< Књига Немијина 5 >

1 И стаде велика вика људи и жена на браћу њихову Јудејце.
Zvino kwakava nokuchema kukuru kwavarume navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha.
2 Јер неки говораху: Нас и синова наших и кћери наших има много; да добавимо жита да једемо и останемо живи.
Nokuti vamwe vakati, “Isu navanakomana navanasikana vedu tiri vazhinji; kuti tidye uye kuti tigorarama, tinofanira kuwana zviyo.”
3 Други опет говораху: Да заложимо поља своја и винограде и куће да добијемо жита у овој глади.
Vamwe vaiti, “Isu takaita minda yedu neminda yedu yemizambiringa uye nemisha yedu kuti zvive rubatso kuti tiwane zviyo panguva yenzara.”
4 Још други говораху, да узајмимо новаца на поља своја и винограде за данак царски.
Vamwezve vakati, “Takatozokwereta mari kuti tiripe mutero wamambo weminda yedu neminda yemizambiringa.
5 А тело је наше као тело браће наше, синови наши као њихови синови и ето треба да дамо синове своје и кћери своје у робље, и неке кћери наше већ су робиње, а ми не можемо ништа, јер поља наша и винограде наше држе други.
Kunyange tiri venyama imwe uye tiri veropa rimwe savanhu venyika yedu, uye kunyange vanakomana vedu vakangofanana nevavo, takaguma taisa vanakomana vedu navanasikana vedu kuutapwa. Vamwe vavanasikana vedu vakatotapwa kare, asi isu hatina simba, nokuti minda yedu neminda yemizambiringa yava yavamwe.”
6 Зато се расрдих врло кад чух вику њихову и те речи.
Pandakanzwa kuchema kwavo kukuru nezvairehwa izvi, ndakatsamwa kwazvo.
7 И смислих у срцу свом и укорих кнезове и поглаваре, и рекох им: Ви мећете бремена сваки на брата свог. И сазвах велики збор њих ради.
Zvino ndakazvirangarira mupfungwa dzangu ipapo ndikatsiura vakuru navabati ndikati kwavari, “Imi muri kureva mhindu kuvanhu venyika yenyu!” Saka ndakavakoka kumusangano mukuru kuti ndivarayire
8 И рекох им: Ми откуписмо колико могасмо браћу своју Јудејце што беху продани народима; а ви ли ћете продавати браћу своју или ћете се продавати нама? А они умукоше и не нађоше шта би одговорили.
uye ndikati, “Napataigona napo takadzikinura hama dzedu dzechiJudha avo vakanga vatengeswa kune vedzimwe ndudzi. Zvino imi mava kutengesa hama dzenyu, kuti dzigotengeswazve kwatiri here?” Vakanyarara nokuti vakashayiwa chokutaura.
9 И рекох: Није добро шта радите. Не треба ли вам ходити у страху Бога нашег да нам се не ругају народи, непријатељи наши?
Saka ndakaenderera mberi ndikati, “Zvamunoita hazvina kunaka. Ko, hamaifanira kufamba mukutya Mwari wedu here kuti vavengi vedu vechihedheni varege kutishora.
10 И ја и браћа моја и момци моји давали смо им новаца и жита; али опростимо им тај дуг.
Ini nehama dzangu uye navaranda vangu tiri kukweretesa vanhu mari nezviyo. Asi izvo zvokureva mhindu ngazvigume!
11 Хајде вратите им данас поља њихова и винограде и маслинике и куће и што им на стотину узимасте од новца и жита и вина и уља.
Vadzorerei minda yavo nokukurumidza, neminda yavo yemizambiringa, neyemiorivhi, nedzimba dzavo uyewo nemhindu yamunoripisa, chikamu chimwe chete muzana chemari, zviyo, newaini itsva uye namafuta.”
12 А они одговорише: Вратићемо и нећемо искати од њих; учинићемо како велиш. Тада сазвах свештенике, и заклех их да ће тако учинити.
Ivo vakati, “Tichavadzorera. Uye hatichazorevi chimwe chinhuzve kubva kwavari. Tichaita sezvamareva.” Ipapo ndakadana vaprista ndikaita kuti vakuru navabati vaite mhiko kuti vagoita sezvavakanga vavimbisa.
13 И истресох недра своја и рекох: Овако да истресе Бог сваког из куће његове и из труда његовог ко год не испуни ове речи, и овако да се истресе и буде празан. И сав збор рече: Амин. И хвалише Господа, и учини народ по тој речи.
Ndakazunzawo mikombero yenguo yangu ndikati, “Mwari ngaazunze saizvozvi kubva muimba yake nemidziyo yake, mumwe nomumwe asingachengeti vimbiso iyi. Naizvozvo, munhu akadai ngaazunzwe asare asina chinhu.” Ipapo ungano yose yakati, “Ameni,” uye vakarumbidza Jehovha. Uye vanhu vakaita sezvavakanga vavimbisa.
14 И откад ми цар заповеди да им будем управитељ у земљи Јудиној, од године двадесете до тридесет друге године цара Артаксеркса, дванаест година, ја и браћа моја не једосмо хране управитељске.
Pamusoro pezvo, kubva pagore ramakumi maviri raMambo Atazekisesi, pandakagadzwa somubati wavo munyika yaJudha, kusvikira pagore rake ramakore makumi matatu namaviri, makore gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvaipiwa kumubati.
15 А пређашњи управитељи који беху пре мене беху тешки народу узимајући од њега хлеб и вино осим четрдесет сикала сребра, и слуге њихове заповедаху по народу. Али ја тако не чиних бојећи се Бога.
Asi vabati vokutanga, avo vakanditangira, vairemedza vanhu uye vaitora kubva kwavari mashekeri makumi mana esirivha, pamusoro pezvo vachitorazve zvokudya newaini. Kunyange vabatsiri vavo vairemedzawo vanhu. Asi ini handina kuita izvozvo nokuti ndaitya Mwari.
16 Него и око грађења зида радих, и не куписмо њиве; и сви момци моји беху скупа онде на послу.
Panzvimbo yaizvozvo, ndakazvipira kuita basa iri rorusvingo. Varanda vangu vose vakanga vakaungana pabasa ipapo; hatina kutombotora minda ipi zvayo.
17 И Јудејаца и поглавара сто и педесет људи и који долажаху к нама из околних народа беху за мојим столом.
Pamusoro paizvozvo, vaJudha zana namakumi mashanu navabati, pamwe chete navaHeti vaibva kundudzi dzakatikomberedza, vaidya patafura yangu.
18 И готовљаше се сваки дан по једно говече, шест оваца, избраних, и птице готовљаху ми се, и сваких десет дана даваше се свакојаког вина изобила. И опет не исках хране управитељске; јер служба беше тешка народу.
Zuva rimwe nerimwe ndaigadzirirwa nzombe imwe, makwai akaisvonaka matanhatu nehuku, uye pagumi roga ramazuva ndaipiwa waini zhinji dzemhando dzose. Kunyange zvakadaro hazvo, handina kumbokumbira zvokudya zvomubati, nokuti mitoro yakanga yakatakudzwa vanhu ava yairema kwazvo.
19 Помени ме Боже мој на добро за све што сам чинио овом народу.
Haiwa Mwari wangu, ndirangarirei henyu nenyasha, nokuda kwezvose zvandakaitira vanhu ava.

< Књига Немијина 5 >