< Псалми 107 >
1 Хвалите Господа, јер је добар; јер је довека милост Његова.
Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.
2 Тако нека кажу које је избавио Господ, које је избавио из руке непријатељеве,
Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwomuvengi,
3 Скупио их из земаља, од истока и запада, од севера и мора.
avo vaakaunganidza kubva panyika dzose, kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi.
4 Луташе по пустињи где се не живи, пута граду насељеном не находише;
Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta kwavangagara.
5 Беху гладни и жедни, и душа њихова изнемагаше у њима;
Vakava nenzara nenyota, uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara.
6 Али завикаше ка Господу у тузи својој; и избави их из невоље њихове.
Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo.
7 И изведе их на прав пут, који иде у град насељени.
Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara.
8 Нека хвале Господа за милост Његову, и за чудеса Његова ради синова људских!
Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira,
9 Јер сити душу ташту, и душу гладну пуни добра.
nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.
10 Седеше у тами и у сену смртном, оковани у тугу и у гвожђе;
Vamwe vakagara murima nokusurikirwa kwakadzama, vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare,
11 Јер не слушаше речи Божијих, и не марише за вољу Вишњег.
nokuti vakanga vamukira mashoko aMwari uye vakazvidza kurayira kweWokumusoro-soro.
12 Он поништи срце њихово страдањем; спотакоше се, и не беше кога да помогне.
Saka akaita kuti vashande zvinorwadza; vakagumburwa, uye pakanga pasina anovabatsira.
13 Али завикаше ка Господу у тузи својој, и избави их из невоље њихове;
Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo.
14 Изведе их из таме и сена смртног, и раскиде окове њихове.
Akavabudisa murima nomukusviba kwakadzika dzika, uye akadambura ngetani dzavo.
15 Нека хвале Господа за милост Његову, и за чудеса Његова ради синова људских!
Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira,
16 Јер разби врата бронзана, и преворнице гвоздене сломи.
nokuti anopwanya masuo endarira, uye akagura mazariro esimbi.
17 Безумници страдаше за неваљале путеве своје, и за неправде своје.
Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira, uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo.
18 Свако се јело гадило души њиховој, и дођоше до врата смртних.
Vakasema zvokudya zvose, uye vakaswedera pamasuo orufu.
19 Али завикаше ка Господу у тузи својој, и избави их из невоље њихове.
Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo.
20 Посла реч своју и исцели их, и избави их из гроба њиховог.
Akatuma shoko rake uye akavaporesa; akavanunura kubva paguva.
21 Нека хвале Господа за милост Његову, и за чудеса Његова ради синова људских!
Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira.
22 И нека принесу жртву за хвалу, и казују дела Његова у песмама!
Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro.
23 Који плове по мору на корабљима, и раде на великим водама,
Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe; vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji.
24 Они су видели дела Господња, и чудеса Његова у дубини.
Vakaona mabasa aJehovha, mabasa ake anoshamisa pakadzika.
25 Каже, и диже се силан ветар, и устају вали на њему,
Nokuti akataura uye akamutsa dutu rikasimudza mafungu.
26 Дижу се до небеса и спуштају до бездана: душа се њихова у невољи разлива;
Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika; mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka.
27 Посрћу и љуљају се као пијани; све мудрости њихове нестаје.
Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pakupererwa namazano.
28 Али завикаше ка Господу у тузи својој, и изведе их из невоље њихове.
Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavabudisa pakutambura kwavo.
29 Он обраћа ветар у тишину, и вали њихови умукну.
Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve; mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro.
30 Веселе се кад се стишају, и води их у пристаниште које желе.
Vakafara parakadzikama, uye akavatungamirira kwakachengetedzeka kwavaida.
31 Нека хвале Господа за милост Његову, и за чудеса Његова ради синова људских!
Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu.
32 Нека Га узвишују на сабору народном, на скупштини старешинској славе Га!
Ngavamukudze paungano yavanhu, uye vamurumbidze pagungano ramakurukota.
33 Он претвара реке у пустињу, и изворе водене у сухоту,
Akashandura nzizi dzikava gwenga, hova dzinoerera dzikava nyika ine nyota,
34 Родну земљу у слану пустару за неваљалство оних који живе на њој.
uye nyika yezvibereko ikava gwenga romunyu, nokuda kwezvakaipa zvavaigaramo.
35 Он претвара пустињу у језера, и суву земљу у изворе водене,
Akashandura gwenga rikava madziva emvura, nenyika yakaoma ikava zvitubu zvinoerera;
36 И насељава онамо гладне. Они зидају градове за живљење;
ndipo paakagarisa vane nzara, uye vakavaka guta ravangagara.
37 Сеју поља, саде винограде и сабирају летину.
Vakadyara minda, uye vakasima minda yemizambiringa, ikabereka mukohwo wakanaka;
38 Благосиља их и множе се јако, и стоке им не умањује.
akavaropafadza, uye akavawanza zvikuru, uye haana kutendera zvipfuwo zvavo kuparara.
39 Пре их беше мало, падаху од зла и невоље, што их стизаше.
Ipapo vakava vashoma, uye vakaninipiswa vakadzvinyirirwa, nenjodzi uye nokusuwa;
40 Он сипа срамоту на кнезове, и оставља их да лутају по пустињи где нема путева.
iye anodurura kuzvidzwa pamusoro pamakurukota, akaita kuti vadzungaire musango risina nzira.
41 Он извлачи убогога из невоље, и племена множи као стадо.
Akasimudza vanoshayiwa kubva mukutambudzika kwavo, uye akawedzera mhuri dzavo samapoka amakwai.
42 Добри виде и радују се, а свако неваљалство затискује уста своја.
Vakarurama vanozviona vagofara, asi vakaipa vose vanodzivirwa miromo yavo.
43 Ко је мудар, нека запамти ово, и нека познају милости Господње.
Ani naani akachenjera ngaachengete zvinhu izvi, uye arangarire rudo rukuru rwaJehovha.