< 1 Makoronike 12 >

1 Ava ndivo varume vakauya kuna Dhavhidhi paZikiragi achakavanda nokuda kwaSauro mwanakomana waKishi; uye ndivo vamwe vavarwi vakamubatsira muhondo.
Laba-ke yilabo abeza kuDavida eZikilagi, lapho esavalelwe ngenxa kaSawuli indodana kaKishi; njalo babephakathi kwamaqhawe, abasizi bempi.
2 Vakanga vapakata uta uye vaigona kupfura miseve nezvimviriri noruoko rworudyi kana rworuboshwe; vaiva hama dzaSauro dzokurudzi rwaBhenjamini.
Behlomile ngamadandili, besebenzisa isandla sokunene lesokhohlo ngamatshe, langemitshoko ngedandili; babengababafowabo bakaSawuli koBhenjamini.
3 Ahiezeri, mukuru wavo, naJoashi, vanakomana vaShemaya muGibheati; Jezieri naPereti vanakomana vaAzimavheti; Bheraka, Jehu muAnatoti,
Inhloko yayinguAhiyezeri, loJowashi, amadodana kaShemaha umGibeya; loJeziyeli loPeleti amadodana kaAzimavethi, loBeraka, loJehu umAnathothi,
4 naIshimaya muGibheoni, aiva mhare pakati paMakumi Matatu; aiva mutungamiri waMakumi Matatu; Jeremia, Jahazieri, Johanani; Jozabadhi muGedherati,
loIshmaya umGibeyoni, iqhawe phakathi kwabangamatshumi amathathu njalo ephezu kwabangamatshumi amathathu; loJeremiya, loJahaziyeli, loJohanani, loJozabadi umGedera,
5 Eruzai, Jerimoti, Bhearia, Shemaria naShafatia muHarufi;
uEluzayi, loJerimothi, loBeyaliya, loShemariya, loShefathiya umHarufi,
6 Erikana, Ishiya, Azareri, Joezeri naJashobheami vaKorahi;
uElkana, loIshiya, loAzareli, loJowezeri, loJashobeyamu, amaKora,
7 naJoera naZebhadhia vanakomana vaJehoramu vaibva kuGedhori.
loJowela, loZebhadiya, amadodana kaJehoramu weGedori.
8 Vamwe vaGadhi vakazvitsaurawo vakaenda kwaiva naDhavhidhi kunhare yake kurenje. Vaiva varwi vakashinga, vakagadzirira kurwa uye vaigona kubata nhoo nepfumo. Zviso zvavo zvaiva zviso zveshumba, uye vaimhanya semharapara mumakomo.
LakwabakoGadi bazehlukanisela kuDavida enqabeni enkangala, amaqhawe alamandla, amadoda ebutho empi, ephatha isihlangu esikhulu lomkhonto, obuso bawo babuyibuso bezilwane, enjengemiziki ezintabeni ngesiqubu.
9 Ezeri ndiye aiva mukuru, Obhadhia ari wechipiri, Eriabhi ari wechitatu,
UEzeri wayeyinhloko, uObhadiya owesibili, uEliyabi owesithathu,
10 Mishimana wechina, Jeremia wechishanu,
uMishimana owesine, uJeremiya owesihlanu,
11 Atai wechitanhatu, Erieri wechinomwe,
uAthayi owesithupha, uEliyeli owesikhombisa,
12 Johanani worusere, Erizabhadhi wechipfumbamwe,
uJohanani owesificaminwembili, uElizabadi owesificamunwemunye,
13 Jeremia wegumi naMakibhanai wegumi nomumwe.
uJeremiya owetshumi, uMakibanayi owetshumi lanye.
14 VaGadhi ava ndivo vaiva vatungamiriri vamauto, mudiki ainge akaenzana nezana, uye mukuru ainge akaenzana nechiuru.
Laba babengabamadodana akoGadi, izinhloko zebutho; omunye wabancinyane wayephethe ikhulu, lomkhulu wayephethe inkulungwane.
15 Ivava ndivo vaya vakayambuka Jorodhani mumwedzi wokutanga parwainge rwakazara nokumahombekombe uye vakaita kuti vanhu vose vaigara mumipata, kumabvazuva nokumavirira, vatize.
Laba yibo abachapha iJordani ngenyanga yokuqala lapho yayigcwele iphuphuma inkumbi zonke zayo, baxotsha bonke ababesezigodini ngempumalanga langentshonalanga.
16 Vamwe vaBhenjamini navamwe varume vaibva kuJudha vakauyawo kuna Dhavhidhi munhare yake.
Basebefika bevela ebantwaneni bakoBhenjamini labakoJuda enqabeni kuDavida.
17 Dhavhidhi akaenda kundosangana navo akati kwavari, “Kana mauya kwandiri norugare, kuzondibatsira, ndakagadzirira kuti mubatane neni. Asi kana mauya kuzonditengesa kuvavengi vangu iwo maoko angu asina kuita zvechisimba, Mwari wamadzibaba edu ngaazvione uye akutongei.”
UDavida wasephuma ukubahlangabeza, waphendula wathi kibo: Uba lisiza kimi ngokuthula ukungisiza, ngilenhliziyo ehlangene lani; kodwa uba kuyikunginikela ngenkohliso ezitheni zami, kungelabubi ezandleni zami, uNkulunkulu wabobaba kakubone, ajezise.
18 Ipapo Mweya wakauya pana Amasi mukuru waMakumi Matatu akati, “Haiwa Dhavhidhi, tiri vako! Haiwa mwanakomana waJese, tinewe! Kubudirira, kubudirira ngakuve kwauri, uye kubudirira ngakuve kuna vanokubatsira nokuti Mwari wako achakubatsira.” Saka Dhavhidhi akavagamuchira akavaita vatungamiri veboka ravarwi vake.
UMoya wasesehlela kuAmasayi inhloko yezinduna, wasesithi: Singabakho, Davida, silawe, ndodana kaJese! Ukuthula, ukuthula kube kuwe, lokuthula kube kubasizi bakho, ngoba uNkulunkulu wakho uyakusiza! UDavida wasebemukela, wabenza induna zeviyo.
19 Vamwe varume vokwaManase vakabatana naDhavhidhi paakaenda navaFiristia kundorwisa Sauro. Iye navanhu vake havana kubatsira vaFiristia nokuti, vapedza kubvunzana, vatongi vavo vakamudzosa vakati, “Zvichatiurayisa kana akazotitiza akandobatana namambo wake Sauro.”
Abavela koManase bahlamukela kuDavida ekufikeni kwakhe lamaFilisti emelene loSawuli empini. Kodwa kababasizanga, ngoba ababusi bamaFilisti bamxotsha ngecebo besithi: Ngamakhanda ethu uzahlamukela enkosini yakhe uSawuli.
20 Dhavhidhi paakaenda kuZikiragi, ava ndivo vaiva varume vokwaManase vakabatana naye: Adhina, Jozabhadhi, Jedhieri, Mikaeri, Jozabhadhi, Erihu naZiretai, vatungamiri vemapoka echiuru muna Manase.
Ekuyeni kwakhe eZikilagi kwabalekela kuye abavela koManase: OAdina loJozabadi loJediyayeli loMikhayeli loJozabadi loElihu loZilethayi, inhloko zezinkulungwane ababengabakoManase.
21 Vakabatsira Dhavhidhi paairwisana namapoka amakororo, nokuti vose vakanga vari varwi vakashinga uye vaiva vatungamiri muhondo yake.
Bona basebesiza kanye loDavida bemelene leviyo elihlaselayo, ngoba bonke babengamaqhawe alamandla, bezinduna ebuthweni.
22 Zuva nezuva varume vakauya kuzobatsira Dhavhidhi kusvikira ava nehondo huru kwazvo, sehondo yaMwari.
Ngoba ngesikhathi insuku ngensuku beza kuDavida ukumnceda baze babe libutho elikhulu njengebutho likaNkulunkulu.
23 Uku ndiko kuwanda kwavarume vakanga vakapakata zvombo kuti vandorwa, vakauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni kuti vatore umambo hwaSauro vahupe kwaari, sezvazvakanga zvarehwa naJehovha:
Lala ngamanani ezinhloko ezazihlomele impi; zeza kuDavida eHebroni ukuphendulela umbuso kaSawuli kuye, ngokomlomo weNkosi.
24 Varume vokwaJudha vakanga vakapakata nhoo namapfumo vaiva zviuru zvitanhatu namazana masere uye akapakata zvombo kuti vandorwa;
Abantwana bakoJuda bethwele isihlangu esikhulu lomkhonto babeyizinkulungwane eziyisithupha lamakhulu ayisificaminwembili, behlomele impi.
25 varume vokwaSimeoni, varwi vakanga vakagadzirira kundorwa vaiva zviuru zvinomwe nezana;
Ebantwaneni bakoSimeyoni, amaqhawe alamandla empi, izinkulungwane eziyisikhombisa lekhulu.
26 varume vokwaRevhi zviuru zvina namazana matanhatu,
Ebantwaneni bakoLevi, izinkulungwane ezine lamakhulu ayisithupha.
27 pamwe chete naJehoyadha, mutungamiri wemhuri yaAroni aiva navarume zviuru zvitatu namazana manomwe,
LoJehoyada wayeyisiphathamandla sabakoAroni; kanye laye kwakulezinkulungwane ezintathu lamakhulu ayisikhombisa.
28 naZadhoki, murwi wechidiki aiva akashinga, navakuru vamapoka makumi maviri navaviri kubva kumhuri yake;
LoZadoki ijaha, iqhawe elilamandla; lendlini kayise izinduna ezingamatshumi amabili.
29 varume vokwaBhenjamini, hama dzaSauro vaiva zviuru zvitatu vazhinji vavo vakanga vamboramba vachitevera Sauro kusvikira musi uyu;
Lebantwaneni bakoBhenjamini, abafowabo bakaSawuli, izinkulungwane ezintathu; ngoba kuze kube khathesi ubunengi babo bagcina uthembeko endlini kaSawuli.
30 varume vokwaEfuremu varwi vakashinga vaiva nomukurumbira kwazvo kumhuri dzavo vaiva zviuru makumi maviri namazana masere;
Lebantwaneni bakoEfrayimi, izinkulungwane ezingamatshumi amabili lamakhulu ayisificaminwembili, amaqhawe alamandla, amadoda alamabizo endlini yaboyise.
31 varume vokuhafu yorudzi rwaManase vakadanwa namazita avo kuti vauye vazogadza Dhavhidhi umambo vaiva zviuru gumi nezvisere;
Lengxenyeni eyodwa kwezimbili yesizwe sakoManase, izinkulungwane ezilitshumi leyisificaminwembili, ababeqanjwe ngamabizo ukuthi beze babeke uDavida abe yinkosi.
32 varume vokwaIsakari vainzwisisa nguva uye vaiziva kuti Israeri yaifanira kuitei, vaiva vakuru mazana maviri nehama dzavo dzose dzaiva pasi pavo;
Lebantwaneni bakoIsakari, ababelokwazi beqedisisa izikhathi ukwazi ukuthi uIsrayeli ufanele enzeni, izinhloko zabo zazingamakhulu amabili, labafowabo bonke babesemlayweni wazo.
33 varume vokwaZebhuruni, varwi vaiziva, vakanga vakagadzirira kurwa nezvombo zvemhando dzose, vakauya kuzobatsira Dhavhidhi nomwoyo wakaperera, vaiva zviuru makumi mashanu;
KoZebuluni, abaphuma impi, behlela impi ngazo zonke izikhali zempi, izinkulungwane ezingamatshumi amahlanu, ukugcina iviyo kungengenhliziyombili.
34 varume vokwaNafutari vaiva chiuru chavakuru vamapoka, pamwe chete nezviuru makumi matatu nezvinomwe zvavarume vakanga vakatakura nhoo namapfumo;
LakoNafithali, izinduna eziyinkulungwane, labayizinkulungwane ezingamatshumi amathathu lesikhombisa kanye lazo, belesihlangu esikhulu lomkhonto.
35 varume vokwaDhani, vakanga vakagadzirira kurwa, zviuru makumi maviri nezvisere namazana matanhatu;
LakwabakoDani, abahlela impi, izinkulungwane ezingamatshumi amabili lesificaminwembili lamakhulu ayisithupha.
36 varume vokwaAsheri, vakanga vane unyanzvi hwokurwa uye vakagadzirira kurwa, vaiva zviuru makumi mana;
LakoAsheri, abaphuma ebuthweni, ukuhlela impi, izinkulungwane ezingamatshumi amane.
37 uye kubva kumabvazuva aJorodhani, varume vokwaRubheni, Gadhi nehafu yorudzi rwaManase vakanga vakapakata zvombo zvemhando dzose, vaiva zviuru zana namakumi maviri.
Lababevela ngaphetsheya kweJordani, kwabakoRubeni labakoGadi lengxenye yesizwe sakoManase, belezikhali zonke zempi ukuyakulwa, izinkulungwane ezilikhulu lamatshumi amabili.
38 Ava vose vaiva varume vokurwa vakazvipira kundorwa. Vakauya paHebhuroni vakagadzirira zvizere kuzogadza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri. Vamwe vaIsraeri vose vaiva nomwoyo mumwe chete wokuti vaite Dhavhidhi mambo.
Wonke lamadoda empi, angagcina iviyo, afika eHebroni ngenhliziyo epheleleyo ukubeka uDavida abe yinkosi phezu kukaIsrayeli wonke; njalo loIsrayeli wonke oseleyo wayenhliziyonye ukubeka uDavida abe yinkosi.
39 Varume vakagara mazuva matatu ipapo vaina Dhavhidhi vachidya uye vachinwa nokuti mhuri dzavo dzainge dzavavigira zvokudya.
Njalo baba lapho loDavida insuku ezintathu besidla benatha, ngoba abafowabo babebalungisele.
40 Uyewo, vavakidzani vavo vokure kwazvo kunyange kwaIsakari, kwaZebhuruni nokwaNafutari vakauya nezvokudya zviri pambongoro, ngamera, manyurusi nenzombe. Pakanga paine zvokudya zvizhinji kwazvo zvaiti upfu, makeke amaonde, makeke amazambiringa akaoma, waini, mafuta, nzombe, namakwai nokuti mufaro wakanga uripo pakati peIsraeri.
Futhi lababeseduze labo kuze kube koIsakari lakoZebuluni lakoNafithali baletha isinkwa ngabobabhemi langamakamela langezimbongolo langezinkabi, ukudla, impuphu, izinkwa zomkhiwa, lamahlukuzo ezithelo zevini ezonyisiweyo, lewayini, lamafutha, lezinkabi, lezimvu, ngobunengi, ngoba kwakulentokozo koIsrayeli.

< 1 Makoronike 12 >