< 1 Makoronike 10 >
1 Zvino vaFiristia vakarwisa vaIsraeri; vaIsraeri vakatiza pamberi pavo, vazhinji vakaurayiwa paGomo reGiribhoa.
茲にペリシテ人イスラエルと戰ひけるがイスラエルの人々はペリシテ人の前より逃げギルボア山に殺されて倒れたり
2 VaFiristia vakatevera Sauro navanakomana vake kwazvo uyezve vakauraya vanakomana vake Jonatani, Abhinadhabhi naMariki-Shua.
ペリシテ人はサウルとその子等を追撃しかしてペリシテ人サウルの子ヨナタン、アビナダブおよびマルキシユアを殺せり
3 Hondo yakarwiwa zvinotyisa kumativi ose aSauro uye vapfuri vouta pavakamubata, vakamukuvadza.
斯その戰闘烈しうしてサウルにおし迫り射手の者等つひにサウルに追つきければサウルは射手の者等のために惱めり
4 Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa, “Vhomora munondo wako undibaye nawo kuti varume ava vasina kudzingiswa varege kuuya vakanditambudza.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatya kwazvo akasada kuzviita; saka Sauro akatora munondo wake akazviwisira pauri.
サウル是におひてその武器を執る者に言けるは汝の劍をぬき其をもて我を刺せ恐らくはこの割禮なき者等きたりて我を辱しめんと然るにその武器を執る者痛くおそれて肯はざりければサウルすなはちその劍をとりてその上に伏たり
5 Mubati wenhumbi dzake dzokurwa paakaona kuti Sauro afa, iyewo akazviwisira pamunondo wake akafa.
武器を執る者サウルの死たるを見て己もまた劍の上に伏て死り
6 Saka Sauro navanakomana vake vatatu neimba yake yose vakafa pamwe chete.
斯サウルとその三人の子等およびその家族みな共に死り
7 Zvino vaIsraeri vose vakanga vagere pamupata vakati vaona kuti varwi vose vakanga vatiza uye Sauro navanakomana vake vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. Uye vaFiristia vakauya vakagara maari.
谷に居るイスラエルの人々みな彼らの逃るを見またサウルとその子等の死るを見てその邑々を棄て逃ければペリシテ人來りてその中に住り
8 Zuva raitevera, vaFiristia pavakauya kuzokutunura nhumbi dzavakanga vafa; vakawana Sauro navanakomana vake vakafa pagomo reGiribhoa.
明る日ペリシテ人殺されたる者を剥んとて來りサウルとその子等のギルボア山にたふれをるを見
9 Vakamukutunura nhumbi dzake uye vakatora musoro wake nezvombo zvake vakatuma nhume munyika yose yavaFiristia kuti vandoparadzira shoko iri pakati pavamwari vavo uye navanhu vavo.
すなはちサウルを剥てその首とその鎧甲を取りペリシテの國の四方に人を遣はしてこの事をその偶像と民に告しめ
10 Vakaisa zvombo zvake mutemberi yavamwari vavo vakaturika musoro wake mutemberi yaDhagoni.
しかしてかれが鎧甲をその神の室に蔵め彼が首をダゴンの宮に釘けたり
11 Vagari vose vomuJabheshi Gireadhi pavakanzwa zvose zvakanga zvaitwa navaFiristia kuna Sauro,
茲にペリシテ人がサウルになしたる事ことごとくヤベシギレアデ中に聞えければ
12 mhare dzose dzakasimuka dzikandotora zvitunha zvaSauro, navanakomana vake vakauya nazvo kuJabheshi vakaviga mapfupa avo pamuti mukuru weJabheshi uye vakatsanya kwamazuva manomwe.
勇士等みな起りサウルの體とその子等の體とを奪ひ取てこれをヤベシに持きたりヤベシの橡樹の下にその骨を葬りて七日のあひだ斷食せり
13 Sauro akafa nokuti akanga asina kutendeka kuna Jehovha, haana kuchengeta shoko raJehovha uyezve akandobvunzira kumasvikiro kuti atungamirirwe.
斯サウルはヱホバにむかひて犯せし罪のために死たり即ち彼はヱホバの言を守らすまた憑鬼者に問ことを爲して
14 Haana kubvunza kuna Jehovha. Saka Jehovha akamuuraya akapa umambo kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.
ヱホバに問ことをせざりしなり是をもてヱホバかれを殺しその國を移してヱツサイの子ダビデに與へたまへり