< 1 Makoronike 10 >
1 Zvino vaFiristia vakarwisa vaIsraeri; vaIsraeri vakatiza pamberi pavo, vazhinji vakaurayiwa paGomo reGiribhoa.
AmaFilisti asesilwa emelene loIsrayeli; lamadoda akoIsrayeli abaleka phambi kwamaFilisti, awa abulawa entabeni yeGilibowa.
2 VaFiristia vakatevera Sauro navanakomana vake kwazvo uyezve vakauraya vanakomana vake Jonatani, Abhinadhabhi naMariki-Shua.
AmaFilisti asenamathela ngemva kukaSawuli langemva kwamadodana akhe; amaFilisti atshaya uJonathani loAbinadaba loMaliki-Shuwa, amadodana kaSawuli.
3 Hondo yakarwiwa zvinotyisa kumativi ose aSauro uye vapfuri vouta pavakamubata, vakamukuvadza.
Impi yasisiba nzima imelene loSawuli; abatshoka ngamadandili basebemfica; waselinyazwa ngabatshoki.
4 Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa, “Vhomora munondo wako undibaye nawo kuti varume ava vasina kudzingiswa varege kuuya vakanditambudza.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatya kwazvo akasada kuzviita; saka Sauro akatora munondo wake akazviwisira pauri.
USawuli wasesithi kumthwali wezikhali zakhe: Hwatsha inkemba yakho, ungigwaze ngayo, hlezi laba abangasokanga bafike, badlale kubi ngami. Kodwa umthwali wezikhali zakhe kavumanga, ngoba wesaba kakhulu. USawuli wasethatha inkemba, waziwisela phezu kwayo.
5 Mubati wenhumbi dzake dzokurwa paakaona kuti Sauro afa, iyewo akazviwisira pamunondo wake akafa.
Lapho umthwali wezikhali zakhe ebona ukuthi uSawuli usefile, laye waziwisela phezu kwenkemba, wafa.
6 Saka Sauro navanakomana vake vatatu neimba yake yose vakafa pamwe chete.
Wafa-ke uSawuli, lamadodana akhe amathathu, lendlu yakhe yonke; bafa ndawonye.
7 Zvino vaIsraeri vose vakanga vagere pamupata vakati vaona kuti varwi vose vakanga vatiza uye Sauro navanakomana vake vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. Uye vaFiristia vakauya vakagara maari.
Kwathi wonke amadoda akoIsrayeli ayesesigodini ebona ukuthi abalekile, lokuthi uSawuli lamadodana akhe bafile, atshiya imizi yawo, abaleka; amaFilisti asefika, ahlala kiyo.
8 Zuva raitevera, vaFiristia pavakauya kuzokutunura nhumbi dzavakanga vafa; vakawana Sauro navanakomana vake vakafa pagomo reGiribhoa.
Kwasekusithi kusisa lapho amaFilisti efika ukuhlubula ababuleweyo, afica uSawuli lamadodana akhe bewile entabeni yeGilibowa.
9 Vakamukutunura nhumbi dzake uye vakatora musoro wake nezvombo zvake vakatuma nhume munyika yose yavaFiristia kuti vandoparadzira shoko iri pakati pavamwari vavo uye navanhu vavo.
Amhlubula, athatha ikhanda lakhe lezikhali zakhe, athumela elizweni lamaFilisti inhlangothi zonke, ukumemezela imibiko ezithombeni zawo lebantwini.
10 Vakaisa zvombo zvake mutemberi yavamwari vavo vakaturika musoro wake mutemberi yaDhagoni.
Asebeka izikhali zakhe endlini yabonkulunkulu bawo, abethela ukhakhayi lwakhe endlini kaDagoni.
11 Vagari vose vomuJabheshi Gireadhi pavakanzwa zvose zvakanga zvaitwa navaFiristia kuna Sauro,
Kwathi iJabeshi-Gileyadi yonke isizwile konke amaFilisti akwenze kuSawuli,
12 mhare dzose dzakasimuka dzikandotora zvitunha zvaSauro, navanakomana vake vakauya nazvo kuJabheshi vakaviga mapfupa avo pamuti mukuru weJabheshi uye vakatsanya kwamazuva manomwe.
wonke amaqhawe asuka, athatha isidumbu sikaSawuli lezidumbu zamadodana akhe, aziletha eJabeshi, angcwaba amathambo abo ngaphansi kwesihlahla se-okhi eJabeshi, azila ukudla insuku eziyisikhombisa.
13 Sauro akafa nokuti akanga asina kutendeka kuna Jehovha, haana kuchengeta shoko raJehovha uyezve akandobvunzira kumasvikiro kuti atungamirirwe.
Ngakho uSawuli wafa ngenxa yesiphambeko sakhe aphambuka ngaso emelene leNkosi, emelene lelizwi leNkosi ayengaligcinanga, njalo langokubuza koledlozi ukudinga kuye,
14 Haana kubvunza kuna Jehovha. Saka Jehovha akamuuraya akapa umambo kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.
njalo kakudinganga eNkosini. Ngakho yambulala, yaguqulela umbuso kuDavida indodana kaJese.