akati, “Usangonanga ikoko asi vakomberedze wozovarwisa wava pamberi pemiti yemibharisamu.
And David asked again counsel of God; and God said unto him, Thou shalt not go up after them: turn about from them, and come upon them opposite the mulberry-trees,
15 Pamunotanga kunzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibharisamu, unofanira kubuda kundorwa, nokuti zvichange zvichireva kuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFiristia.”
And it shall be, when thou hearest the sound of walking on the tops of the mulberry-trees, that then thou shalt go out to battle; for God will be gone forth before thee to smite the camp of the Philistines.
16 Saka Dhavhidhi akaita sokurayirwa kwaakanga aitwa naMwari, uye vakaparadza hondo yavaFiristia, kubva kuGibheoni, kusvika kuGezeri.
And David did as God had commanded him; and they smote the camp of the Philistines from Gib'on as far as Gezer.
17 Saka mukurumbira waDhavhidhi wakapararira nenyika yose uye Jehovha akaita kuti marudzi ose amutye.
And the fame of David went out into all the lands; and the Lord laid the dread of him upon all the nations.

< 1 Makoronike 14 >