< Псалми 51 >
1 Смилуј се на ме, Боже, по милости својој, и по великој доброти својој очисти безакоње моје.
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Panguva yakauya muprofita Natani kwaari shure kwokuita upombwe kwaDhavhidhi naBhatishebha. Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru.
2 Опери ме добро од безакоња мог, и од греха мог очисти ме.
Shambidzai zvakaipa zvangu zvose uye mundinatse kubva pachivi changu.
3 Јер ја знам преступе своје, и грех је мој једнако преда мном.
Nokuti ndinoziva kudarika kwangu, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.
4 Самоме Теби згреших, и на Твоје очи зло учиних, а Ти си праведан у речима својим и чист у суду свом.
Ndakakutadzirai imi, iyemi moga nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu, kuti munzi makarurama pamunotaura uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu.
5 Гле, у безакоњу родих се, и у греху затрудне мати моја мном.
Zvirokwazvo ndakanga ndiri mutadzi pandakaberekwa, ndiri mutadzi kubva pandakaumbwa mudumbu ramai vangu.
6 Гле, истину љубиш у срцу, и изнутра јављаш ми мудрост.
Zvirokwazvo imi munoda chokwadi pakati pomwoyo; munondidzidzisa uchenjeri panzvimbo yomukatikati.
7 Покропи ме исопом, и очистићу се; умиј ме, и бићу бељи од снега.
Ndinatsei nehisopi, ipapo ndichachena; ndishambidzei, ipapo ndichachena sechando.
8 Дај ми да слушам радост и весеље, да се прену кости које си потро.
Ndiitei kuti ndinzwe mufaro nokufarisisa; itai kuti mapfupa amakapwanya afare.
9 Одврати лице своје од греха мојих, и сва безакоња моја очисти.
Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu uye mudzime zvakaipa zvangu zvose.
10 Учини ми, Боже, чисто срце, и дух прав понови у мени.
Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari, uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.
11 Немој ме одвргнути од лица свог, и Светог Духа свог немој узети од мене.
Regai kundirasa pamberi penyu kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri.
12 Врати ми радост спасења свог, и дух владалачки нека ме поткрепи.
Dzoreraizve kwandiri mufaro woruponeso rwenyu, uye mundipe mweya unoda, kuti undiraramise.
13 Научићу безаконике путевима Твојим, и грешници к Теби ће се обратити.
Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu, uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.
14 Избави ме од крви, Боже, Боже, Спаситељу мој, и језик ће мој гласити правду Твоју.
Ndiponesei pamhosva yeropa, imi Mwari, iyemi Mwari anondiponesa, ipapo rurimi rwangu ruchaimba zvokururama kwenyu.
15 Господе! Отвори уста моја, и она ће казати хвалу Твоју.
Haiwa Ishe, zarurai miromo yangu, ipapo muromo wangu uchaparidza rumbidzo yenyu.
16 Јер жртву нећеш: ја бих је принео; за жртве паљенице не мариш.
Hamufariri chibayiro, ndingadai ndakuvigirai, imi hamufariri zvipiriso zvinopiswa.
17 Жртва је Богу дух скрушен, срце скрушено и поништено не одбацујеш, Боже.
Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamuzoushori.
18 По доброти својој, Господе, чини добро Сиону, подигни зидове јерусалимске.
Pamufaro wenyu wakanaka, itai kuti Zioni ribudirire; muvake masvingo eJerusarema.
19 Онда ће Ти бити миле жртве правде, приноси и жртве паљенице; онда ће метати на жртвеник Твој теоце.
Ipapo pachava nezvibayiro zvakarurama, zvipiriso zvinopiswa zvakazara zvinokufadzai; ipapo hando dzichabayirwa paaritari yenyu.