< 1 Makoronike 11 >

1 VaIsraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati, “Isu tiri nyama yenyu neropa renyu.
UIsrayeli wonke wasebuthana kuDavida eHebroni esithi: Khangela, thina silithambo lakho lenyama yakho.
2 Kare kunyange Sauro paaiva mambo ndimi maitungamirira Israeri kundorwa. Uye Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri uye uchava mutongi wavo.’”
Ngitsho mandulo, ngitsho uSawuli eyinkosi, nguwe owakhupha lowangenisa uIsrayeli; iNkosi uNkulunkulu wakho yasisithi kuwe: Wena uzakwelusa abantu bami uIsrayeli, njalo wena uzakuba ngumbusi phezu kwabantu bami uIsrayeli.
3 Vakuru vose veIsraeri pavakauya kuna mambo Dhavhidhi paHebhuroni, akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri sezvakanga zvavimbiswa naJehovha kubudikidza naSamueri.
Kwasekufika bonke abadala bakoIsrayeli enkosini eHebroni. UDavida wasesenza isivumelwano labo eHebroni phambi kweNkosi. Basebemgcoba uDavida ukuba yinkosi phezu kukaIsrayeli, njengelizwi leNkosi ngesandla sikaSamuweli.
4 Dhavhidhi navaIsraeri vose vakaenda kuJerusarema (ndiro Jebhusi). VaJebhusi vaigaramo
UDavida loIsrayeli wonke basebesiya eJerusalema, eyiJebusi, ngoba lapho kwakulamaJebusi, abahlali balelolizwe.
5 vakati kuna Dhavhidhi, “Hamusi kuzopinda muno.” Kunyange zvakadaro Dhavhidhi akatapa nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi.
Abahlali beJebusi basebesithi kuDavida: Kawuyikungena lapha. Kodwa uDavida wayithumba inqaba yeZiyoni, engumuzi kaDavida.
6 Dhavhidhi akanga ati, “Achatungamirira kundorwisa vaJebhusi ndiye achava mukuru wavarwi.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akatanga kuenda, saka akapiwa utungamiri hwacho.
UDavida wasesithi: Loba ngubani ozatshaya amaJebusi kuqala uzakuba yinhloko lenduna. Ngakho uJowabi indodana kaZeruya wenyuka kuqala, waba yinhloko.
7 Dhavhidhi akagara munhare yeZioni, saka rakazodaidzwa kuti Guta raDhavhidhi.
UDavida wasehlala enqabeni; ngalokho-ke bayibiza ngokuthi ngumuzi kaDavida.
8 Akavaka guta richipoteredza, kubva pamihomba yokutsigira kusvikira kurusvingo rwakanga rwakapoteredza, Joabhu achivaka patsva chimwe chikamu chose cheguta.
Wasewakha umuzi inhlangothi zonke, kusukela eMilo waze wawuhlanganisa. UJowabi wasevuselela okuseleyo komuzi.
9 Uye Dhavhidhi akaramba achiva nesimba guru nokuti Jehovha Wamasimba Ose aiva naye.
UDavida wasesiya eqhubeka esiba mkhulu, ngoba iNkosi yamabandla yayilaye.
10 Ava ndivo vaiva vakuru pakati pavarume voumhare vaiva naDhavhidhi, avo pamwe chete neIsraeri yose, vakatsigira umambo hwake zvakasimba kuti husvike munyika yose sokuvimbisa kwakanga kwaita Jehovha.
Lalezi zinhloko zamaqhawe uDavida ayelazo, ezaziqinisa kanye laye embusweni wakhe, loIsrayeli wonke, ukumenza inkosi, njengelizwi leNkosi mayelana loIsrayeli.
11 Aya ndiwo mazita avarume voumhare vaiva naDhavhidhi: Jashobheami, muHakimoni, aiva mukuru wamachinda ehondo; akasimudza pfumo rake akarwa navarume mazana matatu, avo vaakauraya pakurwisana panguva imwe chete.
Laleli linani lamaqhawe uDavida ayelawo: UJashobeyamu indodana yomHakimoni inhloko yamatshumi amathathu; yena waphakamisa umkhonto wakhe emelene labangamakhulu amathathu, wababulala ngasikhathi sinye.
12 Aimutevera ainzi Ereazari mwanakomana waDhodhai muAhohi mumwe wavarume voumhare vatatu.
Lemva kwakhe kwakuloEleyazare indodana kaDodo umAhohi; wayephakathi kwamaqhawe amathathu.
13 Aiva naDhavhidhi paPasi Dhamimi vaFiristia pavakaungana ipapo kuzorwa. Pane imwe nzvimbo paiva nomunda wakanga uzere nebhari, varwi vakatiza vaFiristia.
Yena wayeloDavida ePasi-Damimi lapho amaFilisti ayebuthanele impi khona. Lesiqinti sensimu sasigcwele ibhali; abantu basebebaleka phambi kwamaFilisti.
14 Asi ivo vakaramba vamire pakati pomunda vakaurwira vakauraya vaFiristia uye Jehovha akaita kuti vakunde nokukunda kukuru.
Bona bazimisa phakathi kwesiqinti, basikhulula, batshaya amaFilisti, iNkosi yasisindisa ngokukhulula okukhulu.
15 Vatatu pakati pamakumi matatu avakuru vakaburukira kuna Dhavhidhi kuDombo pabako reAdhurami, uye hondo yavaFiristia yakanga yadzika matende muMupata weRefaimi.
Abathathu ezinduneni ezingamatshumi amathathu basebesehlela edwaleni kuDavida, ebhalwini lweAdulamu; lebutho lamaFilisti lalimise inkamba esihotsheni seRefayimi.
16 Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka rehondo yavaFiristia rakanga riri paBheterehema.
UDavida ngalesosikhathi wayesenqabeni, lebutho lenqaba lamaFilisti ngalesosikhathi laliseBhethelehema.
17 Dhavhidhi akanzwa nyota akati, “Haiwa, dai mumwe munhu ainondicherera mvura yokunwa kubva mutsime riri pedyo nesuo reBheterehema!”
UDavida waselangatha wathi: Hawu, kungathi omunye ubenganginathisa amanzi omthombo weBhethelehema osesangweni!
18 Saka Vatatu ava vakapinda napakati pehondo dzavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa akaidururira pasi pamberi paJehovha.
Labo abathathu bafohlela enkambeni yamaFilisti, bakha amanzi emthonjeni weBhethelehema owawusesangweni, bawathwala bawaletha kuDavida; kodwa uDavida kafunanga ukuwanatha, kodwa wawathululela iNkosi.
19 Dhavhidhi akati, “Mwari ngaandidzivise ndiregere kunwa izvi! Ndinganwa here ropa ravarume ava vaenda vachiisa upenyu hwavo panjodzi?” Nokuti vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vadzoke vanayo, Dhavhidhi akaramba kuinwa. Aya ndiwo mamwe amabasa okukunda akaitwa navarume voumhare vatatu.
Wasesithi: Kakube khatshana lami, ngoNkulunkulu wami, ukwenza lokho. Nginganatha yini igazi lalamadoda abeke impilo yawo engozini? Ngoba ngokubeka impilo yawo engozini, awalethile. Ngakho kafunanga ukuwanatha. Lezizinto azenza lawomaqhawe amathathu.
20 Abhishai mununʼuna waJoabhu akanga ari mukuru waVatatu Ava. Akasimudza pfumo rake kuti arwise varume mazana matatu, akavauraya, uye akava nomukurumbira saVatatu Vaya.
UAbishayi umfowabo kaJowabi, yena-ke wayeyinhloko yabathathu. Yena ephakamisa umkhonto wakhe emelene labangamakhulu amathathu wababulala; wasesiba lebizo phakathi kwabathathu.
21 Akaremekedzwa zvakapetwa kaviri pamusoro paVatatu Vaya uye akaitwa mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengerwa pakati pavo.
Kwabathathu wayehlonitshwa kulababili, wasesiba yinduna yabo; kodwa kafinyelelanga kwabathathu abokuqala.
22 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva murwi woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita mabasa makuru. Akauraya mhare mbiri dzapamusoro dzavaMoabhu. Akapindawo mugomba mumwe musi kuine chando akauraya shumba.
UBhenaya indodana kaJehoyada, indodana yeqhawe leKabhiseyeli, wayemkhulu ngezenzo: Nguye owatshaya abakoMowabi ababili ababenjengezilwane; futhi yena wehla wabulala isilwane phakathi komgodi mhla weliqhwa elikhithikileyo.
23 Uye akauraya muIjipita akanga akareba makubhiti mashanu. Kunyange zvazvo muIjipita akanga akapakata pfumo rainge tsvimbo yomuruki muruoko rwake, Bhenaya akamurwisa netsvimbo. Akabvuta pfumo kubva muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.
Yena wasetshaya indoda engumGibhithe, umuntu omude, ozingalo ezinhlanu. Lesandleni somGibhithe kwakulomkhonto onjengogodo lomeluki; kodwa wehlela kuye ngenduku, wahluthuna umkhonto esandleni somGibhithe, wambulala ngowakhe umkhonto.
24 Aya ndiwo aiva mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akaita mukurumbira savarume vatatu voumhare.
Lezizinto wazenza uBhenaya indodana kaJehoyada, waba lebizo phakathi kwamaqhawe amathathu.
25 Akakudzwa nokuremekedzwa kukuru kupfuura Vaya Makumi Matatu, asi akanga asiri pakati paVatatu Vaya. Uye Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
Khangela, wahlonitshwa phakathi kwabangamatshumi amathathu, kodwa kafinyelelanga kwabathathu. UDavida wasembeka phezu kwabalindi bakhe.
26 Varume voumhare vaiva: Asaheri mununʼuna waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema.
Lamaqhawe amabutho: OAsaheli umfowabo kaJowabi, uElihanani indodana kaDodo weBhethelehema,
27 Shamoti muHarori, Herezi muPeroni,
uShamothi umHarodi, uHelezi umPheloni,
28 Ira mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa, Abhiezeri aibva kuAnatoti,
uIra indodana kaIkheshi umThekhowa, uAbiyezeri umAnathothi,
29 Sibhekai muHushati, Irai muAhohi,
uSibekayi umHushathi, uIlayi umAhohi,
30 Maharai muNetofati, Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati,
uMaharayi umNetofa, uHelebi indodana kaBahana umNetofa,
31 Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini, Bhenaya muPiratoni,
uIthayi indodana kaRibayi weGibeya yabantwana bakoBhenjamini, uBhenaya umPirathoni,
32 Hurai aibva kuhova dzeGaashi, Abhieri muAribhati,
uHurayi wezifula zeGahashi, uAbiyeli umArba,
33 Azimavheti muBhaharumi, Eriabha muShaaribhoni,
uAzimavethi umBaharumi, uEliyabha umShahaliboni,
34 vanakomana vaHashemi muGizoni, Jonatani mwanakomana waShage muHarari,
amadodana kaHashema umGizoni, uJonathani indodana kaShage umHarari,
35 Ahiami mwanakomana waSaka muHarari, Erifari mwanakomana waUri,
uAhiyamu indodana kaSakari umHarari, uElifali indodana kaUri,
36 Heferi muMekerati, Ahija muPeroni,
uHeferi umMekera, uAhiya umPheloni,
37 Heziro muKarimeri, Naarai mwanakomana waEzibhai,
uHeziro umKharmeli, uNaharayi indodana kaEzibayi,
38 Joere mununʼuna waNatani, Mibha mwanakomana waHagiri,
uJoweli umfowabo kaNathani, uMibhari indodana kaHagiri,
39 Zereki muAmoni, Naharai muBheroti, mubati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya,
uZeleki umAmoni, uNaharayi umBherothi, umthwali wezikhali zikaJowabi indodana kaZeruya,
40 Ira muItiri, Garebhi muItiri,
uIra umIthiri, uGarebi umIthiri,
41 Uria muHiti, Zabhadhi mwanakomana waArai,
uUriya umHethi, uZabadi indodana kaAhilayi,
42 Adhina mwanakomana waShiza muRubheni iye aiva mukuru wavaRubheni, navaya makumi matatu, vaaiva navo,
uAdina indodana kaShiza umRubeni, inhloko kwabakoRubeni, labangamatshumi amathathu belaye,
43 Hanani mwanakomana waMaaka, Joshafati muMitini,
uHanani indodana kaMahaka, loJoshafati umMithini,
44 Uzia muAshiterati, Shama naJeyeri vanakomana vaHotamu muAroeri,
uUziya umAshiterathi, uShama loJehiyeli amadodana kaHothamu umAroweri,
45 Jedhieri mwanakomana waShimiri, mununʼuna wake Joha muTizi,
uJediyayeli indodana kaShimri, loJoha umfowabo umTizi,
46 Erieri muMahavhi, Jeribhai naJoshavhia vanakomana vaErinaami, Itima muMoabhu,
uEliyeli umMahavi, loJeribayi loJoshaviya amadodana kaElinahamu, loIthima umMowabi,
47 Erieri, Obhedhi naJaasieri muMezobhai.
loEliyeli, loObedi, loJahasiyeli umMezobaya.

< 1 Makoronike 11 >