< 1 Makoronike 13 >

1 Dhavhidhi akataurirana nomumwe nomumwe wavabati vake vose, vatungamiri vezviuru, navatungamiri vamazana.
داوود پس از مشورت با فرماندهان سپاه،
2 Akati kuungano yose yeIsraeri, “Kana zvichiita sezvakakunakirai uye kana kuri kuda kwaJehovha Mwari wedu, ngatitumirei shoko kwose kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yeIsraeri, nokuvaprista navaRevhi vavagere navo mumaguta avo nokumafuro avo kuti vauye vazobatana nesu.
خطاب به مردان اسرائیل که در حبرون جمع شده بودند چنین گفت: «حال که شما قصد دارید مرا پادشاه خود سازید و خداوند، خدای ما نیز پادشاهی مرا قبول فرموده است، بیایید برای تمام برادرانمان در سراسر اسرائیل پیغام بفرستیم و آنها را با کاهنان و لاویان دعوت کنیم که بیایند و به جمع ما ملحق شوند.
3 Ngatidzorei areka yaMwari wedu kwatiri zvakare, nokuti izvi hatina kuzvibvunza panguva yokutonga kwaSauro.”
بیایید برویم و صندوق عهد خدا را باز آوریم، زیرا از وقتی که شائول پادشاه شد به آن توجه نکرده‌ایم.»
4 Ungano yose yakabvuma kuita izvi, nokuti zvairatidzika kunge zvakanaka kuvanhu vose.
همه این پیشنهاد را پسندیدند و با آن موافقت کردند.
5 Saka Dhavhidhi akaunganidza vaIsraeri vose kubva kuRwizi Shihori muIjipiti kusvika kuRebho Hamati, kuti vatore areka yaMwari kubva kuKiriati Jearimi.
پس داوود تمام مردم را از سراسر خاک اسرائیل احضار نمود تا وقتی که صندوق عهد خداوند را از قریهٔ یعاریم می‌آورند، حضور داشته باشند.
6 Dhavhidhi navaIsraeri vose vaiva naye vakaenda kuBhaara reJudha (Kiriati Jearimi) kuti vandotora areka yaMwari Jehovha, agere pakati pamakerubhi, iyo areka inodaidzwa neZita irori.
آنگاه داوود و تمام قوم اسرائیل به بعله (که همان قریه یعاریم در یهوداست) رفتند تا صندوق خدا را که نام خداوند بر آن است از آنجا بیاورند، خداوندی که میان کروبیانِ روی صندوق جلوس می‌کند.
7 Vakatakura areka yaMwari kubva muimba yaAbhinadhabhi iri mungoro itsva, Uza naAhio vakaitungamirira.
پس آن را از خانهٔ ابیناداب برداشتند و بر ارابه‌ای نو گذاشتند. عزا و اخیو، گاوهای ارابه را می‌راندند.
8 Dhavhidhi navaIsraeri vose vakanga vachipembera nesimba ravo rose pamberi paMwari, nenziyo, nembira, nemitengeranwa, netambureni, nemakandira nehwamanda.
آنگاه داوود و تمام قوم با سرود همراه با صدای بربط و عود، دف و سنج، و شیپور در حضور خدا با تمام قدرت به شادی پرداختند.
9 Pavakasvika paburiro raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake kuti atsigire areka nokuti nzombe dzakanga dzagumburwa.
اما وقتی به خرمنگاه کیدون رسیدند، پای گاوها لغزید و عزا دست خود را دراز کرد تا صندوق عهد را بگیرد.
10 Kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Uza akamuuraya nokuti akanga atambanudza ruoko rwake akabata areka. Saka akafa pakarepo pamberi paMwari.
در این موقع خشم خداوند بر عزا افروخته شد و او را کشت، چون به صندوق عهد دست زده بود. پس عزا همان جا در حضور خدا مرد.
11 Ipapo Dhavhidhi akatsamwa nokuti kutsamwa kwaJehovha kwakanga kwawira pana Uza, uye kusvikira nhasi nzvimbo iyoyo inonzi Perezi Uza.
داوود از این عمل خداوند غمگین شد و آن مکان را «مجازات عزا» نامید که تا به امروز هم به این نام معروف است.
12 Dhavhidhi akatya Mwari zuva iroro uye akabvunza achiti, “Ko, ndingadzosa areka yaMwari kwandiri seiko?”
آن روز، داوود از خدا ترسید و گفت: «چطور می‌توانم صندوق عهد خدا را به خانه ببرم؟»
13 Haana kutora areka kuti ive naye muguta raDhavhidhi. Asi akaenda nayo kuimba yaObhedhi-Edhomu muGiti.
بنابراین تصمیم گرفت به جای شهر داوود، آن را به خانهٔ عوبید ادوم که از جت آمده بود، ببرد.
14 Areka yaMwari yakasara mumhuri yaObhedhi-Edhomu muimba yake kwemwedzi mitatu, uye Jehovha akaropafadza imba yake nezvose zvaakanga anazvo.
صندوق عهد سه ماه در خانهٔ عوبید ماند و خداوند عوبید و تمام اهل خانهٔ او را برکت داد.

< 1 Makoronike 13 >