< Књига Немијина 4 >

1 А кад чу Санавалат да зидамо зид, разгневи се и расрди се врло, и ругаше се Јеврејима,
Zvino Sanibharati paakanzwa kuti takanga tava kuvakazve rusvingo, akatsamwa uye akava nehasha kwazvo. Akashora vaJudha
2 И говораше пред браћом својом и војницима самаријским: Шта раде ти немоћни Јудејци? Хоћемо ли их оставити? Хоће ли приносити жртве? Хоће ли сада свршити? Еда ли ће у живот повратити из праха камење спаљено?
pamberi pehama dzake nehondo yeSamaria, achiti, “Ko, vaJudha avo vasina simba vari kuiteiko? Ko, vachavakazve rusvingo rwavo here? Vachapa zvibayiro here? Vachapedza nezuva rimwe chete here? Ko, vangadzorera upenyu pamatombo ayo akaunganidzwa, akatsva sezvaakaita izvi here?”
3 А Товија Амонац који беше уза њ рече: Нека зидају; да лисица дође провалиће камени зид њихов.
Tobhia muAmoni, aiva parutivi pake, akati, “Chavari kuvaka ichi, kana dai gava raikwira pamusoro pacho, raitokoromora rusvingo rwavo rwamatombo!”
4 Чуј, Боже наш, како нас презиру; обрати руг њихов на њихову главу, и дај да буду грабеж у земљи где би робовали.
Haiwa, Mwari wedu, tinzwei, nokuti tiri kuzvidzwa. Dzorerai kutuka kwavo pamusoro pavo. Ngavave sevakapambwa munyika yenhapwa.
5 И не покривај безакоња њихова, и грех њихов да се не избрише пред Тобом, јер Те дражише за оне који зидају.
Musafukidza kuipa kwavo kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu, nokuti vakakusha mashoko okutuka pamberi pavavaki.
6 И тако зидасмо зид, и сав се зид састави до половине, и народ имаше вољу да ради.
Saka takavakazve rusvingo kudzamara rwose rwasvika pahafu yokukwirira kwarwo, nokuti vanhu vaishanda nemwoyo yavo yose.
7 А кад чу Санавалат и Товија и Арапи и Амонци и Азоћани да се поправља зид јерусалимски и да се почело затварати шта је проваљено, разгневише се врло;
Asi Sanibharati, Tobhia, navaArabhu, navaAmoni navarume veAshidhodhi, vakati vanzwa kuti masvingo eJerusarema ari kugadzirwa, uye kuti makakoromoka maivakwa pakare, vakatsamwa kwazvo.
8 И сложише се сви заједно да дођу и да ударе на Јерусалим и да смету.
Vakarangana vose pamwe chete kuti vazorwa neJerusarema uye kuti varimutsire mhirizhonga.
9 А ми се молисмо Богу свом и постављасмо стражу према њима дан и ноћ од страха њиховог.
Asi takanyengetera kuna Mwari wedu tikaisawo varindi masikati nousiku kuti vapedze dambudziko rokutyisidzira uku.
10 А Јудејци рекоше: Клонула је снага носиоцима, а праха има много, не можемо зидати зида.
Zvichakadaro, vanhu vokwaJudha vakati, “Simba ravabati riri kupera, uye pachine mangwandangwanda akawanda zvokuti hatingakwanisi kuvakazve rusvingo.”
11 А наши непријатељи рекоше: Да не дознаду и не опазе докле не дођемо усред њих, па ћемо их побити и прекинути посао.
Uyezve vavengi vedu vakati, “Vasati vazviziva kana kutiona, tichatenge tavapo pakati pavo uye tichavauraya tigoparadza basa ravo.”
12 Али дођоше Јудејци који код њих живљаху и казаше нам десет пута: Чувајте сва места куда се иде к нама.
Ipapo vaJudha vakanga vagere pedyo navo vakauya vakatitaurira rune gumi vachiti, “Kupi nokupi kwamuchaenda, vachauya kuzotirwisa.”
13 Тада наместих народ у низинама иза зида и на стрменима, поставих народ по породицама са мачевима и копљима и луковима.
Naizvozvo ndakaisa vamwe vanhu seri kwenzvimbo dzakaderera dzorusvingo napanzvimbo dzakashama, ndichivaisa nemhuri dzavo, vane minondo yavo, namapfumo uye neuta.
14 И разгледавши устах и рекох старешинама и главарима и осталом народу: Не бојте их се. Помените Господа великог и страшног, и бијте се за браћу своју, за синове своје и кћери своје, за жене своје и куће своје.
Mushure mokunge ndatarisisa zvinhu izvi, ndakasimuka ndikati kuvakuru, navabati nokuruzhinji rwavanhu, “Musavatya. Rangarirai Jehovha, iye mukuru, anotyisa, uye murwire hama dzenyu, vanakomana venyu, navanasikana venyu, vakadzi venyu nemisha yenyu.”
15 А кад чуше непријатељи наши да смо дознали, разби Господ њихову намеру, и ми се вратисмо сви к зиду, сваки на свој посао.
Vavengi vedu pavakanzwa kuti takanga taziva rangano yavo uye kuti Mwari akanga aikonesa, tose takadzokera kurusvingo, mumwe nomumwe pabasa rake.
16 И од тада половина мојих момака пословаше, а друга половина држаше копља и штитове и лукове и оклопе, и кнезови стајаху иза свега дома Јудиног.
Kubva pazuva iro, zvichienda mberi hafu yavanhu vangu vakashanda basa, asi imwe hafu vakanga vakapakata mapfumo, nhoo, uta nenhumbi dzokurwa nadzo. Vatariri vakamira mumashure mavanhu vose vokwaJudha,
17 И који зидаху и који ношаху терет и који товараху сваки једном руком рађаше, а у другој држаше копље.
vaivaka rusvingo. Avo vaitakura zvokuvakisa vakaita basa ravo noruoko rumwe uye rumwe ruoko vakabata chombo chokurwisa,
18 А који зидаху, сваки имаху мач приписан уз бедрицу и тако зидаху. А трубач стајаше код мене.
uye muvaki mumwe nomumwe akanga akapfeka munondo wake parutivi, uku achishanda. Asi munhu airidza hwamanda aiva neni.
19 Јер рекох старешинама и главарима и осталом народу: Посао је велик и дуг и ми смо се расули по зиду далеко један од другог.
Ipapo ndakati kuvakuru, navatariri noruzhinji rwavanhu, “Basa iguru iri uye rapararira, uye isu tanyanya kuparadzana mumwe kubva kuno mumwe takatevedza rusvingo.
20 Где чујете трубу да труби, онамо трчите к нама; Бог наш војеваће за нас.
Pose pamuchanzwa kurira kwehwamanda, muuye tibatane ikoko. Mwari wedu achatirwira.”
21 Тако рађасмо посао, и половина их држаше копља од зора па докле звезде не изиђу.
Saka takafambira mberi nebasa, hafu yavarume yakabata mapfumo, kubva mambakwedza kusvikira nyeredzi dzichibuda.
22 У то време још рекох народу: Сваки са момком својим нека ноћује у Јерусалиму да би нам ноћу стражили, а дању радили.
Panguva iyo ndakati kuvanhu, “Murume mumwe nomumwe nomubatsiri wake ngaagare mukati meJerusarema panguva dzousiku, kuitira kuti vatibatsire kushanda savarindi usiku uyezve savashandi masikati.”
23 А ја и моја браћа и момци моји и стражари што иду за мном нећемо свлачити са себе хаљина; у сваког да је мач и вода.
Zvino ini nehama dzangu kana vanhu vangu kana varindi vaiva neni hatina kubvisa nguo dzedu; mumwe nomumwe aiva nomunondo wake, kunyange paaienda kundonwa mvura.

< Књига Немијина 4 >